Zvinoita Kuti Vakawanda Vaore Mwoyo
Pasi pose zvinhu zvinovhiringidza zviri kuita kuti vanhu vatye ramangwana. Mumaguta akawanda, hurumende dzinoshandisa makamera kuti dzione zvinenge zvichiitwa nevanhu. Pamusana pokutya magandanga, nhandare dzendege dzakawanda dzava kuita sokunge kamba dzemasoja. Mbavha dzakawanda nevaya vanoshungurudza vana vari kushandisa Indaneti kuti vabate vanhu vanenge vakarivara. Nezvezvakapoteredza, kusvibiswa kwemhepo, kuparadzwa kwemasango, kutsakatiswa kwezvisikwa uye kupisa kwenyika zviri kuisa pangozi upenyu hweramangwana pasi pano.
KUNYANGE zvazvo zvinhu izvi zvakanga zvisiri zvinetso zvikuru mumakore akawanda akapfuura, mazuva ano zviri kunetsa nyika yose. Vaine chikonzero chakanaka, vanhu vakawanda vari kunetseka kuti chii chiri kuitika munyika uye kuti ivo nevana vavo vachava noupenyu hwakaita sei. Pachazombova here nenguva vanhu pavachange vava kunyanya kutya kukwira bhazi, chitima, kana kuti ndege? Nokukwira kwemitengo yezvinhu uye kunyanya kushandisa zvinhu zvepasi kuri kuitwa nevanhu, zvizvarwa zveramangwana zvichakwanisa here kuwana mari yokurapwa zvakanaka, yokutenga zvokudya zvakanaka, uye kuwana mafuta emotokari akakwana?
“Chokwadi ramangwana rinotyisa chaizvo,” rakadaro gurukota rezvoutano rokuCanada richitaura nezvokudhura kwokurapwa. Vanhu vakawanda vari kunetseka pamusoro pezvokudya uye mafuta emotokari. Nei? Kuti dzisanyanya kuvimba nemafuta anocherwa pasi, dzimwe nyika dziri kushandisa mari yakawanda kuti dzigadzire mafuta kubva muzvinhu zvipenyu zvinopa mafuta zvakadai seethanol inobva muzvirimwa. Saka kokutanga munhoroondo yevanhu, nyika haisi kungorima zvokudya zvevanhu chete asiwo kurima zvirimwa zvemafuta emotokari. Kukwira kukuru kwemitengo yezvokudya kwava kutooneka.
Panguva iyi, kusiyana kwevapfumi nevarombo kuri kuramba kuchiwedzera, zvichiita kuti vanhu vasave noukama hwakanaka. World Health Organization inoti, “Mumakore gumi okutanga ezana remakore rechi21, vamwe vanhu vari kugarika zvikuru asi vamwe vachiva varombo zvikuru. Mune dzimwe nyika dzine urombo hwakanyanya vanhu vanongorarama hafu chete yemakore oupenyu hunoraramwa nevanhu vari munyika dzakapfuma zvikuru.” Izvi zvinonyanya kukonzerwa nezvirwere uye kusagara zvakanaka kwevanhu uye kuderera kwoupfumi munyika dzine hurumende dzisina kugadzikana.
Kuwedzera pazvinetso izvi isawo chinetso chokupisa kwepasi kungangoita kuti nyika dzakawanda dzive magwenga uye dzive nemamiriro okunze akaipa kwazvo, uye hazvishamisi kuti vanhu vakawanda vanoziva izvi vava kutya ramangwana. Magazini inonzi Bulletin of the Atomic Scientists, inotara nguva pawachi yezuva rokushurikidzwa, inoratidza kutya kuri kuita vanhu ramangwana risina kujeka “sezvo masayendisiti ari kuramba achiona tsekwende ichawira zvinhu zvipenyu zvePasi zvakaoma kunzwisisa pamusana [pokupisa kwepasi.]”
Ramangwana redu harina kujeka here sokuratidzika kwazviri kuita? Tinongotarisira chete kuva neramangwana rakanaka kubva kune vatungamiriri vezvemabhizimisi, vezvematongerwo enyika, vezvitendero uye vezvesayenzi here? Vamwe vanoti, ‘Pane kumwe kwatingatarisira here?’ ‘Tisu toga takazvipinza mumatope aya saka tinofanira kuzvibudisa toga.’ Vamwewo vanofunga kuti vanhu havakwanisi kuzvibudisa mutsekwende iyi uye kuti Mwari chete ndiye anogona kutipa ramangwana rakanaka uye rakachengeteka. Kana zviri izvo, tingava sei nechokwadi chokuti Mwari anotida, kuti achatiponesa kuti tisazviparadza? Nyaya dzinotevera dzichakurukura mibvunzo iyi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]
Tinongotarisira chete kuva neramangwana rakanaka kubva kune vatungamiriri vezvemabhizimisi, vezvematongerwo enyika, vezvitendero uye vezvesayenzi here?