RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 9/8 pp. 26-27
  • Minyengetero Inonzwiwa naMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Minyengetero Inonzwiwa naMwari
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinopikirwa naMwari
  • Kubata Nezvinetso Zvedu Pachedu
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Minyengetero Yavanaani Inopindurwa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Minyengetero Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 9/8 pp. 26-27

Zvinotaura Bhaibheri

Minyengetero Inonzwiwa naMwari

“Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira, uye munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa.”—RUKA 11:9, 10.

VACHIRATIDZA kuvimba zvakazara nemashoko aJesu Kristu ari pamusoro apa, vaKristu vakawanda vanonyengetera kuna Mwari nezvezvinetso zvavo uye zvinovatambudza mupfungwa, vaine chokwadi chokuti anovada uye ane hanya navo. Zvisinei, vamwe vanoora mwoyo sezvavanomirira kuti minyengetero yavo ipindurwe. Unonzwa sokuti hapana chinobuda muminyengetero yako here? Mwari anoteerera paunonyengetera here?

Kunyange kana minyengetero yedu ikaita seisingapindurwi, izvi hazvirevi kuti Mwari haana kuinzwa. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.” (1 Petro 3:12) Nokudaro Jehovha Mwari anonzwa minyengetero yevakarurama, ingava ichitaurwa zvinonzwika kana kuti ichiitwa mumwoyo. (Jeremia 17:10) Jehovha anoongororawo mafungiro nemanzwiro ari mumunyengetero woga woga, zvingasanzwisiswa zvakazara kana kuti kuzivikanwa neari kunyengetera wacho.—VaRoma 8:26, 27.

Zvisinei, minyengetero inofanira kusvitsa zvimwe zvinodiwa kuti igamuchirwe naMwari. Chokutanga, inofanira kunangidzirwa zvakananga kuna Mwari—kwete kuna Jesu, ku“musande,” kana kuti kuchidhori. (Eksodho 20:4, 5) Minyengetero inofanirawo kupiwa nomuzita roMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. (Johani 14:6) Izvi zvinoreva here kuti minyengetero yedu inotanga kunzwiwa naJesu ozoitumira kuna Mwari? Kwete. Asi, patinonyengetera kuna Jehovha muzita raJesu, tinozviona sevadzidzi vaKristu uye tinobvuma kuti rudzikinuro rwake bedzi ndirwo runoita kuti tigone kusvika kuna Mwari.—VaHebheru 4:14-16.

Minyengetero inofanira kupiwa nokutenda. Muapostora Pauro akataura kuti: ‘Pasina kutenda hazvibviri kunyatsofadza Mwari, nokuti iye anomusvika anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.’ (VaHebheru 11:6) Munhu angaziva sei kana ane rudzi rwokutenda rwakadaro? Munyori weBhaibheri Jakobho akapindura kuti: “Ndichakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.” (Jakobho 2:18) Hungu, kutenda kunounza mabasa, zvadaro, iwo anoratidza kuti tinoda Mwari uye kuti tiri kuedza kumufadza.

Vanamati vaMwari vanofanirawo kuramba vachinyengetera. Jesu akajekesa izvi pana Ruka 11:9, 10, pane mashoko ataurwa pakutanga. Kunyange zvakadaro, kana munhu akanyengeterera chinhu kamwe chete, izvi hazviratidzi here kuti haasi kurevesa pane zvaari kukumbira?

Zvinopikirwa naMwari

Zvisinei nokuti tinonyengetera kakawanda sei uye zvomwoyo wose sei, tichiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Nepo chiri chokwadi kuti Jesu akati vateveri vake vaizofara, haana kutaura kuti upenyu hwavo hwaisazova nezvinetso. (Mateu 5:3-11) Asi, akati vadzidzi vake vaizofara pasinei nokuchema, nzara, nyota, kana kutambudzwa.

Kufara kwaitaurwa naJesu hakutsamiri pakuva nemamiriro ezvinhu akanaka. Pane kudaro, kugutsikana kwomumwoyo kwatinako nokuti tinoshumira Mwari. Nokudaro, tinogona kuva nomufaro wakati kuti asi tiri mumatambudziko.—2 VaKorinde 12:7-10.

Kubata Nezvinetso Zvedu Pachedu

Saka, hazvina maturo here kunyengetera kuna Mwari nezvezvinhu zvomunhu oga zvakadai sokuwana wokuroorana naye akakodzera kana kuti kubata nezvinetso zvemhuri, zvoutano, uye zvemabasa? Kwete, nokuti kunyange zvazvo Mwari asingapikiri kuchinja mamiriro edu ezvinhu oupenyu nechishamiso, achatipa uchenjeri hwokugona kuzvigadzirisa. Jakobho akanyora nezvemiedzo achiti: “Kana upi noupi wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti anopa zvikuru vose asingazvidzi; uye achapiwa.” (Jakobho 1:5) Saka achishandisa mudzimu wake mutsvene, Jehovha achatitungamirira. Izvi zvichatibatsira kunzwisisa uye kushandisa mazano eBhaibheri kuita zvisarudzo.

Chokwadi, mudzimu waJehovha hautiitiri zvisarudzo. Pane izvozvo, kuedza kwedu pachedu kunodiwa. Somuenzaniso, kana tine chinetso, takatsvakurudza mashoko anoenderana nacho uye kuongorora zvinhu zvakasiyana-siyana uye zvinobatanidzwa zvemamiriro acho ezvinhu here? Iri rinenge riri basa rinoratidza Mwari kuti tine kutenda. (Jakobho 2:18) Tave tichishingirira mukuedza kupedza zvinetso zvedu, tichiramba tichikumbira kutungamirirwa naMwari here? (Mateu 7:7, 8) Tanyatsoongorora zvinotaurwa neBhaibheri zvinoshanda panhau yacho here? Shoko raMwari rinogona kutiita kuti tive munhu “anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.”—2 Timoti 3:16, 17.

Nepo chiri chokwadi kuti Mwari anogona kupindira munyaya dzevanhu uye kubvisa zvinetso zvedu zvose, akatibvumira kushandisa rusununguko rwedu rwokuzvisarudzira. Zvinosuruvarisa kuti vamwe vanoshandisa rusunguko rwokuzvisarudzira kukuvadza vamwe. Nokudaro, zvimwe zvinetso zvatinonyengeterera zvinogona kupfuurira kusvikira tasvika munyika itsva yaMwari. (Mabasa 17:30, 31) Zvinogona kunge zvakadaro munzvimbo yatinogara, zvakadai soutsotsi nehondo chaiyo; kana kuti zvinogona kuva kutsungirira kwedu zvinetso zvinounzwa nevanopikisa. (1 Petro 4:4) Tinofanira kubvuma kuti munyika ino isingadi Mwari, mamwe mamiriro ezvinhu haambochinji kuti zvinhu zvinake.

Kunyange zvakadaro, Mwari anoda vashumiri vake uye anoda kuvabatsira. Apo Umambo hwake hunotonga panyika pasina anohupikisa, achabvisa zvachose zvinetso zvose zvinotambudza zvenyika ino. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kusvikira panguva iyoyo tinofanira kuramba tichikumbira kubatsirwa naye mukubata nezvinetso zvoupenyu. Kana tikaita kudaro, tinova nechokwadi chokuti Jehovha achaita sezvaakapikira muBhaibheri pana Isaya 41:10, kuti: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe