RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 July pp. 3-4
  • Vaduku Vari Mumatambudziko

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vaduku Vari Mumatambudziko
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinodhaka—Zviri Kukuvadza Miviri Yevaduku
  • Unzenza
  • Vechiduku Vane Matambudziko Api?
    Mukai!—2009
  • Kuita Bonde Nemumuromo Kunganzi Kuita Bonde Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 July pp. 3-4

Vaduku Vari Mumatambudziko

◼ MuUnited States, mumwe mudzidzi ane makore 15 anoridzira pfuti kune vaanodzidza navo, achiuraya 2 okuvadza 13.

◼ MuRussia, rimwe boka revachiri kukura vakadhakwa rinoponda noutsinye musikana ane makore mapfumbamwe ndokurova baba vake nehanzvadzi yake.

◼ MuBritain, mukomana ane makore 17 anorova obaya nebanga mumwe muduku achiri kukura. “Pakutanga ndakanga ndisingadi kumuuraya,” anodaro kumapurisa, “asi pandakaona ropa ndakati regai ndichingopedzisa.”

ZVINHU zvinorovesa hana zvakafanana neizvi zviri kungogara zvichiitika. Hazvigoni kungoonekwa sezvinhuwo hazvo zviri kungoitika. “Chisimba chinoitwa nevaduku ndiro dambudziko guru munzanga yedu,” inodaro imwe nyaya iri muProfessional School Counseling. Nhamba dzinotsigira mashoko aya.

The U.S. National Center for Education Statistics inoti kunyange zvazvo munyika iyoyo chisimba chinonzi chinoitirwa kuchikoro chati dzikirei, “zvinonzi vadzidzi vane makore 12 kusvika ku18 vakapara mhosva dzechisimba dzisina hadzo kuzouraya munhu pachikoro kana kuti dzoumbavha dzinenge mamiriyoni maviri muna 2001.” Mishumo yokudheerera vamwe kuchikoro yave ichiwedzerawo.

Asi hachisi chisimba chose chinoitwa nevaduku muUnited States chinongoitirwa vamwe vadzidzi. “Mumakore mashanu kubvira muna 1997 kusvika muna 2001,” mushumo uyu unoti, “vadzidzisi ndivo vakaitirwa mhosva idzodzi kuchikoro dzinenge 1,3 miriyoni dzisina hadzo kuzovauraya, kusanganisira mhosva 817 000 dzokubirwa zvinhu uye 473 000 dzechisimba.” Uyezve, “vadzidzisi 9 muzana vezvikoro zvose zvokupurayimari nezvesekondari vakatyisidzirwa kukuvadzwa nomudzidzi, uye 4 muzana vakarohwa nomudzidzi.”

Zvakadini mune dzimwe nyika? “Nyika yeChina yakasunga vaduku 69 780 vakatyora mutemo muna 2003,” rinodaro rimwe sangano rinobudisa nhau, “kuwedzera ne12,7 muzana kudarika muna 2002.” Sangano iroro rinobudisa nhau rinoti “mhosva dzinoitwa nezvikwata dzakaparwa ne70 muzana yevaduku.” Mamwe mashoko akabva kuJapan muna 2003 akataurawo saizvozvo kuti vaduku ndivo vakapara hafu yemhosva dzakaitwa mumakore gumi adarika.

Zvinodhaka—Zviri Kukuvadza Miviri Yevaduku

Humwe uchapupu hwokuti vane zviri kuvanetsa hunosanganisira kukuvadza kuri kuita vaduku vakawanda miviri yavo. Mumwe mushumo weU.S. National Institute on Drug Abuse unoti inenge hafu yevaduku munyika iyoyo vakamboedza kushandisa zvinodhaka zvisingabvumirwi vasati vapedza chikoro chesekondari. Mushumo wacho unotizve: “Kunwa doro kwaramba kuchingopararira kwazvo pavaduku vanhasi. Vanoda kusvika vana pavadzidzi vashanu voga voga (77%) vakanwa doro (kwete shomanana) vava kupedza chikoro chesekondari; uye vanoda kusvika hafu (46%) vakarinwa vari mugiredhi rechisere.”

Unzenza

Munguva ino yapararira chirwere cheAIDS, hapana mubvunzo kuti unzenza hune ngozi. Kunyange zvakadaro, zvinoita sokuti vaduku vakawanda vanoona kurara nomumwe munhu somutambowo zvawo usingakuvadzi. Somuenzaniso, vamwe vaduku vokuAmerica, vanotaura vasina kana hanya nezvo“kumborara nomunhu usiku humwe chete”—vachida kuita kuti kurara nomunhu wavasina kuroorana naye kuratidzike sokusingakuvadzi. Vanotaura nezvokuva “neshamwari yakanaka”—munhu wokungorara naye asi mwoyo wako usiri kwaari.

Mumwe munyori anonzi Scott Walter anorondedzera mapati ounzenza anoitwa nevamwe vaduku mudzimba dziri kunze kweguta vabereki vavo vari kumabasa. Pane imwe pati yakadaro, mumwe musikana wechiduku akazivisa kuti “aizenge ari kurara nevakomana vose vaivapo. . . . Vana vaduku zvikuru vamwe vanotova nemakore 12 vaivapowo pamapati aya.”

Izvi zvinotyisa here? Izvi hazvityisi kunyanzvi dzakadzidza miitiro yevachiri kukura yokurara nevanhu. “Makore 20 adarika,” anonyora kudaro Dr. Andrea Pennington, “takaona avhareji yezera revachiri kukura vachitanga kurara nevanhu vari vaduku zvikuru. Hazvichamboshamisi kuona vakomana nevasikana vachitanga kurara nomumwe munhu vaine makore mashomanana zvikuru akadai se12.”

Mushumo wakapiwa nepepanhau rinonzi USA Today ndiwo unotonyanya kuodza mwoyo unoti: “Nhamba iri kuramba ichiwedzera yevachiri kukura, vaduku zvikuru vomunyika ino . . . vari kurara nomumwe munhu nomumukanwa. . . . Vana vakasvika pakuzvitendisa kuti ‘uku hakusi kurara nomumwe munhu chaiko.’” Maererano neimwe ongororo yakaitwa pavasikana 10 000, “makumi masere muzana vakati vaiva mhandara, asi 25% vakanga vamborara nomumwe munhu nomumukanwa. Uye 27% vakarondedzera muitiro uyu ‘sechimwe chinhu chaunoita nomukomana kuti muzvivaraidze.’”

Maonero akadaro ezvepabonde akapindawo zvishoma nezvishoma mune dzimwe nyika. “Vaduku vokuAsia vangangove vaine HIV yavakawana varara nomumwe munhu, vakawanda vacho vachitanga kunzwa kuda kurara nomumwe munhu vachiri vaduku zvikuru,” inodaro UNESCO, ichizotiwo: “Vaduku vakawanda havasi kuteerera tsika dzokuAsia dzevabereki vavo nokuti vari kurara nevanhu vasati varoora kana kuroorwa, kazhinji kacho nevanhu vakawanda.”

Pane zvimwezve zviri kuratidza kuti vaduku vari mumatambudziko here? Pepanhau rokuCanada rinonzi Women’s Health Weekly rinoti: “vakadzi 25 muzana vane makore ari pakati pe16 ne19 vanombova nenguva yavanoora mwoyo zvikuru.” Zvisinei, kuora mwoyo chirwere chiri kutambudza vanhu vose. Maererano neU.S.News & World Report, gore negore vaduku vanosvika zviuru zvishanu vanozviuraya. Nokuda kwechimwewo chikonzero, mushumo wacho unoti, “vakomana ndivo vanowanzozviuraya kudarika vasikana nekatanhatu.”

Hapana mubvunzo kuti, chizvarwa chevaduku vanhasi chiri kutambudzika zvikuru. Dambudziko racho riri kumbokonzerwa nei?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

STR/AFP/Getty Images

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe