Mamiriro Okunze—Pane Chisina Kumira Zvakanaka Here?
“PANOSANGANA vanhu vaviri vokuEngland, chavanotanga kutaura mamiriro okunze.” Akanyora kudaro mumwe munyori akakurumbira anonzi Samuel Johnson. Zvisinei, mumakore achangopfuura, mamiriro okunze akapfuura kubva pakungova pokutangira nyaya. Atova nyaya inotemesa vanhu musoro munyika yose. Nei? Nemhaka yokuti mamiriro okunze—ayo akangogara asina anoziva kuti achave akamira sei—anoratidza kuva ari kuwedzera kuchinja-chinja.
Somuenzaniso, muzhizha ra2002, Europe yakaita dzvotsvotsvo remvura yechimvuramabwe zvisingawanzoitiki. Kutaura zvazviri, izvi zvakatungamirira kune akarondedzerwa se“mafashamo akaipisisa epakati peEurope kwerinopfuura zana remakore.” Cherechedza mishumo yenhau inotevera:
AUSTRIA: “Mapurovhinzi eSalzburg, Carinthia, neTirol akarohwa zvakasimba nechimvuramabwe chakasimba kwazvo. Migwagwa mizhinji yakaita machakwi nemadhaka, mirwi yemadhaka nemarara zvakakwirira kusvika mamita 15. Pachiteshi cheVienna’s Südbahnhof, mabhanan’ana akakonzera tsaona yechitima iyo yakakuvadza vanhu vakawanda.”
CZECH REPUBLIC: “Chave chiri chiitiko chinovhiringidza zvikuru kuPrague. Asi mumapurovhinzi nhamo yacho yanga yakatonyanyisa. Vanhu vanosvika 200 000 vatamiswa pamisha yavo. Mataundi anyatsofukidzwa nemafashamo.”
FRANCE: “Vanhu makumi maviri nevatatu vafa, 9 havasi kuonekwa, uye zviuru zvakanganiswa zvikuru . . . Vanhu vatatu vakarohwa nemheni vakafa padutu rakaitika nomusi woMuvhuro. . . . Mumwe murume anodzima moto afa pashure pokununura mumwe murume nomukadzi wake vanga vari mungozi; vanga vakukurwa nemvura vari mumotokari yavo.”
GERMANY: “Hazvisati zvamboitika muFederal Republic of Germany kuti mataundi nemisha zvinotamiswa vanhu kusvika pakadaro sezvazvaitwa zvino munguva ye‘mafashamo ezana remakore.’ Zviuru zvevanhu zvatiza mumataundi okumusha kwavo. Vazhinji vaita kudaro sedanho rokufanovanda ngozi. Vamwe vakanunurwa mumafashamo nechikepe kana kuti herikoputa vave kutonyura.”
ROMANIA: “Vanhu vanenge gumi nevaviri vakarasikirwa noupenyu hwavo kubva pakati paJuly nemhaka yemadutu.”
RUSSIA: “Vanhu vanenge 58 vakafira pamahombekombe eBlack Sea . . . Motokari dzinenge 30 nemabhazi zviri kuramba zviri pasi pemvura mugungwa, zvisingabviri kuti zvinotsvakwa sezvo nyevero yerimwe dutu yakapiwa.”
Hazvisi muEurope Bedzi
Muna August 2002 pepanhau remazuva ose reGermany Süddeutsche Zeitung rakashuma kuti: “Mamiriro okunze matsva emvura zhinji nemadutu muAsia, Europe, uye South America zvaparadza kwazvo. Nomusi weChitatu vanenge 50 vakafa pakaondomoka madhaka muNepal. Chamupupuri chine simba chakauraya vanhu vasere kumaodzanyemba kweChina ndokuunza mvura yakasimba kwazvo nechepakati peChina. Mafashamo eChina akaita kuti Rwizi Mekong ruzare zvarusati rwamboita kwemakore 30, ruchifukidza dzimba dzinopfuura 100 nechokumusoro kwakadziva kumabvazuva kweThailand . . . MuArgentina vanhu vanenge vashanu vanyura pashure pokunaya kwakasimba. . . . Vanhu vanopfuura chiuru vaparara nemhaka yemadutu ezhizha muChina.”
Apo mvura yakanga iri kusakadza nzvimbo zhinji dzenyika, United States yakanga iri kutarisana nokusanaya kukuru kwemvura. Zvakanzi: “Pane kushushikana munyika yose pamusoro pematsime aderera neasina mvura, kuderera kukuru kwehova, uye kutsva kwemasango kwakapetwa kaviri pane kunowanzoitika mumwaka. Nokurasikirwa nezvirimwa pamwe nemafuro, kushayikwa kwemvura yokunwa, kutsva kwemasango nokuvhuvhuta kwemhepo ine simba, nyanzvi dzinofungidzira kuti kukanganiswa kwoupfumi nokusanaya kwemvura kwa2002 kuchasvika mabhiriyoni emadhora.”
Dzimwe nzvimbo dzokumusoro kweAfrica dzave dzichisangana nokusanaya kwemvura kunoparadza kwazvo kubva kuma1960. Maererano nemishumo, “mvura yave ichinaya shoma nezvikamu makumi maviri kusvika kumakumi mana nezvipfumbamwe muchikamu chokutanga chezana remakore rechi20, zvichikonzera nzara norufu munzvimbo dzakawanda.”
Mamiriro okunze anokonzerwa neEl Niño—akaparirwa nokudziya kwemvura yomuPacific nechokumabvazuva—zvinopota zvichikonzera mafashamo nokumwe kuvhiringidza kwemamiriro okunze muNorth neSouth America.a Sangano renhau reCNN rinoshuma kuti El Niño ya1983/84 “ndiyo yakaurayisa vanhu vanopfuura 1 000, ichiparira matambudziko anokonzerwa nemamiriro okunze munenge munyika yose uye ichiparadza zvinhu nezvipfuwo zvinosvika mabhiriyoni 8 240 emadhora.” Muitiro uyu wadzoka woitika nguva dzose (anenge makore mana oga oga) kubva pawakatanga kuzivikanwa muzana remakore rechi19. Asi dzimwe nyanzvi dzinodavira kuti “El Niño ichakurumidza kudzoka” uye kuti icha“oneka kakawanda” munguva yemberi.
Imwe nyaya yakabudiswa neNational Aeronautics and Space Administration yokuUnited States inopa mashoko aya anokurudzira: “Mamiriro okunze aya ‘akaipa’ atave tinawo—ayo anowanzoita kuti matsutso apise kupfuura mwero kana kuti anoita kuti kunyanye kunaya muchando—ari kukonzerwa nokuchinja kwenzvimbo mumamiriro okunze.” Kunyange zvakadaro pane zviratidzo zvokuti pangangova nechinetso chakakomba. Rimwe sangano rinoongorora zvakatipoteredza reGreenpeace rinofungidzira kuti: “Mamiriro okunze ane ngozi kusanganisira madutu ane simba zvikuru nokunaya kukuru kwemvura zvicharamba zvichiparadza pasi. Kusanaya kwemvura kwakakomba nemafashamo kuchachinja mamiriro ePasi, kuchitungamirira kukuparara kwenyika yomumahombekombe egungwa nokuparadzwa kwemasango.” Pane zvikonzero here zvinotsigira kutaura kwakadaro? Kana zvakadaro, chii chiri kukonzera “mamiriro okunze aya ane ngozi”?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “El Niño Chii?” iri mumagazini yeMukai! yaApril 8, 2000.
[Mifananidzo iri papeji 2, 3]
Mafashamo MuGermany (pamusoro) uye muCzech Republic (kuruboshwe)