RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs pp. 81-85
  • Hurumende

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hurumende
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Zvirevo Zvinotema Nguva Yedu Yemberi
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • Umambo Hwenyika Hwochinja
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Umambo
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Nyika Itsva Inogutsa Vose
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs pp. 81-85

Hurumende

Tsanangudzo: Urongwa hwokudzika mitemo uye kuona kuti yachengetwa here. Marudzi ehurumende anowanzoenderana nokunobva simba rawo uye parinoperera. Jehovha Mwari ndiye Changamire Wezvose, uyo anopa vamwe vanhu simba maererano nokuda kwake uye chinangwa chake. Zvisinei, Satani Dhiyabhorosi, mupanduki mukuru akapandukira uchangamire hwaJehovha, ndiye “mutongi wenyika” nokuti akabvumirwa naMwari kuti aite izvi kwekanguva. Bhaibheri rinotaura nezvoutongi hwezvematongerwo enyika sechikara uye rinoti “dhiragoni [Satani Dhiyabhorosi] yakapa chikara simba racho nechigaro chacho choumambo nemasimba makuru.”—Joh. 14:30; Zvak. 13:2; 1 Joh. 5:19.

Zvinoita here kuti vanhu vagadze hurumende ichaunza mufaro usingaperi?

Zvakaitika munhoroondo yevanhu zvinoratidzei?

Mup. 8:9: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.” (Izvi ndezvechokwadi kunyange zvazvo dzimwe hurumende nevatongi vakatanga vaine zvinangwa zvakanaka zvikuru.)

“Kubudirira kwose kwakaita vanhu kwakasvika pakuparara. Zvakaitika kare zvinoratidza kuti zvakaedza kuitwa nevanhu zvakakundikana, kana kuti zvavaitarisira hazvina kuitika. . . . Saka munhu anonyora zvakaitika anofanira kurarama achiziva kuti njodzi inotoitika chete.”—Henry Kissinger, anoongorora zvematongerwo enyika uye muzvinafundo anodzidzisa nezvehurumende, sezvakanyorwa muThe New York Times, October 13, 1974, peji 30B.

Chii chinovhiringidza zvinoedza kuitwa nevanhu kana totaura nezvehurumende?

Jer. 10:23: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” (Mwari haana kupa vanhu vake vaakasika simba rokuita zvinhu vasingatungamirirwi naMwari.)

Gen. 8:21: “Zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa kubvira achiri muduku.” (Havasi vatongi chete vakaberekwa vaine chivi uye mafungiro oudyire asiwo vanotongwa vacho.)

2 Tim. 3:1-4: “Mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, . . . vasingambodi kubvumirana, . . . vanozvitutumadza nokuda kwokudada.” (Matambudziko anotarisana nevanhu mazuva ano haagoni kugadziriswa zvachose nenyika imwe chete; anoda kushandira pamwe kwenyika dzose. Asi udyire hunotadzisa izvi uye hunovhiringidzawo zvakaipisisa kushandira pamwe chete kwose kunoitwa nemasangano akasiyana-siyana ari munyika.)

Bhaibheri rinoratidzawo kuti masimba anopfuura evanhu ari kuchinja zvinoitwa nevanhu. “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) “Hatirwi neropa nenyama, asi . . . nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEf. 6:12) “Kutaura kunofuridzirwa nemadhimoni . . . kunoenda kumadzimambo enyika yose inogarwa, kuti kuaunganidzire kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.”—Zvak. 16:14.

Vanhu vangasunungurwa sei zvachose pauori noudzvinyiriri hunoitwa nehurumende?

Kugadza vamwe vanhu pazvigaro kunopedza dambudziko racho here?

Hachisi chokwadi here kuti panoitwa sarudzo dzakasununguka vanhu vanenge vari musimba kazhinji vanobviswa pazvigaro mumakore mashomanana? Nei? Voruzhinji havagutsikani nezvavanoita.

Pis. 146:3, 4: “Usavimba nevanokudzwa, kana nomwanakomana womunhu wepanyika, asingagoni kuponesa. Simba rake roupenyu rinobuda, iye odzokera kuivhu rake; nezuva iroro pfungwa dzake dzinoparara.” (Saka zvirongwa zvose zvokuita kuti zvinhu zvive nani zvinotangwa nevatongi zvinokurumidza kuzopfuudzwawo kune vamwe uye kazhinji zvinozongosiyiwa zvisina kupera.)

Pasinei nokuti mutongi wacho ndiani, acharamba ari wenyika ino iri musimba raSatani.—1 Joh. 5:19.

Chimurenga chinopedza dambudziko racho here?

Kunyange kana vatongi vanoita zvouori vakabviswa pazvigaro uye mitemo youdzvinyiriri ikabviswa, hurumende itsva ichange iine vanhu vasina kukwana uye ichange iri yezvematongerwo enyika anotaurwa neBhaibheri zvakajeka kuti anodzorwa naSatani.

Mat. 26:52: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Jesu akataura izvi kune mumwe wevaapostora vake pane imwe nguva simba rehurumende parakashandiswa zvisina kururama paMwanakomana waMwari pachake. Kudai izvozvo zvaiva zvakanaka kuti aite, pane chikonzero chaizopfuura ichocho here kuti munhu arwise?)

Zvir. 24:21, 22: “Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo. Usafambidzana nevaya vanoda zvokupanduka. Nokuti njodzi yavo ichangoerekana yavapo, zvokuti ndiani anoziva kutsakatika kuchaita vaya vanoda zvokupanduka?”

Saka chii chichagadzirisa matambudziko ouori uye oudzvinyiriri?

Dhan. 2:44: “Mwari wokudenga achamutsa umambo [hurumende] husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.”

Pis. 72:12-14: “[Mambo waJehovha akagadzwa, Jesu Kristu] achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba, ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.” (Kuva nehanya kwake nevanhu vakadaro paaiva pasi pano—kuvaporesa, kupa vanhu vakawanda zvokudya, kunyange kuvafira—kunoratidza kuti zvechokwadi achava mutongi akafanotaurwa nouprofita.)

Onawo mapeji 350-354, pasi pomusoro unoti “Umambo.”

Nei tichifanira kufungisisa zvinotaura Bhaibheri nezveramangwana rehurumende?

Vatongi havasi kupa zvinhu zviri kutodiwa iye zvino nevanhu

Chimbofunga zvinhu izvi zvinodiwa nevanhu kwose kwose, izvo hurumende dzisiri kukwanisa kuvapa asi zvakavimbiswa naMwari: (1) Upenyu munyika isina kutya hondo.—Isa. 2:4; Pis. 46:9, 10. (2) Zvokudya zvakakwana nokuda kwevanhu vose.—Pis. 72:16. (3) Pokugara pakanaka nokuda kwevanhu vose.—Isa. 65:21. (4) Basa rinogutsa nokuda kwavose vanorida zvokuti vanokwanisa kuzviriritira ivo nemhuri dzavo.—Isa. 65:22. (5) Upenyu husingavhiringidzwi nokurwara.—Zvak. 21:3, 4. (6) Kururamisira; pasina kusarurana kwezvitendero, kwemadzinza, mune zvoupfumi uye kusarurana kwemarudzi.—Isa. 9:7; 11:3-5. (7) Kuva akachengeteka, munhu nezvinhu zvake zvisiri mungozi inokonzerwa nevanhu vanopara mhosva.—Mika 4:4; Zvir. 2:22. (8) Nyika inokoshesa zvinhu zvakadai sorudo, mutsa, kuva nehanya nevamwe uye kuva wepachokwadi.—Pis. 85:10, 11; VaG. 5:22, 23.

Kwezviuru zvemakore, vatongi vezvematongerwo enyika vave vachivimbisa vanhu vavo zvinhu zviri nani. Zvakaguma nei? Kunyange zvazvo vanhu munyika dzakawanda vaine zvinhu zvakawanda, havafari uye matambudziko avanosangana nawo akaoma kupfuura nakare kose.

Uprofita hweBhaibheri hwaratidza kuti hwakanyatsovimbika

Pachine makore zana, Shoko raMwari rakafanotaura nezvokutonga kwaizoita Bhabhironi nyika yose, uyewo kuti simba rayo raizoparadzwa sei, uye kuti dzimbahwe raro raisazogarwazve. (Isa. 13:17-22) Pachine makore anenge mazana maviri, kunyange Koreshi asati atomboberekwa, Bhaibheri rakafanotaura nezvake nezita uyewo zvaaizoita munyaya dzenyika yose. (Isa. 44:28; 45:1, 2) Medo-Persia isati yava kutonga nyika dzose, simba rayo, kuva kwayo mubatanidzwa wenyika mbiri uye kuti yaizoguma sei, zvose zvakafanotaurwa. Pachine makore anopfuura mazana maviri, zvaizoitwa neGirisi ichitonga nyika yose pasi pamambo wayo wokutanga zvakafanotaurwa, uyewo kupatsanuka kwoumambo hwacho huchiva zvikamu zvina.—Dhan. 8:1-8, 20-22.

Bhaibheri rakafanodonongodza zviri kuitika munyika mazuva ano, uye rinotinyevera kuti hurumende dzose dzevanhu dzichagumiswa naMwari uye Umambo hwaMwari huchitungamirirwa neMwanakomana wake, Jesu Kristu, huchatonga vanhu vose.—Dhan. 2:44; 7:13, 14.

Hakusi kuchenjera here kuteerera mashoko ave achiratidza kuti anoramba akavimbika?

Hurumende yaMwari ndiyo chete ichapedza matambudziko evanhu

Hapana munhu anogona kuva nesimba, mano uye unhu zvinodiwa kugadzirisa matambudziko. Mwari anogona kusunungura vanhu pasimba raDhiyabhorosi nemadhimoni ake, uye akavimbisa kuti achazviita, asi hapana munhu anozvigona. Mwari akaita urongwa hwokuita zvinhu zvisingambofi zvakagona kuitwa nesayenzi yezvokurapa—kubvisa chivi, nokudaro achigumisa kurwara nerufu uye achiita kuti vanhu vakwanise kuva zvavanonyatsoda kuva. Musiki ane zivo inodiwa (yenyika nezvinhu zvipenyu zvose zvirimo) yokugadzirisa matambudziko okuwana zvokudya uye yokudzivisa kusvibiswa kune ngozi kwezvakatipoteredza, asi zvinoedza kuitwa nevanhu zvinowanzokonzera matambudziko akawanda. Shoko raMwari riri kutochinja upenyu hwevanhu kuitira kuti vaya vanobvuma kutungamirirwa naro vave vanhu vane mutsa, vane rudo, vane tsika dzakanaka, vanhu vanoramba kurwisana nevamwe vanhu uye vanorarama murugare rwechokwadi uye sehama nehama kunyange vachibva kunyika, marudzi uye mitauro yakasiyana-siyana.

Umambo hwaMwari huchabvisa rini mamiriro ezvinhu aripo? Ona misoro mikuru inoti “Misi” uye “Mazuva Okupedzisira.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe