Nzira Yakanakisisa Yokuwana Nayo Zvaunoda Pakunamata
NEI VANHU vachida chitendero? Vamwe vangati vanhu vanoita zvokunamata kuti vawane chengeteko munyika ino isina kugadzikana. Asi handizvo zvoga. Nyaya yaiva mumagazini yeAmerican Sociological Review yakati: “Kuda kuchengeteka handicho chinhu bedzi chinoita kuti vanhu vade kunamata. Vanhu vagara vachitsvaka mhinduro dzemibvunzo yakadai sokuti: Takabva kupi? Tiri kuenda kupi? Nei tiri pano?”
Pasina mubvunzo ungabvuma kuti iyoyo mibvunzo inokosha zvikuru. Zvazvakadaro, haidi mhinduro dzechokwadi here? Mibvunzo yakadaro yakanyanya kukosha, yakanyanya kurema zvokutadza kupindurwa nokungotsvaka chitendero kubva pane zvagara zviripo nokuti mibvunzo iyi iri kubvunzwa isu pachedu. Kana tichizowana mhinduro dzakasimba dzechokwadi dzemibvunzo inokosha youpenyu, tinotoda nzira iri nani.
Pane chimwe chinhu chiri nani here? Mushanduri weBhaibheri anonzi Ferrar Fenton akataura chimwe chinhu chakanaka zvikuru maererano nebhuku iroro. Akariti “ndiro kiyi bedzi inozarurira Munhu Chakavanzika Chezvakasikwa, uye Chakavanzika Chomunhu Pachake.” Hungu, Bhaibheri rinopindura mibvunzo yenguva yekare, yenguva ino, uye yenguva yemberi. Rinotiudza kuti takabva kupi, zvinoreva upenyu, kuti tingawana sei mufaro, uye kuti remangwana rine chii. Hapana rimwe bhuku kubvira kare rave richidzidzisa sezvinoita Bhaibheri; uye hapana rimwe bhuku rakaramba riripo richirwiswa zvakaomarara. Asi, nei vakawanda vachiramba bhuku iri rakasiyana nemamwe kana vava kutsvaka mhinduro dzemibvunzo youpenyu?
Vanhu vakawanda havana kumbowana mukana wokufunga kusiyana kukuru kwakaita Bhaibheri nemachechi avanoziva. Vakaona kuurayana kwevaya vanonzi vaKristu vachiti vari kufadza Mwari. Vakawanda vakanyunyuta sezvinotaurwa neThe Guardian kuti “mazuva ano vapristi vari kunyanya kukoshesa kuunganidza mari pane kuita basa rokufudza.” Zvimwe vanofunga kuti Bhaibheri rinotsigira kana kuti rinofarira zvinhu zvakadaro. Chokwadi ndechokuti Bhaibheri rinorayira vaKristu ‘kudanana’ uye rinoudza vaya vanoparidza shoko kuti, “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Johani 13:34; Mateu 10:8) Saka zvakarurama here kutonga Bhaibheri tichitarisa zvinoitwa nevanhu vanoti vanoteerera zvarinotaura nepo ivo vasingaiti zvarinotaura?
Vazhinji vanodavira kuti Bhaibheri haritauri nezvesayenzi, rinozvipokanidza, uye kuti rava rechinyakare. Asi kunyatsoongorora kunoratidza zvakasiyana neizvi. Ichokwadi kuti Bhaibheri harisi bhuku resayenzi. Asi, parinotaura nezvenyaya dzesayenzi—zvakadai sokutevedzana kwakaita zvinhu pakuvapo pasi pano, zvakaita maumbirwo epasi, kana kuti mabatirwo anofanira kuitwa zvirwere zvinotapukira—Bhaibheri haritauri zvisiri izvo. Kusiyana neizvozvo, rine mashoko akazozivikanwa nevanhu mazana emakore gare gare. Uye kunyange zvazvo Bhaibheri riine mabhuku 66 akanyorwa mumakore anosvika 1 600, ose anobvumirana. Uyezve, Bhaibheri rinoratidza uchenjeri hukuru kwazvo munhau dzevanhu, zvichiita kuti zvarinotaura zvive zvinhu zviri kuitika panguva ino chaiyo.
Bhuku rinoshamisa iri rinotaura chimwe chinhu chinokosha pamusoro pokunamata Mwari. Rinoti kunamata kwakadaro kunofanira kuitwa maererano nezvinodiwa naMwari, kwete zvinodiwa nomunhu. (Johani 5:30; Jakobho 4:13-15; 2 Petro 1:21) Asi vanhu vashoma chaizvo vakateerera mashoko iwayo. Kubvira pakutanga-tanga chaipo, vanhu vakatanga zvitendero zvinowirirana nezvinangwa zvavo. Izvi ichokwadi kana vanhu vachiveza vanamwari vavo vachishandisa matanda uye vovanamata. Ndezvechokwadi kana zvitendero zvichidzidzisa dzidziso dzazvinenge zvavamba. Uye hachisi chokwadi here kuti vamwe vanhu vakatanga chitendero chavo pachavo kuti vaite zvavanoda ivo?
Onawo zvimwe zvingaitwa. Wadii kuita zvakaitwa nomumwe mutongi weDare Repamusoro-soro rokuUnited States? Kufanana nokutonga mhaka kwaaiita mudare, akaongorora uchapupu hunotsigira uye hunopokana neBhaibheri pasina kurerekera kudivi rimwe chete. Zvakaguma nei? Akati: “Ndava kuziva kuti Bhaibheri harisi bhuku revanhu, asi kuti rakabva kuna Mwari.”
Iwe ungaongorora saizvozvo sei? Zvichida, ungaedza kudzidza Bhaibheri zvakarongeka, uchiona mhinduro dzaro kumibvunzo iri kwatangira nyaya ino. Kune Zvapupu zvaJehovha zvinosvika mamiriyoni matanhatu munyika dzinosvika 235, zvakadzidza saizvozvo. Vanopa nguva yavo kuti vaudze vamwe zvavakadzidza. Kosi yeBhaibheri yepamusha yavanoitisa pasina muripo yakabatsira mamiriyoni evanhu kuwana kutenda kwakasimba uye kwechokwadi. ChiKristu chechokwadi chakachena chiri muBhaibheri, hachisi chimwe chitendero. Ndicho chokwadi pamusoro paMwari uye zvinangwa zvake. Saka unobvumirei kupiwa chisiri chokwadi?—Johani 17:17.
[Mifananidzo iri papeji 26]
Nzira yakanakisisa yokuwana zvaunoda pakunamata ndeyokudzidza nezvaMwari kubva muBhaibheri uye kuungana nevanamati vechokwadi