RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 4/8 pp. 19-21
  • Ndinofanira Kukumbanira Timu Yemitambo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kukumbanira Timu Yemitambo Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuhwina Pasinei Nezvinoitika?
  • Kubvumirana Pane Zvisina Kufanira Mutsika
  • Kurovedza Muviri Kana Kuti Kukuvadza Muviri Here?
  • Zvimwe Zvinhu Zvokurangarira
  • Kuita Chisarudzo Chokuchenjera
  • Mitambo Yetimu Yakandinakira Here?
    Mukai!—1996
  • Mitambo Yevana—Kupararira Kwedambudziko Idzva Rokurwisana
    Mukai!—2002
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Panyaya Dzemitambo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kuzvipira Kuna Mwari, Kana Kuti Kusimbisa Muviri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2019
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 4/8 pp. 19-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kukumbanira Timu Yemitambo Here?

“CHII chinokosha kwazvo pamusoro pokuva mutimu?” yakabvunza kudaro imwe nyaya iri mumagazini inonzi Seventeen. Mukupindura nyaya yacho yakati: “Muri kushandira pamwe chete nokuda kwenharidzano yavose, naizvozvo munova pedyo napedyo chaizvoizvo. Unodzidzawo unyanzvi hwavanhu, zvakadai senzira yokupedza nayo zvinetso neboka, nzira yokuva nayo anochinjika neanorangarira, uye nzira yokubvumirana nayo.”

Nokudaro, kutamba mitambo yakarongwa kunoratidzika kuva kune betsero, dzisiri duku dzadzo ivaraidzo nokurovedza muviri.a Vamwe vanototaura kuti kutamba mitambo yetimu kunobetsera munhu kuva neunhu. Rimwe boka retimu dzebaseball yevechiduku dzinogarotamba dzose nokudaro rine chirevo chokuti, “Unhu, Ushingi, Kuvimbika.”

Chinetso ndechokuti, mitambo yakarongwa haiwirirani nguva dzose nemipimo yakaisvonaka yakadaro. Bhuku rinonzi Kidsports rinoti: “Mune zvimwe zviitiko vechiduku vanotapurika vanodzidza kutuka, kubiridzira, kurwa, kutyisidzira, uye kukuvadza vamwe.”

Kuhwina Pasinei Nezvinoitika?

Nyaya iri muSeventeen yakabvuma, kuti: “Kune rutivi rusingafadzi rwemitambo, apo vanhu vanokoshesa zvikuru kuhwina.” Izvi zvinopesana zvakananga nemashoko eBhaibheri, okuti: “tirege kuzvikudza, tichimutsana mwoyo, tichigodorana.” (VaGaratia 5:26) Nepo makwikwi mashomanene oushamwari achigona kuwedzera fariro nokufarikanya kumutambo, mudzimu wemakwikwi wakanyanyisa unogona kubereka ruvengo—ndokudzinga mufaro mukutamba.

Jon, aichimbova mutambi wenhabvu pachikoro chapamusoro, anoyeuka kuti: “taive nomurayiridzi uyu ainyanyisa chaizvoizvo; aingogara achitiridzira mhere nokutizhambira . . . Ndaitya kuenda kunorovedza. . . . Ndainzwa sokunge kuti ndaive mumusasa wechibharo.” Nepo vasiri varayiridzi vose vanotuka, vazhinji vanonyanya kusimbisa kuhwina. Mumwe munyori akagumisa, kuti: “Vamhanyi vazhinji . . . vanosvika pane imwe nhambo apo mufaro wokukwikwidza unokundwa nomutoro usingatsungiririki wokubudirira.” Chii chinogona kuva mugumisiro?

Science News yakashuma pane kumwe kunzvera kwakaratidza kuti pakati pevatambi venhabvu nebasketball vapakoreji, “12 muzana yakashuma zvinetso munzvimbo dzinenge mbiri dzeshanu, dzinoti: dzvinyiriro yendangariro, marwadzo emuviri, chinetso chokudzivisa mirimo kana kuti zvinwiwa zvinodhaka, kushandiswa zvisina kufanira kwendangariro nemuviri, uye udofo muchikoro.” Richitaura zvimwe chetezvo, bhuku rinonzi On the Mark rinoshuma, kuti: “Anenge munhu ari wose akabatanidzwa nokumhanya kwakarongwa anobvuma kuti kune chinetso chikuru chokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo mumitambo pamwero yose.”

Kubvumirana Pane Zvisina Kufanira Mutsika

Dzvinyiriro yokuhwina inogonawo kuparira mutambi muduku kubvumiranisa pane zvisina kufanira mipimo ine mufungo yakanaka nekutendeseka. Bhuku rinonzi Your Child in Sports rinoti: “Munyika yazvino uno yemitambo, kuhwina hakusi kwakanaka chete; ndiko chinhu bedzi chinogamuchirika. Kuruza hakuna kuipa bedzi, hakukanganwiriki.”

Chimwe chokwadi chinorwadza, ndechokuti: Varayiridzi kazhinji kazhinji vanodzvinyirira vatambi zvikuru kuti vakuvadze vakwikwidzani vavo. Imwe nyaya iri mubhuku rinonzi Psychology Today yakati: “Kuti uve wakanaka mumitambo, unofanira kuva akaipa. Kana kuti ndizvo zvinodavirwa nevamhanyi, varayiridzi uye vatsigiri vemitambo vazhinji.” Mumwe mutambi wenhabvu anotamba nokuda kwemari anorondedzera nezveunhu hwake hwezuva nezuva se“anotaura zvinyoronyoro, anorangarira uye ane ushamwari.” Asi munhandare, anoshanduka zvachose chose. Achirondedzera unhu hwake hwomunhandare, anoti: “Ndinenge ndine utsinye neukasha ipapo. . . . Ndinenge ndisina mutsa. Handikudzi chose chose mukomana wandicharova.” Varayiridzi kazhinji kazhinji vanokurudzira chimiro chendangariro chakadaro.

Bhaibheri rinokurudzira vaKristu, kuti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” (VaKorose 3:12) Ungagona kusakurira mavara akadaro kana ukagamuchira zuva nezuva kutaura kunopesvedzera kunokukurudzira kukuvadza, kupwanya, uye kuremadza vakwikwidzani vako here? Robert ane makore gumi nematanhatu okukura anobvuma, kuti: “Ndakatamba mitambo yakarongwa. Hauna hanya nokuti ndiani wawakuvadza chero bedzi uchihwina.” Zvino zvaava muKristu akabhapatidzwa, mirangariro yake yakachinja. Anoti: “Handichafi ndakatongozviitazve.”

Kurovedza Muviri Kana Kuti Kukuvadza Muviri Here?

Dzisingafaniri kufuratirwawo, ingozi kumuviri. Chokwadi, mitambo inobatanidza ngozi kunyange apo inotambwa neshamwari nokuda kwomufaro chete chete. Asi ngozi dzacho dzinowedzerwa zvikuru apo pwere dzinorayiridzwa kuedza kutamba pamwero wevatambi vanotamba nokuda kwemari.

Bhuku rinonzi Your Child in Sports rinoti: “Vatambi vanotamba nokuda kwemari vanogona kukuvadzwa. Asi vane unyanzvi zvikuru, vakasimba, vanhu vakuru vanozviisa mungozi yokukuvara nokudisa uye vanobhadharwa zvakanaka nokuda kwokuita kudaro. Uyezve, vanowanzowana zvakanakisisa, rudzi rwokurovedza rwounyanzvi zvikurusa, midziyo yakanakisisa, uye kurapa kwokukurumidzira zvikuru. . . . Vana vechikoro havana betsero dzakadaro.” VaKristu vanoudzwa ‘kupa miviri yavo sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.’ (VaRoma 12:1) Haufaniri kufunga ruviri here pamusoro pokuisa muviri wako kungozi dzisiri madikanwa kana kuti dzisina mufungo?

Zvimwe Zvinhu Zvokurangarira

Kunyange apo ngozi dzoutano dzinoratidzika kuva shoma, mitambo yakarongwa ichiri inopedza nguva. Marusando erovedzo angasangoderedza bedzi upenyu hwako hwomunzanga asi angapedzawo nguva yako yakawanda inofanira kutsaurirwa fundo nebasa rinoitirwa kumba. Science News yakashuma kuti vamhanyi vepakoreji vaive vane muitiro wokuva ne“magiredhi akati dererei” kupfuura vamwe vadzidzi vaipinda mumibato yepashure pechikoro. Chinokosha zvikuru, ungawana kuti kutambira timu kunokuita kuti kuve kwakaoma kuronda zvinonzi neBhaibheri “zvinhu zvakanaka”—fariro dzomudzimu. (VaFiripi 1:10) Zvibvunze umene, ‘Ko kupinda mutimu kuchada kuti ndipotse misangano yechiKristu here, kana kuti kuchaganhurira goverano yangu mubasa rokuparidza here?’

Yera nenzira yokungwarirawo migumisiro inobvira yokupedza maawa akawanda nepwere nevakuru vasingagoverani mirangariro yako pamusoro petsika, kutaura kwakachena, kana kuti makwikwi. Kunyange zvazvo zvakadaro, Bhaibheri rinotaura kuti “songaniro dzakaipa dzinoodza tsika dzinobetsera.” (1 VaKorinte 15:33, NW) Rangarira, somuenzaniso, imwe nyaya iri papeji yakatarisana nepeji inonyorwa nomupepeti wenhau yeThe New York Times, inoti: “Kamuri yevatambi yokuchinjira zvipfeko . . . inzvimbo umo varume vanokurukura miviri yevakadzi mumashoko evatano akajeka, umo vanoganza pamusoro poku‘budirira kuita vatano’ ndokuita musere pamusoro pokurova vakadzi.” Waizoita sei mumudzimu kana ukasarudza kuva mumhoteredzo yakadaro?—Enzanisa naJakobho 3:18.

Kuita Chisarudzo Chokuchenjera

Wave uchifunga nezvekukumbanira timu yemitambo here? Ipapo zvichida zvichangobva kutaurwa zvichakubetsera kurangarira ndyiko dzokuita saizvozvo. Rangarirawo hana dzavamwe pakuita chisarudzo chako. (1 VaKorinte 10:24, 29, 32) Chokwadika, hapana mutemo worumano unogona kuitwa, sezvo mamiriro ezvinhu achisiyana munyika yose. Mune dzimwe nzvimbo vadzidzi vangatova vanodikanirwa kutora rutivi mumitambo. Asi kana uchipanikira, kurukurirana zvinhu nevabereki vako kana kuti nemuKristu akakura mumudzimu.

Pwere zhinji dzechiKristu dzakaita chisarudzo chakaoma kuti dzisatambe mitambo yetimu. Uku hakusi nyore kana uchigona kumhanya uye uchifarikanya mitambo chaizvoizvo! Dzvinyiriro inobva kuvadzidzisi, varayiridzi, uye vabereki inogona kuwedzera kukukangaidzika kwacho. Jimmy muduku anobvuma, kuti: “Ndinowana kuti kuzvirwisa kuti ndisatambe. Baba vangu vasingatendi vakanga vari mumhanyi mukuru mumazuva avo epachikoro chapamusoro. Pane dzimwe nguva kunondiomera kusakumbanira timu.” Kunyange zvakadaro, tsigiro yevabereki vanotenda nevaKristu vakakura mumudzimu vari muungano inogona kuita zvakawanda kukubetsera kuomerera kuchisarudzo chako. Jimmy anoti: “Ndinoonga mai vangu. Pane dzimwe nguva ndinoodzwa mwoyo nedzvinyiriro yokutamba mitambo. Asi nguva dzose vanondiyeuchidza nezvenharidzano dzangu chaidzoidzo muupenyu.”

Mitambo yetimu ingadzidzisa vatambi kubatira pamwe nokupedza zvinetso. Asi pane mukana wakakura wokudzidza zvinhu zvakadaro kupfurikidza nokushanda mukati meungano yechiKristu. (Enzanisa naVaEfeso 4:16.) Mitambo yetimu ingavawo inofadza, asi haufaniri kuva mutimu kuti uifarikanye. Mimwe mitambo inogona kufarikanywa neshamwari dzechiKristu pachivanze kana kuti paka yomunzvimbomo. Rwendo rwokumbofurwa nemhepo semhuri rungagoverazve mimwe mikana nokuda kwekutamba kwakanaka. “Kuri nani zvikuru kwazvo kutamba nevamwe vomuungano yako,” anodaro Greg ane makore 16 okukura. “Ndekwevaraidzo chete, uye une shamwari dzako!”

Ichokwadi, mutambo wepachivanze zvimwe hausati uchizopa mufaro mumwe chetewo sowokuva mutimu inohwina. Usatongokanganwa, kunyange zvakadaro, kuti mumamiriro ezvinhu akanaka “kurovedza muviri kunobatsira zvishoma hazvo [bedzi], asi kunamata Mwari kunobatsira pazvinhu zvose.” (1 Timotio 4:8) Tanga kuzvipira kwoumwari, uye uchava zvirokwazvo anohwina mumeso aMwari!

[Mashoko Omuzasi]

a Ona “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Mitambo Yetimu—Yakandinakira Here?” iri muchinyorwa chedu chaMarch 8, 1996.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

“Taive neuyu murayiridzi ainyanyisa zvikuru chaizvoizvo; aingogara achitiridzira mhere nokutizhambira . . . ndaitya kuenda kunorovedza”

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kazhinji kazhinji zvikuru, varayiridzi vanosimbisa kuhwina—kunyange kana kuchireva kukuvadza vamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe