RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 5/8 pp. 21-23
  • Nei Vanhu Vari Kusiya Zvitendero Zvakagara Zviripo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Vanhu Vari Kusiya Zvitendero Zvakagara Zviripo?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhoroondo Isingafadzi Yechitendero
  • Chii Chiri Kuitika Kumachechi?
    Mukai!—2007
  • Machechi Anogona Kubatsirwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Chitendero—Chinobatsirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chikamu 22: 1900 kuchipfuurira—Rudzidziso Rwenhema Rwakurirwa Nenguva Yarwo Yakapfuura!
    Mukai!—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 5/8 pp. 21-23

Nei Vanhu Vari Kusiya Zvitendero Zvakagara Zviripo?

ZVITENDERO ZVINOTAURA KUTI zvinodzidzisa zvinhu zvakadzidziswa naJesu Kristu zvine vateveri vanenge mabhiriyoni 1,7. ChiKristudhomu chakataurwa kuti ndicho chitendero chikuru munyika yose, chichikunda zvitendero zvakadai sechiBuddha, chiHindu nechiIslam. Zvisinei, mishumo inoratidza kuti munyika dzakawanda dzinotaura kuti ndedzechiKristu, chiKristudhomu chiri kushaya simba pavanhu vakawanda.

Vanhu vemarudzi akasiyana-siyana vari kusiya machechi avo. Ronald F. Inglehart, mutsvakurudzi woruzivo wepayunivhesiti yeMichigan uye mukuru mukuru weWorld Values Survey, akataura kuti chitendero chiri kushaya basa munyika dzakabudirira. Magazini inonzi Bible Review, ine mashoko aakataura okuti: “Vanhu vanoenda kuchechi pavhiki havasivo vaderera chete, asiwo nyika dzokuLatin America zvino dzava kutotumira vafundisi kunyika dzaimbova dzakadzidzvinyirira kuti vanoparidza ikoko.” Anotaura kuti “kuparara kwechitendero” kwakanyanya mune dzimwe nyika dziri kuchamhembe kweEurope. MuNorway neDenmark, vanhu vashanu kubva muzana chete ndivo vanoenda kuchechi nguva dzose. MuSweden nhamba yacho yakaderera zvokusvika pavana chaipo kubva muzana, muRussia vaviri kubva muzana.

Mishumo inobva kuGermany inoratidza kuti pakati pemakore a1984 na1993, nhamba yevanhu vanoenda kuchechi nguva dzose pakati pevaKaturike vakanyoresa yakaderera kubva ku25,3 kubva muzana kusvika ku19 kubva muzana. Pakazosvika 1922, 4 kubva muzana chete yevaPurotesitendi ndivo vakanga vachiri kuenda kuchechi musi weSvondo. Muna 1999, Christianity Today yakashuma kuti: “Munhu mumwe chete pavanhu gumi vokuGermany ndiye anoenda kuchechi vhiki yoga yoga.”

Nezvokuderera kwevanhu vanotenda muBritain, pepanhau rinonzi The Guardian rakati: “ChiKristu hachina kumbova panguva yakaoma seino.” Nyaya yacho inotaura kuti “kuvapristi pamwe chete nevanovabatsira, 1950-2000 ndiwo akanga ari makore 50 akaipa zvikuru.” Richitaura nezvomushumo wakanga uri pamusoro pezvitendero muUnited Kingdom, pepanhau racho rinoratidza kuti havasi vanhu vaduku chete vasiri kuenda kuchechi asi kuti kunyange vanhu vakura havachavimbi nemachechi. Rinoti: “Vanhu vakura vari kurasikirwa nokutenda kwavo muna Mwari sezvavanokura. Kuongorora kutsva kunoratidza zviri kuitika kuchatyisa machechi omuBritain, nokuti kusvika panguva ino anga achiti vanhu vakura ndivo musimboti weungano dzavo dzava nevanhu vashoma.”

Izvi ndizvo zviri kuitikawo kunze kweEurope. Somuenzaniso, magazini yokuCanada inonzi Alberta Report inoti Canada iri kuva “nokuparara kwechitendero uye kunamata” uye kuti “vanhu vomuCanada vakawanda nekatatu vanoti vanonamata Mwari maererano nezvavanoda ivo pachavo pane kupinda chechi chaiyo.”

Vanhu vakawanda havaoni vachibatsirwa pane zvokunamata kana kuti kudzidza chimwe chinhu pavanoenda kuchechi. Maererano nemagazini yokuCanada inonzi Maclean’s, vaJudha nevaKaturike vose vakabvunzwa panzvimbo yechitendero muHimalaya, kana nzvimbo inogara vanhu vechitendero chechiHindu, vakataura zvavanofunga kuti: “Takanga tisisiri kunakidzwa nezvinhu zvinoitwa nguva dzose.” Chokwadi, kunyange pashure pemakore akawanda okupinda chechi nokutendeka, vamwe vanoshamisika kuti, ‘Chii chaizvo chandakadzidza kuchechi? Zvakaguma nokuva kwangu pedyo naMwari here?’ Ndosaka zvisingashamisi kuti munyori anonzi Gregg Easterbrook akati, “munyika dzokuMadokero, nzara yokunamata Mwari ndiyo yakatsiva nzara chaiyo panguva ino.”

Hungu, kune nyika dzakawanda uko vanhu vanoenda kuchechi vachakawanda chaizvo. Zvisinei, kuenda kuchechi hazvirevi kuti munhu anenge achiita zvinodzidziswa nechechi nguva dzose. Somuenzaniso, pepanhau rokuAustralia rinonzi The Age rinoti munyika dzokuMadokero, “nhamba yevaKristu vanoita zvinhu zvavanodzidza iri kuderera chaizvo. Munyika dzakawanda dzomuAfrica, Asia neLatin America, chiKristu chiri kushandiswa kuvhara zvinhu zvakawanda zvinoitwa nevanhu nepo ivo vachiramba vachiita zvinhu zvavanoda kana kuti zvisinei chokuita nezvitendero zvagara zviripo, kakawanda kacho zvinotopesana, uye zvakanga zvichishorwa makare kare.”

Nei vanhu vakawanda chaizvo, vakuru nevaduku, vari kusiya machechi avo? Zvinoita sokuti chikonzero chikuru ndechokuti vakaora mwoyo.

Nhoroondo Isingafadzi Yechitendero

The Guardian inotaura zvinotevera: “Chechi yeRoma Katurike ine nhoroondo inosemesa yokushamwaridzana nevadzvinyiriri muzana remakore rechi20, kubva pakurumbidza kwayakaita General Franco pashure pehondo yevanhu vomuSpain, kusvika pane zvairi kuedza kuita kubatsira General Pinochet.” The Guardian yakataurawo kuti Pope Pius XII, uyo akanga ari papa panguva yehondo, “akanga achifara zvokuti akakwanisa kuronga na[Hitler] kubvisa kunyadzisa kwezvakaitika pakaurayiwa vanhu vakawanda.”

The Age inoti: “Zvinotaurwa nechiKristu kakawanda zvakaratidza kuti anongova mashoko asina zvaanoreva. VaKristu havana kukwanisa kuchengetedza rugare rwavo pachavo nechinzwano. . . . Hondo dzakawanda dzokupamba nokukurira dzakaitwa vachishandisa chikonzero chokuti vari kutsvaka vanotendeukira kuchiKristu, dzinoratidza izvozvo. Kutenda, tariro uye rudo ndizvo zvingava zvinhu zvinodiwa nevaKristu, asi vaya vanonzi vanoda kuita izvozvo vanenge vaine utsinye, vachishaya tariro sezvinoitwa nevasiri vaKristu, uye vachitopfuura vasiri vaKristu pakusaita zvakanaka. . . . Yakanga iri nyika yechiKristu yakatanga kuuraya vanhu vakawanda uye imwewo yakakanda mabhomba enyukireya muJapan.”

Vamwe vangataura kuti chiKristudhomu chakasimudzira zvinhu zvakanaka zvakadai sokuzvitonga, kushinga, kuzvidzora uye ruramisiro. Zvisinei, The Age inoti: “Ndizvowo hazvo kuti vaKristu muEurope, North America neAustralia vanoshandisa zviwanikwa zvakawanda paNyika kupfuura zvavanofanira kuita uye havana kumborega kupamba, kudzvinyirira uye kuparadza zviwanikwa zvenyika dzichiri kusimukira kuti zvinhu zvivanakire.”

Nezveremangwana rechiKristudhomu, The Age inoenderera mberi ichiti: “Pasina kugadzirisa zvinhu, chiKristu hachikwanisi kutarisira kuwana zvekare simba rakafanana nerachaiva naro munzanga mumazana emakore adarika. Izvi zvinokwanisa kuva zvakanaka kana kuti kwete, zvichienderana nokuti munhu mumwe nomumwe anozviona sei. Asi ichi ndicho chokwadi chinofanira kunangana nechiKristudhomu mumakore ari kutevera.”

Somugumisiro wokuparara kwakadaro kwechitendero pasi pose, vakawanda vava kusiya machechi agara aripo. Asi zvacho zvavanosarudza kuita zvinovapa zvavanoda here? Ndizvo zvakanaka kuita here?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mhemberero dzemaoresa dzinosiya vamwe vanhu vasina kugutsikana mune zvokunamata

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vakawanda vakasiya zvitendero zvakagara zviripo nemhaka yezvazvakaita mukutsigira hondo uye hurumende dzakanga dzichidzvinyirira vanhu

[Kwazvakatorwa]

foto: age fotostock

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe