Mumhanzi—Chipo chaMwari Kumwoyo
YAKANYORWA NOMUNYORI WEAWAKE! KUSPAIN
MUMHANZI une simba. Unogona kutizorodza, kuita kuti tinzwe manyukunyuku, uye unoita kuti tifare. Unogona kubudisa zvose mufaro wedu uye kusuwa kwedu. Zvaunowanika mutsika dzose dzekare nedziripo iye zvino, mumhanzi mutauro wezvose, pfungwa nemwoyo. Chokwadi, mumhanzi chipo chinobva kuna Mwari.—Genesisi 4:21.
Kubvira panguva yatakaberekwa, tingangove takanzwa mhando dzakasiyana-siyana dzemimhanzi. Zvichida amai vedu vaitiimbira nziyo kuti tirare. Mumakore ataiyaruka, tingave takatanga kufarira mimhanzi inoita kuti mwoyo yedu inzwe manyukunyuku. Kunyange tava vanhu vakuru, vakawanda tinonakidzwa nemimhanzi inozorodza paya patinenge tichityaira kana kuti tiri pamba pashure pokunge taswera tichishanda zvikuru.
Mashoko erwiyo angasanganisira zvimwe zvinhu zvinoitwa netsika kana kuti nenhoroondo yevanhu vacho. VaIsraeri vekare vakapemberera zviitiko zvakawanda zvinokosha nenziyo. (Eksodho 15:1-21; Vatongi 5:1-31) Muprofita Mosesi akanyora rwiyo rwaisanganisira nhoroondo yevanhu vacho uye rwaivakurudzira zvaibva pamwoyo. (Dheuteronomio 32:1-43) Hapana mubvunzo kuti nziyo idzodzo dzaibatsira chaizvo pakuvayeuchidza nhoroondo yavo.
Unogona Kuitawo Zvemimhanzi!
Zvichida uri kufunga kuti, ‘Handikwanisi kuimba.’ Asi chimbofunga nezveizwi rako. Izwi redu zvarinogona kubudisa mitinhimira yakawanda, anenge munhu wose anogona kuimba kusvika pamwero wakati, aine zviridzwa kana kuti asina. Chaunofanira kungoita kushama woimba. Uye paunoita izvi, usambonetseka kuti izwi rako richabuda zvakanaka here kana kwete. Kana ukadzidzira, ungangoona wava kuimba zvakanaka.
Magazini yokuSpain inonzi Psychologies inoti: “Izwi rakabatana zvakananga nepanobva manzwiro edu omukati-kati, uye mudziyo wakanaka chaizvo pakubudisa manzwiro aya.” Mumwe mukadzi anoimba soprano anonzi Ainhoa Arteta anoti: “[Kuimba] kunonakidza. Ndinokurudzira munhu wose anoda kubudisa manzwiro ake kuburikidza nokuimba kuti azviite akasununguka uye paanongonzwa achida kudaro.”
Nemhaka yokuti mimhanzi inogona kuchinja mwoyo zvikuru, hatifaniri kungoteerera yose yose. Somuenzaniso, mimhanzi inotapira, ingaita kuti vanhu vasave nehanya nemashoko akaipa, anoita kuti zvinhu zvakadai sokuvengana, unzenza kana kuti chisimba zvisaonekwe sezvinhu zvakaipa, zvinhu zvokuti munhu anoda kufadza Mwari haangadi kuvaraidzwa nazvo. (VaEfeso 4:17-19; 5:3, 4) Shoko raMwari rinoti: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.” (Zvirevo 4:23) Chokwadi kusarudza kwaunoita mimhanzi inyaya inokosha.a
Mimhanzi Yakanaka Inogona Kuva Mushonga
Bhuku rinonzi Principles and Practice of Stress Management rinoti, “Chimwe chezvikonzero nei mutsika dzinenge dzose muine mimhanzi ndechokuti inokwanisa kuita kuti vanhu vave noutano hwakanaka uye varambe vainahwo.” Rimwe bhuku rinoti patinenge tichiimba, muviri wedu wose unobvumirawo. Izvi zvinoitawo kuti masero apombonoke uye aregedzeke, zvingabatsira kuderedza marwadzo.
Saizvozvowo, vamwe vanachiremba vanokurudzira varwere vanenge vachinetseka mupfungwa kuti vateerere mimhanzi inozorodza, inganyevenutsawo pfungwa. Zvimwe zvipatara zvinotoridza mimhanzi mumawadhi evarwere vanenge vachirwarisa. Vana vanozvarwa nguva yavo isati yakwana uyewo varwere vanenge vavhiyiwa vanowanzoita zvakanaka pavanoteerera mimhanzi yakanaka. Maererano nebhuku irori rePrinciples and Practice of Stress Management, ongororo dzinoratidza kuti kuteerera mimhanzi inonyevenutsa “kunoderedza zvinotooneka mahormone anokonzera kuzvidya mwoyo panguva yokuvhiyiwa.”
Mimhanzi ingaitawo kuti vakadzi vane pamuviri vasanyanya kuzvidya mwoyo nokuti inovabatsira kugadzikana pavanenge vava kuda kusununguka uye pakusununguka. Dzimwe nguva vanachiremba vemazino vanoridza mimhanzi inonyevenutsa kuitira kuti varwere vanotya zvikuru vagadzikane. Asi mimhanzi nenziyo zvinobatsira mune zvimwewo. Zvinogona kutibatsira mune zvokunamata.
‘Ndicharumbidza Mwari Norwiyo’
Waizviziva here kuti zvikamu gumi muzana zveBhaibheri zvakanyorwa dziri nziyo? Mapisarema, Rwiyo rwaSoromoni, uye Mariro aJeremiya ndeimwe mienzaniso yacho mikuru. Saka zvinonzwisisika kuti mashoko akawanda ane chokuita nenziyo ndeokunamata Mwari. Mambo Dhavhidhi weIsraeri, muimbi nomunyori wenziyo akanga aine chipo, akati: “Jehovha ndiye simba rangu . . . , ndichamurumbidza norwiyo rwangu.”—Pisarema 28:7.
Chokwadi Dhavhidhi akatoronga varume 4 000 vorudzi rwevaRevhi kuti vaite basa rokuridza mimhanzi uye rokuimba muJerusarema. Panhamba iyi, 288 vakanga ‘vakarovedzwa kuimbira Jehovha, vose vari nyanzvi.’ (1 Makoronike 23:4, 5; 25:7) Hapana mubvunzo kuti vaimbi ava vaigara vachidzidzira. Zvechokwadi, mimhanzi yaikosha chaizvo pakunamata Mwari zvokuti vaimbi vaimbosiyiswa mamwe mabasa epatemberi kuitira kuti vaimbe.—1 Makoronike 9:33.
Usiku hwokupedzisira Jesu asati afa, iye nevaapostora vake vakaimba nziyo dzokurumbidza Mwari, dzingangove pana Mapisarema 113- kusvika ku118. Munguva yaJesu, mapisarema aya—anonzi “Mapisarema eHareruya”—akaimbwa pakupemberera Paseka. (Mateu 26:26-30) Akazopiwa zita rokuti “Mapisarema eHareruya” pamusana pokuti anodzokorora kushandisa shoko rokuti “Hareruya!” zvinoreva kuti “Rumbidzai Jah!” “Jah” ishoko redetembo riri muchidimbu kureva kuti Jehovha, zita raMwari Wokumusorosoro.—Pisarema 83:18.
Kuimba kwakavawo kumwe kwokunamata kwevaKristu. Bhuku rinonzi The History of Music rinoti: “VaKristu vekare vaiimba pavaiungana vakawanda vachinamata kana kuti vasina kuwanda. KuvaJudha vainge vatendeuka kuimba kwaingova kupfuudzira tsika dzepasinagogi . . . Kuwedzera paMapisarema echiHebheru . . . , chitendero chitsva ichi chaiita sokuti chaingoramba chichibudisa nziyo itsva.” Nhasiwo Zvapupu zvaJehovha zvechiKristu zvinofara kumurumbidza nenziyo, pazvinenge zviri zvoga kana kuti pamisangano yazvo yechiKristu.
Nokuti mimhanzi inoita kuti tibudise manzwiro edu ose uye kuti inogona kuchinja zvikuru mwoyo, pfungwa, nomuviri, tinofanira kuremekedza kwazvo ‘chipo ichi chakakwana chinobva kumusoro.’ (Jakobho 1:17) Chokwadi, ngatigarei tichishandisa chipo ichi nokuchenjera.
[Mashoko Omuzasi]
a Pane kungoramba nziyo dzinosimudzira kuvengana, unzenza, kana kuti chisimba, vanhu vanoda Mwari nevanhu vanorambawo kuteerera mimhanzi inosimudzira kunamata zvidhori, urudzi uye dzidziso dzechitendero chenhema.—Isaya 2:4; 2 VaKorinde 6:14-18; 1 Johani 5:21.