Munogona Kuva Noupenyu Hwemhuri Hunofadza!
MUMWE mukadzi ane makore 23 anogara muguta reMaladzyechna, muBelarus, akanyora tsamba kuhofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha muRussia. Akatsanangura kuti ane murume nevana vaviri. Akanyora kuti: “Ini nomurume wangu tinodanana. Zvisinei, ndakaona kuti nokufamba kwemazuva, taigumburana, uye pamwe pacho pasina chikonzero chaicho. Mwedzi mishoma yadarika, mumwe munhu wandisingazivi akandimisa mumugwagwa akandipa turakiti rine musoro unoti Farikanya Upenyu Hwemhuri. Pakutanga, ndakafarira mufananidzo wakanaka uripo wemhuri iri kufara. Ndakazoverenga mashoko acho ndikapawo murume wangu kuti averenge.
“Chinoita sechishamiso kuti upenyu hwedu hwemhuri hwava nani, asi handizvo zvoga, hwachinja zvikuru. Iye zvino tava kunzwisisa kuti hazvina kuoma kuva vanofara. Chinongodiwa chete kuva noushamwari hwepedyo uye kuva norupo. Chakakosha kurarama maererano nemitemo yaMwari, kuda Mwari uye kuda vanhu, vomumhuri nevatisingazivi.”
Akapedzisa achiti: “Upenyu hwedu hwava nyore uye hwava kufadza. Tinoda kuramba tichidzidza Bhaibheri uye kudzidzisa vana vedu.”
Tinovimba kuti iwewo unogona kubatsirwa neturakiti rine musoro unoti Farikanya Upenyu Hwemhuri. Tichafara kutumirawo bhuku rine mapeji 192 rine musoro unoti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Kana uchida turakiti uye bhuku rako pachako, tapota nyora pakopani riri papeji ino woritumira kukero iripo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei turakiti rinonzi Farikanya Upenyu Hwemhuri uye bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.
□ Ndapota ndionei maererano nechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.