RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g08 July pp. 20-23
  • Mazuva Okupedzisira—Rini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazuva Okupedzisira—Rini?
  • Mukai!—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chiratidzo Chacho Chii?
  • “Nguva Yokuguma” Yaizotanga Rini?
  • “Mazuva Okupedzisira” Achaguma Rini?
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Nyika Yava Kuda Kuguma Here?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Chii Chiri “Mazuva Okupedzisira”?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—2008
g08 July pp. 20-23

Mazuva Okupedzisira—Rini?

“MUMAKORE anongoti pfuurei bhiriyoni zvishoma, tinotarisira kuti Nyika ichange yava gwenga rakaoma rakabikika, risingameri chinhu. Zvakaoma chaizvo kufungidzira kuti zvisikwa zvingararama sei,” inodaro imwe nyaya iri mumagazini inonzi Sky & Telescope. Nei? “Zuva rinopisa richafashaidza makungwa robika nyika,” inodaro magazini inonzi Astronomy, inowedzera kuti: “Njodzi iyi ndeyechokwadi chaizvo kupfuura zvatinofunga—ndiwo achava magumo edu asinganzvengeki.”

Zvisinei, Bhaibheri rinoti: “[Mwari] akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji; haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Chokwadi, Musiki wenyika anogona kuichengetedza. Kutaura zvazviri, “akaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Asi kwete kuti igarwe nevanhu vakaipa vanofa. Mwari akatara nguva yaachatongazve achishandisa Umambo hunotaurwa pana Dhanieri 2:44.

Jesu akaparidza nezvoUmambo hwaMwari. Akataura nezvenguva ichatongwa marudzi uye vanhu. Akanyevera nezvokutambudzika kukuru kuchapfuura kupi nokupi zvako kwakamboitika. Uye akapa chiratidzo chine zvakawanda kuratidza kuti mugumo wenyika wava pedyo.—Mateu 9:35; Mako 13:19; Ruka 21:7-11; Johani 12:31.

Sezvo zvakataurwa nomunhu anokosha saJesu, zvakaita kuti vanhu vakawanda vanetseke mupfungwa. Zvinhu izvi zvaizoitika rini? Nokudzidza uprofita uye kuverenga nguva kubva muBhaibheri, vamwe vakatsvaka kuona kuti mugumo ungavapo rini. Mumwe akatsvakurudza nezvenyaya iyi inyanzvi yemasvomhu Sir Isaac Newton, akawana mutemo wesimba rinokwevera zvinhu pasi uye akatanga rimwe bazi remasvomhu emhando yepamusoro.

Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Hazvisi zvenyu kuti muzive nezvenguva kana mwaka zvakaiswa naBaba musimba ravo.” (Mabasa 1:7) Uye paakapa “chiratidzo chokuvapo [kwake] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” Jesu akati: “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateu 24:3, 36) Zvadaro, pashure pokunge afananidza kuparadzwa kwakaitwa vanhu vakaipa vomuzuva raNoa nokuparadza kwaizoitika pa“kuvapo kwoMwanakomana womunhu,” Jesu akati: “Rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”—Mateu 24:39, 42.

Saka kunyange zvazvo tisina kuudzwa nguva chaiyo yokuguma ‘kwemamiriro ezvinhu epanguva ino,’ “chiratidzo” chakapiwa naJesu chaizoita kuti tizive nguva yacho munguva inozivikanwa se“mazuva okupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Yaizova nguva ‘yokuramba takamuka’ kuitira kuti ti“gone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika.”—Ruka 21:36.

Asati apa chiratidzo chaicho, Jesu akanyevera kuti: “Chenjerai kuti hamutsauswi; nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye, ‘Nguva yakakodzera yaswedera.’ Musavatevera. Uyezve, pamunonzwa nezvehondo nenyonganyonga, musatya. Nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga zvaitika, asi kuguma hakuitiki pakarepo.”—Ruka 21:8, 9.

Chiratidzo Chacho Chii?

Achitiudza kuti zvii zvicharatidza mazuva okupedzisira, Jesu akaenderera mberi achiti: “Rudzi ruchamukira rudzi, noumambo huchamukira umambo; kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo nenzvimbo muchava nematenda nokushomeka kwezvokudya; kuchava nezvinoonekwa zvinotyisa uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga.” (Ruka 21:10, 11) Jesu akatizve: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:14) Zviitiko zvakataurwa naJesu zvakadai sehondo, kudengenyeka kwenyika, zvirwere, kushomeka kwezvokudya—zvaisazova zvinhu zvitsva. Zvave zvichiitika kubvira kare munhoroondo yevanhu. Musiyano waizova wokuti zvose zvaizoitika panguva imwe chete.

Zvibvunze kuti, ‘Zvose zvinotaurwa muEvhangeri zvakaitika panguva imwe chete rini?’ Kubvira muna 1914, kwave kuine hondo dzenyika dzinoparadza; kudengenyeka kukuru kwenyika nokuparadza kwakunoita, kwakadai setsunami; kupararira kwezvirwere zvinouraya zvakadai semarariya, dzihwa uye AIDS; mamiriyoni evanhu ari kuziya nokushaya zvokudya; kutya kwazara munyika nemhaka yokutyisidzira kwemagandanga uye zvombo zvinoparadza vanhu vakawanda; kuparidzirwa kwemashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwokudenga munyika yose neZvapupu zvaJehovha. Zviitiko izvi zvakaitika sokufanotaura kwakaita Jesu.

Yeukawo zvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti: “Ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada, vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari, asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo.” (2 Timoti 3:1-5) Chokwadi, “nguva dzinonetsa” dzinozivikanwa nokusateerera mutemo, kusada Mwari, utsinye uye kuva noudyire dzaizovapo mupasi rose.a

Asi “mazuva okupedzisira” anoteverwa nomugumo anogona kunge ari pane imwe nguva iri mberi here? Pane humwe uchapupu hunoratidza paachazotanga here?

“Nguva Yokuguma” Yaizotanga Rini?

Aoneswa muchidimbu zvinhu zvaizoitika munguva yemberi yaiva ichiri kure kwazvo, muprofita Dhanieri akaudzwa kuti: “Munguva iyoyo [“nguva yokuguma” inotaurwa pana Dhanieri 11:40] Mikaeri [Jesu Kristu] achasimuka, iye muchinda mukuru anomira nokuda kwevanakomana vevanhu vako.” (Dhanieri 12:1) Mikaeri aizoitei?

Bhuku raZvakazarurwa rinotaura nezvenguva yaizotanga kutonga Mikaeri saMambo. Rinoti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikaeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukunda, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanikazve kudenga. Naizvozvo dhiragoni huru yakakandwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa nyika yose inogarwa; akakandwa panyika, uye ngirozi dzake dzakakandwa pasi pamwe chete naye. Saka farai, imi matenga nemi munogara maari! Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:7-9, 12.

Nguva inotaurwa muBhaibheri inoratidza kuti hondo iyi yokuchenesa kudenga kuburikidza nokubvisa Satani nemadhimoni ake, yaizoguma nenhamo huru panyika nokuti Satani anenge akatsamwa achiziva kuti asarirwa nenguva pfupi yokutonga nyika. Aitozonyanya kutsamwa mumazuva okupedzisira kusvikira akundwa zvachose pahondo yeAmagedhoni.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 19:11, 15; 20:1-3.

Apedza kutaura magumisiro ehondo iyoyo yokudenga, muapostora Johani akazivisa kuti: “Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: ‘Zvino ruponeso rwazoitika nesimba noumambo hwaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti anopomera hama dzedu akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!’” (Zvakazarurwa 12:10) Wacherechedza here chiziviso chokugadzwa kwoUmambo hunotungamirirwa naKristu? Chokwadi, Umambo ihwohwo hwokudenga hwakagadzwa muna 1914.b Zvisinei, sezvinoratidzwa pana Pisarema 110:2, Jesu aizotonga “pakati pevavengi [vake]” kusvikira panguva yaizotonga Umambo panyika yose sokudenga.—Mateu 6:10.

Sezvineiwo, ngirozi yakaudza muprofita Dhanieri nezvezvinhu zvaizoitika, yakatiwo: “Asi iwe Dhanieri, vanza mashoko acho uname bhuku racho, kusvikira kunguva yokuguma. Vazhinji vachamhanya-mhanya, uye zivo yechokwadi ichawanda.” (Dhanieri 12:4) Izvi zvinopa humwezve uchapupu hunoratidza kuti iye zvino tava “munguva yokuguma.” Zvinoreva uprofita uhwu zvakatojekeswa uye zviri kuziviswa munyika yose.c

“Mazuva Okupedzisira” Achaguma Rini?

Bhaibheri haritauri kuti mazuva okupedzisira achange akareba zvakadini. Asi mumazuva okupedzisira, mamiriro ezvinhu enyika achatowedzera kuipa nguva yaSatani zvainenge ichiva pfupi. Muapostora Pauro akafanonyevera kuti “vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.” (2 Timoti 3:13) Uye achitaura zvinhu zvaizoitika mberi, Jesu akati: “Mazuva iwayo achava mazuva okutambudzika kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve. Chokwadi, kudai Jehovha akanga asina kutapudza mazuva acho, hapana munhu aizoponeswa. Asi nokuda kwevakasarudzwa vaakasarudza, akatapudza mazuva iwayo.”—Mako 13:19, 20.

Zvimwe zvezviitiko zviri mberi ndeizvi “kutambudzika kukuru,” kusanganisira hondo yeAmagedhoni, uye kusungwa kwaSatani nemadhimoni ake kuti vasakanganise nyika. (Mateu 24:21) “Mwari, asingamborevi nhema,” akativimbisa kuti zvinhu izvi zvichaitika. (Tito 1:2) Mwari ndiye achakonzera hondo yeAmagedhoni uye achakanda Satani mugomba rakadzika-dzika.

Muapostora Pauro akafuridzirwa kutiudza zvinhu chaizvo zvaizotanga kuitika Mwari asati aparadza nyika ino. Nezve“nguva nemwaka,” akanyora kuti: “Zuva raJehovha riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku. Chero panguva yavachati: “Rugare nokuchengeteka!” kuparadzwa kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri; uye havangambopukunyuki.” (1 VaTesaronika 5:1-3) Chinokonzera kudanidzira kwenhema kwokuti “rugare nokuchengeteka” hachitaurwi, nguva chete ndiyo ichataura; asi hazvitadzisi kuuya kwezuva raJehovha rokutonga.d

Kana tichibvuma kuti uprofita uhwu ndehwechokwadi, kuziva izvozvo kunofanira kuita kuti tiite chimwe chinhu. Munzirai? Petro anopindura kuti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha!” (2 Petro 3:11, 12) Asi ungabvunza kuti, ‘Izvi zvinondibatsirei?’ Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo uyu.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uone humwe uchapupu hunoratidza “mazuva okupedzisira,” ona Awake! yaApril 2007, mapeji 8-10, uyewo Nharireyomurindi yaSeptember 15, 2006, mapeji 4-7, uye yaOctober 1, 2005, mapeji 4-7, dzakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

b Kana uchida mashoko akawanda anotaura nezvekuverengwa kwenguva inotaurwa muBhaibheri, ona mapeji 215-18 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Ona mabhuku anoti Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! uye 2008 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, mapeji 31-9, akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

d Ona bhuku rinonzi Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! (rakadhindwazve muna 2006), mapeji 250-1, ndima 13 ne14.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 21]

Jesu akati mwari chete ndiye anoziva “zuva iroro neawa”

[Mufananidzo uri papeji 20]

Sir Isaac Newton

[Kwazvakatorwa]

© A. H. C./age fotostock

[Mifananidzo riri papeji 23]

Chiratidzo chakataurwa naJesu chave chichioneka kubvira muna 1914

[Kwazvakatorwa]

© Heidi Bradner/Panos Pictures

© Paul Smith/Panos Pictures

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe