RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 July pp. 14-15
  • Kutarisana Nourwere Uchifara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutarisana Nourwere Uchifara
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunobatsira Muviri Nepfungwa
  • Kukosha Kukuru Kwomufaro
  • Nzira Yokubata Nayo Nemirangariro
    Mukai!—1997
  • Haana Kurega
    Mukai!—1998
  • Kukunda Kunoita Mhuri Chirwere Chisingaperi
    Mukai!—2000
  • Kurarama Zvinobudirira Nourwere Hwako—Sei?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 July pp. 14-15

Kutarisana Nourwere Uchifara

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSPAIN

CONCHI mudzimai anofara ane makore ari pakati pe40 ne60 ave achitambura nekenza kwemakore manomwe. Kubvira paakaonekwa kuti ane kenza muzamu, akavhiyiwa kanomwe kuitira kudzivisa gomarara rinopararira. Anozviita sei?

Anoti: “Nguva nenguva vanachiremba pavanondiudza mashoko asingafadzi, kana ndikanzwa ndichida kuchema, ndinochema chaizvo kuti ndibvise shungu dzacho mumuviri wangu. Zvadaro ndinoedza kuenderera mberi noupenyu hwangu uye kuita zvinhu zvandinofarira—zvakadai sokudzidza chiChina, kupinda kokorodzano dzechiKristu, uye kuenda kuzororo nemhuri yangu neshamwari. Ndinogara ndichiyeuka mashoko aJesu okuti: ‘Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?’—Mat. 6:27.

Anowedzera kuti: “Uye ndinoedza kuramba ndine mufaro. Ndinoita majee navanachiremba, kuona mafirimu anoita kuti ndiseke uye, kupfuura zvose, kuedza kuramba ndichikurukura nehama neshamwari. Kuva neshamwari dzaunogona kuseka nadzo mushonga unoshamisa. Pane imwe nguva, kwasara kanguva kuti ndinovhiyiwa, dzimwe hama neshamwari dzakandiudza zvinosetsa zvakanga zvaitika usiku hwakanga hwapfuura. Ndakapwatika kuseka zvokuti ndakaenda mukamuri rokuvhiyira ndakanyatsogadzikana.”

Conchi haasi iye oga akaona kuti kufara uye kuva nemaonero akanaka kunogona kutibatsira kukurira zvinetso zvoutano. Mazuva ano vanachiremba vava kutanga kuona kukosha kwokufara mukurwisana kwedu nemarwadzo uye chirwere.

Kunobatsira Muviri Nepfungwa

Hapana chitsva papfungwa iyi. Makore mazana matatu akapfuura, Mambo Soromoni akanyora kuti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.” (Zvirevo 17:22) Lope de Vega, munyori wokuSpain akararama muzana remakore rechi17 akanyora kuti: “Dai taigara tichifara, ndinofunga kuti tingadai tairarama takagwinya.” Asi munyika yanhasi ine zvinoodza mwoyo, zvinoita sokuti mufaro unovigwa pane kuratidzwa. Sezvineiwo, tiri kurarama munguva iyo ruzivo rwokugadzira zvinhu rwuri kubudirira asi mufaro uri kuderera. Bhuku rinonzi El arte de la risa (Unyanzvi Hwokuseka) rinotaura kuti munyika yanhasi zvinoita sokuti “Homo sapiens [vanhu] vakatsiviwa nemaHomo digitalis.” Dzimwe nguva makombiyuta anoita seari kutsiva kuseka, zviito zvakanaka, uye kunyemwerera.

Pfungwa yakanaka yokufara inobatsira varwere kuti vanyatsova nemafungiro akanaka, manzwiro, uye unhu hwakanaka. Maererano neimwe nyaya yazvino uno yaDr. Jaime Sanz-Ortiz, nyanzvi yekenza uye yemishonga inoderedza simba rezvirwere, kufara “kunoita kuti kukurukurirana kuve nyore, kunosimbisa simba rokurwisa zvirwere mumuviri, kunoderedza marwadzo, kunoderedza kushushikana, kwozorodza pfungwa uye tsandanyama dzinosununguka, uye kwoita kuti munhu aronge uye ave netariro.”

Kukosha Kukuru Kwomufaro

Nei pfungwa yakanaka yomufaro ichishanda chaizvo somushonga? Nokuti unhu hunoita kuti tikwanise kugadzirisa mamiriro ezvinhu nenzira yakanaka, kunyange mumamiriro ezvinhu asina kunaka. Sanz-Ortiz anosimbisa kuti: “Tinoramba tiine simba redu rakakwana, kuneta kunopera, uye tinobvisa kuzvinzwira tsitsi kana tichifara uye tichisekawo zuva nezuva.”

Zviri pachena kuti, zvinotiita kuti tinyemwerere kana kuti tiseke zvinosiyana pamunhu mumwe nomumwe uye parudzi norudzi. Sanz-Ortiz anotsanangura kuti: “Sezvo chakanakira mumwe chakaipira mumwe, mufaro unoenderana nepfungwa dzomunhu ari kuona.” Saka zvisinei nekwatakakurira kana kuti dzidzo yedu, pfungwa yakanaka yokufara kazhinji inzira inoshanda yokutaurirana uye chinhu chakanaka chokupedza nacho kushushikana, uye kunzwa tisina kuchengeteka. Kana zvichigona kutibatsira zvikuru, tingaita sei kuti tive nomufaro?

Danho rokutanga ratingatore nderokurega kunyanyofunga nezvezvinetso kana zvirwere zvedu totanga kuedza kunakidzwa nezvose zvakanaka zvatinazvo. Uyezve, tinofanira kuedza nepatinogona napo pose kufunga zvakanaka, tichiramba pfungwa dzisina kunyatsorurama kana kuti dzisiri dzechokwadi dzinongowedzeredza dambudziko redu. Tinogonawo kuva nomufaro nokudzidza kuona zvinhu nenzira yakasiyana. Hatifaniri hedu kugara tichiseka kana kunyemwerera, asi kana tikatsvaka zvinosetsa munyaya, zvichatibatsira kuti tiseke. “Kufara kunobvisa pfungwa dzedu pane zvinotinetsa kwekanguva uye kunotipa maonero matsva echinetso . . . , kwoita kuti tigone kubata nacho tine mazano matsva,” anodaro Sanz-Ortiz.

Ichokwadi kuti mufaro hausi mushonga wechinetso chose chatinonangana nacho muupenyu, kunyange zvakadaro uchatibatsira kakawanda kubata nezvinetso tine maonero akanyatsonaka, akadzikama. Sezvakaonekwa naConchi, “kurwara hakunakidzi, asi unofanira kuedza kuramba uine mufaro. Ndinofananidza upenyu hwangu nebindu remiriwo rine zvirimwa zvemarudzi akasiyana siyana zvakawanda, chimwe chazvo—zvinosuruvarisa kuti—chirwere changu. Asi, ndinoedza kuchiisa kwacho choga kuti chisavhunge zvimwe. Ichokwadi kuti, handigoni kutaura kuti ndakakunda kenza, asi ndichiri kunakidzwa noupenyu, uye izvozvo zvinokosha zvikuru.”

[Mufananidzo uri papeji 15]

Conchi anokurudzirwa nomurume wake, Felix, uye munun’una wake Pili

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe