Kubatsira Vaduku Vanhasi
NHASI vaduku vari kukurira munyika inombotyisa dzimwe nguva. Vamwe vavo vanongotarisa vasina chavanokwanisa kuita vabereki vavo pavanoparadzana kana kuti kurambana. Vamwe vanoona vavanodzidza navo kuchikoro vachishandisa zvinodhaka uye vachipara mhosva. Vakawanda vanomanikidzwa nevamwe vavo vose zvavo vechikomana kana kuti vechisikana kuti vaite unzenza. Uye vanoda kuva vechiduku vose vanotambura pano neapo nokusurukirwa, kusanzwisiswa, uye kuora mwoyo.
Vaduku vanodei kuti vakunde matambudziko avari kusangana nawo? “Vana vanoda mitemo yetsika yakatsiga,” anonyora kudaro Dr. Robert Shaw, “iya yakanyatsoti tsvikiti inovabatsira kusarudza shamwari dzakanaka, kuita zvisarudzo zvakanaka, uye kunzwira vamwe tsitsi.” Bhaibheri rinopa mitemo yetsika yakatsiga iyoyo nokuti rine pfungwa dzoMusiki. Ndiani angaziva zvakawanda kudarika Jehovha Mwari pamusoro pezvatinoda kuitira kuti tirarame munguva ino ine zvinetso?
Kutungamirira Kwechokwadi, Kunobatsira
Mazano ari muBhaibheri ndeechokwadi uye anobatsira. Anokosha kwazvo kuvabereki uye kune vamwewo vanhu vakuru vanoda kubatsira vaduku pavanenge vachikura.
Somuenzaniso, Bhaibheri rinonyatsobvuma kuti “upenzi hunonamatira mumwoyo womwana,” kana kuti sezvinotaurwa muToday’s English Version, kuti “vana vanongoita zvinhu zvoupenzi, zvinhu zvisina musoro.” (Zvirevo 22:15) Vamwe vaduku vanoita sevanhu vakuru, asi vanenge vachingori vaduku vasati vava noruzivo. Zvavanenge vasina ruzivo kudaro, vanenge vachinzwawo kusachengeteka, vaine zvavanodawo, uye zvimwewo zvinovanetsa zvinosanganwa nazvo mukukura. (2 Timoti 2:22) Vaduku ava vangabatsirwa sei?
Bhaibheri rinokurudzira vabereki nevana kuti vagare vachitaura vose. Rinokurudzira vabereki richiti: ‘Taura zvinodiwa naMwari kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchirara pasi, kana uchimuka.’ (Dheuteronomio 6:6, 7) Kukurukurirana kwakadaro kunobatsira zvinhu zviviri. Chokutanga, kunorayiridza wechiduku nzira dzaMwari. (Isaya 48:17, 18) Chechipiri, kunoita kuti vabereki nevana vagare vachitaura vose. Izvi zvinonyanya kukosha munguva yokukura, pavanganzwa vachiti nyarei uye vakasurukirwa.
Zvechokwadi, vechiduku vakawanda vanombonzwa kusurukirwa. Zvisinei, vamwe vanotogara vakasurukirwa nguva dzose. “Vana ivava vanotaura kuti zvakavaomera kuita shamwari kuchikoro, vanoti havana wokutaura naye, vanonzwa vari voga, zvakavaomera kuita kuti vadiwe nevamwe vana, uye vanonzwa sokuti hapana munhu wavanogona kutaura naye pavanenge vava kuda kubatsirwa,” rinodaro rimwe bhuku rinotaura zvevechiduku.a
Vabereki nevanhu vakuru vane hanya vanogona kufarira vechiduku uye kuvabatsira kuti vakurire zvinetso zvavo. Sei? “Nzira bedzi yokuziva zvinenge zvichifungwa nevachiri kukura ndeyokuvabvunza,” anonyora kudaro mumwe munyori mukuru wemagazini yevaduku. Zviri pachena kuti zvinoda nguva uye kushivirira kubatsira vechiduku kuti vabudise zvinenge zvichivanetsa pamwoyo. Asi migumisiro yacho yakanaka kwazvo.—Zvirevo 20:5.
Kudiwa Kwokupa Mitemo Iri Pakati Nepakati
Kuwedzera pakukurukurirana, vechiduku vanoda—uye nochomukati-kati—mitemo iri pakati nepakati. Bhaibheri rinotaura kuti “mwana wangoregwa hake unonyadzisa amai vake.” (Zvirevo 29:15) Nyanzvi dzinodavira kuti kushayikwa kwemitemo yakajeka ndiko kungava kuri iko kunokonzera misikanzwa yevaduku. “Kana mwana asina zvachose zvinomudzora uye asingambonzwi shoko rokuti ‘kwete’ kana kupiwa mitemo,” anodaro Shaw, ambotaurwa, “haambovi nomukana wokudzidza kuti vamwe vanhu vane upenyu hwavo, pfungwa, vane zvavanoda, uye zvisarudzo zvavowo. Pfungwa yake yokunzwira tsitsi zvainenge isina kunyatsoumbiridzwa, mwana wacho haazokwanisi kuva norudo.”
Dr. Stanton Samenow, uyo akashanda kwemakore akawanda nevaduku vane matambudziko, anotaurawo saizvozvo. “Vamwe vabereki vanodavira kuti vana vanofanira kurarama vachiita madiro,” anonyora kudaro. “Nokusaziva vanofunga kuti kupa mitemo kana mirayiro kuisa mutoro unorema pamwana wavo uye zvinomutadzisa kutamba uduku hwake. Asi kutadza kwavo kuisa mitemo kunoita kuti pave nemigumisiro inoparadza. Vabereki ava havazivi kuti mukomana kana kuti musikana asingapiwi chirango angawana zvakamuomera kuzviranga.”
Izvi zvinoreva here kuti vabereki vanofanira kunyanya kuomesa? Kwete. Kuisa mitemo, inongova imwe yenzira dzokurera zvinobudirira. Kana kukanyanyisa, kudzika mitemo yakaoma kungaita kuti musha uve nzvimbo isingafadzi. Bhaibheri rinoti: “Imi madzibaba, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21; VaEfeso 6:4.
Saka, nguva nenguva, vabereki vanofanira kuongorora nzira dzavanopa nadzo mirayiridzo nechirango, zvikurukuru vana vavo zvavanenge vachikura uye votanga kuratidza kuti vakura. Zvichida mimwe mirayiro kana kuti mitemo ingarerutswa kana kugadziridzwa, zvichienderana nokuti muduku wacho ava kukwanisa kufunga zvine musoro.—VaFiripi 4:5.
Kuita Kuti Pave Nekurukurirano
Sezvataurwa munyaya yedu yapfuura, Bhaibheri rakafanotaura kuti Mwari asati apindira kuti abvise uipi hwenyika, nyika yaizosangana ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Uchapupu hunoratidza kuti tiri kurarama munguva iyoyo chaiyo—“mazuva okupedzisira” emamiriro ano ezvinhu evanhu vasingadi Mwari. Kufanana nevakuru, vechiduku vanofanira kutsungirira upenyu munyika ine vanhu “vanozvida, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, . . . vasingazvidzori.”—2 Timoti 3:1-5.b
Vabereki vanofunga kuti havachakwanisi kubatsira mwanakomana kana mwanasikana wavo ari kukura vanogona kutanga kukurukura naye, nguva nenguva. Zvinofadza kuti vabereki vakawanda vari kuedza nepavanokwanisa kushandisa zvakanaka simba ravo uye kuvapo chaizvoizvo muupenyu hwevana vavo.
Bhaibheri rinobatsira chaizvo panyaya iyi. Rakabatsira vabereki vakawanda kuita basa ravo uye rabatsira vaduku kuti vasaita zvinhu zvine ngozi. (Dheuteronomio 6:6-9; Pisarema 119:9) Sezvo Bhaibheri richibva kuMusiki, Jehovha Mwari, tinogona kuvimba kuti ndiro rinonyatsogona kubatsira vaduku vanhasi.c
[Mashoko Omuzasi]
a Bhuku irori rinoti kusiyana nomuduku anombosurukirwa pano neapo, muduku anogara akasurukirwa nguva dzose, kakawanda anonzwa ari oga uye kwenguva yakati rebei. “Anofunga kuti kusava kwake neshamwari ndokwechigarire, hakudzoreki, uye kuti kunokonzerwa nezvimwe zvinhu zvakakanganisika paari” uyewo izvozvo “hazvigoni kana kuti hazvichachinji.”
b Ona chitsauko 11 chebhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
c Zvapupu zvaJehovha zvakawana bhuku reBhaibheri rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda richibatsira zvikuru. Zvitsauko zvaro 39 zvinopindura mibvunzo inotokonya pfungwa. Mimwe misoro irimo ndeiyi: “Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?” “Ndinogona Sei Kugonana Nedzvinyiriro Yevezera Rangu?” “Ndinogona Seiko Kuita Kuti Ushoma Hwangu Hubve?” “Ndagadzirira Kuronga Misi Yokuvhakacha Here?” “Hurambirei Mirimo?” “Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?”
[Mufananidzo uri papeji 10]
Udza munhu mukuru ane hanya zvinhu zvinenge zvichikunetsa