RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 7/8 pp. 27-31
  • Ndaimboita Zvenyika asi Ndava muKristu Asina Kwaakarerekera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndaimboita Zvenyika asi Ndava muKristu Asina Kwaakarerekera
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Makore Akawanda Muusungwa
  • Nguva Pfupi Yorusununguko
  • Pamberi Pedare
  • Mimwe Mikana Yokupupura
  • Kubatsirwa naMwari
  • Kuonga Ropafadzo Dzanhasi
  • Ndakadzidza Kuvimba naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Nguva Dzose Kuwana Chimwe Chinhu Chokuitira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kumirira Umambo Husiri “Hwenyika Ino”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Jehovha Akanditsigira Mutorongo Romurenje
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 7/8 pp. 27-31

Ndaimboita Zvenyika asi Ndava muKristu Asina Kwaakarerekera

YAKATAURWA NALADISLAV ŠMEJKAL

Pashure pokupiwa mutongo wangu, ndakaendeswa kuchitokisi changu. Pakarepo, ndakatanga kurova-rova madziro (Morse code) ndichiudza shamwari yangu yakanga iri muchitokisi chepamusoro nedzimba mbiri. Akanga akamirira kunzwa mutongo wandakanga ndapiwa.

“Makore gumi nemana,” ndakarova-rova.

Akatadza kuzvibvuma. Saka akabvunza kuti: “Mwedzi gumi nemina here?”

“Kwete,” ndakapindura. “Makore gumi nemana.”

RAKANGA riri gore ra1953. KuLiberec, Czechoslovakia (iye zvino yava Czech Republic). Panguva iyoyo ndakanga ndiine makore 19 ndichiita zvematongerwe enyika nechinangwa chokuchinja zvinhu munyika. Isu vezvematongerwe enyika taitaura pfungwa dzedu tichiita zvokupa vanhu tumapepa twakanga tuchitsoropodza Communist Party, yakanga ichitonga panguva iyoyo. Basa redu rakanzi kumukira hurumende—ndosaka ndakapiwa mutongo wemakore akawanda mujeri.

Ndakanga ndatopedza rinenge gore rose ndiri muusungwa ndisati ndapiwa mutongo. Ndisati ndapiwa mutongo, vasungwa vaichengetwa vari vaviri vaviri muchitokisi, uye panguva nenguva vaibudiswa vakasungwa kumeso kuti vanobvunzurudzwa. Takanga tisingabvumirwi kutaura tiri muzvitokisi zvedu, saka taizevezera kana kutaura tichiita zvokurova-rova madziro.

Pasina nguva refu, ndakaziva kuti vazhinji vakanga vari mujeri vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Mujeri medu makanga muine tsika yokuchinja vasungwa vari muzvitokisi mwedzi nomwedzi kana kuti pashure pemwedzi miviri. Sezvo ndaifarira Bhaibheri, ndakafara apo ndakapedzisira ndaiswa muchitokisi chimwe chete neChapupu. Pashure penguva yakati kuti, ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu.

Ndinofunga munogona kuti kukurukura kwataiita kwaiva kudzidza Bhaibheri, kunyange zvazvo takanga tisina Bhaibheri kana mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Kutaura chokwadi, ndakanga ndisati ndamboona Bhaibheri muupenyu hwangu hwose. Asi taitaura—Chapupu chaitsanangura nhau dzeBhaibheri dzachaiyeuka—uye ndainyora mashoko achaitaura. Zvose izvi taizviita takati kwati kwati tichizevezerana.

Zvinhu zvokushandisa zvakanga zvirimo aiva mapepa omuchimbudzi nekamu chete. Ndaishandisa kamu yacho kunyora papepa romuchimbudzi. Magwaro mazhinji ataikurukura ndakaabata nomusoro. Zvapupu zvakadzidza neni zvakandidzidzisawo nziyo dzoUmambo. Chimwe Chapupu chakandiudza kuti: “Iye zvino uri mujeri nemhaka yezvematongerwe enyika, asi munguva yemberi unokwanisa kuzoiswa mujeri nemhaka yokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.”

Pakupedzisira, ndabvunzurudzwa kasingaperi, ndakapiwa mutongo ndokuendeswa kumusasa wechibharo pedyo neguta reJáchymov. Panguva iyoyo, ndakanga ndava nechivimbo chokuti rimwe zuva ndichava mumwe weZvapupu zvaJehovha.

Makore Akawanda Muusungwa

Pandakasvika pamusasa paicherwa uranium, ndakabva ndangotsvaka Zvapupu. Ndakakurumidza kuziva kuti zvakanga zvaendeswa kune imwe nzvimbo. Zvisinei, chimwe Chapupu chakasara chiripo nokuti chakanga chiri mubiki. Chakandikweretesa Bhaibheri rakanga rasakara chaizvo nemhaka yokuti raigara richivigwa panzvimbo dzakasiyana-siyana. Saka ndakakwanisa kuverenga magwaro andakanga ndichiziva nomusoro. Pandaiverenga, nechomumwoyo ndakaramba ndichiti, ‘Yaa, ndizvo chaizvo zvandakadzidziswa nehama.’

Unenge mwedzi mumwe chete gare gare, ndakachinjirwa kumusasa unonzi Bytiz, pedyo neguta rePříbram. Ikoko ndakasangana nezvimwe Zvapupu. MuBytiz taiwana mabhuku anotaura nezveBhaibheri nguva nenguva, aiitwa zvokuverevedzwa. Kunyange zvazvo vakuru vakuru vomusasa vakaedza kuziva kuti taiwana mabhuku acho sei, havana kumbobvira vaziva. Takanga tiine vasungwa vanosvika 14 vakanga vachishingaira mukupupurira kune vamwe. Vanomwe vakanga vakabhabhatidzwa uye vamwe vanomwe vakanga vakaita seni, vanhu vakanga vava kudavira zvinodzidziswa neZvapupu pavaiva mujeri.

Vazhinji vedu taida kuratidza kuzvitsaurira kwedu kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura. Asi nemhaka yokushomeka kwemvura—kana kuti, kutaura zvazviri, kushayika kwomudziyo mukuru wokuisa mvura—kunyudza mumvura kwakanga kusiri nyore. Naizvozvo, vazhinji mumazuva iwayo vaitofanira kumirira kusvika vabudiswa kuti vazobhabhatidzwa. Zvisinei, mumusasa womuBytiz makanga mune matangi maviri marefu emvura okutonhodza muchina wokupinza mhepo mumugodhi. Pakati pema1950, vanoverengeka vedu takabhabhatidzwa mune rimwe tangi duku raichengeterwa mvura yerimwe tangi refu.

Makore mashoma pave paya, muna March 1960, ndakadaidzwa nomukuru wemapurisa akanga achiona nezvenyaya dzevasungwa vezvematongerwe enyika. Akati kana ndikamuudza nezvevamwe vasungwa, aizoronga kuti mutongo wangu uderedzwe. Pandakaramba kuita izvozvo, akatanga kundituka nemashoko anonyadzisa. “Waramba mukana wokuva noupenyu hwakanaka,” akadanidzira achidaro. “Ndichava nechokwadi chokuti haudzokeri kumusha kwako! Uchafira muno.” Zvisinei, mwedzi miviri gare gare kuregerera vasungwa kwakasvikawo kwandiri, uye pashure pemakore masere ndiri mujeri, ndakadzokera kumusha.

Nguva Pfupi Yorusununguko

Basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rarambidzwa muCzechoslovakia kubvira muna April 1949, saka ndakakurumidza kuziva kuti kushumira Mwari kunze kwejeri kwakanga kwakafanana nokuita izvi mujeri. Panguva ino ndabudiswa mujeri, ndakatarisana nerimwe dambudziko. Munhurume wose womunyika akanga achimanikidzwa kushanda muchiuto kwemakore maviri.

Vamwe varume vaishanda mumakambani eHurumende vaisamanikidzwa kushanda muchiuto. Somuenzaniso, vaya vaishanda mumigodhi yemarasha vakanga vasingamanikidzwi. Sezvo ndakambenge ndashanda mumugodhi, ndakawana basa mune mumwe mugodhi. Ikoko ndakagamuchirwa noushamwari. “Usanetseka nezvokushanda muchiuto,” ndakaudzwa kudaro. “Hazvitinetsi kuita kuti usaende ikoko.”

Mwedzi miviri gare gare, pandakatumirwa mapepa okuti ndishande muchiuto, vaya vaishanda mumahofisi vakandisimbisa vachiti: “Usanetseka, imhosho yakaitika. Tichanyora tsamba kumauto, uye zvinhu zvose zvichava zvakanaka.” Asi pakanga pasina chakanaka. Nokufamba kwenguva, mumwe mukuru mukuru akauya kwandiri achikumbira ruregerero achiti: “Aka ndiko kokutanga kuti izvi zviitike, unofanira kuenda kunoona mauto.” Apo ndakaramba kuita basa rechiuto maererano nehana yangu, ndakasungwa ndokuendeswa kukamba yemasoja yaiva pedyo.—Isaya 2:4.

Pamberi Pedare

Pashure pokunge ndasungwa muguta reKladno muna January 1961, vakaedza kuita kuti ndive musoja. Mukuru wemauto akaronga musangano. Ndakaendeswa muimba yokuitira misangano yakanga iine tafura huru yakakomberedzwa nezvigaro zvakanaka. Nenguva isipi vakuru vemauto vakatanga kuuya ndokugara muzvigaro zviya vakakomba tafura. Akanga achitungamirira akandisuma kune mumwe nomumwe. Akabva agara pasi ndokuti: “Chitiudza nezvokutenda kwako.”

Pashure pomunyengetero mupfupi womumwoyo, ndakatanga kutaura kuvanhu vakanga vakateya nzeve. Nyaya yacho yakakurumidza kupinda mune zvemhindumupindu, uye pane akataura kuti mhindumupindu yakanga iri dzidziso yechokwadi yesayenzi. Ndiri mumusasa wechibharo ndakambenge ndadzidza kabhuku kanonzi Evolution Versus the New World.a Saka vakuru vemauto ava vakashamiswa kuti ndakakwanisa kupa uchapupu hunoratidza kuti dzidziso yemhindumupindu haisi yechokwadi.

Zvadaro, mumwe mukuru wemauto, uyo akanga aine ruzivo nechitendero chechiKaturike, akataura. “Unoti kudii nezveMhandara Mariya?” akabvunza kudaro. “Uye unoti kudii neMisa tsvene?” Ndakapindura mibvunzo yake, uye ndakati: “Vakuru, ndinoona kuti munenge munonamata, nokuti mibvunzo yenyu yakasiyana neyevamwe.”

“Aiwa! Handisi munamati!” akaramba nenzwi riri pamusoro. Munyika yaidzorwa nevaCommunist, vanhu vaizviti vaKristu vakanga vasingaremekedzwi uye vaisapiwa mabasa epamusoro. Nokudaro pashure peizvi, mukuru uyu haana kuzotaura chinhu mukurukurirano yacho. Ndakafara chaizvo kuwana mukana wokutsanangura zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha kuvarume ivavo.

Mimwe Mikana Yokupupura

Mazuva mashoma pashure peizvi, ndakaendeswa kukamba yemauto muPrague ndokurindwa. Musoja wokutanga akanga ane pfuti akanzi andirinde akashamiswa nokuchengetedzwa kwandaiitwa. “Aka ndiko kokutanga kuti tirinde mumwe munhu,” akandiudza kudaro. Saka ndakamuudza chakaita kuti ndisungwe. Izvi zvakamufadza chaizvo zvokuti akagara pasi—pfuti yake iri pakati pemakumbo ake—ndokuteerera. Pashure pemaawa maviri mumwe musoja akauya kuzomuchinja, uye akabvunzawo uye kurukurirano yeBhaibheri yakatevera.

Mumazuva akatevera, ndakava nemikana yokutaura nevose vaindirinda uye vamwe vasungwa apo varindi vakandibvumidza. Varindi vakatovhura chimwe chitokisi ndokubvumira vasungwa kuungana nokuda kwekurukurirano dzeBhaibheri! Nokufamba kwenguva, ndakatya kuti rusununguko urwo varindi vakanga vari kundipa rwokutaura nevamwe vasungwa rwaizozivikanwa uye zvinhu zvaizonyangara. Asi izvi zvose zvakaramba zviri chakavanzika.

Pakupedzisira, pandakaendeswa kudare kunopiwa mutongo, ndakakurudzirwa nevaya vandakanga ndaudza kutenda kwangu. Ndakapiwa makore maviri, ayo akawedzerwa kumatanhatu epamutongo wangu wokutanga andakanga ndisina kupedza nemhaka yokuti ndakanga ndaregererwa. Izvi zvaireva kuti ndakanga ndiine makore masere mujeri mberi kwangu.

Kubatsirwa naMwari

Kakawanda, ndaiziva kuti Mwari akanga achindibatsira sezvo ndaibva mumusasa mumwe ndichienda kune mumwe uye kubva mujeri rimwe kuenda kune rimwe muCzechoslovakia. Pandakasvika mujeri reValdice, mukuru wepo akandibvunza nei ndakanga ndauya ipapo. “Ndakaramba kuita basa rechiuto,” ndakapindura kudaro. “Kubatanidzwa muhondo hakupindirani nezvandinotenda.”

“Zvaizova zvakanaka dai munhu wose akanga aine pfungwa dzakadaro,” akandinzwira urombo. Asi afunga nezvazvo kwechinguva, akati: “Zvisinei, sezvo vanhu vakawanda mazuva ano vasingafungi saizvozvo, tinofanira kukuranga—kukuranga zvakaomarara!”

Ndakaiswa mudhipatimendi rokucheka magirazi, raiva dhipatimendi rokurwadzisa vanhu. Munoonaka, kunyange zvazvo ndakanga ndapiwa mhaka yokuramba kuita basa rechiuto nemhaka yokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndichiri kunzi musungwa wezvematongerwe enyika, uye, naizvozvo, ndakapiwa basa rakaoma chaizvo. Kucheka magirazi okugadzira zvinhu zvinokosha rakanga riri basa rakaoma nokuti zvinhu izvi zvaifanira kugadzirwa pasina panowanikwa pakaminama. Kazhinji, vasungwa vaiendesa basa ravanenge vapedza, asi vozoudzwa mangwana acho kuti hafu yacho yakanga yadzoswa kuti izogadziriswa. Saka zvakanga zvakaoma kupedza mugwazo waidiwa.

Zuva randakapinda mudhipatimendi rokugadzira zvinhu zvemagirazi, ndaitofanira kumirira mukuru wedhipatimendi. Paakasvika, akatanga kupopotera vasungwa kuti vakanga vasiri kushanda nesimba semaonero aaiita. Akadarika vamwe vasungwa ndokuuya pandakanga ndiri ndokuti: “Ko iwe? Nei usiri kushanda?”

Ndakamuudza kuti ndakanga ndiri musungwa mutsva. Akaenda neni kuhofisi kwake ndokundibvunza mibvunzo inowanzobvunzwa pamusoro pokuti nei ndakanga ndasungwa. Pashure pokumutsanangurira nyaya yangu, akati: “Saka uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?”

“Hungu,” ndakapindura.

Akabva achinja. “Usanetseka,” akadaro. “Takambova neZvapupu zvaJehovha zvakawanda pano. Tinovaremekedza vose, nokuti vanoshanda nesimba uye vanhu vakadzikama. Ndichaita kuti upiwe mugwazo wauchakwanisa kupedza.”

Kuchinja kwakaita mukuru webasa uyu kwakandishamisa zvikuru. Ndakatenda Jehovha uye dzimwe hama dzandisingazivi idzo dzakanga dzaita kuti pave nemukurumbira wakanaka weZvapupu mujeri iroro. Kutaura chokwadi, ndakaona kuti Jehovha akandibatsira nenzira yorudo panguva yose iyoyo ndiri mujeri.

Pasinei nokuti zvinhu zvangu zvakambooma sei, nguva dzose ndaiva nechokwadi chokuti pakupedzisira ndaizoona hama dzangu dzechiKristu. Ipapo ndaizoona kunyemwerera kwavo kwakaisvonaka ndokukurudzirwa navo. Pasina ivo, ndingadai ndakaomerwa zvikuru mujeri.

Vasungwa vazhinji vaingogara vachifunga nezvokuzotsiva kubatwa noutsinye kwavakanga vachiitwa. Asi ini handina kumbofunga izvozvo. Ndakaziva kuti ndakanga ndiri kutambura nemhaka yokuteerera mutemo waMwari wakarurama. Saka ndaiziva kuti pazuva roga roga randaipedza ndiri mujeri, Jehovha akanga achikwanisa kundipa mamwe asingaverengeki muupenyu hunoshamisa mupasi idzva riri Paradhiso.—Pisarema 37:29; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21: 3, 4.

Kuonga Ropafadzo Dzanhasi

Muna May 1968, pashure pemakore anodarika 15 ndiri mujeri, ndakasunungurwa pakupedzisira. Pakutanga, ndakanga ndiine zvaindinetsa maererano nokutaura nevanhu, zvinowanzoitika kuvanhu vanenge vapedza nguva yakareba vachiona vanhu vakapfeka mbatya dzomujeri kana kuona yunifomu inopfekwa nevarindi. Asi hama dzangu dzechiKristu dzakandibatsira kuti ndiite zvekare basa rokuparidza, iro zvechokwadi rakanga richiri kurambidzwa.

Mumavhiki mashoma ndabudiswa mujeri, ndakasangana naEva. Pasinei nokushorwa zvakaomarara nemhuri yake, iye pamwe chete nehanzvadzi yake vakanga vakwanisa kumira vakashinga kutsigira chokwadi cheBhaibheri anenge makore matatu akanga adarika. Nenguva isipi takanga tava kuita basa rokuparidza pamwe chete. Takashandawo pamwe chete kugadzira mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Izvi zvaiitwa pachivande mudzimba dzokudhinda mabhuku. Ipapo muna November 1969, takaroorana.

Muna 1970 dangwe redu, Jana, rakazvarwa. Pashure penguva yakati kuti, pakupera kwevhiki ndakatanga kuita basa rokufambira ungano somushumiri anofambira weZvapupu zvaJehovha, ndichidzishanyira kuti ndidzikurudzire mumudzimu. Ndichiita basa iri muna 1975, ndakasungwa ndokuendeswa zvekare kujeri. Asi panguva ino ndakapedza mwedzi mishoma ndiriko. Zvadaro muna 1977 mwanakomana wedu, Štěpán, akazvarwa.

Pakupedzisira, musi waSeptember 1, 1993, Czech Republic yakabvumira basa reZvapupu zvaJehovha zviri pamutemo. Gore rakatevera racho mwanasikana wedu, Jana, akaroorwa naDalibor Dražan, mukuru muungano. Ipapo muna 1999, mwanakomana wedu, Štěpán, mushumiri anoshumira, akaroora Blanka, anoita basa renguva yakazara. Tose tiri nhengo dzeungano dziri muPrague. Tose tinotarira mberi kunguva apo nyika itsva ichange yavapo—asi ndinoda zvikuru kuona nguva apo kuchange kusisina nzvimbo ine majeri.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1950.

[Mifananidzo iri papeji 28]

Ndaishandisa kamu kunyora mashoko endima dzeBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 29]

Musasa womuBytiz, mandakaiswa mujeri ndikazobhabhatidzwa gare gare

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zuva romuchato wedu

[Mufananidzo uri papeji 31]

Ini naEva, tiina Štěpán naBlanka vari kuruboshwe kwedu uye Jana naDalibor vari kurudyi kwedu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe