RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April pp. 28-30
  • ‘Ndinoda Kushumira Mwari Ndisati Ndafa’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ndinoda Kushumira Mwari Ndisati Ndafa’
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mamie Anoonana neZvapupu zvaJehovha
  • Kuita Chido Chake Chokushumira Mwari
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • “Mumiromo Yavacheche”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Vaudze Kuti Unovada
    Zvakaitika
Mukai!—2006
g06 April pp. 28-30

‘Ndinoda Kushumira Mwari Ndisati Ndafa’

NYAYA YAMAMIE FREE

MUNA 1990 hondo yezvizvarwa zvomunyika imwe chete yakagundika muLiberia. Hondo yacho zvayakanyanya kutsviriridza, Mamie, musikana ane makore 12 wedzinza revaKrahn nemhuri yake vakatadza kubuda mumba mavo muMonrovia, guta guru renyika iyi. “Takanzwa kuputika paimba yatakavakidzana nayo,” anodaro Mamie. “Girinedhi rakanga rarova rikapinda muimba yomuvakidzani wedu ichibva yatanga kubvira. Marimi omoto wacho akasvika paimba yedu ichibva yatangawo kubvira.” Mukati mokurwisana uku kukuru, Mamie, naamai vake, nehanzvadzi duku yaamai vake vakatiza.

“Ndakangoerekana ndarohwa nechimwe chinhu,” anoyeuka kudaro Mamie.

“Amai vangu vakabva vabvunza kuti, ‘Zvaita sei?’”

“Pane chandirova! Ndinofunga kuti ibara,” ndakapindura kudaro.

Mamie akadonhera pasi achirwadziwa ndokunyengetera achiti: “Ndapota ndinzwei, Mwari. Ndinofunga kuti ndava kuda kufa, asi ndinoda kukushumirai ndisati ndafa.” Akabva afenda.

Vachifunga kuti Mamie akanga afa, vavakidzani vaida kumuviga mumhenderekedzo yegungwa yaiva pedyo ine jecha. Zvisinei, amai vake vakaomerera kuti aendeswe kuchipatara chiri munzvimbo iyi. Zvinosuwisa kuti chipatara chacho chakanga chisina zvinhu zvakakwana zvokushandisa kurapa varume, vakadzi, nevana vakanga vakuvara vaidirana vachiendako. Hanzvadzi duku yaamai vaMamie, yakanga yakuvarawo, yakafa usiku ihwohwo, asi Mamie akararama, akaoma muviri kubva muchiuno zvichidzika.

Akaramba achingobuda ropa nechomukati uye achirwadziwa zvikuru. Mwedzi mina gare gare vanachiremba vakazomutora ekisirei kuti vaone paiva nebara racho. Raiva pakati pemwoyo nemapapu. Zvaiva nengozi kumuvhiya, saka amai vaMamie vakaenda naye kun’anga. “N’anga iyi yakandicheka nereza,” anoyeuka kudaro Mamie, “yapedza yakaisa muromo wayo pachironda chacho ndokuedza kuburitsa bara racho ichiita zvokusveta. ‘Iri,’ yakadaro, ichibudisa ba- ra mukanwa mayo. Takaibhadhara ndokuenda.”

Asi murume wacho akanga anyepa. Pandakatorwazve mamwe maekisirei akaratidza kuti bara racho rakanga richirimo. Saka Mamie naamai vake vakadzokera kun’anga iya, yakaita kuti vabvume kuti zvaizotora mimwe mwedzi mipfumbamwe kuti maekisirei azoona kuti bara racho rakabva. Vakadzokera kumba kwavo ndokumirira vachishivirira. Panguva iyi, Mamie airapwa nemishonga yakasiyana-siyana yaimubatsira kunyaradza marwadzo. Mamwe maekisirei akatorwa pashure pemwedzi mipfumbamwe. Bara racho rakanga richirimo. N’anga yacho yakatiza.

Iye zvino bara racho rakanga rave riri mumuviri waMamie kwemwedzi 18. Imwe hama yavo yakaenda naye kune imwe n’anga yechikadzi. Pane kuti ibatsire, n’anga yacho yakataura zuva raizofa Mamie kana kuti amai vake. Mamie akanga ava nemakore 13. “Ndaingochema,” anodaro Mamie. “Zvisinei, zuva rakanga rataurwa parakasvika, hapana akafa.”

Zvadaro vamwe babamukuru vaMamie vakaenda naye kumutungamiriri weimwe chechi uyo akati akanga aona kuti kuoma rutivi rwomuviri kwaMamie kwakanga kwakonzerwa nokutsingwa, kwete nebara. Akavimbisa kuti kana Mamie aizotevedzera zvaainge amuudza, aizogona kufambazve mukati mevhiki imwe chete. Mamie anotsanangura kuti: “Ndakageza nemvura yomugungwa ndichiita chaizvo zvaakanga ataura, ndakatsanya, uye ndaiumburuka pasi kakawanda usiku hwoga hwoga pakati pousiku kwemaawa akawanda. Asi zvose izvi zvakashaya basa, uye hapana chakachinja.”

Zvisinei, zvipatara zvakawanda zvakazotanga kushanda, uye pakupedzisira, pashure penguva refu Mamie akazobviswa bara riya. Akanga arwadziwa zvikuru kwemakore anodarika maviri. “Ndapedza kuvhiyiwa,” anoyeuka kudaro, “handina kuzonzwa kurwadziwa, uye ndakatanga kufema zvakanaka. Kunyange zvazvo ndakaramba ndakaoma rutivi rwomuviri zvishoma, ndaikwanisa kumira ndichibatsirwa nechokufambisa.”

Mamie Anoonana neZvapupu zvaJehovha

Mavhiki mashomanana avhiyiwa, amai vaMamie vakasangana neZvapupu zvaJehovha zviviri. Vachiziva kuti mwanasikana wavo aifarira kuverenga Bhaibheri, vakakumbira Zvapupu zvacho kuti zvisvike kumba kwavo. Mamie akabva angobvuma kudzidza Bhaibheri. Zvisinei, pashure pemwedzi inoverengeka, akadzokera kuchipatara uye haana kuzoonana neZvapupu zvacho.

Kunyange zvakadaro, nyota yaiva naMamie yokuziva Bhaibheri yakaramba iripo. Saka mutungamiriri weimwe chechi paakati anoda kumubatsira, iye akabvuma. Munguva inoitiswa kirasi yechikoro cheSvondo, mumwe mudzidzi akabvunza mudzidzisi wacho kuti, “Jesu akaenzana naMwari here?”

“Hungu,” mudzidzisi wacho akadaro. “Vakaenzana. Asi Jesu haana kunyatsoenzana naMwari.”

‘Haana kunyatsoenzana naye?’ Mamie akafunga kudaro. ‘Izvi hazvina musoro. Pane chisina kururama.’ Asina kugutsikana kuti akanga achidzidza chokwadi chomuBhaibheri, Mamie akazorega kuenda kuchechi kwacho.

Muna 1996 kurwisana kwakatangazve muMonrovia. Mamie akafirwa zvekare nevamwe vaviri vomumhuri yake, uye imba yavo yakapiswazve kechipiri. Mwedzi mishomanana gare gare, Zvapupu zviviri zvakasangana naMamie pazvaiva muushumiri hwepaimba neimba. Mamie akatangazve kudzidza Bhaibheri. Paakapinda musangano wake wokutanga, akashamisika kuona kuti munhu wose—kusanganisira vakuru veungano—vaibatsira kuchenesa Imba yoUmambo. Gare gare gore iroro, akafara kupinda rimwe reMagungano eRuwa raiti “Nhume dzaMwari Dzorugare,” gungano rake guru reZvapupu zvaJehovha raakatanga kupinda.

“Ndakashamisika kwazvo,” anodaro Mamie. “Zvapupu zvacho zvaidanana zvechokwadi, kunyange zvazvo zvaibva mumadzinza akasiyana-siyana. Uye zvinhu zvose zvakanga zvakarongeka.”

Kuita Chido Chake Chokushumira Mwari

Muna 1998 kubakazve kwehondo kwakamanikidza Mamie naamai vake kutizira kuCôte d’Ivoire iri pedyo, kwavakanogara muPeace Town Refugee Camp nevamwe vanhu 6 000 vokuLiberia. Mamie akaramba achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye akakurumidza kufambira mberi. Nenguva isipi akanga oda kuudza vamwe zvaaitenda. Kuti abudewo muushumiri hwepachena, hama nehanzvadzi dzake dzaanonamata nadzo dzaimubatsira kumukungurutsa ari muwiricheya. Nenzira iyi Mamie aikwanisa kupa uchapupu hwakaisvonaka kune vamwe vapoteri vakawanda.

Kunyange zvazvo utano hwake hwaiita kuti zvimuomere kusvika kuImba yoUmambo yaiva kure nemakiromita matanhatu kubva paaigara, Mamie aipinda misangano yose. Musi waMay 14, 2000, akafamba makiromita anodarika 190 kuti apinde zuva regungano chairo uye kuti aratidze kuzvitsaurira kwake kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. (Mateu 28:19, 20) Ari pamberi peboka revanhu vakawanda vaiva nemaziso aiva nemisodzi, Mamie akatakurwa kuenda mukarwizi maakabhabhatidzirwa. Chiso chake chaipenya nomufaro paakabuda mumvura.

Iye zvino zvaari mumusasa wevapoteri kuGhana, vavariro yaMamie ndeyokuva piyona wenguva dzose, kana kuti muevhangeri wenguva yakazara. Amai vake vakatangawo kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha uye iye zvino vari kuudzawo vamwe zvavari kudzidza. Vari vaviri vanotarisira nechido nguva yakapikirwa muShoko raMwari apo “munhu akaremara achakwakuka sezvinoita nondo hono, rurimi rwembeveve [pa]ruchashevedzera ruchifara.”—Isaya 35:5-7.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Bara rakabviswa mumuviri waMamie

[Mufananidzo iri papeji 30]

Mamie achitakurwa kuenda mukarwizi kunobhabhatidzwa

[Mufananidzo iri papeji 30]

Achidzidza Bhaibheri naamai vake, Emma

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe