Handisisiri Muranda Wedoro
Kunwa doro zvine mwero kungaita kuti zvokudya zvinake kana kuita kuti mhemberero inakidze. Zvisinei, nokuda kwevamwe vanhu kunwa doro kuzvisikira moto muziso. Chimboverenga nyaya inotevera yomumwe murume akasunungurwa pakuva muranda wedoro.
KUNYANGE iye zvino zvaiitika mumba medu zvinondidzimba mwoyo kuzvirondedzera. Baba naAmai vaitanga kudusva doro. Vadaro Baba vaitanga kukinditsa Amai. Kakawanda kacho ndaizoguma ndava kurohwawo. Pavakasarudza kuparadzana, ndaingova nemakore mana chete. Ndinoyeuka ndichiendeswa kwaAmbuya kuti ndinogara navo.
Ndakanzwa ndisingadiwi. Pandaiva nemakore manomwe, ndaiverevedza ndichienda kwaichengeterwa waini yaigadzirwa pamba ndoishapira kuti ndimbokanganwa nhamo dzangu. Ndiine makore 12, amai naambuya vakakandirana makobvu nematete pamusoro pangu. Amai vakazarirwa nehasha zvokuti vakapotsera forogo yomubindu pandiri. Ndakakwanisa kubuda mumukanwa meshumba! Aka kakanga kasiri kokutanga muupenyu hwangu kupinda munjodzi. Zvisinei, mavanga aiva pamuviri wangu akanga asina kudzika sezvakanga zvakaita mavanga aiva mumwoyo mangu.
Ndava nemakore 14, ndakanga ndava kugara ndichishapira doro. Ndasvitsa makore 17 ndakatiza pamba. Kudusva doro kwaiita kuti ndinzwe ndakazvimirira, ndive nechinya chiri pahuma, uye ndinetse mumaresitorendi. Chinhu chaindinakidza chete muupenyu kwaiva kudhakwa. Pazuva ndaidutira marita mashanu ewaini, mapaindi mashomanana edoro, uye zvimwe zvinwiwa zvinodhaka zvakanyanya.
Pandakaroora, kudhakwa kwakakonzera makomo ezvinetso kumudzimai wangu. Ndakawedzera kuva nehasha uye ndaimurova pamwe chete nevana, ndichikonzera mvongamupopoto yandakakurira mairi. Mari yose yandaitambira ndaiipedzera mudoro. Takanga tisina midziyo yokushandisa, saka ini nomudzimai wangu tairara pasi. Ndaishaya chandairaramira uye handina zvandaiedza kuita kuti tinatsiridze upenyu hwedu.
Rimwe zuva ndakataura nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakamubvunza kuti nei kwaiva nokutambura kwazvo, uye Chapupu chacho chakandiratidza muBhaibheri chipikirwa chaMwari chenyika inenge isina kana zvinetso. Izvozvo zvakaita kuti ndide kutanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Sezvandaishandisa zvandaidzidza muBhaibheri uye ndava kunwa doro zvishoma, upenyu hwemhuri yedu hwakavandudzika zvikuru. Kunyange zvakadaro, ndakaziva kuti kana ndaida kushumira Jehovha nenzira yaanoda, ndaifanira kukunda dambudziko rangu rokunwa doro. Pashure pemwedzi mitatu yokurwisa dambudziko iri, ndakakwanisa kurega doro. Mwedzi mitanhatu yakatevera ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Mwari uye ndakaratidza izvi nokubhabhatidzwa.
Zvandakarega kuva muranda wedoro, ndakakwanisa kubhadhara zvikwereti zvangu. Ndakaguma ndatenga imba uyewo motokari yatinoshandisa kuenda kumisangano yechiKristu uye muushumiri hwepasuo nesuo. Iye zvino ndava munhu anoremekedzeka.
Dzimwe nguva tichitandara neshamwari, vamwe vanondikumbira kuti ndinwewo doro. Vakawanda havazivi hondo yandakarwa kuti ndirirege uye kuti kungonwa kamwe chete kungaita kuti ndivezve musiyadzasukwa. Ndichiri nehavi yedoro. Zvinoda kunyengetera chaizvo uye kutsunga kuti ndisanwe doro. Pandinonzwa nyota, ndinonwa zvinwiwa zvakawanda chero zvipi zvazvo zvisingadhaki. Ndava nemakore gumi ndisina kana kumboravidza chinwiwa chinodhaka.
Jehovha anogona kuita zvisingakwaniswi nevanhu. Akandibatsira kuti ndive norusununguko rwandaisambofunga kuti ndaizova narwo! Zvakaitika kwandiri ndichiri muduku zvichiri kundirwadza uye ndinoramba ndichirwisana nokuzvidya mwoyo. Ukuwo, ndakakomborerwa nokuti ndine ukama hwakanaka naMwari, shamwari dzechokwadi dziri muungano, uye mhuri yakanaka inotenda zvandinotenda. Mudzimai wangu nevana vangu vanonditsigira nemwoyo wose muhondo yangu yokuti ndisanwezve doro. Mudzimai wangu anoti: “Kare, upenyu hwangu hwakanga husingafadzi uye hwakanga hwakaoma chaizvo. Iye zvino ndinoonga kwazvo Jehovha kuti ndiri kurarama mumhuri inofara ndiine murume wangu nevana vaviri.”—Yakataurwa Nomumwe Munhu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Ndava nemakore 14, ndakanga ndava kugara ndichishapira doro
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]
Jehovha anogona kuita zvisingakwaniswi nevanhu
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 20]
ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI NEZVEDORO
◼ Bhaibheri harirambidzi kunwa doro. Rinorondedzera kuti waini chipo chakapiwa vanhu naMwari “inoita kuti mwoyo womunhuwo zvake ufare.” (Pisarema 104:14, 15) Bhaibheri rinotiwo muzambiringa chiratidzo chokugarika uye chokuchengeteka. (Mika 4:4) Kutaura zvazviri, chishamiso chokutanga chakaitwa naJesu Kristu pamutambo womuchato chaiva chokushandura mvura kuti ive waini. (Johani 2:7-9) Uye muapostora Pauro paakanzwa ‘nezvokurwara-rwara kwaTimoti,’ akamukurudzira kunwa “waini shomanana.”—1 Timoti 5:23.
◼ Bhaibheri rinoshora kudhakwa richiti:
‘Zvidhakwa, hazvizogari nhaka youmambo hwaMwari.’—1 VaKorinde 6:9-11.
“Musadhakwa newaini, nokuti pakudhakwa ndipo pane zvakaipa.”—VaEfeso 5:18.
“Ndiani ane nhamo? Ndiani asingafari? Ndiani anokakavara? Ndiani anonetseka? Ndiani ane maronda pasina chikonzero? Ndiani ane maziso asinganyatsooni? Ndevaya vanogarisa pawaini, vaya vanouya kuzotsvaka waini yakavhenganiswa. Usatarira waini painenge yakatsvuka, painovaima iri mukapu, paunoinwa ichidzika zviri nyore. Pakuguma kwayo inoruma senyoka, uye inobudisa uturu sezvinoita nyoka. Maziso ako achaona zvinhu zvinoshamisa, uye mwoyo wako uchataura zvinhu zvakatsauka.”—Zvirevo 23:29-33.
Sezvaratidzwa munyaya iri pamusoro apa, vamwe vaiva nedambudziko rokudhakwa vakasarudza nokuchenjera kurega doro zvachose.—Mateu 5:29.