Kurarama Nedambudziko Rokukwegura
“MAKORE makumi manomwe ndiwo chete atinawo—tinova nemakore makumi masere, kana takasimba; asi anongotiunzira nhamo nokusuruvara; upenyu hunokurumidza kupera, uye hatisisipo.” (Pisarema 90:10, Today’s English Version) Urwu rwiyo rwokudetemba rwakanyorwa makore 3 000 apfuura runosimbisa kuti kukwegura idambudziko ragara riripo kwemakore akawanda. Pasinei nokubudirira kunorumbidzwa pane zvokurapa, zvimwe zvinhu zvinowanikwa munguva yokukwegura zvichiri kukonzera “nhamo nokusuruvara.” Ndezvipi izvozvo, uye vamwe vanhu vari kukunda sei matambudziko azvinokonzera?
Kukwegura uye Pfungwa Dzakapinza
“Chandinonyanya kutya,” akashushikana achidaro Hans ane makore 79, “kurasika pfungwa.” Kufanana nevanhu vakawanda vakwegura, Hans akavhiringidzika nenyaya yokukanganwa. Aishushikana kuti akanga ava kutadza kudzora icho mumwe mudetembi wekare akadana kuti “ndiro yendarama”—uropi hunokosha pamwe chete nezvahunoyeuka zvinokosha. (Muparidzi 12:6) Hans akabvunza kuti, “Kudzikira kwokushanda kwepfungwa ndechimwe chinhu chinoratidza kukwegura here?”
Kufanana naHans, kana uchikanganwa mazita kana kuti uchishamisika kana kukanganwa kwakadaro kuri kutanga kwokudzikira zvikuru kwokushanda kwepfungwa, tapota iva nechokwadi chokuti: Vanhu vemazera ose vanokanganwa, uye kuchinja kwokushanda kwepfungwa kungaitwa nomunhu akwegura hakuwanzokonzerwi nokurasika pfungwa.a Kunyange zvazvo kukanganwa kwakati kuchiwanika pakukwegura, “vanhu vakwegura vakawanda vanopedza upenyu hwavo vachiri kunyatsokwanisa kuyeuka,” anonyora kudaro Dr. Michael T. Levy, sachigaro wesayenzi yokuongorora maitiro evanhu paStaten Island University Hospital iri muNew York.
Chokwadi, vanhu vaduku vanowanzopfuura vakuru pakukurumidza kuyeuka zvimwe zvinhu. Asi, “pasinei nokuti havakurumidzi kuyeuka,” inodaro nyanzvi yezvetsinga Richard Restak, “vanhu vakwegura vanowanzoyeuka zvakada kuti fananei nevaduku.” Kutaura zvazviri, kana hukanyatsodzidziswa uye hukarovedzwa, uropi hune utano hwakanaka hwevakwegura hunoramba huchidzidza, huchiyeuka, uye kunyange kunatsiridza mano okukwanisa kuita zvimwe zvinhu.
Matambudziko Okuyeuka uye Zvirwere Zvinorapika
Zvisinei, zvakadini kana mumwe munhu aine dambudziko rakanyanya rokuyeuka? Kunyange zvakadaro, iye haafaniri kubva afunga kuti dambudziko racho nderokurasika pfungwa. Zvimwe zvirwere zvakawanda zvinorapika zvinowanika pakukwegura zvinogona kukonzera matambudziko okuyeuka uye kungoerekana munhu avhiringidzika zvisinganzwisisiki. Zvirwere zvakadaro zvinowanzotaurwa zvisina kururama kuti “kukwegura” kana kuti “kurasika pfungwa”—dzimwe nguva kunyange nenyanzvi dzezvokurapa dzinenge dzisingazivi chokwadi. Izvi hazvingozvidzi varwere vakwegura chete asi zvingaitawo kuti varege kurapwa zvakakodzera. Zvimwe zvirwere izvi zvingava zvipi?
Kungoerekana wavhiringidzika zvisinganzwisisiki kungakonzerwa nokushaya zvokudya zvinovaka muviri, kushaya mvura mumuviri, kuva nemasero matsvuku mashoma muropa, kukuvara musoro, chirwere chepagurukuro, kushayikwa kwemavhitamini, kukanganiswa nemishonga, kana kuti kuchinja kubva munzvimbo yakajairika. Matambudziko okuyeuka angakonzerwa nokuzvidya mwoyo kwenguva refu, uye kupindwa noutachiona kunozivikanwa zvikuru kuti kunoita kuti vanhu vakwegura vavhiringidzike. Kuora mwoyo kungaita kuti varwere vakwegura vakanganwe uye vavhiringidzike. Saka, “kukurumidza kutanga kuvhiringidzika,” anodaro Dr. Levy, “hakufaniri kumborerutswa kana kungonzi kurasika pfungwa kusina tariro.” Kunyatsoongororwa nachiremba kungabatsira kuwana chinenge chichikonzera izvozvo.
Kukunda Kuora Mwoyo
Kuora mwoyo hakusi chinhu chitsva kuvanhu, kunyange kuvashumiri vaMwari vakatendeka. Makore anenge zviuru zviviri akapfuura, muapostora Pauro aifanira kurayira vaainamata navo kuti: “Taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:14) Munguva yedu inotambudza, izvozvo zvinotodiwa zvakanyanya. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti kuora mwoyo kwevanhu vakura kunoramba kusingaongororwi kuti kuri kukonzerwa nei kana kuti hakuongororwi zvakanaka.
Pamusana pepfungwa dzisina kururama dzakapararira dzokuti vanhu vanonyanya kusuruvara uye kuva nezvinyamusi pavanenge vakwegura, zvinoratidza kuora mwoyo zvingaonekwa—nevamwe uyewo nevakwegura vacho—sechinhu chisina kuipa chinoitika pakukwegura. “Zvisinei, izvi handizvo,” rinodaro bhuku rinonzi Treating the Elderly. “Kuora mwoyo kunowanika muvanhu vakwegura hakusi chinhu chinotarisirwa pakukwegura.”
Kuora mwoyo kwakanyanyisa—kwakasiyana nokungosuruvarawo zvako kana kuti kusangofara kwenguva pfupi—chirwere chakakomba chinogona kuunza migumisiro yakaipa uye hakufaniri kurerutswa. Kuora mwoyo kusingarapwi kungawedzera uye kungatonyanyisa zvokuti vamwe varwere vanenge vasisina tariro vangazviuraya. Dambudziko rokuora mwoyo muvarwere vakwegura, anotsanangura kudaro Dr. Levy, nderokuti “chinonyanya kurapika pazvirwere zvose zvepfungwa ndichowo chinonyanya kuuraya.” Kana kuora mwoyo kwacho kukapfuurira, murwere wacho angada kurapwa nachiremba ane ruzivo rwezvirwere zvezvinyamusi.b—Mako 2:17.
Vanhu vakaora mwoyo vangavimbiswa kuti Jehovha “ane rudo rukuru uye ane ngoni.” (Jakobho 5:11) “Ari pedyo nevaya vakaora mwoyo.” (Pisarema 34:18) Chokwadi, iye anopfuura vamwe vose paku“nyaradza vakaora mwoyo.”—2 VaKorinde 7:6, New American Standard Bible.
Hapana Chikonzero Chokunzwa Usingabatsiri
“Musandirasa munguva yokukwegura; musandisiya simba rangu parinenge rava kupera,” akanyengetera kudaro Mambo Dhavhidhi akatendeka anopfuura makore 3 000. (Pisarema 71:9) Kunyange muzana remakore rechi21, kufunga kwakadaro kunowanika muvanhu vakwegura vanotya kuti havazoonekwi sevanhu vanobatsira. Kutadza kuita zvimwe zvinhu kunokonzerwa noutano husina kutsarukana kunoita kuti munhu anzwe achikundikana nyore nyore, uye kumanikidzwa kurega basa kungaita kuti munhu anzwe asingakoshi.
Zvisinei, nokuisa pfungwa dzedu pane zvatinokwanisa kuita panzvimbo pokuodzwa mwoyo nezvatisisakwanise kuita, tinogona kuramba tichinzwa kuti tinokosha uye tichiri kukwanisa kuita zvimwe zvinhu. Pane izvi, mushumo weUN wakakurudzira ‘kuramba uchidzidza wakura kuchikoro uye muupenyu hwezuva nezuva, kuva nhengo yemasangano omunzanga, uye kuita mabasa echitendero.’ Ernest, mumwe weZvapupu zvaJehovha mubiki wechingwa ane unyanzvi wokuSwitzerland, muenzaniso wokubatsira ‘kwokuramba uchidzidza wakura.’ Pamakore okuma70, akasarudza kutenga kombiyuta uye kudzidza kuishandisa. Nei akaita izvozvo, nepo vakawanda pazera rake vachitya kushandisa zvinhu zvakagadzirwa nounyanzvi? “Kutanga,” akatsanangura kudaro, “ndakaita izvozvo kuti ndichengete pfungwa dzangu dzichishanda sezvandinokwegura. Uye chechipiri, kuti ndifambirane nezvinhu zvakagadzirwa nounyanzvi zvinogona kundibatsira pakutsvakurudza zvinhu zvomuBhaibheri uye kundibatsira pabasa rangu muungano yechiKristu.”
Kuita basa rinobatsira kunogona kuzadzisa zvinodiwa zvinokosha zvakawanda zvevakwegura: Kunoita kuti vanzwe vachikosha uye vachiitawo chimwe chinhu uye kungatoita kuti vawane mari. Mambo akachenjera Soromoni akataura kuti chipo chaMwari kuti munhu “afare uye aite zvakanaka muupenyu; uyewo kuti munhu wose adye, anwe, uye afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma.”—Muparidzi 3:12, 13.
Kuita Zvakawanda Sezvatingagona
Munzanga dzakawanda vakwegura ndivo vanopfuudzira ruzivo, pamwe chete netsika dzoupenyu uye dzine chokuita nokunamata, kuzvizvarwa zvinotevera. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Zvino zvandakwegura uye bvudzi rangu zvarachena, haiwa Mwari, musandisiya! Ivai neni pandinozivisa simba renyu noukuru hwenyu kuzvizvarwa zvose zvinotevera.”—Pisarema 71:18, Today’s English Version.
Zvakadini kana vakwegura vakatadziswa zvakanyanya kuita zvimwe zvinhu noutano kana kuti nemamiriro ezvinhu? Dambudziko iri rinotsamwisa Sarah ane makore 79, mumwe weZvapupu zvaJehovha, akaudza mumwe mukuru wechiKristu nezvokuora mwoyo kwake. Mukuru wacho akamuyeuchidza nezvezvinotaura Bhaibheri kuti “kuteterera kwomunhu akarurama kune simba guru.” (Jakobho 5:16) “Kwemakore akawanda,” iye akatsanangura kudaro, “wakava noushamwari hwepedyo naMwari. Iye zvino ungaita kuti isu vamwe tose zvedu tibatsirwe noukama ihwohwo paunotinyengeterera uri woga.” Iye akakurudzirwa zvikuru mukuru wacho paakati, “Sarah, tinoda kuti utinyengeterere.”
Sezvakazivikanwa naSarah, munyengetero inzira inopa mubayiro uye ine chinangwa yokuti vakwegura vakawanda vazvishandise nesimba usiku nemasikati vachinyengeterera vamwe. (VaKorose 4:12; 1 Timoti 5:5) Uyewo, minyengetero yakadaro inobatsira vakwegura vakatendeka kuswedera pedyo no“Munzwi womunyengetero,” Jehovha.—Pisarema 65:2; Mako 11:24.
Vakwegura vane zvavanotadza kuita asi vanopa vamwe ruzivo rwavo uye zvinhu, vanokosha munzanga dzavo. Vanoratidza kuti “kuchena musoro ikorona yorunako pakunowanikwa munzira yokururama.”—Zvirevo 16:31.
Zvisinei, tingabvunza nenzira yakakodzera kuti: Ramangwana rinei nokuda kwedu sezvatinokwegura? Chaizvoizvo tingatarisira kuva noupenyu huri nani mumakore okukwegura here?
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanotsvakurudza vanoti “inenge 90 kubva muzana yevanhu vose vanopfuura makore 65 havana chirwere chokurasika pfungwa.” Kana uchida mamwe mashoko ane chokuita nokurapa kurasika pfungwa, tapota ona nyaya dzinotevedzana dzinoti “Alzheimer’s Disease—Easing the Pain,” dziri muAwake! yaSeptember 22, 1998 [Mukai! yaOctober 8, 1998].
b Mukai! haitsigiri kurapa chero kupi zvako. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti kurapa kwavanosarudza kunoenderana nezvinotaura Bhaibheri. Tapota ona nyaya dzakatevedzana dzinoti “Kunzwisisa Matambudziko Ezvinyamusi,” dziri muMukai! yaJanuary 8, 2004.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Vakwegura vanowanzofunga kuti vari kukanganikwa munyika yedu yazvino inokurumidza kuita zvinhu
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]
Kubatsira Kwaungaita Vakwegura
◼ Varemekedze. “Usatsoropodza kwazvo murume akura, asi umuteterere sababa, . . . vakadzi vakura savanaamai.”—1 Timoti 5:1, 2, Analytical-Literal Translation of the New Testament of the Holy Bible.
◼ Nyatsoteerera. ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’—Jakobho 1:19.
◼ Nzwira Urombo. “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchizvininipisa, musingatsivi zvinokuvadza nezvinokuvadza kana kutuka nokutuka.”—1 Petro 3:8, 9.
◼ Ona Panodiwa Kurudziro. “Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro endarama ari mundiro dzakavezwa dzesirivha.”—Zvirevo 25:11.
◼ Vabatanidze Pane Zvaunoita. “Teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.”—VaRoma 12:13.
◼ Ipa Rubatsiro Runoshanda. “Munhu ane zvokutsigira upenyu zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, iye oramba kumunzwira tsitsi kwazvo, kuda Mwari kunoramba kuri maari sei? Vana vaduku, ngatiregei kudanana neshoko kana norurimi, asi nemabasa nechokwadi.”—1 Johani 3:17, 18.
◼ Iva Nomwoyo Murefu. “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.
Kana tikatarisira vakwegura, tinoratidza kuti tinoremekedza zvinodiwa naMwari nokuti Shoko rake rinoti: “Unofanira . . . kuremekedza munhu akwegura.”—Revhitiko 19:32.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kunyatsoongororwa nachiremba kungabatsira