RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g06 April pp. 26-27
  • Jesu Aiva Mwanakomana waMwari Chaizvoizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Aiva Mwanakomana waMwari Chaizvoizvo Here?
  • Mukai!—2006
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dangwe raMwari
  • Jesu Anova Mwanakomana waMwari Somunhu Wenyama
  • Kubatsirwa Kwaungaitwa noMwanakomana waMwari
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jesu Kristu—Mwanakomana Anodiwa waMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2006
g06 April pp. 26-27

Zvinotaura Bhaibheri

Jesu Aiva Mwanakomana waMwari Chaizvoizvo Here?

NECHIVIMBO chakasimba muapostora Petro akati kuna Jesu: “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” (Mateu 16:16) Aya anongova mamwe emashoko pane akawanda ari muBhaibheri anotaura nezvaJesu soMwanakomana waMwari, mashoko akaita kuti vezvitendero vataure pfungwa dzakawanda dzakasiyana-siyana nezvazvo.

Vakawanda vanodavira kuti Jesu Kristu ndiMwari vakaomerwa nokutsanangura kuti nei achinzi Mwanakomana waMwari. Zvine musoro kuti haangagoni kuva zvose. Vamwe vanongofunga kuti Jesu mumwe munhu anokosha munhoroondo yezvakaitika kare, murume akachenjera, kana kuti mumwe muprofita chaiye waMwari, asi asingapfuuri izvozvi. Bhaibheri rinombodzidzisei chaizvo? Zvaunodavira zvine basa here?

Dangwe raMwari

Bhaibheri rinoratidza kuti pane imwe nguva Mwari paaimbova oga. Pamusana porudo rwake akasarudza kupa chipo choupenyu nokuva baba—asi kwete sezvinoitwa nevanhu. Pane kudaro, Jehovha akashandisa simba rake risinganzwisisiki rokusika kusika mumwe munhu mupenyu, akangwara womudzimu—“wokutanga pane zvakasikwa naMwari,” watava kuziva saJesu Kristu. (Zvakazarurwa 3:14; Zvirevo 8:22) Jesu zvaakasikwa naMwari zvakananga Mwari paaiva oga, zvakakodzera kuti Jesu anzi “akaberekwa ari mumwe oga” uye “dangwe rezvisikwa zvose.”—Johani 1:14; VaKorose 1:15.

Saka zviri pachena kuti zvaari wokutanga pazvisikwa zvaMwari, Jesu haangavi Musiki, “Mwari oga.” (1 Timoti 1:17) Ukuwo, Mwari akapa Mwanakomana wake ropafadzo dzakawanda. Somuenzaniso, achishandisa Jesu, Mwari akasika “zvimwe zvinhu zvose,” kusanganisira ngirozi chaidzo. Ngirozi idzi dzinonzi “vanakomana vaMwari”—Jehovha ari iyewo Akadzipa Upenyu.—VaKorose 1:16; Jobho 1:6; 38:7.

Apedza kusika pasi kuti rigarwe nevanhu, zviri pachena kuti Mwari aitaura neMwanakomana wake wedangwe, paakati: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu.” (Genesisi 1:26; Zvirevo 8:22-31) Saka, Jehovha akasikawo mwanakomana wake wokutanga wenyama Adhamu, achishandisa chisikwa chomudzimu chaizova Jesu.—Ruka 3:38.

Jesu Anova Mwanakomana waMwari Somunhu Wenyama

Muapostora Johani anoratidza kuti panguva yakagadzwa, Mwanakomana waMwari womudzimu ‘akava nyama akagara pakati pedu.’ (Johani 1:14) Kuti achinje Jesu kumuita munhu wenyama, Mwari akatamisa upenyu hwaJesu nenzira inoshamisa kubva kudenga ndokumuisa mumimba yemhandara yechiJudha yainzi Mariya. Nenzira iyi Jesu akaramba ari Mwanakomana waMwari kunyange zvazvo akanga ava munhu wenyama. Uyezve, sezvo Mwari, kwete munhu upi zvake, ari iye akapa Jesu upenyu, Jesu akaberekwa akakwana, asina chivi. “Chichaberekwa chichanzi chitsvene, Mwanakomana waMwari,” ngirozi inonzi Gabrieri yakaudza Mariya kudaro.—Ruka 1:35; VaHebheru 7:26.

Baba vacho pachavo vakabvuma kuti Jesu aiva mwanakomana wavo paaiva munhu wenyama. Panguva yakabhabhatidzwa Jesu, Johani Mubhabhatidzi akaona matenga achivhurika ndokunzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:16, 17) Ndokusaka Johani akaudza vadzidzi vake kuti: “Ini ndakauona, uye ndakapupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”—Johani 1:34.

Paaiita ushumiri hwake pasi pano, Jesu haana kufamba achiudza vanhu pachena kuti aiva Mesiya, Mwanakomana waMwari. (Mako 8:29, 30) Aiwanzosiyira vanhu kuti vataure voga izvozvo nokucherechedza mararamiro ake, nokuteerera dzidziso dzake, nokupupurira zvishamiso zvake zvakawanda, zvizhinji zvacho zvaaitoita pamberi poruzhinji rwevanhu. Somuenzaniso, akarapa “vose vakanga vachinetseka, vachitambudzwa nehosha dzakasiyana-siyana nemarwadzo.” (Mateu 4:24, 25; 7:28, 29; 12:15) Mapofu, matsi, zvirema, uye vose vaiva nehosha vakaenda kuna Jesu, uye akavaporesa. Akatomutsa vakafa! (Mateu 11:4-6) Vadzidzi vake vakatarira, Jesu akafamba pamusoro pemvura nenzira inoshamisa achibva aita kuti mhepo nemafungu zvaivapo mudutu raityisa zvidzikame. Kuratidza simba kwaakaita uku kwakaita kuti vadzidzi vake vati: “Chokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.”—Mateu 14:24-33.

Kubatsirwa Kwaungaitwa noMwanakomana waMwari

Nei Mwari akatamisa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kubva kudenga achiuya pasi pano, paakazourayiwa noutsinye? “Kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Chokwadi, Jesu aigona “kupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji,” nokufa bedzi. (Mateu 20:28) Chokwadi, munhoroondo yose yevanhu, hakuna akaratidza rudo rukuru kuvanhu kudarika Jehovha noMwanakomana wake wedangwe.—VaRoma 8:32.

Afa, Jesu ‘akaziviswa soMwanakomana waMwari’ nenzira ine simba uye inokosha kwazvo, “nokumuka kubva kuvakafa” achivazve mupenyu soMwanakomana waMwari womudzimu. (VaRoma 1:4; 1 Petro 3:18) Zvadaro, amirira nokushivirira ari kudivi kwaBaba vake kwemakore anenge mazana 19, Jesu akagadzwa pachigaro saMambo woUmambo hwaMwari—hurumende yokudenga iyo ichatonga nokukurumidza pasi rose.—Pisarema 2:7, 8; Dhanieri 7:13, 14.

Unoda kufarirwa noMwanakomana uyu waMwari ane simba here? Kana uchida, tinokukurudzira kuti uongorore dzidziso dzake wodzishandisa muupenyu hwako. Jesu pachake akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Chokwadi, zvaunotenda maererano noMwanakomana waMwari zvinokosha chaizvo!—Johani 3:18; 14:6; 1 Timoti 6:19.

WAKAMBOZVIBVUNZA HERE IZVI?

◼ Nei Jesu ari Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga?—Johani 1:3, 14; Zvakazarurwa 3:14.

◼ Nei uchigona kutenda kuti Jesu Mwanakomana waMwari?—Mateu 3:16, 17.

◼ Unogona sei kubatsirwa nokutenda muna Jesu soMwanakomana waMwari?—Johani 3:16; Johani 14:6; 17:3.

[Mifananidzo iri papeji 26, 27]

Dzidziso dzaJesu dzouchenjeri nezvishamiso zvake zvaiva nesimba zvakaratidza kuti akanga asiri munhuwo zvake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe