RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January pp. 15-17
  • Nei Ndichifanira Kuita Basa Remaoko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Ndichifanira Kuita Basa Remaoko?
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidzira Basa Remaoko Kunokubatsira Muupenyu
  • Kuvaka Unhu Hwakanaka
  • Basa Dzvene
  • Madzidziro Aunoriita
  • Zvaungaita Kuti Ufarire Kushanda Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Farira Basa Rako
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Fadzwa Nekushanda Nesimba
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Kushanda Zvakaoma—Apo Kuri Kwakanaka
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 January pp. 15-17

Nei Ndichifanira Kuita Basa Remaoko?

“Handina kumbofungidzira ndichiita basa remaoko rakawanda. Ndainakidzwa chaizvo nokushandisa kombiyuta yangu.”—Nathan.

“Vamwe vana vaitarisira pasi isu taiita basa remaoko, sokunge kuti takanga tisina kuchenjera sevamwe.”—Sarah.

BASA REMAOKO—rinoonekwa nevakawanda serinofinha, routsvina, uye risingafarirwi. Mumwe purofesa wezvoupfumi akati nezvemabasa emaoko: “Mabasa iwaya haana kunyanya kukurumbira munyika ino inosimudzira mukurumbira.” Saka hazvishamisi kuti vaduku vakawanda vanozvidza pfungwa yokuita basa remaoko.

Zvisinei, Bhaibheri rinosimudzira maonero akati siyanei ebasa remaoko. Mambo Soromoni akati: “Hakuna chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu adye, anwe, afadze mweya wake nezvakanaka pakati pokubata kwake.” (Muparidzi 2:24) Munguva inotaurwa muBhaibheri, vaIsraeri vaiita zvokurima. Kurima, kukohwa, uye kupura zvose zvaida simba kwazvo. Asi, Soromoni akataura kuti kushanda nesimba kwaizopa mibayiro yakawanda.

Kwapera mazana emakore, muapostora Pauro akati: “Anoba ngaachirega kuba, asi panzvimbo paizvozvo ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake.” (VaEfeso 4:28) Pauro pachake aiitawo basa remaoko. Kunyange zvazvo akanga ari murume akadzidza zvikuru, dzimwe nguva aizvitarisira nokugadzira matende.—Mabasa 18:1-3.

Unoona sei zvokushanda nemaoko ako? Ungave uchizviziva kana kuti kwete, basa remaoko rinogona kukubatsira munzira dzakawanda.

Kudzidzira Basa Remaoko Kunokubatsira Muupenyu

Kushanda nesimba pabasa remaoko—zvichida nokushandisa sando kana nokushandisa muchina wokucheka uswa—kungaita kuti uve noutano hwakanaka. Zvinogona kukubatsira zvakatokura kupfuura kungova noutano hwakanaka. Unoziva kunama tai rinenge raponja here kana kuchinja oiri mumotokari? Unogona kugadzirisa hwindo rinenge rapwanyika here kana kugadzirisa paipi inenge isingachafambisi mvura zvakanaka? Unogona kubika here? Unogona kunyatsochenesa mumba mokugezera here? Zvakanaka kuti majaya nevakadzi vechiduku vazive unyanzvi uhwu, hunogona kukubatsira kuti ubudirire kurarama uri woga rimwe zuva.

Zvinofadza kuti Jesu Kristu pachake akava nyanzvi mune mamwe mabasa emaoko paaiva pasi pano. Hapana mubvunzo kuti akadzidzira basa rokuveza—kuna baba vake, Josefa—sezvo akasvika pakuzonzi muvezi. (Mateu 13:55; Mako 6:3) Iwewo unogona kudzidza mabasa anobatsira akasiyana-siyana nokushanda nemaoko ako.

Kuvaka Unhu Hwakanaka

Basa remaoko rine zvaringaita panzira yaunozviona nayo. Achinyorera U.S. National Mental Health and Education Center, Dr. Fred Provenzano anotaura kuti kudzidzira mabasa emaoko kunogona kuwedzera “pfungwa yokuti unogona kuzviriritira uye kunzwa uine chivimbo” uye “kunogonawo kubatsira munhu kuti ave akarongeka, izvo zvinoita kuti munhu abudirire pabasa.” Rimwe jaya rinonzi John rinoti: “Basa remaoko rinokubatsira kuti udzidze kushivirira. Unodzidza nzira yokugadzirisa nayo zvinetso.”

Sarah, ambotaurwa, anotsanangura kuti: “Kuita basa remaoko kwakandidzidzisa kushanda nesimba uye kubishaira. Ndakadzidza kuzviranga mupfungwa uye mumuviri.” Basa rakaoma rinofanira kufinha here? Nathan anoti: “Ndakadzidza kunakidzwa nokuita basa remaoko. Zvandakanatsiridza unyanzvi hwangu, ndakaona kuti basa rangu rakawedzera kunaka. Izvi zvakaita kuti ndinzwe ndichiremekedzeka.”

Basa remaoko rinogonawo kukudzidzisa kuwana mufaro unobva pakuziva kuti waita chimwe chinhu. Rimwe jaya rinonzi James rinotaura izvi richiti: “Ndinofarira kuveza. Kunyange zvazvo dzimwe nguva kuchinetesa, ndinogona kutarira nguva dzose kune chinhu chandinenge ndagadzira ndonzwa kuti ndine zvandaitawo. Izvozvo zvinonyatsogutsa.” Brian anotaurawo saizvozvi. “Ndinofarira kugadzira motokari. Kuziva kuti ndinogona kugadzira chimwe chinhu chinenge chafa uye kuita kuti chishande sechitsva kunoita kuti ndinzwe ndiine chivimbo uye ndichigutsikana.”

Basa Dzvene

Kana vari vaduku vechiKristu, kukwanisa kuita basa remaoko kunogona kubatsira pavanenge vachishumira Mwari. Mambo Soromoni paakapiwa basa rokuvakira Jehovha temberi yakaisvonaka, akaziva kuti basa iri raizoda kushanda nesimba nounyanzvi hwakawanda. Bhaibheri rinoti: “Mambo Soromoni akatuma vanhu kundotora Hirami paTire. Iye wakanga ari mwanakomana wechirikadzi yorudzi rwaNaftari; baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; iye wakanga akangwara kwazvo ane njere noumhizha kubata mabasa ose endarira. Akauya kuna mambo Soromoni, akabata mabasa ake ose.”—1 Madzimambo 7:13, 14.

Yaiva ropafadzo huru kwazvo kuna Hirami kuti ashandise unyanzvi hwake kusimudzira kunamatwa kwaJehovha! Nhoroondo yaHirami inosimbisa chokwadi chemashoko eBhaibheri ari pana Zvirevo 22:29 anoti: “Unoona munhu unoshingaira pabasa rake here? Uchamira pamberi pamadzimambo; haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi.”

Nhasi, kunyange vaduku vane unyanzvi hwokuvaka hushoma kana kuti vasina vakava neropafadzo yokuvakawo Dzimba dzoUmambo. Nemhaka yokubatanidzwawo mumabasa akadaro, vamwe vakadzidza mabasa anobatsira akadai seokugadzira magetsi, okugadzira mapombi emvura, kuvaka, uye kuveza. Zvichida ungakurukura nevakuru vekwako kuti uwanewo mukana wokuvaka Dzimba dzoUmambo.

James, uyo akashanda pakuvakwa kweDzimba dzoUmambo dzakawanda, anoti: “Vakawanda muungano vangave vasina nguva kana kuti unyanzvi hwokubatsira. Saka nokubatsira, unenge uri kutoyamura ungano yose.” Nathan, uyo akadzidzira kugadzira kongiri, akawana kuti unyanzvi uhwu hwakamuzarurira rimwe basa rokuitira Mwari. Anoti: “Ndakaenda kuZimbabwe ndokushandisa unyanzvi hwangu kubatsira kuvakwa kwehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Ndakashanda ikoko kwemwedzi mitatu, uye iyoyo ndiyo nguva yandakanakidzwa zvikuru muupenyu hwangu.” Kune vamwewo vechiduku, kuda kuita basa remaoko kwakaita kuti vanyorere vachikumbira kushumira sevazvipiri pane imwe hofisi yebazi rekwavo reZvapupu zvaJehovha.

Kuva nyanzvi mumabasa emaoko kunogonawo kuita kuti ‘ugutsikane.’ (1 Timoti 6:6) Vaduku vakawanda vari Zvapupu zvaJehovha vanoshumira semapiyona, kana kuti vaevhangeri venguva yakazara. Kudzidzira rimwe basa kwakabatsira vamwe kuti vazviriritire mune zvemari vasina kupedza nguva yakawanda nemari kuchikoro chokunyika.

Madzidziro Aunoriita

Zviri pachena kuti zvisinei nokuti unofarira kuita rimwe basa rinokupa mari yokurarama kana kuti unongoda zvako kudzidza mabasa epamba, unogona kubatsirwa nokudzidzira basa remaoko. Zvichida chikoro chokwenyu chinoitisa makosi emamwe mabasa. Pamwe ungadzidzirawo rimwe basa pamba chaipo. Sei? Nokudzidza kuita mabasa epamba. Dr. Provenzano, ambotaurwa anonyora kuti: “Mabasa epamba anokosha zvikurukuru kuvayaruki nokuti anodzidzisa ‘unyanzvi hwokurarama’ hunokosha hunozobatsira vayaruki kuti vabudirire uye vakwanise kurarama vasisiri nevabereki vavo kana nguva yacho yasvika.” Saka ona kana pane zvinoda kuitwa pamba. Pane uswa hunoda kuchekwa here kana sherufu inoda kugadziriswa?

Pane kuaona seakaderera, mabasa emaoko anogona kukubatsira munzira dzakawanda. Usaramba kuita mabasa emaoko! Asi edza ku‘farira zvakanaka’ zvinokonzerwa nokushanda kwako nesimba, sezvinotaurwa pana Muparidzi 3:13 kuti, “chipo chaMwari.”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

Kudzidzira basa kwakabatsira vaduku vakawanda kuwedzera basa ravo ravanoitira Mwari

[Mifananidzo iri papeji 17]

Kazhinji kacho vabereki vako ndivo vanogona kukudzidzisa unyanzvi hunokosha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe