Kune Ramangwana Rinofadza Here?
Nyaya yeramangwana inofadza vanhu zvikuru. Ndiani wedu angasada kuziva zvatichange tichiita mwedzi unouya, gore rinouya, kana kuti makore gumi kubva iye zvino? Kana tichitarisa zvakawanda, nyika ino ichange yakaita sei mumakore 10, 20, kana kuti 30 anouya?
UNOONA ramangwana uine tariro here? Mamiriyoni evanhu anodaro, uye ivava vangaiswa muzvikwata zviviri: kune vaya vanoti vane zvikonzero zvakasimba zvokudavira kuti zvinhu zvichaita nani uye kune vaya vanoramba vaine tarisiro yakajeka pamusana pokungoti kufunga nezvezvimwe zvingaitwa kunoodza mwoyo zvikuru.
Chokwadika, vamwe vanhu havambooni ramangwana rakanaka. Vamwe vavo ndevaya vanofanotaura nezvenjodzi vanoita sokuti vanofarira kuzivisa kuparara kweNyika kwakaipa zvikuru. Maererano nemaonero avanoita ramangwana, pachazongova nevashomanana vachapona kana kuti kutosavapo.
Iwe unoona sei ramangwana? Unofanoona rima uye kuparara kana kuti rugare nokuchengeteka here? Kana uchitarisira zvapedzisira kutaurwa, chii chinoita kuti uve netariro—kungofunga kwokushuva here kana kuti une uchapupu hwakasimba?
Kusiyana nevanozivisa nezvokuuya kwenjodzi, vabudisi veMukai! havatendi kuti vanhu vava kuda kutsakatika. Kupesana naizvozvo, Bhaibheri rinopa chikonzero chakasimba chokutenda kuti nguva dzakanaka chaizvo dziri mberi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 13]
Mufananidzo weU.S. Department of Energy