RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 9/8 p. 32
  • “Ndaifanira Kuziva Zvakawanda”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndaifanira Kuziva Zvakawanda”
  • Mukai!—2002
Mukai!—2002
g02 9/8 p. 32

“Ndaifanira Kuziva Zvakawanda”

GORE rakapera mumwe mukadzi akanyora kuti: “Nezuro ndakagamuchira bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? randakakumbira pandakanyora tsamba.” Akatsanangura kuti nguva iyi isati yasvika akanga agamuchira mapepa maviri okukumbira bhurocha racho. “Ndakamirira nokuda zvikuru kuti risvike nokuti ndapedza kuverenga mapepa okurikumbira, ndakaziva kuti ndaifanira kuziva zvakawanda,” akadaro. “Pandakagamuchira bhurocha racho, ndakatanga kuriverenga nokukurumidza sezvandaigona. Zvinhu zvose zviri mubhurocha renyu zvine musoro uye zvinobva muBhaibheri.”

Akagumisa kuti: “Ndinonzwa ndichifanira kuita chimwe chinhu nezvandakaverenga.”

Tinofunga kuti iwewo uchabatsirwa nokuverenga bhurocha iri rine mapeji 32 rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Kunze kwechidzidzo charo chinonakidza chokuti “Jesu Kristu Ndiani?” uchawana zvimwe, kusanganisira chokuti “Mwari Ndiani?,” “Ndechipi Chiri Chinangwa chaMwari Nokuda Kwapasi?,” uye “Umambo hwaMwari Chii?” Kana uchida kukumbira rako, zadza kopani riri pasi apa woritumira kukero yapiwa kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Nditumirei bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri?

□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe