Ndakatsunga Kuita Zvandaivavarira
YAKATAURWA NAMARTHA CHÁVEZ SERNA
Rimwe zuva, ndiine makore 16, ndakafenda ndichishanda zvangu pamba. Pandakamuka, ndakaona ndiri muchipatara. Ndavhiringidzika, ndichibandwa nomusoro zvakaipisisa, ndakanga ndisingagoni kuona kana kunzwa kwemaminitsi anoverengeka. Ndakatya. Chii chakanga chaitika kwandiri?
VABEREKI vangu vakanga vachishushikana, vakaenda neni kuna chiremba akati ndishandise mavhitaminzi. Akataura kuti zvakanga zvaitika izvi zvakanga zvakonzerwa nokunonoka kurara. Mwedzi inoverengeka gare gare, ndakabatwazve nepfari, uye zvadaro zvakaitikazve kechitatu. Takaenda kune mumwe chiremba, uyo aifunga kuti ndaiva nedambudziko retsinga akandipa mapiritsi.
Zvisinei, ndakanga ndava kungogara ndichibatwa nepfari. Ndaifenda, ndodonhera pasi ndobva ndakuvara. Dzimwe nguva ndaizviruma rurimi uye mukanwa. Pandaizenge ndava kuziva, ndaibandwa nomusoro zvakaipisisa uye ndaimira mwoyo. Muviri wangu wose wairwadziwa, uye nguva nenguva ndaitadza kuziva chainge chaitika ndisati ndabatwa nepfari. Kuti ndiite nani, ndaiwanzoda kuzorora ndakarara kwezuva rimwe chete kana maviri. Kunyange zvakadaro, ndaifunga kuti dambudziko iri raingova renguva pfupi—kuti ndaizokurumidza kuva noutano hwakanaka.
Zvazvakaita Pane Zvandaivavarira
Pandaiva muduku zvikuru, mhuri yedu yakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vadzidzisi vedu vaiva mapiyona chaiwo maviri, kana kuti vashumiri venguva yakazara vaipedza maawa akawanda kwazvo mwedzi woga woga vachidzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri. Ndaigona kuona kuti ushumiri hwemapiyona iwayo hwaiita kuti afare. Pandaiudza mudzidzisi wangu nevandaidzidza navo nezvezvipikirwa zveBhaibheri, ndakatanga kufarawo sezvavaiita.
Nenguva isipi, vakawanda vemhuri yedu vakava Zvapupu zvaJehovha. Ndainakidzwa chaizvo nokuparidza mashoko akanaka! Ndava nemakore manomwe, ndakanga ndovavarira kuzovawo piyona chaiye. Ndava nemakore 16, ndakatora danho guru raitungamirira kune zvandaida kuzoita izvi pandakabhabhatidzwa. Ndipo pakatanga chirwere chepfari ichi.
Ushumiri Hwoupiyona
Pasinei nezvaindinetsa mumuviri, ndaingova nepfungwa yokuti ndinogona kuva mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Asi sezvo ndaibatwa nepfari kanenge kaviri pavhiki, vamwe muungano vaifunga kuti ndakanga ndisingafaniri kuita basa iroro rinorema. Ndaisazvifarira uye zvaindiodza mwoyo. Zvisinei, nokufamba kwenguva, vamwe vaviri vakaroorana vaishumira pazvivako zvebazi reZvapupu zvaJehovha riri muMexico vakauya kuungano yedu. Vakaziva nezvechido changu chokupayona ndokundikurudzira chaizvo. Vakandibatsira kuona kuti urwere hwangu hwaisafanira kunditadzisa kupayona.
Saka, musi waSeptember 1, 1988, ndakagadzwa kuva piyona wenguva dzose muguta rokumba kwedu reSan Andrés Chiautla, muMexico. Ndaipedza maawa akawanda mwedzi woga woga ndichiparidza mashoko akanaka. Pandakanga ndisingakwanisi kuparidza pachena pamusana pechirwere changu, ndainyorera vanhu vomunzvimbo yacho tsamba dzaitaura nyaya dzeMagwaro ndobva ndavakurudzira nemashoko akanyorwa kuti vadzidze Bhaibheri.
Chirwere Changu Chinoongororwa
Panguva iyi vabereki vangu, vachishandisa mari yakawanda, vakaenda neni kuna chiremba wetsinga. Chiremba uyu akaongorora chirwere changu achibva ati ndaiva nepfari. Ndinoonga kurapwa kwandakaitwa, urwere hwangu hwakambova nani kwemakore mana. Panguva iyoyo, ndakakwanisa kupinda Chikoro Chebasa Roupiyona, kwandakakurudzirwa zvokuti chido changu chokushumira kunodiwa vaevhangeri vakawanda chakawedzera.
Vabereki vangu vaiziva kuti ndaida zvikuru sei kuwedzera basa rangu. Sezvo kurapwa kwandaiitwa kwaidzora urwere hwangu, vakandibvumira kuenda kuZitácuaro, muMichoacán State, iri kure nemakiromita 200 kubva kumba. Kusonganira nemamwe mapiyona ikoko kwakandibatsira kuti nditonyanya kukoshesa basa renguva yakazara.
Zvisinei, pashure pemakore maviri muZitácuaro, chirwere chepfari chiya chakadzokazve. Ndakadzokera kumusha kwevabereki vangu, ndaora mwoyo, ndakasuruvara uye ndichida kurapwa. Ndakaenda kuna chiremba wetsinga uyo akati marapirwo andakanga ndichiitwa akanga achikuvadza chiropa changu. Ndakatanga kutsvaka dzimwe nzira dzokurapwa nadzo, sezvo takanga tisingachakwanisi kubhadhara mari yokubvunza zvimwe kuna chiremba wacho. Urwere hwangu hwakanga huchiwedzera kuipa, uye ndaifanira kurega kupayona. Pose pandaibatwa nepfari chaiva chipingamupinyi. Asi pandaiverenga maPisarema ndonyengetera kuna Jehovha, ndainzwa simba rake nokunyaradza kwake.—Pisarema 94:17-19.
Zvandaivavarira Zvinoitika
Pandakanga ndava kurwarisa, ndaibatwa nepfari kaviri pazuva. Zvadaro zvinhu zvakachinja zvikuru. Mumwe chiremba akandipa mushonga wepfari, uye ndakatora nguva refu ndichinzwa zviri nani. Saka musi waSeptember 1, 1995, ndakavazve piyona. Utano hwangu hwakaramba huri nani, saka kwapera makore maviri ndisina kumbobatwa nepfari, ndakanyora tsamba ndichikumbira kuva piyona chaiye. Izvozvo zvaizoreva kupedza nguva yakawanda ndiri muushumiri uye kuenda kunoshanda chero kupi zvakwo kwandaidiwa. Fungidzira kuti ndakanzwa sei pandakagamuchira tsamba yokuti ndakanga ndagadzwa kuva piyona chaiye! Ndakaita zvandaivavarira kubvira ndichiri muduku.
Musi waApril 1, 2001, ndakatanga kushanda munzvimbo itsva, mumusha uri mumakomo eHidalgo State. Iye zvino ndiri kushandira muguta duku riri muGuanajuato State. Ndinofanira kungwarira chaizvo kuti ndishandise mushonga wangu uye ndizorore zvakakwana. Ndinongwarirawo zvandinodya, zvikurukuru kana zviine mafuta, caffeine, uye zvokudya zvomumagaba. Ndinoedzawo kusagumbuka kana kunyanya kuzvidya mwoyo. Asi kuzviomesera nenzira iyi kwakandibatsira. Pakushanda kwangu sapiyona chaiye, ndakangobatwa nepfari kamwe chete bedzi.
Sezvo ndisina kuroorwa uye ndisina mitoro yemhuri, ndinofara kuramba ndichishanda ndiri piyona chaiye. Ndinonyaradzwa nokuziva kuti ‘Jehovha haasi usina kururama kuti angabve akanganwa basa redu norudo rwatinoratidza nokuda kwezita rake.’ Ane rudo chaizvo, nokuti haakumbiri zvatisingagoni kumupa! Kubvuma chokwadi ichi kwakandibatsira kuti ndive nemafungiro akanaka, nokuti kana utano husina kunaka hukanditadzisa kupayona zvakare, ndinoziva kuti Jehovha anenge achingofara nebasa rangu randinomuitira nomweya wose.—VaHebheru 6:10; VaKorose 3:23.
Handina mubvunzo kuti kuudza vamwe zvandinotenda zuva nezuva kunondisimbisa. Zvinoitawo kuti ndirambe ndichinyanya kufunga nezvezvikomborero zviri mberi zvatichapiwa naMwari. Bhaibheri rinopikira kuti munyika itsva, “kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga [zvichange] zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4; Isaya 33:24; 2 Petro 3:13.
[Mifananidzo iri papeji 24]
Ndiine makore anenge 7 (pamusoro); ndiine makore anenge 16, nguva pfupi ndabhabhatidzwa
[Mufananidzo uri papeji 25]
Ndichiparidza neshamwari yangu