Unofanira Kutungamirirwa Nenhamba Here?
KUDZIDZA nhamba uye zvadzinoreva kunopindirana nesayenzi uye ruzivo here? Nhamba ndidzo dzinotiudza kuti remangwana redu rakamira sei here? Unofanira kuronga remangwana rako maererano nezvinowanikwa uye zvinonzi zvichaitika zvinobuda pakudzidza nezvenhamba here?
Chimwe chipingamupinyi icho vanodzidza nezvenhamba vasina kukwanisa kukurira ndechokuti vanhu venyika dzakasiyana vanoshandisa makarenda akasiyana. Somuenzaniso, zvakadini kana mumwe munhu achigara kunzvimbo inoshandiswa karenda yokuChina? Funga nezvezuva rambotaurwa munyaya yedu yokutanga—September 11, 2001. Maererano nekarenda yokuChina, iroro rakanga riri zuva rechi24 remwedzi wechi7 mugore rechi18 pamakore 78. Karenda yakagadzirwa naJulius yaizoratidza zuva iroro saAugust 29, 2001. Maererano nekarenda yevaMuslim, wakanga uri musi wa22 Jumada II 1422, ukuwo karenda yechiHebheru ichiti 23 Elul 5761. Pangava sei nenhamba dzine zvadzinoreva kana zuva racho richikwanisa kutaurwa nenzira dzakawanda kudaro? Chimwe chinhu ndeichi: Mitauro ine nzira dzakasiyana dzokuperetera nadzo mazita. Somuenzaniso, mabhii ari muzita rechiRungu rokuti John ane nhamba inokosha sa2, asi mabhii ari mumutauro wokuSpain ezita rakarero—Juan—ane ukoshi hwa1.
Kuziva kuti zvinhu zvakawanda zvepasi pano zvinokwanisa kutsanangurwa pachishandiswa masvomhu ndeimwewo nyaya. Masvomhu aya anokwanisa kuongororwa oshandiswa. Asi yatova imwe nyaya kuti uti zita rako rakanga rafanogadzirirwa kuti rienderane nezuva rako rokuzvarwa uye kuti ribatane nedzimwe nhamba dzakati zvokuti unogona kuziva nguva yako yemberi.
Saka chokwadi chiri pachena: Kudavira kuti dudziro dzokuongorora nhamba dzakarurama, kana dzichiitwa maererano nezvinhu zvinosiyana-siyana zvikuru kudaro sekarenda uye mutauro, kunenge kwave kuwedzeredza zvinhu kuti zviite sokuti ndozvazviri.
“Nguva Nezvinoitika”
Vamwe vanotanga kufarira kudzidza nezvenhamba nokuti vanenge vachida kuti upenyu hwavo huve fembera fembera. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti upenyu hwomunhu hahugoni kunzi huchava hwakadai. Tinoverenga kuti: “Unomhanyisa haazi iye unokunda, une simba haazi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haazi iye une zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Hungu, zvinhu zvakawanda zvinoitika tisingazvifungiri. Zvinhu zvinongoerekana zvaitika izvi zvinoita kuti zvisakwanisika kufanotaura zvichaitika zvichivakirwa pazuva rokuberekwa kana kuti zvinorehwa nenhamba dzezita rake.
Funga nezvomumwe muenzaniso: Richikurudzira kupa, Bhaibheri rinoti: “Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura. Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.” (Muparidzi 11:1, 2) Kunze kwezvinoitika zvishoma, ngwavaira zvinhu izvo vanhu vasingakwanisi kufanoziva. Naizvozvo purofesa wemasvomhu anonzi Underwood Dudley achitaura nezvevanodzidza nhamba akanyora kuti: “Havadi kubvuma kuti zvimwe zvinhu zvinongoitika zvoga. Zvinhu zvinoshamisa zvinokwanisa kungoitika chero nguva.”
Ichokwadi kuti vanodzidza nezvenhamba vanogona kutaura zvimwe zvinhu zvichiitika. Nei zvichiitika? Dzimwe nguva, zvinenge zvangoitikawo panguva imwe chete. Zvekarewo, mutauro unoshandiswa nevanodzidza zvenhamba hauna kujeka zvokuti unogona kushanda kuzvinenge zvaitika zvakawanda. Asi pane chimwe chinhu chakatonyanya kukosha chokufunga nezvacho.
Ndeimwe Nzira Yokuuka Here?
Bhaibheri haritauri nezvokudzidza zvenhamba nezita. Asi rinotiudza nezvaHamani, muAmareki akaronga zano rokuparadza vaJudha vaigara muPezhiya muzana remakore rechishanu B.C.E. Nhoroondo yacho inoti: “Hamani akarayira kuti mijenya ikandwe (‘purimi,’ ndiro raiva zita rayo) kuti azive zuva nemwedzi wakarurama wokuita zano rake. Zuva regumi namatatu romwedzi wegumi nembiri, mwedzi waAdha ndiwo wavakasarudza.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.)—Esteri 3:7, Today’s English Version.
Makare-kare, kukanda mijenya yakanga iri nzira inogamuchirika yokupedza nayo gakava.a (Zvirevo 18:18) Asi Hamani akakanda mijenya kuti auke—kunova kunoshorwa neBhaibheri. Dheuteronomio 18:10-12 inotaura kuti Mwari anovenga munhu wose “unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana unobvunza masvikiro . . . Vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.”
Bhaibheri rinobatanidza kuuka nesimba rakaipa rokuita zvemidzimu. Midzimu yakaipa inokwanisa kufambisa zvinhu kuti zvienderane nezvainoda. Pasinei nokuti izvi ndizvo zvazviri mumamiriro ezvinhu akati kana kuti kwete, chokwadi ndeichi: Kuita zvemidzimu kunoshorwa naMwari, uye kunogona kuita kuti munhu adzorwe nemidzimu yakaipa.—1 Samueri 15:23; VaEfeso 6:12.
Kudzidza zvenhamba nezvadzinoreva hakutsigirwi nesayenzi, uye kunoonekwa kuti manyepo kana kukaongororwa pachishandiswa kufunga kune musoro. Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti, nokuti mumwe mutoo wokuuka, kudzidza zvenhamba nezvadzinoreva kunopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Tichifunga izvi, kudzidza zvenhamba nezvadzinoreva haisi nzira inobatsira yokudzora upenyu hwako kana kuronga remangwana rako.
[Mashoko Omuzasi]
a Paikandwa mijenya, zvinhu zviduku—zvakadai sehurungudo kana kuti zvimiti—zvaiiswa munguvo kana kuti muhari. Zvadaro, zvaibva zvachukuchwa. Uyo ane mujenya waizobudiswa ndiye aisarudzwa.
[Bhokisi riri papeji 22]
KUSIYANA-SIYANA KWAKAITA MAKARENDA KUNORATIDZA PACHENA KUTI KUDZIDZA ZVENHAMBA UYE ZVADZINOREVA HAKUSHANDI
YaGREGORY September 11, 2001
YokuCHINA zuva rechi24 remwedzi wechi7 mugore rechi18 pamakore 78
YaJULIUS August 29, 2001
YevaMUSLIM 22 Jumada II 1422
YechiHEBHERU 23 Elul 5761
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]
ZVIRATIDZO ZVENYEREDZI ZVINOGONA KUVIMBWA NAZVO HERE?
“Dzimwe nguva unenge uchifara, asi dzimwe nguva unenge usiri kufara. Unoona kuti hazviiti kuti uudze vanhu vausingazivi zvakawanda nezvako. Uri munhu anozvifungira anoda kutanga aona kuti chinhu ndechechokwadi asati anyengerwa kuchibvuma. Unofarira zvinhu zvakasiyana-siyana muupenyu, uye unoshaya mufaro kana ukadzorwa nemitemo. Une mano akawanda, asi hausati waashandisa ose. Une muitiro wokutsoropodza maitiro ako zvinhu uye mano ako.”
Mashoko aya anoita kunge ari kutsanangura iwe here? Kana zvakadaro, iwe ndiwe ungave uri kuedza kufanana nezviri pamashoko aya kupfuura zvaari. Ichokwadi kuti mashoko mazhinji ari pamusoro apa anotsanangura vanhu vakawanda. Naizvozvo, vaverengi vachava nomuitiro wokubvuma mashoko anoita seakarurama vosava nebasa neanoita seasina. Maererano nebhuku rinonzi Why Do Buses Come in Threes—The Hidden Mathematics of Everyday Life,“vanoongorora vakaona kuti kana zviratidzo zvenyeredzi zvikabviswa, vanhu havakwanisi kuziva kuti mashoko api anoshanda kuchiratidzo chavo, asi kana zviratidzo zvacho zvikaiswa vachadavira kuti chiratidzo chavo ndicho chiri kutaura zvakarurama zvikuru.”
[Bhokisi riri papeji 24]
NHAMBA DZINE ZVADZINOREVA MUBHAIBHERI
Dzimwe nhamba dzakashandiswa muBhaibheri dzine zvadzinoreva zvokufananidzira, asi pandima dzeMagwaro adzinenge dziri chete. Somuenzaniso, nhamba yechina inomirira kukwana kwezvinhu kana kuti zvinhu zvose. Izvi zvinoratidzwa nemashoko akadai sookuti “mativi mana enyika” uye “mhepo ina dzokudenga.” (Isaya 11:12; Dhanieri 8:8) Dzimwe nguva, nhamba yechitanhatu inomirira kusakwana kwezvinhu. Nhamba yakapiwa inomirira masangano ezvematongerwe enyika yaSatani mubhuku raZvakazarurwa zvinoshamisa kuti yakanzi “inhamba yomunhu”—666. (Zvakazarurwa 13:18) Pano nhamba yechitanhatu inotaurwa katatu, zvichisimbisa kusakwana kwesangano iri rinoita semhuka. Apo nhamba yechinomwe inoshandiswa nenzira yokufananidzira, inenge ichiratidza kukwana. (Revhitiko 4:6; VaHebheru 9:24-26) Nhamba idzi nedzimwe dzokufananidzira dzinoshandiswa muMagwaro dzinowana zvadzinoreva kubva mumashoko ouprofita adziri.
Kunyange zvazvo Magwaro achipa dzimwe nhamba kukosha kwakati kuti, Bhaibheri haritikurudziri kubatanidza mabhii emamwe mashoko nenhamba kuti tiwane chokwadi chakavanzika.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Hamani akauka kuti asarudze zuva rokuita zano rake rokuparadza rudzi