RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 July pp. 24-25
  • Mazuva Okupedzisira—Kwozouyei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazuva Okupedzisira—Kwozouyei?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinovimbiswa naMwari
  • Nyika Isina Hondo Nokukurumidza
    Mukai!—1996
  • Rarama Nokusingaperi Muparadhiso Yapasi
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Upenyu Munyika Inenge Yava Paradhiso Zvakare
    Mukai!—2008
  • Nyika Itsva Isitongorina Kutambura
    Mukai!—1990
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 July pp. 24-25

Mazuva Okupedzisira—Kwozouyei?

VAMWE vanhu vanodedera pavanofunga nezve“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Vanongofunga nezvenguva yakaoma chete. Saka nei kubvira kare vanhu vakawanda chaizvo vaiatarisira? Nokuti mazuva okupedzisira anoratidzawo kuti nguva dziri nani dzava kuuya.

Somuenzaniso, Sir Isaac Newton akava nechokwadi chokuti nguva yokuguma yaizoguma norugare nokubudirira pasi pose Umambo hwaMwari pahunenge huchitonga kwemakore ane chiuru. Akataura kuti uprofita huri pana Mika 4:3, uyewo pana Isaya 2:4, hwaizozadzika panguva iyoyo: “Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Havazosimudzirani mapakatwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa.”

Jesu paakataura nezvenguva yokuguma, akakurudzira vateveri vake kuti vave nemafungiro akanaka. Pashure pokunge ataura nezvenhamo, kuzvidya mwoyo, uye kutya zvaizopararira mukutambudzika kukuru, akati: “Panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Kununurwa pachii?

Zvinovimbiswa naMwari

Hondo, kurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete, utsotsi, chisimba, uye nzara zvimwe zvezvinhu zvishomanana zvinotambudza vanhu mazuva ano uye zvinoita kuti mamiriyoni evanhu agare achitya. Pane izvi pane chawakambotyawo here? Kana zvakadaro ona zvinovimbiswa naMwari:

“Kwangosara nguva duku, munhu akaipa haazovipozve . . . Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika, uye vachafara kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.

“Vanhu vangu vachagara munzvimbo yokugara ine rugare nomunzvimbo dzokugara dzechivimbo chizere nomunzvimbo dzokuzororera dzakanyarara.”—Isaya 32:18.

“[Jehovha] anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika. Anotyora uta uye anogura-gura pfumo; anopisa ngoro nomoto.”—Pisarema 46:9.

“Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, nepasi pomuonde wake, hapana angazovadederesa.”—Mika 4:4.

“Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo; zvichafashukira pamusoro pemakomo.”—Pisarema 72:16.

“Munhu anonditeerera achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.”—Zvirevo 1:33.

Kunyange kana tichigara munzvimbo yakati nakei, tose tinorwara uye tinofa. Izviwo zvichange zvisisipo munyika itsva yaMwari. Saka tinogona kutarisira kuzoona vadiwa vedu vakafa. Ona zvinotevera:

“Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

“[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.

“Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.”—1 VaKorinde 15:26.

“Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda.”—Johani 5:28, 29.

Muapostora Petro akataura muchidimbu zvose izvi paakanyora kuti: “Kune matenga matsva nenyika itsva zvatakamirira maererano nezvaakapikira, uye kururama kuchagara mazviri.” (2 Petro 3:13) Kuti kururama kuvepo panyika yose, zvinoda kutanga kubvisa vanhu vose vanovhiringidza kururama. Izvi zvinorevawo kubvisa marudzi aripo nhasi anokonzera hondo uye kuteura ropa pamusana pezvinangwa zvoudyire. Kutonga kwose kwepasi pano kuchatsiviwa nokutonga kwoUmambo hwaMwari pasi paKristu. Nezvokutonga uku, tinovimbiswa kuti: “Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi, pachigaro choumambo chaDhavhidhi nepaumambo hwake kuti ahusimbise kwazvo uye kuti ahutsigire nokururamisira uye nokururama, kubvira zvino kusvikira nokusingagumi. Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.”—Isaya 9:7.

Unogona kutarisira izvi, nokuti Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “[Mwari] anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Timoti 2:4) Usadya manonoko. Ramba uchiwana zivo inoreva upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Tanga nokunyorera vabudisi vemagazini ino uchikumbira kudzidza Bhaibheri pamusha usingabhadhari.

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Unogona kutarisira kurarama nokusingaperi murugare uine utano hwakakwana muParadhiso iri kuuya pasi pano

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe