Jehovha Akanditsigira Mutorongo Romurenje
YAKATAURWA NAISAIAH MNWE
Pakanga pave pasina kutongwa, uye ndakanga ndisina kupara mhosva. Bva, ndakashurikidzirwa kubasa rakaoma munyika yokurangira pakati peSahara Desert inopisa yeAfrica. Chakaita kuti kuve kwakaipa zvikuru, hapana neimwe yeshamwari dzangu yaiziva kwandakanga ndiri. Ikoku kwakaitika anopfuura makore masere apfuura, muzhezha ra 1984. Regai nditsanangure kuti ndakasvika sei pakuva mumugariro iwoyo unotyisa.
MUNA 1958, apo ndaingova namakore 12 bedzi, mukoma wangu akava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, baba vangu naamai vakapfuurira kunamata vamwari vorudzi veNyika yeAbia, Nigeria, umo taigara.
Muna 1968, ndakakumbanira mauto eBiafra. Apo ndakanga ndiri mumakomba, ndakafunga nezvechimiro chokusatora rutivi cheZvapupu zvaJehovha, uye ndakanyengetera kuna Mwari kuti andibetsere. Ndakapikira kuti kana iye akandibvumira kupukunyuka hondo, ndaizova mumwe weZvapupu zvake.
Pashure pehondo ndakaita nokukurumidza kuti ndizadzike chipikirwa changu. Ndakabhapatidzwa muna July 1970 uye nokukurumidza ndakatora ushumiri hwenguva yakazara sapiona. Pashure penguva yakati ndakagadzwa somukuru muungano yechiKristu. Nokukurumidza ndakagamuchira kokero yakabva kuhofisi yebazu yeNigeria yokutora mugove woufundisi munyika iri pedyo umo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga risina kuzivikanwa pamutemo. Ndakagamuchira, uye pakasvika January 1975, ndakanga ndoenda, ndine pasipoti.
Takasungwa
Muna 1978, ndakagoverwa kushanyira Zvapupu munyika yacho yose. Sezvo zvakanga zviri zvishomanene, ndaifamba zvikuru, ndichishanyira maguta ose umo makanga mune ungano, pamwe chete nenharaunda umo makanga mune vanhu vanofarira. Kazhinji kazhinji ndaibvunzwa panonzverwa namapurisa. Kaviri, kwamazuva mana nguva imwe neimwe, ndakachengetedzwa ndokubvunzurudzwa pamusoro pebasa redu.
Ipapo, muna June 1984, sezvo takanga tichigadzirira nokuda kwoushumiri hwomumunda rimwe Svondo, mukuru mukuru ane ushamwari akatizivisa kuti mapurisa akanga achitsvaka kusunga Zvapupu zvaJehovha. Vhiki rimwe gare gare Djagli Koffivi, uyo anobva Togo, uye ini takasungwa. Takaendeswa kudzimbahwe ramapurisa ndokurairwa kupa mazita eZvapupu zvaJehovha zvose zvaiva muguta. “Kutoti mukatipa mazita acho,” ivo vakadaro, “hatisati tichizokusunungurai.”
“Imi ndimi mapurisa,” ndakapindura kudaro. “Ibasa renyu kuwana vanhu vamunoda. Handisati ndiri mumiriri wenyu.” Takaitirana nharo kwaanenge maminiti 30, uye mapurisa akatityisidzira nokurova. Bva, hatina kuapa mazita ehama dzedu dzechiKristu. Iwo ipapo akasarudza kubvuta raibhurari yangu huru yamabhuku enongedzero eBhaibheri.
Takachengetwa Mutorongo
Pashure pokudzokera kukamba yamapurisa namabhuku, Djagli neni takaaburutsa. Sezvataidaro, pepa rakadonha richibva muBhaibheri rangu rakanyorwa namabhii makuru. Yakanga iri purogiramu yekokorodzano yoruwa pakanga pakatsikirirwa mazita avakuru vose vechiKristu vomunyika yacho. Nokukurumidza ndakarinhonga ndokuritsvikinyidzira muhomwe yangu. Zvisinei, mumwe wamapurisa akandiona ndokundiraira kuripa kwaari. Chokwadika, ndakatambudzika zvikuru.
Pepa racho rakaiswa patafura mukamuri umo Djagli neni takanga tichipinza mabhuku. Apo ndakapinda nomutwaro wangu unotevera, ndakaenda kutafura, ndakanhonga pepa, uye ndakarindonyera muhomwe yangu. Ipapo ndakataura kuti ndaida kuenda kuchimbudzi. Mumwe mupurisa akandiperekedza kunzvimbo yechimbudzi. Pashure pokunge ndapinda ndokuvhara suo, ndakabvarura pepa racho ndokurigoja muchimbudzi.
Apo mapurisa akaziva chakanga chaitika, akashatirwa zvikuru. Asi aitya kuita chinhu chipi nechipi pamusoro pacho, sezvo vakuru vavo vangadai vakavapomera mhosva yeregeredzo nokuda kwokundibvumira banza rokuparadza pepa racho. Pashure pokutichengeta mutorongo kwamazuva 17, sipikita wamapurisa akatiudza kuunganidza zvinhu zvedu nemhaka yokuti takanga tichizoendeswa kune imwe nzvimbo. Takaisa zvipfeko muhomwe yepurasitiki, uye pasi ndakaisa Bhaibheri duku iro mumwe mushanyi akanga ativerevedzera.
Takakwanisa kuzivisa Zvapupu kuti takanga tichitamiswa asi kuti taisaziva kuti kupi. Nokukurumidza mangwanani akatevera, July 4, 1984, sipikita wamapurisa akatimutsa. Iye akatinzvera, achitikumbira kubvisa zvipfeko mubhegi ndokuzviturika pamaoko edu. Asi apo ndakasvika hembe yokupedzisira, iye akati ndaigona kudzorera mbatya mubhegi, naizvozvo Bhaibheri harina kuwanwa.
Torongo Romurenje
Mapurisa akatiendesa nemotokari kunomhara ndege, uko takakwira ndege yamauto. Maawa gare gare takasvika pataundi ravanhu vanenge 2 000, apo pane torongo pedyo. Riri kure naanenge makiromita 650 nomugwagwa kuenda kutaundi riri pedyosa. Takabviswa mundege kuenda kutorongo ndokupiwa kumutarisiri wetorongo. Hapana nomumwe wemhuri yedu kana kuti shamwari aiziva kwatakanga taendeswa.
Taundi uko takaendeswa ndipane mvura nemiti muSahara. Mune makwenzi, miti mishomanene, uye zvivako zvine masvingo edhaka rakaoma. Mvura inogona kuwanwa kupfurikidza nokuchera inenge mita imwe kana kuti mbiri nehafu kudzika. Bva, mugari ane makore 31 okukura wenharaunda yacho akatiudza kuti akaona kuchinaya kamwe bedzi munduramo yake! Uye nharaunda yacho yaipisa zvikuru. Mumwe musungwa akati muchina unoyera kupisa mudzimba dzavasungwa pane imwe nguva wakasvika madhigirii 60 Celsius! Mhepo yakasimba yakavhuvhuta nguva dzose, ichivhuvhuta jecha iro rairuma ganda ndokukuvadza meso.
Munhu upi noupi anosvika panzvimbo iyoyo aiziva kuti akanga ava panzvimbo yechirango chikurusa chenyika yacho. Torongo rakanga rakakomberedzwa namasvingo marefu ayo aigovera dziviriro pamhepo nezuva. Zvisinei, masvingo akanga asingadikanwi kudzivisa kupukunyuka, sezvo pakanga pasina kwokuenda. Kunze kwapane miti nemvura, kwakanga kusina muti mumwe, pasitongori nechinhu, chokupa mumvuri kumunhu upi noupi aida kupukunyuka.
Tisati tapinda, mutarisiri wetorongo akationgorora. Iye akatiudza kubudisa chinhu chiri chose mubhegi redu. Ndakatanga kubudisa hembe dzedu imwe neimwe. Apo chinhu bedzi chakanga chasara yakanga iri hembe imwe yakafukidza Bhaibheri, ndakasimudza bhegi kuti ndimuratidze hembe yaiva mukati ndokuti: “Izvi ndizvo bedzi vakatibvumira kutora.” Agutswa, iye akati tipfuurire muruvazhe. Bhaibheri ndiro rakanga riri chinyorwa bedzi taiva nacho.
Upenyu Mutorongo
Pamwe chete, maiva navasungwa vanenge 34. Ivo vakanga vari matsotsi ane mukurumbira wakaipa naane ngozi zvikurusa munyika yacho. Vazhinji vakanga vari vapondi avo vairangarirwa kuva vasisachinji. Tose zvedu tairara mumasero makuru maviri akaparadzaniswa nekamuri rokushambira. Kamuri rokushambira raiva nomugomo usina kuvharwa uyo waishandiswa sechimbudzi. Kunyange zvazvo iwoyu waibviswa zvinhu mangwanani mamwe namamwe navasungwa, kwairatidzika kuti nhunzi dzose dzomurenje dzaiuya kuzofarikanya kutonherera netsvina zvomugomo iwoyo.
Zvokudya bedzi zvataiva nazvo akanga ari mapfunde. Aigaiwa nomusungwa, kuvidzwa, uye kuyerwa mundiro, ayo ipapo aibudiswa, imwe pabonde romusungwa mumwe nomumwe. Zvokudya zvakanga zvisingafukidzwi. Panguva pataidzokera tichibva kubasa, paiva namazana enhunzi akafukidza ndiro imwe neimwe yezvokudya zvamapfunde. Apo taisimudza ndiro yedu, nhunzi dzaibhururuka dzichienda noruzha. Kwamazuva maviri okutanga, hatina kudya chinhu. Pakupedzisira, pazuva rechitatu, pashure pokudzinga nhunzi nokubvisa rugoko rwakaoma pamusoro, takatanga kudya zvokudya zvamapfunde. Takanyengetera kuti Jehovha aizodzivirira utano hwedu.
Taishanda muzuva, tichipunza masvingo oruvazhe rwetorongo rekare nokuvaka masvingo matsva. Rakanga riri basa rakaoma zvikurusa. Taibishaira pasina kutindika kuvambira pa 6:00 a.m. kutozosvikira masikati makuru, tava nechimwe chinhu chokudya, ipapo taishanda kutozosvikira 6:00 p.m. Kwakanga kusina mazuva okusashanda. Hatina kungotambura bedzi nokupisa asi mukati menguva yechando takatambura nokutonhora. Uye takatamburawo navarindiri vane utsinye.
Kuramba Takasimba Mumudzimu
Djagli neni tairava Bhaibheri muchivande, uye taitaura pamwe chete pamusoro peizvo taidzidza. Taisagona kurava pachena nemhaka yokuti Bhaibheri ringadai rakatorwa uye tingadai takarangwa. Mumwe musungwa wandakatanga fundo yeBhaibheri naye aiva nerambi reparafini iro aigoverana neni. Kazhinji kazhinji ndaimuka panguva yokutanga kana kuti yechipiri mumangwanani ndokurava kutozosvikira panenge panguva yechishanu. Nenzira iyoyo ndakakwanisa kurava Bhaibheri rose.
Taiparidzira kuvamwe vasungwa, uye mumwe wavo akaudza murindiri mukuru pamusoro pedu. Nenzira isingakarirwi, murindiri akapa musungwa magazini yaMukai! yaaiva nayo, uye musungwa akaipfuudza kwatiri. Ndakairava ndairavazve. Kurava kwedu nokuparidzira kwakabetsera kutichengeta takasimba mumudzimu.
Kukurukurirana Neshamwari Dzedu
Takanga tisingabvumirwi kunyora kana kuti kutumira tsamba. Zvisinei, mumwe munhu akanga ave ane ushamwari akati aizondibetsera. Pana August 20, anenge mavhiki matanhatu pashure pokusvika, ndakanyora pachivande tsamba mbiri, imwe kuvamiriri veNigeria uye imwe kushamwari Zvapupu. Ndakadziviga mujecha ndokuratidza nzvimbo yacho nedombo guru. Gare gare shamwari yangu yakauya ndokudzifukunura.
Mavhiki akapfuura, uye handina kunzwa chinhu. Pashoma napashoma ndakarasikirwa netariro yokuti tsamba dzakanga dzaendeswa. Asi dzakasvika, uye Zvapupu biyedu zvakatanga kurwa kuti zviwane kusunungurwa kwedu. Ministry of External Affairs yeNigeria yakavawo nefariro munhau yacho uye yakabvunza hurumende yomunyika mandakapinzwa mutorongo chikonzero nei yakanga yandipinza mutorongo rakadaro.
Munguvayo, pamangwanani aNovember 15, 1984, takaendeswa kundochenesa. Varindiri vakanditungamirira kuchimbudzi chechikoro chesekondari icho vanhu vakanga vave vachishandisa kwamavhiki pasinei zvapo nokuvhara kwacho. Chakanga chakazara netsvina. Basa rangu, varindiri vakadaro, rakanga riri rokuchichenesa. Zvokushandisa bedzi zvandaiva nazvo aiva maoko angu. Sezvo ndakanga ndichishamisika kuti ndoita sei iri basa rinosemesa, murindiri mukuru akauya ndokutaura kuti mudzviti wenharaunda yacho aida kundiona.
Apo ndakasvika mudzviti akataura kuti iye akanga achangobva kutaura napurezidhendi wenyika yacho, uyo akanga aziva nezvomugariro wangu wakaipa. Purezidhendi akatsanangura kuti kana ndikapa mazita eZvapupu zvaJehovha zviri munyika yacho, ndaizosunungurwa nokukurumidza uye ndaigona kuenda ndiri mundege inotevera. Zvakare ndakataura kuti kana vaida Zvapupu zvaJehovha, rakanga riri basa ramapurisa kuzviwana. Mudzviti akandiudza kuti ndinofanira kurangarira chikarakadzo chavo nenzira yakakomba zvikuru. Iye aizondipa mazuva mana kana kuti mashanu okufunga pamusoro pako. Ipapo ndakaendeswa, uye varindiri vakandiperekedza kudzoka kutorongo uye kwete, nokuonga, kuchimbudzi chiye!
Pashure pamazuva mashanu mudzviti akandidana ndokubvunza chandakanga ndasarudza. Ndakataura kuti chikonzero bedzi ndakanga ndiri mutorongo ravo chakanga chiri chokuti ndakapa uchapupu kuna Mwari wechokwadi uye kuti ndakanga ndisina kuita chinhu chakaipa. Ndakatsanangura kuti ndaiva nepasipoti yapamutemo nemvumo yokugara. Mapepa angu ose akanga akarurama, uye panguva ipi neipi yandakanga ndaenda kuguta ripi neripi, nguva dzose ndainzvera namapurisa kuti ndive nechokwadi kuti chinhu chiri chose chakanga chakanaka. Sezvo ndakanga ndisina kupara mhosva, ndakabvunza, kuti: “Neiko ndiri kurangwa? Kana ndakanga ndisingadikanwi munyika, neiko ndisina kudzingwa? Neiko ndakashurikidzirwa kunzvimbo ino?”
Ndakataura kwamaminiti anenge 15. Apo ndakapedza, ndakakumbirwa kunyora zvandakanga ndichangobva kutaura, uye ndakaudzwa kuti tsinhiro dzangu dzaizopiwa kuna purezidhendi. Pepa rakandipiwa, uye ndakanyora mapeji mana.
Ndakasunungurwa Pakupedzisira!
Handina kunzwa chimwe chinhu chipi nechipi pamusoro penhau yacho kutozosvikira pana January 1985, inenge mwedzi minomwe pashure pokunge ndapinzwa mutorongo. Panguva iyoyo, murindiri mukuru akauya ndokundibvunza kana ndakanga ndanyora tsamba kuvamiriri weNigeria. “Hungu,” ndakapindura kudaro.
“Wakazviitirei? Neiko usina kundizivisa?” akabvunza kudaro.
Ndakamuudza kuti nhau yacho yakanga isina chokuita naye. Asi ndakamuvimbisa kuti ndakanga ndisina kunyora chinhu chipi nechipi chinorwisana naye, sezvo iye akanga asina chinhu chokuita nokuda kwokutumirwa kutorongo kwangu. “Kunyange amai vangu havasati vachiziva kwandiri,” ndakadaro. Iye ipapo akada kuziva kuti ndakanga ndatumira sei tsamba yacho, asi ndakaramba kumuudza.
Zuva rakatevera racho varindiri vakagadzira Land-Rover ndokundiudza kuti Djagli neni takanga tichitamiswa. Takabudiswa panze, takabviswa mbatya, takanzverwa. Pamberi pezvi ndakanga ndapa Bhaibheri rangu kumusungwa wandakanga ndave ndichifunda naye nemhaka yokuti ndaiziva kuti varindiri vaizoribvuta kana vakariwana rineni. Uyu murume akatiudza kuti kana akasunungurwa, akanga achizova mumwe weZvapupu zvaJehovha. Tinonyengetera kuti anodaro.
Nokukurumidza pashure pezvo, ndakaendeswa kuNigeria, uye muna February 1985, ndakatangazve ushumiri hwangu somutariri anofambira munyika iyoyo. Chifo cha 1990, ndave ndichibatira somutariri woruwa muNigeria. Djagli zvino ari kubatira seChapupu chakatendeka muCôte d’Ivoire.
Kubva muichi chinoitika, ndakadzidza zvakananga kuti Jehovha Mwari anogona kutitsigira kunyange mudzvinyiriro yakakomba zvikurusa. Nguva nenguva takaona ruoko rwake ruchitidzivirira mutorongo. Kusunungurwa kwedu kwakaroverera patiri kuti Jehovha haasati achingoziva bedzi uko vabatiri vake vari uye chavari kutambura asiwo nzira yokuvanunura nayo mumuedzo.—2 Petro 2:9.