RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April pp. 10-12
  • Ndingaramba Sei Zvepabonde Kuchikoro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaramba Sei Zvepabonde Kuchikoro?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ziva Zvauri
  • Nzwisisa Vaunodzidza Navo
  • Ramba Kutaura Zvounzenza
  • Ita Nokungwara
  • Tsunga
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ko Kungorara Mose Musingadanani?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Ndinofanira Kuzivei Nezvoushamwari Hwokuchikoro?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 April pp. 10-12

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingaramba Sei Zvepabonde Kuchikoro?

“Zuva roga roga, vana vanongotaura zvepabonde. Vasikana vanotoenda kune vakomana, uye vanotorara vose pachikoro ipapo chaipo.”—Eileen, 16.

“Pachikoro changu, ngochani dzinoita zvounzenza vamwe vana vose vakatarira uye hadzimbokendenga.”—Michael, 15.a

VAUNODZIDZA navo vanongogara vachitaura zvepabonde here? Vamwe vacho vanotozviita here? Kana vachidaro, unganzwa sezvakaita mumwe musikana achiri kuyaruka akafananidza kuva kuchikoro “nokushanda panzvimbo inoitirwa uye inotorerwa mifananidzo inozoshandiswa mufirimu rinoratidza zvepabonde.” Chokwadi ndechokuti, kuchikoro vaduku vakawanda vanogara vachiwana mikana yakawanda yokukurukura—kana yokutoita—zvepabonde.

Unganzwa vaunodzidza navo vachitaura nezvo“kumborara nomumwe munhu”—kureva kuita zvepabonde nomumwe munhu wausina kuzvipira kwaari uye pasina zvamunosungirwa kuitirana. Mune zvimwe zviitiko vana vanoita zvepabonde nevanhu vavasinganyatsozivi. Mune zvimwewo vanorara nevanhu vavasingazivi zvachose vavanenge vakurukura navo paIndaneti. Chero zvazviri vavariro yokurara nomumwe munhu ndeyokuti pasava nenyaya yorudo. “Zvinongoreva kuti vaviri vacho vanenge vachingoda kugutsa zvishuvo zvomuviri yavo chete,” anodaro Danielle ane makore 19.

Hazvishamisi kuti nyaya yokurara nomunhu wausingazivi ndiyo inonyanya kutaurwa muzvikoro zvakawanda. “Pashure pokupera kwevhiki kumwe nokumwe, makoridho anenge akazara nevana vanenge vachingotaura nezvokurara nomumwe munhu kwavanenge vakaita, shamwari padzinenge dzichidonongodza twose twakaitika,” akanyora kudaro mumwe musikana ane makore 17 mupepanhau repachikoro chake.

Kana uchiedza kurarama uchitevedzera mitemo yeBhaibheri, kuva pakati pevanhu vanongogara vachitaura zvepabonde chete kungaita kuti unzwe sokuti wasiyana nevamwe. Uye ukasaita zvinoitwawo nevakawanda, zviri nyore kuti usekwe. Izvi zvinofanira hazvo kutarisirwa, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti kana vamwe vasinganzwisisi mararamiro ako, vangaratidza izvozvo ‘nokukutuka.’ (1 Petro 4:3, 4) Kunyange zvakadaro, hakuna anoda kunyombwa. Saka ungaramba sei zvepabonde kuchikoro woramba uchidada nezvauri? Kutanga, zvinokosha kuti unzwisise kuti nei muedzo wezvepabonde uine simba kwazvo.

Ziva Zvauri

Munguva yokuyaruka, pfungwa dzako nomuviri zvinokurumidza kuchinja. Munguva iyi, unonzwa uchida zvepabonde zvikuru. Ziva kuti izvi ndezvokuzvarwa nazvo. Saka kana ukanzwa uchida vamwe kuchikoro vechikomana kana kuti vechisikana, usabva wagumisa kuti wakaipa kana kuti haugoni kuramba wakachena mutsika. Unogona kuva akachena kana ukasarudza izvozvo!

Tisingatauri nezvokurwisana kwemanzwiro ako omukati anokonzerwa nokuyaruka, pane chimwezve chinhu chaunofanira kuziva. Zvavasina kukwana, vanhu vose vanongofunga kuita zvakaipa. Kunyange muapostora Pauro akabvuma kuti: “Ndinoona munhengo dzangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.” Pauro akataura kuti kusakwana kwake kwakaita kuti anzwe ari munhu “wenhamo.” (VaRoma 7:23, 24) Asi akakunda hondo yacho, uye unogona kuikundawo!

Nzwisisa Vaunodzidza Navo

Sezvambotaurwa, vaunodzidza navo vangataura zvepabonde nguva dzose kana kuti vangazvitutumadza nezvevanhu vavangave vakarara navo. Unofanira kungwarira ushamwari hwavo hwakaipa. (1 VaKorinde 15:33) Asi haufaniri hako kuona vaunodzidza navo sevavengi. Nei?

Vaunodzidza navo vane zvishuvo zvakangofanana nezvako. Vanonzwawo vachida kuita zvakaipa. Asi kusiyana newe, vamwe vavo vangave vari vanhu “vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari.” Kana kuti vangave vachibva mumisha ine vanhu va“sina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:1-4) Vamwe vaunodzidza navo vangave vasingarangwi norudo uye vasingadzidziswi tsika dzakanaka nevabereki vavo.—VaEfeso 6:4.

Vasina chinovapa uchenjeri hwepamusorosoro hwaunahwo iwe—Shoko raMwari, Bhaibheri—vaunodzidza navo vangave vasingazivi migumisiro inokuvadza yokungoita zvishuvo zvavo. (VaRoma 1:26, 27) Zvinoita sokuti vabereki vavo vakavapa motokari inomhanya zvikuru ndokuvaendesa mumugwagwa une motokari dzakawanda—asi vasina kuvadzidzisa kutyaira. Vanganakidzwa kwenguva pfupi mumotokari yacho, asi tsaona inotoitika chete. Saka chii chaungaita kana vaunodzidza navo vakatanga kutaura zvepabonde uripo kana kuti vakaedza kukumanikidza kuti uitewo zvounzenza?

Ramba Kutaura Zvounzenza

Kana vaunodzidza navo vakatanga kutaura zvounzenza, ungaedzwa kuteerera uye kunyange kutaurawo navo—kuitira kuti zvirege kuratidza kuti wakasiyana navo. Asi chimbofunga kuti ivo vanozofungei nezvako. Kufarira zvavanenge vachitaura kunoratidza zvauri chaizvo here kana kuti zvaunoda kuva?

Saka unofanira kuitei kana ukazviwana wava kubatanidzwa mukurukurirano younzenza? Unofanira kungosimuka wobva here? Hungu! (VaEfeso 5:3, 4) Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Saka nokubva pavanhu vanenge vachitaura zvepabonde, handi kuti hausi kuremekedza—uri kuratidza njere.

Chaizvoizvo, haufaniri hako kunzwa uchinyara kubva panenge pachitaurwa zvounzenza. Chokwadi, unombobva pane dzimwe kurukurirano usinganyari, zvikurukuru kana usingafariri zvinenge zvichitaurwa kana kuti usingadi kubatanidzwa. Somuenzaniso, ngatitii boka revamwe vako vaunodzidza navo ratanga kutaura zvokupara mhosva yokuba nepfuti. Unoramba uripo uchiteerera zvavari kuronga kuita here? Kana ukadaro, unogona kuonekwa somumwe wavo. Saka nokuchenjera unosarudza kubva ipapo. Ita zvakafanana kana kurukurirano ikava younzenza. Kazhinji kacho ungawana nzira yokubva ipapo usingazviiti somunhu akarurama uye usingaiti kuti unyombwe.

Ichokwadi kuti hazvisi nyore nguva dzose kuti ubve pamamiriro ezvinhu akati. Somuenzaniso, vaduku vaunganzi ugare navo mukirasi vangaedza kuita kuti utaurewo navo zvepabonde. Kana zvakadaro ungavaudza zvakasimba asi nomutsa kuti varege kukuvhiringidza. Kana izvozvo zvikasashanda, ungaita sezvakaitwa naBrenda. “Ndichiita nokuchenjerera ndakakumbira mudzidzisi wangu kuti andichinje pokugara,” anodaro.

Ita Nokungwara

Pasina nguva kana kuti gare gare, vamwe vaunodzidza navo vachada kuziva kuti nei usingabatani navo mukurukurirano dzavo dzisina kuchena. Kana vakakubvunza nezvetsika dzako, ngwarira pakupindura. Zviri pachena kuti vamwe vangangokubvunza vachida kukuseka pane kunzwisisa maonero ako. Asi kana chinangwa cheanenge achikubvunza chichioneka sechokuda kunyatsoziva, muudze wakasununguka zvaunotenda. Vaduku vakawanda vakashandisa bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda kubatsira vavanodzidza navo kunzwisisa zvakanakira kurarama maererano nemitemo yeBhaibheri.b

Tsunga

Unofanira kuitei kana mumwe waunodzidza naye akatsunga kukubata kana kukutsvoda? Kana ukabvumira munhu wacho kuti aite izvi, ungaita kuti atoramba achida kuenderera mberi nenzira isina kururama. Bhaibheri rinorondedzera rimwe jaya rakabvuma kubatwa uye kutsvodwa nomumwe mukadzi aiva nzenza. Rakamubvumira kuti ataure naro nenzira yaiita kuti ride kurara naye. Zvakaguma nei? “Rinongoerekana ramutevera, sezvinoita nzombe inoenda kunourayiwa.”—Zvirevo 7:13-23.

Kusiyana neizvi, chimbofunga zvakaitwa naJosefa mumamiriro ezvinhu akafanana neaya. Mukadzi watenzi wake akaramba achiedza kumunyengera, asi akaramba akasimba kuti asaita zvaaitaura. Paakazoedza kumubata, akaita chiito pakarepo ndokutiza.—Genesisi 39:7-12.

Kufanana naJosefa, ungada kutora matanho akasimba kana waunodzidza naye kana kuti mumwe munhu waunoziva akaedza kukubata nenzira isina kunaka. “Kana mukomana akaedza kundibata, ndinomuudza kuti andisiye,” anodaro Eileen. “Kana akaita seasina kunzwa zvandinenge ndataura, ndinotaura nenzwi riri pamusoro kuti asandibata.” Nezvemajaya epachikoro pake, Eileen anotizve: “Havakuremekedzi kutoti iwe ukaita kuti vakuremekedze.”

Iwewo ucharemekedzwa nevaunodzidza navo kana ukaramba kuteerera kurukurirano dzavo dzounzenza, uchitsanangura noruremekedzo tsika dzako pazvinenge zvakakodzera, uye uchiramba nesimba pavanenge vachida kuti uite zvounzenza. Chimwe chazvakanakira ndechokuti unozonzwa kugutsikana. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, uchafarirwa naJehovha!—Zvirevo 27:11.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

ZVOKUFUNGA NEZVAZVO

◼ Ungati kudii kuti ubve panenge pachitaurwa zvounzenza?

◼ Ungati kudii uye ungaitei kana vaunodzidza navo vakada kuita zvounzenza newe?

[Mufananidzo uri papeji 11]

Kana kurukurirano ikava yezvepabonde, ibva pakarepo

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ramba nesimba zvounzenza

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe