RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January p. 18
  • ‘Magazini Inotsigirwa naMwari’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Magazini Inotsigirwa naMwari’
  • Mukai!—2005
Mukai!—2005
g05 January p. 18

‘Magazini Inotsigirwa naMwari’

MUMWE murume ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha muNigeria akapinda musangano wakarongwa neInter-African Committee on Women and Children. Akaenda nemakopi maviri eMukai! akanga achangobva kubuda.

Pazuva rokutanga romusangano wacho, murume uyu akaona kuti mukurukuri akanga achishandisa pfungwa dzaiva mune imwe magazini yaakanga aenda nayo. Nyaya dzinotevedzana dzaiva nomusoro waiva pabutiro remagazini yacho waiti “Life is Worth Living.” (October 22, 2001, Chirungu) Saka akabva akurumidza kubudisa magazini yake achibva atanga kufamba nomukurukuri.

Zuva racho rapera, rimwe gweta iro raizofanira kutaura pazuva raitevera rakaona butiro reimwe magazini yeMukai! yaiva nomudzidzi weBhaibheri uyu, yaiva nenyaya dzinotevedzana dzaiva nomusoro waiti “Kubatsira Vakadzi Vanorohwa Nevarume.” Gweta racho rakaikumbira. Usiku ihwohwo, rakarasa gwaro raraimbova naro ndokugadzira hurukuro itsva richishandisa nyaya dzaiva muMukai! yacho. Pazuva rakatevera, gweta racho parakanga richipa hurukuro yaro, mumwe mukadzi akanga akagara mumutsetse mumwe chete nomudzidzi weBhaibheri uyu akabudisa magazini yake yeMukai! achibva atanga kufambirana nomukurukuri.

Mudzidzi weBhaibheri uyu akakwanisa kutaurawo zvakawanda pane zvaikurukurwa pamusangano wacho pamusana penyaya dzaanoverenga mumagazini yeAwake! Akati: ‘Ndinonyatsogutsikana kuti magazini iyi inotsigirwa naMwari.’

Ungada kuti magazini iyi iunzwe kumba kwako nguva dzose here? Wadii wakumbira mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti aite urongwa hwokukuunzira magazini acho nguva dzose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe