Nhamba Dzinodzora Upenyu Hwako Here?
NHAMBA dzine zvakavanzika zvadzinoreva here? “Hungu!” vamwe vangadaro vachitaura nezvomuenzaniso wezvakaitika zvinoshamisa—kurwisa kwakaita magandanga musi waSeptember 11, 2001.
“Pandakangonzwa nhau dzacho,” anodaro mumwe anodzidza nezvenhamba, “ndakaona zuva racho riri: 9-11-2001.” Nhamba 11 yagara inozivikanwa nevanodzidza nhamba kuti imwe ‘yenhamba dzinokosha.’ Nokudaro vanoshingairira kudzidza nezvenhamba vakanyora ndandanda yezvinhu zvakasiyana-siyana zvine chokuita nokurwisa kwemagandanga zvinoratidza “nhamba inokosha” 11. Izvi ndizvo zvimwe zvezvavakawana:
■ Njodzi yacho yakaitika musi wa9/11. . . . 9 + 1 + 1 = 11.
■ September 11 rakanga riri zuva rechi254 regore. . . . 2 + 5 + 4 = 11.
■ Ndege yakarova chivako chokuchamhembe yakanga iri Flight 11.
■ Ndege iyoyo yakanga iine vanhu 92. . . . 9+ 2 = 11.
■ Ndege yakarova chivako chokumaodzanyemba yakanga iine vanhu 65. . . . 6 + 5 = 11.
■ Zvivako zveTwin Towers zvairatidzika senhamba 11.
■ MuchiRungu zita rokuti “New York City” rine mabhii 11.
Kudzidza nezvenhamba—kwokuti chinenge chichirehwa chinoratidzwa nenhamba, kuiswa kwadzo pamwe chete, uye kusanganiswa kwadzo—kwagara kuchiitwa zvikuru muAfrica, Asia uye America. Nei vanhu vachifarira kudzidza nezvenhamba? Maererano neimwe nzvimbo yepaIndaneti, kuwana chinorehwa nenhamba dzemabhii ari paarufabheti anoshandiswa mumazita—zvinowanzoitwa nevanodzidza nezvenhamba—“kunopa mashoko akarurama nezvounhu, maitiro uye zvisingagonekwi.” Maererano nemashoko eIndaneti aya, kudzidza “zuva ratakaberekwa kunoratidza zvichaitika muupenyu hwedu, nezvinofadza uye miedzo irimo.”
Zvinotaurwa izvi ndezvechokwadi here? Kana kuti pangava nengozi dzisiri pachena dziri mukudzidza zvinorehwa nenhamba?