Mitambo Yevana—Kupararira Kwedambudziko Idzva Rokurwisana
◼ Chikwata chevadzidzi vokusekondari chinoungana kuti chitambe bhora. Bhora racho rinopera nokurwisana, paine vabereki vanopfuura 100, varayiridzi vebhora, uye vatambi vachipopota nokukandirana zvibhakera pashure pokunge imwe timu yanwisa munguva inowedzerwa kana paita mangange yobva yahwina mutambo wacho.
◼ Chikwata chevana vane makore anobva pa9 kusvika pa12 vari kutamba bhora revakomana nevasikana. Apo mumwe ane makore gumi anodonhedza bhora raakandirwa nomumwe wake, murayiridzi wake anomudonhedza, achityora maoko ake ose.
◼ Murayiridzi wetimu yebaseball iri muLittle League anoburitsa mumwe wevatambi vake mumutambo. Baba vomukomana wacho vanotyisidzira kuuraya murayiridzi wacho uye vanotongerwa kugara mujeri kwemazuva 45.
◼ Panguva yokudzidzira mutambo wevana wehockey inotambwa muchando, vanababa vaviri vanoitisana nharo maererano nemitemo yomutambo. Vamwe baba vacho vanorova vamwe baba kusvikira vafa pamberi pevana vomufi vatatu.
MISHUMO inotyisa seiyi yawanda zvisingaiti. Kunhandare dzemitambo, nhandare dzebasketball, nzvimbo dzokutsvedzemuka muchando, uye nzvimbo dzinotambira vana, dambudziko idzva rokurwisana riri kupararira. Uku kurwisana kunoitwa nevabereki nevarayiridzi vemitambo vanosarudza kurwa pane kukundwa. Jeffrey Leslie, purezidhendi weJupiter-Tequesta (Florida) Athletic Association, anoti: “Ndakaona vabereki vachipopotera vana vavo, vachivamanikidza kutamba nesimba; vana vachirwisana mumitambo, vachikuzwa nevabereki vavo; vana vaduku vachichema vakagara kunogara vanoona mitambo nokuti vabereki vavo vanenge . . . vavanyadzisa.” Anobva awedzera kuti: “Hapana mimwe mitambo inoita kuti vabereki vaite zvisina musoro kunze kweyevana.” Kuti achengetedze vana pakurwisana kwakadaro, mamwe masangano akatora matanho akasimba okurambidza vamwe vabereki kuti vasapinda mitambo inoitwa nevana vavo.
Kuwedzera kwechisimba nehasha uku kwakaguma nei? “Zvinoitwa nevanhu vakuru izvi zvinonyadzisa,” anodaro Fred Engh, muvambi uye mutungamiriri weNational Alliance for Youth Sports, iri muFlorida, “zviri kukanganisa mitambo yevechiduku, zvichishatisa kufara kwacho, zvichitumira mashoko akashata kumamiriyoni evana.”
Kuhwina Nyangwe Zvodini
Chinonyanya kukonzera chinetso ichi chinoita sechido chine vamwe vabereki kuti vana vavo vakunde vamwe vana uye kuti vahwine nyangwe zvodini. Mumiririri weInstitute for the Prevention of Child Abuse, muCanada anoti: “Kana kuhwina kuriko kunonyanya kukosha, kana kuva akasimba kudarika vamwe kuriko kunokosha, izvi zvinoumba mamiriro ezvinhu anoita kuti vanhu vasina kusimba vatambure. Mumitambo iyi, vana ndivo vanova mungozi.” Mukuru mukuru weOntario (Canada) Physical and Health Education Association anotaura kuti vana vanoiswa mumakwikwi akadaro “vanogona kuva nezvinetso zvepfungwa vari vaduku. Uye pavanokura, [vangava] nenguva yakaoma kuti vakwanise kubvuma kukundwa.”
Saka hazvishamisi kuti hasha dzevabereki nevarayiridzi vemitambo vasingadi kukundwa kakawanda dzinoguma dzava muvatambi vechiduku vanoita mitambo pachavo. Pane mumwe mutambo wevasikana wevolleyball, vatambi vakarova vanamuzvinapembe kanomwe. Mumwe musikana akabudiswa mumutambo wetenisi akanopedzera shungu pamotokari yomukuru-mukuru. Aridzirwa pembe yokuti akanganisa, mumwe anoita zvomutsimba wokuchikoro chesekondari akatunga muzvinapembe, achiita kuti muzvinapembe wacho afende. “Kare mitambo yevechiduku ndoyakanga yasara iri mitambo inoitwa nenzira kwayo,” anodaro Darrell Burnett, anodzidza nezvepfungwa dzevechiduku uye anoongorora nezvemitambo yevechiduku. “Zvakapera kare. Hakuchisiri kungotambira kunakidzwa.”
Zvinogona Kuitwa Nevabereki
Vabereki vanofanira kuyeuka kuti kunakidzwa nokurovedza muviri ndizvo zvikonzero nei vana vachifadzwa nokuita zvemitambo. Saka kuchinja mitambo yevana kuva basa rinonetesa pfungwa uye kuvatuka hakushandi chinangwa chayo—uye kusaratidza rudo. Bhaibheri rinoti: “Vabereki, musamanikidza vana venyu kuti vasvike pakutsamwa.”—VaEfeso 6:4, The Jerusalem Bible.
Chii chingabatsira mubereki kuti arambe ari pakati nepakati panhau iyi? Chokutanga, zvingagona kubatsira kana ukaedza kuramba uchiyeuka zvaiitika pawakanga uri muduku. Wakanga uchinyatsogona kutamba senyanzvi dzagara nomutambo here? Zvine musoro here kutarisira mwanakomana wako kana mwanasikana wako kuti adaro? Zvekare, “vana vachiri vaduku.” (Genesi 33:13) Uyewo, ziva kuti vanhu vanogona kuhwina kana kuruza. Bhaibheri rinoti makwikwi asina muganhu ‘haana maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.’—Muparidzi 4:4.
Sezvineiwo, aimbotamba baseball yepamusoro-soro anokurudzira vabereki kuti vatarisire kuhwina kana kukundwa, kwete kutsamwa kana mwana asina kutamba zvakanaka kana kunyanya kufarisa kana ahwina. Pane kunyanya kukoshesa kuhwina, vabereki vanofanira kufarira kunakidzwa kwomwana wacho uye kubatsirwa nokurovedza miviri.
Nokudaro vamwe vabereki vakaguma vati mitambo yevana yakarongwa inowanzoita kuti pave nokuda kukwikwidzana. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti vana vavo havanakidzwi nokutamba nevamwe. Somuenzaniso, vabereki vechiKristu vakawanda vakawana kuti vana vavo vanonakidzwa nokutamba nevamwe vavanonamata navo mubindu kana mupaki. Nokuita izvi vabereki vanenge vachigona kudzora vanhu vanotamba nevana vavo. Kumboshanya kwemhuri kungapa mimwe mikana yokutamba kunonakidza. Ichokwadi kuti mutambo wokuitira pamba ungasanakidza sezvingaita wokutamba kuti mukunde. Zvisinei, usambokanganwa kuti, kana tave kutaura zvazviri chaizvo, “kurovedza muviri kunobetsera zvishoma [bedzi]; asi kuzvipira kuna Mwari kunobetsera muzvinhu zvose, zvakune chipikirwa choupenyu huno nehuchauya.” (1 Timoti 4:8) Nokuramba une pfungwa dzakadzikama idzi nezvemitambo, unogona kuita kuti mwana wako asakuvadzwa nedambudziko idzva rokurwisana riri kupararira.
[Mifananidzo iri papeji 21]
Mitambo inofanira kunakidza, kwete kurwisanisa vanhu