RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 9/8 pp. 20-21
  • Kufarirwa Kwenhamba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarirwa Kwenhamba
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutangira Kuna Pythagoras Kusvika Kudzidziso Isiri Yesayenzi
  • Nhamba Dzinotaurwa muBhaibheri Dzinorevei? Kududzira Nhamba Kunotsigirwa neBhaibheri Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Bhaibheri Rine Chiratidzo Chakavigwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Unofanira Kutungamirirwa Nenhamba Here?
    Mukai!—2002
  • Nhamba Dzinodzora Upenyu Hwako Here?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 9/8 pp. 20-21

Kufarirwa Kwenhamba

FUNGIDZIRA zvaizoitika dai kusina nhamba. Kungadai kusina mari. Vanhu vaizotengeserana zvinhu vachiita zvokuchinjana ivo pachavo. Ko zvakadini nemitambo? Pasina nhamba, zvaizova zvakaoma kuverenga zvibodzwa uye taizotadza kuziva kuti timu imwe neimwe inofanira kuva nevatambi vangani!

Zvisinei, kunyange zvazvo nhamba dzichibatsira zvikuru, pane zvinhu zvakawanda zvisinganzwisisiki nezvadzo. Izvi zvakadaro nokuti hadzioneki. Haukwanisi kuona, kubata, kana kunzwa zvakaita nhamba. Somuenzaniso: Apuro rine ruvara rwakasiyana, rinobatika, rine makuriro aro, rine maumbirwe aro, manhuwiriro, uye munakiro waro. Unokwanisa kuona chimwe nechimwe chezvinhu izvi kuti uve nechokwadi chokuti iro iapuro here kana kuti iremoni, bhora, kana kuti chimwewo chinhu. Asi, nhamba haina kudaro. Zvimwe zvinhu zvinomwe zvingasava zvakafanana nezvimwewo zvinhu zvinomwe—kusiya kwokungoti zvose “zvinomwe.” Saka, kuti tinzwisise zvinorehwa nenhamba—somuenzaniso, kunzwisisa musiyano uri pakati penhanhatu nenomwe—kunzwisisa chimwe chinhu chisingaoneki. Apa zvino ndipo panouya vaya vanoti nhamba dzine zvadzinoreva zvisinganzwisisiki.

Kutangira Kuna Pythagoras Kusvika Kudzidziso Isiri Yesayenzi

Kutaura kuti nhamba dzine zvimwe zvinokosha zvadzinoreva kwakatanga nevanhu vekare zvikuru. Pythagoras, aiva muzivi wechiGiriki aiita zvemasvomhu akararama muzana remakore rechitanhatu B.C.E., akadzidzisa kuti zvinhu zvose zvinogona kuratidzwa pachishandiswa nhamba. Iye nevateveri vake vaiti zvinhu zvose zvakasikwa zvinoratidza kuti zvakarongeka uye zvinoenderana. Saka, hazvingadaro here kuti kufambidzana kwemasvomhu kuri muzvinhu zvose?

Kubvira mumazuva aPythagoras, nhamba dzakashandiswa kufanotaura uye kududzira zviroto nokubatsirawo vanhu kuyeuka. Dzakashandiswa nevaGiriki, vaMuslim, uye vechiKristudhomu. Vachishandisa imwe nzira yokudzidza nhamba inonzi gematria, Vadzidzi vechiJudha vakapa nhamba kubhii rimwe nerimwe remabhii 22 earufabheti yechiHebheru zvadaro ndokubva vati vakawana zvakavanzika zvairehwa zvaiva muMagwaro echiHebheru.

Kudzidza nezvenhamba kwemazuva ano kwakafanana neizvozvo. Kazhinji, zita rako nezuva rawakaberekwa ndipo pavanotangira. Bhii rimwe nerimwe riri muzita rako rinopiwa nhamba. Nokusanganisa nhamba idzi—pamwe chete nenhamba dzomwedzi nezuva zvokuberekwa kwako—anodzidza zvenhamba anokwanisa kuziva nhamba dzako dzinokosha. Anobva adudzira zvinorehwa nenhamba idzi, izvo anofunga kuti zvinopa tsananguro yakazara nezvako—kusanganisira unhu hwako, zvaunoda usingazivi, uye zvichaitika kwauri.

Zvichida chinoita kuti vakawanda vafarire kudzidza nezvenhamba ndechokuti dzinoita sedzakarurama kana dzaongororwa. “Vanhu vakawanda vava kudavira nezvokudzidzwa kwenhamba nokuona kuti dzinobva dzada kuti gedye kumunhu anenge adzishandisirwa,” anonyora kudaro Edward Albertson mubhuku rake rinonzi Prophecy for the Millions. Asi, kudzidza nezvenhamba kwakanziwo hakuna kuvakirwa pasayenzi. Nei? Pane chikonzero chokuti iwe usave nechokwadi nezvinotaurwa nevanodzidza nezvenhamba here?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 21]

BHAIBHERI RINE MASHOKO AKAVANZIKA HERE?

Mubhuku rake rinonzi The Bible Code, mutori wenhau Michael Drosnin anoti akaona mashoko akavanzika achishandisa kombiyuta paaiongorora Magwaro echiHebheru. Maererano nezvinotaurwa naDrosnin, “chiratidzo” chacho chakabudisa mashoko okuti “muurayi achaurayira chigaro” pamwe chete nezita raYitzhak Rabin uye izvi zvakawanikwa gore rimwe Mutungamiriri weIsrael Rabin asati aurayiwa.

Sezvaitarisirwa, The Bible Code rakamutsa makakatanwa makuru. Dave Thomas, mudzidzi wemasvomhu uye wezvefizikisi, akaratidza kuti kushandisa kombiyuta kuongorora chero mashoko api kunokwanisa kubudisa zvinoita sokuti mashoko akavanzika. Achishandisa mashoko aDrosnin pachake, Thomas akabudisa mashoko okuti “chiratidzo,” “zvisina musoro,” uye “unyengeri.” “Mashoko akavanzika anokwanisa kuwanika chero papi zvapo,” anodaro Thomas, “chero bedzi uri kuda kushandisa nguva uye simba kuti uongorore mikana yakawanda yokuawana.”

Nokugona kwayo kusanganisa nhamba kunyange dzakaita sei, kombiyuta ine mukana wokuwana mumwe mubatanidzwa wemabhii angashandiswa kufanotaura zviri mberi. Asi izvi zvinhu zvinongoitika uye hazviratidzi kuti Bhaibheri rine mashoko akavanzika.a

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mamwe mashoko, ona Nharireyomurindi yaApril 1, 2000, mapeji 29-31.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Pythagoras akadzidzisa kuti zvinhu zvose zvinomirirwa nenhamba

[Kwazvakatorwa]

Courtesy National Library of Medicine

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe