RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 5/8 pp. 24-25
  • “Chitendero Chako Woga” Ndiyo Mhinduro Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chitendero Chako Woga” Ndiyo Mhinduro Here?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tinoda Kushamwaridzana Nevamwe
  • Zvakadini Netsika?
  • Chimwe Chinhu Chatinoda Tose
    Mukai!—2002
  • Kusanotarisisa Rudzidziso
    Mukai!—1989
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kushandisa Rudzidziso Rwakachena Nokuda Kwokupukunyuka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 5/8 pp. 24-25

“Chitendero Chako Woga” Ndiyo Mhinduro Here?

SEZVO MACHECHI ari kushaya simba pavanhu vakawanda, hazvishamisi kuti vanhu vazhinji vaizotanga zvitendero zvavo pachavo. Kunyange zvakadaro, mibvunzo ndeyokuti, Kuita izvozvo kunokwanisa kupedza nyota yomunhu pakunamata here? “Chitendero chako woga” ndiyo mhinduro here?

Kuti tipindure mibvunzo iyi, tingatanga nokuona kana chitendero chako woga chichigutsa kana tachiongorora ‘nesimba redu rokufunga’, chimwe chezvipo zvinokosha zvikuru zvakapiwa vanhu.—VaRoma 12:1.

Munhu anonyatsofunga kazhinji anoramba zvinhu zvisingapindirani. Zvisinei, pakubvunzurudza kwakaitwa vanhu vane zvitendero zvavo muSweden, zvakaguma zvanzi vanhu kakawanda “vanongobatanidza zvitendero zvakasiyana-siyana (uye pamwe pacho zvisingawirirani) kuumba zvavanodavira.”

Somuenzaniso, vaviri chete kubva muzana pane vakataura kuti “vaKristu munzira yavo pachavo” vakataura zita raJesu, vachiti munhu wenhau. Asi vaitaura kakawanda nezvokuberekwazve. Zvino, hakusi kuzvipokanidza here kutaura kuti munhu anotevera Jesu Kristu nepo achifuratira upenyu hwaJesu uye zvaakadzidzisa—uye kutobvuma dzimwe dzidziso dzakasiyana zvachose nedzaKristu?a

Simba redu rokufunga rinorambawo zvinhu zvinoita sezvisinganzwisisiki kana kuti zvisina tariro. Zvisinei, pavakabvunzwa kuti vanodavira “Mwari here kana kuti simba rake,” vakawanda vakabvunzwa vakapindura kuti “Chimwe chinhu” chakadaro chingangovako. Mumwe akati: “Ndinodavira kuti kune chimwe chinhu chine simba asi hachisi Mwari.” Vaya vakabvuma kuti kuna Mwari vakati vanofunga kuti “haana zvizhinji zvaanoita muupenyu hwavo.” Mushumo wacho wakatsanangura kuti chitendero chako woga “ipfungwa kana dzidziso dzisina kujeka” uye wakaguma uchitaura mhinduro yaiwanzotaurwa yokuti: “Ndinodavira chimwe chinhu, asi handina chokwadi kuti chii.”

Kuongorora kwakaitwa vane zvitendero zvavo muCanada kwakaratidza zvakada kufanana neizvi. Magazini inonzi Alberta Report inoti: “Iye zvino tava kuona vanhu vakawanda vanodavira chero chinhu chingafungidzirika, asi hapana kuwirirana kana kushandisa pfungwa kuripo. Uye kana tikazoedza kuda kuona kuti zvinodavirwa izvi zvinoitei muupenyu hwevanhu, hapana nezviripo. Hapana munhu mukuru anovaudza zvokuita. Saka hapana nezviripo.” Magazini yacho yakataura nezva“mwari akagurika-gurika” nokuti vaya vanodavira zvinhu zvakadaro “vari kubata ichi nechecho pane zvitendero zviripo.” Unofunga kuti zvine musoro here kuvakira zvinodavirwa zvechitendero—kunyange tariro yenguva yemberi—pazvinhu zvakadaro zvisinganzwisisiki, zvisingagutsi, uye zvakasiyana-siyana?

Tinoda Kushamwaridzana Nevamwe

Kushamwaridzana, kuva pamwe chete nehama, uye kutsigirana kwagara kuchidiwa nevanopinda zvitendero. (Mabasa 2:42, 46) Asi sezvo chitendero chako woga chakazvimirira—ndechako chete—chingakwanisa sei kuita kuti ushamwaridzane nevamwe?

Chitendero chako woga, “munhu mumwe nomumwe aine chitendero chake,” hachiiti kuti vanhu vanyanye kuvengana uye kusawirirana mune zvechitendero here? “Iye zvino munhu nomunhu ava kufanira kusarudza chitendero chake oga . . . , saka tava nenyika ine zvitendero zvinosvika mamiriyoni kwete mazana,” yakadaro Alberta Report. Ndosaka zvisingashamisi kuti chitendero chako woga chinotaurwa kuti ibvonyongera mune zvokunamata.

Zvakadini Netsika?

Bishopi wokuSweden anonzi Martin Lönnebo, paakabvunzwa nepepanhau rinonzi Svenska Dagbladet akataura kuti “chitendero chako woga hachikwanisi kuita zvinodiwa mazuva ano, uye chiri kutamburira kudzidzisa tsika kuvanhu venguva ino.” Pfungwa iyi inotsigirwa nezvinowanzoitwa nevabereki vokuSweden panhau yokurera vana. Svenska Dagbladet inogumisa ichiti: “Davira zvaunoda! Uye usamanikidza vana vako kusarudza. Asi rega vasarudze voga kana vakura zvakakwana.”

Pepanhau racho rakabvuma kuti kudzidzisa vana zvechitendero kunogona kunzi kutendeutsa vana. Asi pepanhau racho rakagumisa richiti: “Kudzidzisa vana uku kunogona kuva chinhu chakanaka zvikuru uye ndiko bedzi kungagona . . . kuvabatsira kuti vazokwanisa kuzvisarudzira pachavo.” Chokwadi, nhamo ine vechiduku vakawanda iye zvino inoratidza kuti chitendero chako woga hachina zvakawanda zvachakaita kubatanidza mhuri padzidziso dzinokwanisa kudzidziswa chimwe chizvarwa kuenda kune chinotevera.

Saka zvinoita sokuti chitendero chako woga hachikwanisi kuvimbwa nacho, hachikwanisi kupindura zvinogutsa mibvunzo youpenyu, uye hachikwanisi kubatanidza vanhu kana kuzadzisa chido chevanhu chokuratidzwa tsika chinobatsira. Nyaya yambotaurwa yaiva muSvenska Dagbladet yakataura izvi maererano nechitendero chako woga: “Kana ‘kutenda’ kuine zvose zvinodiwa, kunenge kusina zvakunoreva. Uye kana rusununguko rusina muganhu, runoshaya simba.”

Zviri pachena kuti muzvinhu zvakawanda, chitendero chako woga chinotadza kusvitsa zvinodiwa zvokunamata zvevanhu. Chaizvo, munhu angatarisira sei kusvitsa zvinodiwa izvozvo nokungosarudza zvitendero kubva kwakasiyana-siyana, sokunge ari kutora kudya kunokwezva kwazvo patafura ine mafashafasha? Zvinoitawo sezviri pachena kuti machechi akatadza kusvitsa zvinodiwa izvozvo. Saka zvino toenda kupi?

[Mashoko Omuzasi]

a Jesu haana kudzidzisa kuti vakafa vanoberekwazve. Asi akadzidzisa kuti vakafa vakaita sevakarara uye havapo, vari kumirira kumutswa munguva yemberi.—Johani 5:28, 29; 11:11-14.

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Tinofanira kufunga kuti chitendero chakafanana netafura ine mafashafasha okudya here, tichinhonga nokusarudza zvatinoda zvinotifadza?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe