RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 7/8 p. 32
  • “Rakauya Panguva Yakakodzera”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Rakauya Panguva Yakakodzera”
  • Mukai!—2002
Mukai!—2002
g02 7/8 p. 32

“Rakauya Panguva Yakakodzera”

IZVI ndizvo zvakataurwa nomumwe murume anobva kuguta reAbakaliki mutsamba yaakanyorera hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muNigeria. Akanga achitaura nezvebhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, raakanga achangobva kupiwa. Akatsanangura kuti:

“Ndakarasikirwa nomudzimai wangu wandinoda, Tochi, uyo akafa achangobva kusununguka musi waJune 18, 2000. Unopfuura mwedzi gare gare, ndakanga ndichakavhiringika, ndichinzwa kurasikirwa, uye ndisingadaviri kuti imwe yenhamo dzinovhiringidza zvikuru yakanga yazondiwira zvino. Zvino muna July mumwe weZvapupu zvaJehovha akandipa rimwe bhuku renyu rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Kwandiri bhurocha racho rakaita kunge mushonga, uye zvishoma nezvishoma ndave kutanga kugadzikana—ndichibatsirwa nemazano arinopa. Rakandipazve tariro uye kundiita kuti ndione kuti mumamiriro aya ezvinhu okushaya tariro, mberi kune chiedza.”

Zvichida iwe kana kuti mumwe munhu waunoziva achanyaradzwa nokuverenga bhurocha iri rine mapeji 32. Unogona kurikumbira nokuzadza uye kutumira kopani riri papeji ino kukero yakaratidzwa ipapo kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.

□ Nditumirei bhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.

□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe