Kuva Nesimba Rouduku Nokusingaperi!
MURUME aiva kurutivi rwaJesu akanga asina nguva refu ari mupenyu. “Jesu,” akateterera kudaro, “mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Jesu akapindura kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:42, 43) Chokwadi, murume iyeye asina kutaurwa zita rake akanga asiri kufa nechirwere chokukwegura; akanga achiurayiwa pamusana pemhosva yaakanga apara. Kunyange zvakadaro, vanhu vari kukwegura vanogona kukurudzirwa zvikuru nemamiriro ake ezvinhu okunetseka.
Chokwadi tinonzwa tichiyemura chivimbo chinoshamisa chomurume iyeye! Kunyange zvazvo Jesu akanga achifa padanda rokutambudzikira pedyo naye, murume iyeye aisambova nomubvunzo pamusoro pokuti zvechokwadi Jesu aizotonga saMambo muUmambo hwaMwari. Uyewo, akafunga kuti Jesu nerimwe zuva aizomuyeuka zvakanaka. Chimbofunga hako—murume iyeye akapiwa mutongo worufu achamuka kubva murufu ava muparadhiso yakanaka zvikuru, Jesu ari Mambo!
Vanhu vari mumamiriro ezvinhu akafanana neomutadzi iyeye akanga ava kufa. Sei? Pasinei nezera redu, tose zvedu tiri kubhadhara nokuda kwechivi uye tinoda kuponeswa. (VaRoma 5:12) Kufanana netsotsi iroro tinogona kutarira kuna Kristu Jesu kuti tive netariro—kunyange tariro yokubvisirwa matambudziko anorwadza anoitika pakukwegura! Chokwadika, Jesu akapa vanhu tarisiro yokurarama nokusingaperi vakakwana mumuviri nomupfungwa mupasi rinenge rava paradhiso.—Johani 3:16, 36.
Zvinhu Zvose Zvichange Zvava Zvitsva Kuvakwegura Nevaduku
MuUmambo hwaKristu, vagari vose vepanyika “vachafara kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:11) Hapana achazoti: “Ndiri kurwara.” (Isaya 33:24) Chero zvipi zvatingave tichitadza kuita zvatinofanira kutsungirira zvichachinjwa, nokuti “munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve ruchashevedzera ruchifara.” (Isaya 35:6) Vanhu vakwegura vachavazve nesimba ravo rouduku; nyama yavo ‘ichava itsva kupfuura pavaiva vaduku.’—Jobho 33:25.
Zvisinei, zvine musoro here kufunga nezvetariro yakadaro? Funga nezvoUyo akapa murume akanga achifa tariro yeParadhiso. Kakawanda vanhu vakauya kuna Jesu nevanokamhina, vakaremara, mapofu, uye matsi. Nomwoyo wose akarapa “hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose.” (Mateu 9:35, 36; 15:30, 31; Mako 1:40-42) Akaenzanisira zvinooneka zvichaitwa noUmambo hwake. Jesu akatomutsa vanhu vanoverengeka vakanga vafa. (Ruka 7:11-17; Johani 11:38-44) Nokuita izvozvo, iye akasimbisa chipikirwa chake chokuti “vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda.”—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.
Fungidzira uchimuka uri muParadhiso, uine muviri mutsva, uchiona zvakajeka, nzeve dzichinzwa kuimba kweshiri uye manzwi anofara, maoko uye makumbo zvisingarwadzi, uye uine pfungwa dzine utano hwakakwana. “Mazuva okutambudzika” epakukwegura anenge asisipo zvachose. (Muparidzi 12:1-7; Isaya 35:5, 6) Kunyange rufu ‘ruchaparadzwa’—‘ruchaparadzwa nokusingaperi.’—1 VaKorinde 15:26, 54.
Zviitiko zvenyika zviripo iye zvino kana zvichienzaniswa nouprofita hweBhaibheri zvinoratidza kuti tiri kuswedera nokukurumidza kumugumo wokukwegura sezvatinoziva. (Mateu 24:7, 12, 14; Ruka 21:11; 2 Timoti 3:1-5) Nguva yava pedyo apo vakwegura vakatenda muna Mwari uye vakamushumira vachavazve nesimba rouduku—asi iye zvino nokusingaperi!
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]
Rovedza Uropi Ihwohwo!
Kurovedza muviri zvakunosimbisa tsandanyama, saizvozvowo kurovedza pfungwa kunoita kuti uropi hushande zvakanaka. Kuti tiite kuti uropi hushande, tinofanira kuita zvinhu zvitsva. Dzinotevera ndedzimwe nzira dzokutanga uye kusimbisa kwaungaita munobatana masero ouropi.
◼ Farira zvinhu zvitsva, zvakadai sokudhirowa mifananidzo, kuveza, mitambo yemashoko, uye mapuzzle; dzidza mumwe mutauro.
◼ Iva pamwe chete nevanhu vakasiyana-siyana; shamwaridzana nevamwe uye kurukura navo kuti usanzwa uchifinhwa woita kuti pfungwa dzako dzinyanye kuyeuka.
◼ Shandira zvinhu zvokunamata. “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.
◼ Verenga mabhuku akakodzera; udza mumwe munhu zvawaverenga.
◼ Yeuka uye rondedzera nhau dzawakanzwa paredhiyo kana kuti paTV kuti urovedze kuyeuka kwaunoita zvinhu zvaunenge uchangobva kupinza mupfungwa uye kuyeuka kwaunoita kwapera nguva refu.
◼ Shandisa ruoko rusinganyanyi kushanda (ruboshwe kana uchishandisa rudyi, kana kuti rudyi kana uchishandisa ruboshwe) kutikinya rimoti yeTV, kushandisa runhare, kana kuti kugeza mazino.
◼ Mukati mezuva, shandisa pfungwa dzako dzose nepaunogona napo.
◼ Dzidza nezvenzvimbo dzinonakidza dziri pedyo nedziri kure uye udzishanyire.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Chipikirwa chaJesu ndechokuti kukwegura kunorwadza kuchakurumidza kunyangarika, kwotsiviwa nesimba rouduku nokusingaperi