RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 July pp. 12-13
  • Kuzvikudza Kwakaipa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzvikudza Kwakaipa Here?
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahamu Aizvikudza Here?
  • Maonero Akasiyana eChinzvimbo, Mukurumbira, uye Simba
  • Kuzvininipisa Kunotungamirira Kukukwidziridzwa
  • VaKristu Vechokwadi Havazvikudzi
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Zvakafanira Vanhu Vose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Abrahamu—Murume Aiva Nerudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 July pp. 12-13

Zvinotaura Bhaibheri

Kuzvikudza Kwakaipa Here?

“ASI pane chakaipa here nokuva nomukurumbira, pfuma uye simba?” Mubvunzo uyu wakanga uri mumushumo wesangano rechitendero pasi pomusoro waiti “Dambudziko Retsika.” Nyaya yacho yaitaura nezvemashoko aMwari kuna Abrahama okuti: “Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako.”—Genesi 12:2.

Kunyange zvazvo mushumo wacho wakati “kuzvikudza hakufaniri kuitwa kusvikira pakukuvadza vamwe,” wakatora mashoko arabhi akakurumbira womuzana rokutanga ramakore, uyo akati: “Kana ndisingazvitsigiri ini pachangu, ndiani achanditsigira?” uye akazopedzisa achiti: “Kana tisingazivi zvatinogona kuita hapana mumwe achatiitira.” Kuzvikudza kungava dambudziko here kune vaya vanoda kushumira Mwari? Chii chinobatanidzwa mukuziva zvatinogona kuita? Kuzvikudza kwakaipa here? Bhaibheri rinoti chii?

Abrahamu Aizvikudza Here?

Abrahamu anotaurwa nezvake muBhaibheri somurume aiva nokutenda kukuru. (VaHebheru 11:8, 17) Mwari akanga asingakurudziri Abrahamu kuti azvikudze nokumuvimbisa kuti aizoita rudzi rukuru kubva kwaari uye kuti zita rake rikurumbire. Mwari akanga achitaura chinangwa chake chokuropafadza vanhu achishandisa Abrahamu, chinangwa chaikosha zvikuru kupfuura zvaigona kuitwa nevanhuwo zvavo.—VaGaratiya 3:14.

Paaivavarira kuramba akazvipira kuna Mwari, Abrahamu akasiya upenyu hwomutambarakede muUri. (Genesi 11:31) Gare gare, achiitira kuti pave norugare, Abrahamu nokuzvidira akarega kushandisa simba nechiremera paakapa Roti, mwana womukoma wake nzvimbo yakanakisisa yenyika kuti agare. (Genesi 13:8, 9) MuBhaibheri hamuna chinoratidza Abrahamu somurume aizvikudza. Asi, kutenda kwake, kuteerera, uye kuzvininipisa ndizvo zvakamuita kuti adiwe naMwari ‘seshamwari’ chaiyo.—Isaya 41:8.

Maonero Akasiyana eChinzvimbo, Mukurumbira, uye Simba

Kuzvikudza kunotsanangurwa so“kunyanya kuda chinzvimbo, mukurumbira, kana kuti simba.” Munguva dzekare Mambo Soromoni aiva nechinzvimbo, mukurumbira uye simba, pamwe chete nepfuma yakawanda zvikuru. (Muparidzi 2:3-9) Zvisinei, zvinofadza kuti haana kutanga achida zvinhu izvi zvakanyanya. Soromoni paakagara nhaka umambo, Mwari akamuti akumbire zvose zvaaida. Soromoni nokuzvininipisa akakumbira mwoyo unoteerera uye uchenjeri hwokukwanisa kutonga vanhu vakasarudzwa vaMwari. (1 Madzimambo 3:5-9) Gare gare, pashure pokutsanangura uwandu hwose hwepfuma nesimba zvaakanga awana, Soromoni akati “zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi.”—Muparidzi 2:11.

Soromoni akambotaura chinhu here nezvokusvika kwevanhu panogumira zvavanokwanisa? Neimwe nzira akataura. Pashure pokuongorora zvaakasangana nazvo zvakawanda muupenyu, akagumisa achiti: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Muparidzi 12:13) Vanhu vanosvika panogumira zvavanokwanisa, kwete nokuti vava nechinzvimbo, pfuma, mukurumbira, kana kuti simba, asi nokuita kuda kwaMwari.

Kuzvininipisa Kunotungamirira Kukukwidziridzwa

Kutaura zvazviri, hapana chakaipa nokuzvida zvine mwero. Bhaibheri rinotirayira kuda vavakidzani vedu sokuda kwatinozviita. (Mateu 22:39) Ndezvomuzvarirwo kuda kugarika uye kufara. Asi Magwaro anokurudzirawo kushanda nesimba, kuzvininipisa, uye kuva nomwero. (Zvirevo 15:33; Muparidzi 3:13; Mika 6:8) Vanhu vakatendeseka uye vakavimbika uyewo vanoshanda nesimba vanowanzoonekwa, vanowana mabasa akanaka, uye vanoremekedzwa. Chokwadi, kutevera nzira iyi kuri nani pane kushandisa vamwe kuti zvinhu zvitinakire kana kuti kukwikwidzana nevamwe kuti tiwane chinzvimbo.

Jesu akayambira vateereri vake nezvokuzvisarudzira kwavaiita nzvimbo yepamusorosoro pamutambo womuchato. Akavakurudzira kuenda kunzvimbo yakadera kupfuura dzimwe uye kuti vamirire avakoka kuti avagarisezve. Achinyatsotaura chokwadi chinokosha chinobatanidzwa, Jesu akati: “Munhu wose anozvikudza achaninipiswa uye anozvininipisa achakudzwa”—Ruka 14:7-11.

VaKristu Vechokwadi Havazvikudzi

Bhaibheri rinoratidza kuti kunyanya kuzvikudza kwakabatana nokusakwana kwevanhu. (Jakobho 4:5, 6) Muapostora Johani pane imwe nguva akazvikudza. Chido chake chechinzvimbo chakanga chakasimba zvokuti, iye nomunun’una wake, vakashinga kukumbira Jesu zvinzvimbo zvepamusorosoro muUmambo. (Mako 10:37) Johani akazochinja mafungiro ake. Kutaura zvazviri, mutsamba yake yechitatu, akanga aine mashoko akasimba okutsiura Dhiyotirefesi, uyo waakati, “anoda kuva nenzvimbo yokutanga.” (3 Johani 9, 10) VaKristu nhasi vanokoshesa mashoko aJesu uye vozvininipisa, uyewo vachitevera muenzaniso womuapostora Johani akanga akwegura, uyo akadzidza kusada kuzvikudza.

Zvisinei, kutaura zvazviri, zvinofanira kutaurwa kuti zvipo zvomunhu, zvaanokwanisa kuita, mabasa akanaka, uye kushanda nesimba hazvivimbisi kuti munhu acharemekedzwa. Pane dzimwe nguva vanorumbidzwa nevamwe vanhu asi pamwe havarumbidzwi. (Zvirevo 22:29; Muparidzi 10:7) Dzimwe nguva, vaya vasina ruzivo rwakakwana vanogona kupiwa zvinzvimbo zvokuva nesimba, asi vane ruzivo rwuri nani vasingamboonekwi. Munyika ino isina kukwana, vaya vanowana chinzvimbo uye simba vangasava vari ivo vanonyatsokwanisa basa.

KuvaKristu vechokwadi, nyaya yokuzvikudza haisi dambudziko retsika. Hana dzavo dzakarovedzwa neBhaibheri dzinovabatsira kusazvikudza. Vanongoedza kuita zvose zvavanogona mumamiriro ose ezvinhu, kuti Mwari apiwe mbiri, uye vanosiyira zvinozoitika mumaoko ake. (1 VaKorinde 10:31) VaKristu vanoedza kusvika panogumira zvavanokwanisa kuita nokutya Mwari uye kuchengeta mirayiro yake.

[Mufananidzo uri papeji 12, 13]

Mwari akakurudzira Abrahamu kuzvikudza here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe