RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g05 January pp. 12-14
  • Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?
  • Mukai!—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dambudziko Revaduku
  • Chinhu Chinokosha Pakudzora Manzwiro
  • Kusakurumidza Kutsamwa
  • Mamwe Matanho Anobatsira
  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?
    Mukai!—1992
  • Bhaibheri Rinotii Nezvehasha?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuzvidzora Kwako Ngakuvepo Ndokupfachuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ndinogona Sei Kudzora Kutsamwa Kwangu?
    Mukai!—1988
Ona Zvimwe
Mukai!—2005
g05 January pp. 12-14

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kudzora Manzwiro Angu?

“Ndinopengera vabereki vangu uye ndinotaura zvandinenge ndisingadi kutaura. Handizodi kutaura navo kusvikira shungu dzangu dzapera.—Kate, ane makore 13.

“Kunzwa ndisina kuchengeteka ndiro dambudziko rangu guru. Dzimwe nguva ndinonzwa sokuti ndiri kufira mukati.”—Ivan, ane makore 19.

MANZWIRO aunoita ane simba. Ane zvaanoita pamaitiro ako nemafungiro. Anogona kuita kuti uite zvakanaka nezvakaipa. Dzimwe nguva, angatoratidzika seari kukanganisa mafungiro ako. “Handimbonyatsogutsikani nezvandiri,” anodaro Jacob ane makore 20. “Handiwanzokwanisi kuita zvandinenge ndichitarisira. Dzimwe nguva ndinongochema, kana kuti ndinogumbuka kwazvo zvokuti ndinoitira hasha vandinenge ndinavo. Zvakaoma kudzora manzwiro angu.”

Zvisinei, chimwe chinoratidza kuti munhu akura, kudzidza kudzora manzwiro ake. Iye zvino dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti kukwanisa kudzora manzwiro uye kuwirirana nevanhu ndiko kunokosha kudarika ungwaru. Zvinotosha ndezvokuti, Bhaibheri rinoratidza kukosha kwokudzora manzwiro ako. Somuenzaniso, Zvirevo 25:28 inoti: “Kana usingakwanisi kudzora hasha dzako, wakangofanana neguta risina rusvingo, rinogona kurwiswa chero nguva.” (Today’s English Version) Chii chinoita kuti zvinyanye kuoma kudzora manzwiro aunoita?

Dambudziko Revaduku

Vanhu vemazera ose uye vakasiyana-siyana vanotambura kuti vadzore manzwiro avo. Zvisinei, dambudziko racho rinonyanya kunetsa munhu paanenge achichinja kubva mukuyaruka achiva munhu mukuru. Bhuku rinonzi Changing Bodies, Changing Lives rakanyorwa naRuth Bell rinoti: “Vayaruki vakawanda vanonzwa zvakasiyana-siyana zvakadai sokuvhiringidzika, kupengereka, kufara, uye manzwiro acho anotyisa. Vanhu vazhinji vane manzwiro akawanda akasiyana-siyana panguva imwe chete ezvinhu zvimwe chete. . . . Imwe nguva unganzwa neimwe nzira, uye imwewo ungazviwana wava kunzwa zvakasiyana.”

Zvauchiri muduku, haausatiwo wava noruzivo. (Zvirevo 1:4) Saka, paunenge uchisangana nezvinhu zvitsva nematambudziko kokutanga, zvingori zvomuzvarirwo kuti unzwe usina kuchengeteka uye zvichida wakundwa. Zvinofadza kuti Musiki wako anonzwisisa manzwiro ako. Anoziva kunyange “ndangariro” dzako. (Pisarema 139:23) MuShoko rake akapa mamwe mazano angabatsira.

Chinhu Chinokosha Pakudzora Manzwiro

Chimwe chinhu chinokosha chinobatsira kudzora manzwiro ako ndechokudzidza kudzora zvaunofunga. Pfungwa dzisina kunaka dzinogona kukushayisa simba raunoda kuti uite chimwe chinhu. (Zvirevo 24:10) Asi ungadzidza sei kufunga zvakanaka uye zvokubatsira kudzora manzwiro ako?

Imwe nzira ndeyokurega kuramba uchifunga zvinhu zvisina kunaka zvinoita kuti unzwe wakaora mwoyo kana kuti usina kuchengeteka. Nokutevera zano reBhaibheri rokuramba uchifunga zvinhu “zvikuru” uye “zvakarurama,” unogona kutsiva pfungwa dzisina kunaka nedzakanaka. (VaFiripi 4:8) Zvingasava nyore kuzviita, asi nokuedza zvinogona kuitwa.

Chimbofunga mumwe mukadzi wechiduku anonzi Jasmine. Akamboti: “Ndinonzwa ndichikundwa nezvandinosangana nazvo. Basa idzva, mitoro mitsva. Ndinonzwa ndakaneta mupfungwa. Ndinowana zvakaoma kuzorora.” Hazvishamisi kuti wechiduku anombonzwa saizvozvi pane dzimwe nguva, uye zvinogona kuita kuti anzwe asina kuchengeteka, asina chokwadi nezvaari. Bhaibheri rinotiudza nezverimwe jaya rainzi Timoti, iro rainyatsokwanisa kuita mabasa arakanga ranzi riite. Asi zvinoita sokuti rainetseka nokuti raimbonzwa serakanga risingakwanisi.—1 Timoti 4:11-16; 2 Timoti 1:6, 7.

Pamwe unonzwa usina kuchengeteka paunonzi uite basa idzva kana rausingazivi. ‘Handimbogoni kuzviita,’ ungazviudza kudaro. Asi unogona kudzora manzwiro akadaro okusachengeteka nokuramba uchifunga kuti haukwanisi. Ramba uchifunga nezvokudzidza basa racho nounyanzvi. Bvunza mibvunzo, uye tevera mirayiridzo.—Zvirevo 1:5, 7.

Kana ukakwanisa kuita basa nounyanzvi, kunzwa usina kuchengeteka kunoderera. Usaramba uchifunga zvikanganiso zvako, uchiita kuti zvikutadzise kushanda nesimba kunatsiridza zvaunofanira kunatsiridza. Pane imwe nguva muapostora Pauro paakatsoropodzwa, akapindura kuti: “Kunyange kana ndisiri nyanzvi pakutaura, chaizvoizvo handina kudaro pakuziva.” (2 VaKorinde 10:10; 11:6) Saizvozvowo, unogona kuita kuti unzwe uine chivimbo nokubvuma zvaunokwanisa uye kukumbira Mwari kuti akubatsire pazvikanganiso zvako. Chokwadi Mwari anogona kukubatsira, sezvaakaita vanhu vekare.—Eksodho 4:10.

Imwe nzira inogona kukubatsira kudzora manzwiro ako ndeyokuva nevavariro dzine mwero, dzinoitika uye kubvuma kuti une zvausingakwanisi kuita. Uyewo usazvienzanisa nevamwe zvisiri izvo. Pana vaGaratiya 6:4, Bhaibheri rinopa zano rakanaka parinoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”

Kusakurumidza Kutsamwa

Zvingava zvakaoma kusakurumidza kutsamwa. Kufanana naKate ambotaurwa pakutanga, kutsamwa kunoita kuti vaduku vakawanda vataure uye vaite zvinhu zvinorwadza kana zvinoparadza.

Ichokwadi kuti zvinongoitika kumunhu wose kuti ambotsamwa pane dzimwe nguva. Asi yeuka mhondi yokutanga, Kaini. ‘Paakatsamwa kwazvo,’ Mwari akamuyambira kuti kutsamwa kwakadaro kwaizoita kuti aite chivi chakakomba. Akabvunza Kaini kuti: ‘Haungakundi chivi here?’ (Genesi 4:50-7) Kaini haana kuteerera zano raMwari iri, asi uchibatsirwa naMwari unogona kudzora hasha dzako worega kutadza!

Izvi zvinorevawo kuti unofanira kuzvidzorawo pane zvaunofunga. Pana Zvirevo 19:11, Bhaibheri rinoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.” Kana mumwe munhu akakugumbura, edza kunzwisisa kuti nei aita nenzira iyoyo. Munhu wacho anga achiedza kukuvhiringa achida zvake here? Haana kuita asina kufunga kana kuti asingazivi here? Kushivirira zvikanganiso zvevamwe kunoratidza kuti une tsitsi sedzaMwari, uye kunobatsira kuti udzore kutsamwa kwako.

Kunyange zvakadaro, zvakadini kana zvanga zvakakodzera kuti utsamwe? Magwaro anoti: “Tsamwai henyu, asi musatadza.” (VaEfeso 4:26) Kana zvichidiwa, taura nhau yacho nomunhu wacho. (Mateu 5:23, 24) Kana kuti zvichida zvingava zvakanaka kungosiya nhau yacho—worega kutsamwa uye wopfuurira noupenyu hwako.

Zvinofadza kuti shamwari dzako dzine zvadzinoitawo pane zvaunoita panyaya yokutsamwa. Saka Bhaibheri rinorayira kuti: “Usashamwaridzana nomunhu unotsamwa; usafambidzana nomunhu une hasha; kuti urege kudzidza tsika dzake, uteyire mweya wako musungo.”—Zvirevo 22:24, 25.

Kuva pakati pevanhu vanoedza kusatsamwa kunogona kukubatsira kuti utange kuzvidzora. Ungano dzechiKristu dzeZvapupu zvaJehovha dzizere nevanhu vakura vakadaro, vakawanda vavo vava vanhu vakuru uye vane ruzivo kukudarika. Ziva vamwe vavo. Cherechedza mabatiro avanoita zvinetso. Vangakwanisawo ‘kukurayira nouchenjeri’ paunosangana nezvinetso. (Zvirevo 24:6) Jacob ambotaurwa, anoti: “Shamwari yechikuru inogona kundiyeuchidza Shoko raMwari inokosha kwazvo. Pandinoyeuka kuti Jehovha anondida pasinei nokunzwa ndisina kuchengeteka, ndinokwanisa kuzvidzora uye kuramba ndakadzikama.”

Mamwe Matanho Anobatsira

Rimwe bhuku rakakurumbira rokurovedza muviri rinoti: “Ongororo dzakawanda dzakaratidza kuti mafambisiro aunoita muviri wako ane zvaanoita mupfungwa dzako zvichikonzerwa nemakemikari omuviri. Uwandu hwemakemikari nomweya wokufema zvose zvinochinja nemafambiro aunenge uchiita.” Hazvina mubvunzo kuti kurovedza muviri kunobatsira. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kurovedza muviri kune zvakunobatsira.” (1 Timoti 4:8, Today’s English Version) Wadii kutanga purogiramu yakanaka yokurovedza muviri nguva dzose? Zvinogona kukubatsira chaizvo manzwiro aunoita. Zvinobatsirawo kuramba uchidya zvinovaka muviri.

Fungawo nezvemimhanzi yaunosarudza nevaraidzo. Kumwe kuongorora kwakabudiswa muThe Harvard Mental Health Letter, kwakati: “Kuona chisimba . . . kunoita sokunowedzera hasha uye manzwiro okuda kuita utsinye. . . . Vanhu vanoona mafirimu echisimba vanonyanya kufunga zvoutsinye uye vanova neBP yakakwirira.” Saka sarudza nokuchenjera zvaunoteerera nezvaunoona.—Pisarema 1:1-3; 1 VaKorinde 15:33.

Chinhu chinopfuura zvose kuti udzidze kudzora manzwiro ako ndechokuva noukama hwepedyo noMusiki wako. Anokumbira mumwe nomumwe wedu kuti titaure naye mumunyengetero, tidurure manzwiro edu kwaari. “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu,” akakurudzira kudaro Pauro. ‘Kuteterera kwenyu ngakuziviswe Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga.’ Chokwadi, unogona kuva nesimba romukati rokubata nemamiriro api neapi ezvinhu muupenyu. Muapostora Pauro akatizve: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba.”—VaFiripi 4:6, 7, 13.

Mumwe wechiduku anonzi Malika anoti: “Ndakadzidza kunyengetera nguva dzose. Kuziva kuti Jehovha ane hanya neni kunondibatsira kuti ndinzwe ndakadzikama uye ndichikwanisa kudzora manzwiro angu.” Uchibatsirwa naMwari, iwewo unogona kudzidza kudzora manzwiro ako.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Chimwe chinhu chinokosha chinobatsira kudzora manzwiro ako ndechokudzidza kudzora pfungwa dzako

[Mufananidzo uri papeji 14]

Kushamwaridzana nevanhu vakuru kunogona kukudzidzisa kudzora manzwiro ako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe