Pakunoita Usiku Iwo Ari Masikati
NEVANYORI VEMUKAI! VARI KUANGOLA UYE KUZAMBIA
‘KUITA usiku iwo ari masikati? Hazviiti!’ vamwe vangadaro. Hazvingokwanisiki chete asi zvinoitika kakawanda mumakore gumi oga oga—pakunenge kuine kuora kwezuva kwakakwana. Chii chinokonzera kuora kwezuva, uye nei chiri chinhu chakanaka zvikuru kuona? Zvinotangira pamwedzi.
Unoziva nzira iyo mwedzi unochinja nayo chitarisiko chawo paunotenderera pasi here? Apo mwedzi nezuva zvinenge zviri kure nekure muchadenga, tinoona mwedzi ratinoti jenaguru uchibuda nokumabvazuva uku zuva richivira kumadokero. Nokufamba kwemazuva, mwedzi unenge wava kunonoka kubuda usiku hwoga hwoga, uchifamba zvishoma nezvishoma kuenda kuzuva riri kubuda. Chikamu chemwedzi chinenge chakavhenekwa nezuva chinoramba chichiita chiduku, kusvika wava mwedzi mutete. Mwedzi paunenge uri mudenga nezuva muswere wose, kunyange kanzara ikako kanonyangarika uye nemwedzi wacho, nedivi rawo rine rima rakatarisa pasi, hauoneki zvachose. Tinoti mwedzi wagara. Izvi zvinobva zvatanga kuitika zvichidzokera kumashure, mwedzi uchienda kure nezuva uye uchizopedzisira wave jenaguru. Kutenderera uku kunoramba kuchiitika pashure pemazuva anenge 28 oga oga.
Chinhu chinoita kuti pave nokuora kwezuva kugara kunenge kwaita mwedzi. Kazhinji unongodarika nepane zuva masikati tisingazvizivi nokuti nzira yazvinofamba nayo haisi imwe chete. Zvisinei, pane dzimwe nguva, zuva, mwedzi uye pasi zvinoenderana kuti gedye munzira imwe chete. Zvadaro, mumvuri wemwedzi unofukidza pasi, zvichiita kuti zuva riore.
Kuora kwezuva kunokonzerwa nezvakaita zuva, mwedzi uye pasi. Zuva iguru kwazvo, uye rakakura kudarika mwedzi zvakapetwa ka400. Zvisinei, zvinoshamisa kuti zuva riri kure nesu zvakapetwa ka400 pane mwedzi. Saka, isu tinoona sokuti zuva nemwedzi zvakakura zvakafanana. Naizvozvo, pane dzimwe nguva mwedzi unoita sokuti unovhara zuva kuti gedye.
Kuti kuora kwezuva kwakakwana zvakadaro kuitike, zuva, mwedzi, uye pasi hazvifaniri kunge zviri munzira imwe chete bedzi asiwo zvinofanira kuitika apo mwedzi unenge uri munzira yaunotenderera iri pedyo zvikuru nepasi.a Panguva iyi divi dete romumvuri wemwedzi wakaita kunge duri rinoita rima pachikamu chepasi.
Kana kuri kuora kwezuva kwomusi waJune 21, 2001, mumvuri wacho waizova wakafara makiromita anenge 200. Nzira ine rima yaitangira pakubuda kwezuva kumabvazuva emhenderekedzo yegungwa yokuSouth America uye waipfuura nomuSouth Atlantic, uko waizopedza nguva yakareba zvikuru yemaminitsi mashanu uri. Uchigura nomuAngola, Zambia, Zimbabwe neMozambique, waizonopera pakudoka kwezuva kumabvazuva kwemhenderekedzo yegungwa kuMadagascar. Ngationei kuti chishamiso chomudenga ichi chakaoneka zvakadini kuvanhu vakanga vari muAngola neZambia.
Kugadzirira Chiitiko Chacho
Vanamazvikokota vokutsvakurudza ruzivo, vanodzidza nezvenyika dziri muchadenga uyewo vamwe vanhu vakakotonoka vachipinda muAfrica kuti vaone kuora kwezuva kwokutanga kwemireniyamu itsva. Sezvo Lusaka, iri muZambia, riri iro chete guta guru rakanga richizova munzira yokuora kwezuva, vashanyi vakawanda vakananga ikoko kuti vanoona zuva richiora.
Zvichida aka ndiko kakanga kari kokutanga kuti vanhu vakawanda zvakadai vashanyire Zambia panguva imwe chete. Mazuva mashoma zuva risati raora, guta reLusaka rakanga rati shutu nevashanyi vanosvika zviuru zvakawanda. Kugadzirira chiitiko ichi kwakanga kwatanga pachine mwedzi inoverengeka. Mahotera, dzimba dzokubhuka, matende, uye dzimba dzevanhu dzose dzakanga dzabhukwa, kunova ndiko kwakagara chita chevashanyi.
Nzvimbo dzokuti ruzhinji ruone ruri dzaisanganisira nhandare yendege yeLusaka, uko vashanyi vaikwanisa kusvika mangwanani, voona chiitiko chacho, vodzokera manheru. Kwemavhiki akati kuti terevhizheni uye redhiyo zvaizivisa nezvechishamiso chakanga chiri kuuya, uye nguva dzose vanhu vainyeverwa kuti vasatarise zuva chairo. Magirazi okuonesa zuva richiora akatengwa zvisina kumbenge zvaitika, uye zvitoro zvizhinji zvakasara zvisina.
Zvisinei, kuora kwezuva kwaizotanga kuoneka muAfrica kokutanga muAngola, paguta rinonzi Sumbe riri pamhenderekedzo yegungwa. Ipapa ndipo apo vanhu vakaona zuva rose richiora kwemaminitsi mana nehafu, nguva yakareba zvikuru yakaonwa nevanhu vaiva panyika yakaoma.
Pachine mwedzi zuva risati raora, zvikwangwani zvakanga zvichizivisa nezvokuora kwezuva uye ngozi iri pakutarisa zuva zvakaiswa muguta guru reAngola reLuanda, uye mune mamwe mataundi makuru. Mumvuri wemwedzi wakanga uchizodarika nepakati penyika, nokudaro vanhu vose vomuAngola vaizokwanisa kuona zuva richiora. Vanhu vaiva muLuanda vaizoona zvikamu 96 kubva muzana zvezuva richiora. Hurumende, pamwe chete nemamwe masangano akazvimirira, vakaronga kuunza mamiriyoni emagirazi okuona zuva richiora. Mazhinji akapiwa pachena kuvanhu vakanga vasina mari.
MuAngola nzvimbo yakanga ichizova nokuora kwezuva kwakanyanya iguta reSumbe, riri kumahombekombe akaisvonaka pakati peSouth Atlantic nenzvimbo yakati sandara yeAngola. Nzvimbo yeSumbe haina kuwirwa nehondo yasakadza Angola, nokudaro vashanyi vaikwanisa kuona kuti kune vanhu vane ushamwari zvikuru muguta iri rinogara vanhu 25 000. Kuti vashanyi vose vawane pokugara, zvimwe zvokuti vashanyi vashandise zvakagadzirwa, uye gwenya remagetsi romunharaunda iyi rakagadziriswa. Mumwe musangano maererano nokuora kwezuva wakarongwa nokuda kwemasayendisiti, makurukota ehurumende, vashandi vanoyamura vanhu vomuAngola nevedzimwe nyika. Chikuva chihombe chakaiswa kumahombekombe kuti vanhu vavaraidzwe zvakanga zvisina kumboitika muguta reSumbe.
Zuva Guru Rinosvika
Chimwe chakabatsira vanhu vakauya kuzoona zuva richiora muAngola ndechokuti mwedzi waJune unenge usinganyanyi kunaya. Asi fungidzira kuodzwa mwoyo kwakaita vanhu apo denga rakati zvii nemakore mangwana acho ariwo aiora zuva! Manheru uye mangwanani akatevera acho, guta rakanga rakaputirwa nemakore. Vanhu vakanga vamirira kuti vaone zuva richiora vakanga vachizoodzwa mwoyo here? Nenguva yorudziyakamwe makore akatanga kusungana achienda, uye mangwanani paakanga opera, denga rakanga rajeka risisina kana gore. Zvaizorodza! Izviwo ndizvo zvakaitika kuZambia, nokuti mumambakwedza denga rakanga riine makore neuma. Asi izvi zvakapera nguva yacho yava kuda kusvika. Inzwa zvichataurwa nevakaona maitikiro azvakaita.
Angola: “Takasarudza kuona zuva richiora tiri panzvimbo yakakwirira pakatarisana negungwa. Nguva yacho payakanga yava kusvika, gurumwandira revanhu rakaungana kumahombekombe uye panzvimbo dzokuonera dzakanga dzasarudzwa nokuda kwechiitiko chacho. Zuva rava kurova nhongonya, panguva yaifanira kutanga kuora zuva, vazhinji vakatanga kupfeka magirazi avo uye vakatanga kutarisa mwedzi uchitanga ‘kuvhara zuva.’ Nenguva isipi zuva rakatanga kuora. Pachishandiswa mabhainokura kana kuti teresikopu, mavara matema ezuva—mavara ari pazuva—akatanga kuoneka. Vanhu vakaona mavara aya achivharwa nomumvuri rimwe pashure perimwe. Zuva zvarakaramba richiora, kudziya kwokunze kwakaderera uye kunze kwakatanga kuti hunderere. Pakupedzisira, apo kachimedu kokupedzisira kezuva kakavharwa nomumvuri wakanga uri kuuya, kunze kwakabva kwati ndoo.”
Zambia: “Bazi reZvapupu zvaJehovha muZambia riri kuMakeni, muLusaka rakanga riri nzvimbo yakakodzera yokuona zuva rose richiora. Nenguva dza3:07 masikati, mwedzi wakatanga kuvhara zuva. Mimvuri yakatanga kuoneka kumadziro, zvichiita sokuti chiedza chakanga chichiita musere. Mhepo yakamira kuvhuvhuta, uye shiri dzakabva dzati mwiro. Mhuka dzesango dzakatanga kugadzirira kunorara. Nenguva dza3:09, masekonzi mashoma zuva rose risati raora, kachimedu kezuva kakanga kasara kakanga kava tunhu tunopenya, kuchibva kwazosara kamwe chete. Izvi zvinonzi Baily’s beads uye diamond ring.b Kwakazouya ruvara rwezuva, runenge rwakada kuti tsvukurukei, zvichiguma nokuora kwezuva rose uye rima!”
Angola: “Rin’i inenge dhaimani yakaita kuti vanhu vaome mate mukanwa uye vadanidzire. Zvadaro, nenguva dza1:48 masikati, zuva rose rakatanga kuora. Vanhu vakaita zvakasiyana-siyana. Vamwe vakanga vakabatikana kutora mifananidzo. Vamwe vakatanga kudanidzira pamwe chete vachiti ‘Raora! Raora! Raora!’ Vamwewo vakatanga kuridza mheterwa uye kudanidzira apo kwakaita usiku iwo ari masikati. Panguva yakaora zuva rose, chiedza chezuva chakaita denderedzwa chakatanga kuoneka pazuva rakanga raora. Taigona kuona chiutsi chakapoteredza mwedzi. Nenguva isipi, zvichiita sokunge nguva yakanga yamhanyiswa, kuora kwacho kwakanga kwapera uye mwaranzi yechiedza chezuva yakabuda nokune rimwe divi romumvuri wacho.
“Chimedu chezuva pachakatanga kubuda, takaona mavara ari pazuva, ainge ambonyangarika, achibuda murima rimwe pashure perimwe apo zuva rakanga richibuda zvishoma nezvishoma.”
Zambia: “Zuva rose rakaora kwemaminitsi 3 nemasekonzi 14, saka pakanga paine nguva yokufungisisa kushamisa kwechiitiko chacho. Kwakanga kuine rima, asi kamwaranzi kezuva kaioneka nechekure. Kunyange zvazvo denga rakanga richiri rebhuruu, takakwanisa kuona dzimwe nyika dziri muchadenga idzo dzinenge dzakavharwa nezuva kazhinji—somuenzaniso, Jupiter neSaturn dzainyatsooneka. Zvichida chinhu chainyanya kuyevedza kuona pakuora kwezuva kwacho chaiva chiedza chakanga chakapoteredza zuva. Chaioneka kunge rurimi rwemoto rwakapoteredza denderedzwa dema. Vafadzwa nazvo, vaiona vakangoti ‘zvinoshamisa, zvinoyevedza.’ Zvishoma nezvishoma denderedzwa remwedzi rakapfuura, richiita kuti zuva rinyatsooneka ndokuita kuti mwaranzi yezuva isvike pasi isina chaiikanganisa. Dzave 4:28 zuva rava kuvira, kuora kwezuva kwakanga kwapera!”
Zvidzidzo Zvakabva Mukuora Kwezuva
Pashure pacho, vakawanda vakataura manzwiro avo nezvechiitiko ichi chaiita kuti munhu afunge. MuAngola mumwe mukadzi akataura kuti akada kusvimha misodzi. Mumwe akafunga izvi kuti chaiva chipo chakanga chapiwa naMwari. Asi mumwe akataura kuti Musiki ane rudo chete ndiye anogona kuita kuti pave nechiitiko chinoshamisa kudai kuitira kuti vanhu vafunge nezvokunaka kusingaenzaniswi kwezvinopa pasi simba.
Zvaiva pachena kuti vanhu vakawanda muAfrica vanoremekedza Musiki wavo zvikuru uye Bhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvomuguta reSumbe pazvaitaura kuvamwe nezvokuora kwezuva uye zvichiti iri raingova rimwe remabasa anoshamisa aJehovha, Musiki wedu, vagari vemo vakaratidza kufarira chaizvo kukurukura nyaya yacho. Vakawanda vakagamuchira nechido makopi emagazini yeNharireyomurindi yakabuda mazuva iwayo inotaura nezvemabasa aya anoshamisa.
Chiitiko ichi chomudenga chakabatsira mamiriyoni evanhu kukanganwa zvinetso zvavo kwemaminitsi mashomanana uye kufunga nezvechimwe chinhu chinonzwisa manyukunyuku nechinopedza mate mukanwa. Vaona zvinhu zvinoshamisa zviri pazuva zvisingawanzooneki, vamwe vakafunga nezvezvimwe zvisingaoneki asi zvikurukuru mbiri inoshamisa yoMusiki wazvo, Jehovha.
[Mashoko Omuzasi]
a Sezvo kutenderera kwemwedzi nezuva kwakaita denderedzwa rinenge zai, kukura kwezuva nemwedzi kunochinja zvishoma zvichienderana nokuti zviri papi mukutenderera muchadenga. Kana mwedzi uri kure zvikuru nezuva paunenge uchitenderera, chimedu chine rima gobvu chomumvuri wemwedzi chingasasvika pasi pano. Kana izvi zvaitika, vanhu vanoona vari pasi vanenge vari mumumvuri wacho vanocherechedza kuora kwezuva kwedenderedzwa, zuva richioneka serin’i inopenya yakapoteredza mumvuri mutema.
b Zvinozivakanwa seBaily’s beads zvinokonzerwa nechiedza chinenge chichidarika nomumipata iri pamwedzi zuva risati raora. Mashoko okuti “diamond ring” anorondedzera maonekero anenge achiita zuva risati raora zvachose, paya panenge pachiri kuoneka kachikamu kadiki kezuva, zvichiita kuti rioneke serin’i chena iri kun’aimira, kunge rin’i yedhaimani.
[Mufananidzo uri papeji 28]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
→ →
Zuva → Mwedzi ⇨ Nzvimbo yaiva nerima ⇨ Pasi
→ →
[Kwazvakatorwa]
© 1998 Visual Language
[Mifananidzo iri papeji 31]
“Baily’s beads”
Kuora
“Diamond ring”
[Kwazvakatorwa]
Courtesy Juan Carlos Casado, www.skylook.net ▸
[Mufananidzo uri papeji 31]
Vaiona kuora kwezuva muLusaka, Zambia