RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 9/8 pp. 6-9
  • Zvakaipira Kukwezviwa Nefashoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakaipira Kukwezviwa Nefashoni
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukwezva Kwefashoni
  • Kutsvaka Chitarisiko Chakanaka
  • Kuchinja Kwefashoni
    Mukai!—2003
  • Kuona Fashoni Zviri Pakati Nepakati
    Mukai!—2003
  • Ndinoratidzika Sei?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Zvipfeko Zvine Zita Ravagadziri Ndezvangu Here?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 9/8 pp. 6-9

Zvakaipira Kukwezviwa Nefashoni

HAPANA mubvunzo kuti kutevera fashoni kunogona kukubatsira kunatsiridza chitarisiko chako uye kunzwa uine chivimbo zvikuru. Chipfeko chakakodzera chinogona kuita kuti zvimwe zvisina kunaka pamuviri wako zvisanyanye kuoneka nokunatsiridza zvakanaka zviri pauri. Chinogona kuita kuti vamwe vavewo nemamwe maonero nezvako.

Asi panewo zvakaipira fashoni, zvatisingagoni kungosiya zvakadaro. Vatengi vanogona kubatwa mumusungo wokungoramba vachichinja mbatya dzavo. Pamusoro pazvo, vagadziri vacho vanoramba vachibudisa zvitayera zvitsva. Izvi hazviitwi nokusaziva, nokuti mabhizimisi anobudisa fashoni itsva anoita mari yakawanda apo zvipfeko zvinobuda mufashoni nokukurumidza. Sokutaura kunoita Gabrielle Chanel kuti, “fashoni inoitirwa kuti isagara mufashoni.” Saka, mutengi asina kungwara anganzwa achifanira kutenga zvipfeko zvitsva kuti angofambirana nenguva.

Pane ngozi yokukurirwa nokumanikidza kwounyengeri kwevashambadzi. Makambani anobudisa fashoni anopedza mamiriyoni emadhora achisimudzira zvigadzirwa zvawo, nokuwanzoratidza mamwe mararamiro okusava nehanya anofungidzirwa kuti anonakidza vaya vanopfeka zvipfeko zvine mazita awo. Mashoko iwaya anogona kuva nemigumisiro ine simba. “Hakuna chinoodza mwoyo kwazvo vayaruki kupfuura kusava neshangu dzine ‘zita rakakodzera,’” anodaro mumwe mudzidzisi muSpain.

Kukwezva Kwefashoni

Mamwe mapoka anoshandisa zvipfeko zvechimwe chitayera kuti azivikanwe. Zvaanopfeka zvingaratidza kupanduka, mararamiro okuda kusununguka, kana kutoti echisimba kana okuvenga mamwe marudzi. Kunyange zvazvo zvimwe zvitayera izvi zvichipesana netsika dzakanaka kana kurovesa nehana, vanhu veboka racho vanenge vakanyatsofanana. Kunyange vamwe vasingatsigiri zvinangwa zveboka racho vangakwezviwa nechitayera chacho. Vanopfeka saizvozvo vangapa vamwe mafungiro okuti vanobvumirana uye vanosimudzira zvinhu zvikuru zvinodavirwa neboka racho.

Fashoni inowanzouya yoenda, imwe mumwedzi mishomanana. Ingatanga nomuimbi ane mukurumbira kana zvimwe zvinoita kuti tsika yakati itevedzerwe. Kunyange zvakadaro, mafashoni mashomanana anobva ava zvitayera zvenguva dzose. Somuenzaniso, majini ebhuruu, aiva akakurumbira pakati pevechiduku vaipikisa muma1950 nema1960. Zvisinei, iye zvino ava kupfekwa muzviitiko zvakasiyana-siyana nemapoka evanhu vemazera akasiyana-siyana.

Kutsvaka Chitarisiko Chakanaka

Vaya vanonyanya kukoshesa fashoni vanogona kunetseka zvikuru nechitarisiko chavo. Vanhu vanopfekedzwa zvipfeko zvokushambadzira kazhinji vanenge vari varefu uye vatete, uye tinogara tichivaratidzwa.a Chitarisiko “chakakodzera” chinoshandiswa kutengesa zvinhu zvose kubvira kumotokari kusvika kuzvihwitsi. Social Issues Research Centre yeBritain inofungidzira kuti “zuva rimwe chete vakadzi vaduku iye zvino vanoona mifananidzo yakawanda yevakadzi vakanaka zvikuru kudarika yaionwa navanaamai vedu munguva yavo yokuyaruka yose.”

Mifananidzo yakawanda iyi inogona kuvhiringidza. Somuenzaniso, muUnited States, kuongorora kwakabudiswa muNewsweek kwakaratidza kuti 90 muzana yevayaruki vechirungu vaiva vasingagutsikani nemiviri yavo. Vamwe veivava vanoita chero chinhu chipi nechipi kuti vave ‘nomuviri wakakodzera.’ Asi, Social Issues Research Centre inotaura kuti vakadzi vari pasi pevashanu muzana ndivo vanova nouremu nechimiro zvinodiwa nevanobudisa mashoko. Kunyange zvakadaro, kuda muviri wakatetepa kwazvo kwakaita kuti mamiriyoni evakadzi vaduku vave muuranda. Kwakaita kuti vamwe vave nezvirwere zvakaoma kurapa zveanorexia nervosa.b Mumwe mukadzi wokuSpain anopfeka mbatya dzokushambadzira Nieves Álvarez, uyo akarwara neanorexia, anobvuma kuti: “Ndaitya kuwedzera uremu kudarika kufa.”

Chokwadi, zvirwere zvokudya zvakadai seanorexia nebulimia zvinogona kukonzerwa nezvimwewo zvinoverengeka. Zvisinei, vanachiremba, Anne Guillemot naMichel Laxenaire vanoti: “Kunamata kutetepa kune mitoro yakowo.”

Zviri pachena kuti fashoni ine zvayakanakira nezvayakaipira. Inozadzisa chido chomunhu chokuti ataridzike zvakanaka uye ave nechimwe chinhu chitsva chokupfeka. Asi kunyanya kuda fashoni kunogona kutitungamirira kupfeka zvipfeko zvinoita kuti vamwe vatione zvisiri izvo. Uye kana tikanyanya kukoshesa chitarisiko, tinogona kutsigira pfungwa isiri iyo yokuti kukosha kwedu kunotsamira ‘pachitarisiko’ chedu panzvimbo pounhu hwedu hwomukati. “Tinofanira kutanga kukoshesa mano omunhu nezvaari, panzvimbo pemataridzikire ake,” anodaro Álvarez, ane mashoko ambotaurwa. Asi kuchinja kwakadaro kwezvinotariswa pamunhu kungasaitika nokukurumidza. Kana zvakadaro, tinogona sei kuona fashoni zviri pakati nepakati?

[Mashoko Omuzasi]

a Vakadzi vanoshandiswa mune zvefashoni vanowanzotarisirwa kunge “vakareba anenge mamita 1,74, vaine mapfupa matete, miromo mikuru, shaya refu, maziso makuru, makumbo akareba uye mhuno yakati twii, asi isina kunyanya kukura,” inodaro magazini inonzi Time.

b National Association of Anorexia Nervosa and Associated Disorders yokuUnited States inofungidzira kuti mamiriyoni masere evanhu anotambura neanorexia muUnited States moga uye vanoverengeka vanorwara nechirwere ichi vanofa. Ruzhinji (86 muzana) veivava vakatanga kurwara nezvirwere zvokudya vasati vava nemakore 21.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Chokwadi Mumwe Munhu Aizopfeka Izvozvo Here?

Zvitoro zvefashoni muNew York, Paris, nokuMilan zvinoratidza zvipfeko zvemberi zvevagadziri vanenge vadarika vamwe muchirimo choga choga nematsutso. Kuwedzera kumitengo yazvo yakakwirira, zvigadzirwa zvakawanda izvi zvinoita sezvisingabatsiri, kana kutoti sezvisingapfekeki. “Zvipfeko zvakawanda zvinozvidzisa zvaunoona chaizvoizvo hazvigadzirwi kuti zvipfekwe nevoruzhinji,” anodaro mumwe musoni wokuSpain anonzi Juan Duyos. “Chinangwa chefashoni chingangova chokuti mugadziri kana kuti zita zvizivikanwe pane kutengesa zvipfeko zvakaratidzwa. Somuenzaniso, zvipfeko zvinoorora zvinonyanya kutaurwa nevanobudisa mashoko zvingabatsira kutengesa pefiyumu yomugadziri wacho.”

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kufambirana nefashoni kunogona kudhura

[Mufananidzo uri papeji 7]

Kutevedzera mamwe mapfekero kungakuisa muboka risinganzwisisiki

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vamwe vakava nezvirwere zvakaoma kurapa zve“anorexia”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe