Kuparara Kwetsika Munyika Yose
“KUBIRIDZIRA kwava kungoitwa kwose kwose,” anodaro David Callahan, akanyora bhuku richangobva kubuda rinonzi Chizvarwa Chava Kubiridzira [The Cheating Culture]. Pane zvimwe zviri kuitika muUnited States anotaura nezvo“kubiridzira kuri kuita vana vezvikoro zvesekondari nevokumakoreji,” “kugadzira nokutengesa zvisina mvumo makaseti nemaCD” emimhanzi neemafirimu, “kuba kumabasa,” “uori hukuru hunoitwa nevezvoutano,” uye kushandisa zvisiri izvo mapiritsi anokudza tsandanyama nokuwedzera simba mumitambo. Anogumisa achiti: “Kana tikabatanidza miitiro yose yokusachengeta tsika uye yokutyora mitemo zvinoratidza kuti tsika dzaparara zvikuru.”
Rimwe pepanhau rinonzi The New York Times rakati dutu reHurricane Katrina, rakaparadza muUnited States muna August 2005, “rakaita kuti pave nezvirongwa zvaikanga mate mukanwa zvokubiridzira uye zvakaita kuti hurumende itambise mari.” Mumwe wedare repamusoro muparamende yeUnited States akati: “Uori hwaiva pachena, ushingi hwokuita zvirongwa zvakadaro, kutambisa mari kwakadaro—hazvina mukare akamboona.”
Ichokwadi kuti vanhu vanoratidza mutsa usina udyire vachiripo. (Mabasa 27:3; 28:2) Asi kakawanda tinonzwa vanhu vachiti: “Zvinei neni? Zvinondipei?” Undingoveni, pfungwa yokuda kuenda pokutanga, huri kuita sokunge ndihwo huri kutonga.
Kare, unzenza hwaiitwa pachena hwairatidza udyire hwave huchinzi ndihwo hwakakuchidzira moto pakuparara kwenzanga dzakadai soUmambo hweRoma. Kuti zviri kuitika iye zvino zvingave zviri kuvhurira nzira chimwe chinhu chakatokura here? Iye zvino munyika dzose mava no“kuwedzera kwokusateerera mutemo” here, kwakafanonzi neBhaibheri kunoratidza kuguma kwemamiriro ezvinhu enyika ino?—Mateu 24:3-8, 12-14; 2 Timoti 3:1-5.
Kuderera Kwetsika Munyika Yose
Rimwe pepanhau rinonzi Africa News romusi waJune 22, 2006 rakataura nezvo“mumwe musangano waitaura pamusoro pokubatwa zvisina kufanira mune zvepabonde uye kuona kana kuverenga zvinonyadzisira” kunoitwa muzvitangwena mune imwe nzvimbo iri muUganda. Pepa racho rakati, “vabereki vari kusiya vana vachingoita semombe dzemashanga, zvichiita kuti chipfambi nokushandisa zvisina kufanira zvinodhaka zviwedzere munzvimbo iyi.” Pepa racho rakaenderera mberi richiti: “Mukuru wemapurisa anotarisira Bazi Rokuchengetedza Vana Nemhuri paKamba Yemapurisa iri paKawempe, VaDhabangi Salongo, vakati mwero wokushungurudzwa kwevana nokurwa kunoitwa mudzimba zvakawedzera kwazvo.”
Maererano nomumwe chiremba wokuIndia, “vanhu vava kurasa tsika dzavo.” Mumwe maneja wemafirimu weikoko akati “kuwedzera kwokushandiswa kwezvinodhaka pamwe chete nokusazvibata kukuru mune zvepabonde ndezvimwewo zviri kuratidza kuti India yava kunyura ‘muunzenza hwemakoko Hwenyika Dzokumadokero.’”
Hu Peicheng, munyori mukuru weSangano Rinodzidza Nezvepabonde rokuChina riri muBeijing, akati: “Kare, taitanga taona kuti tsika dzinotii tisati tasarudza chakanaka nechakaipa. Iye zvino tava kungoita madiro.” Imwe nyaya iri mumagazini inonzi China Today inoti: “Vanhu vari kutonyanya kurerutsa tsika vachiita gumbo mumba gumbo kunze.”
Munguva ichangopfuura rimwe pepanhau rokuEngland rinonzi Yorkshire Post rakati: “Zvinoita sokuti vanhu vose vari kuda kuva mushutu uye kushandisa bonde kuti vatengese. Kasiri kare zvakanyanya, izvi zvaigumbura nzanga nokuti zvakanga zvisingagamuchiriki. Nhasi, mifananidzo yezvepabonde inotinaya ichibva kumativi ose uye kuona nokuverenga zvinonyadzisira . . . kwava kugamuchirwa kwose kwose munzanga.” Pepanhau racho rakatizve: “Mabhuku, magazini nemafirimu aimbonzi anofanira kuonekwa nokuverengwa nevane makore 18 zvichikwira chete, iye zvino ava kuonekwa nokuverengwa nemhuri yose. Uye vaya vanoshora kuona nokuverenga zvinonyadzisira vanoti, zvinenge zvichinyanya kuitirwa vana.”
Magazini inonzi The New York Times yakati: ‘Vamwe vachiri kuyaruka vanotaura zvepabonde vakasununguka sezvavanoita pavanenge vachikurukura kuti vodyei.’ Imwe magazini inotungamirira vabereki vane vana vane makore 8 kusvika ku12 (Tweens News) yakati: “Kamwe kasikana kakabharangidza mashoko aya aidzimba mwoyo okuti: ‘Amai vangu vari kundimanikidza kuti ndidanane nevakomana uye kuti varare neni. Ndapota ndibatsireiwo . . . ndinongova nemakore 12!’”
Chokwadi pasi parohwa nenyundo! Imwe magazini inonzi Toronto Star yakati kasiri kare zvakanyanya “pfungwa yokuti vanhu vagare vose vari ngochani yaisembura.” Kunyange zvakadaro, Barbara Freemen, mumwe mudzidzisi wenhau dzakaitika kare paCarleton University, Ottawa, anoti: “Iye zvino vanhu vanoti, ‘Zvandinoita ndiri ndoga hazvinei newe. Hatidi kuti vamwe vanhu vapindire muupenyu hwedu.’”
Zviri pachena kuti mumakumi emakore apfuura, tsika dzakaderera zvikuru munzvimbo dzakawanda munyika yose. Chii chakaita kuti zvinhu zvichinje zvikuru kudai? Izvi zvinoita kuti unzwe sei? Uye kuchinja kwetsika uku kunoratidzei nezveramangwana?