RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 5/8 pp. 19-20
  • Chimwe Chinhu Chatinoda Tose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chimwe Chinhu Chatinoda Tose
  • Mukai!—2002
  • Mashoko Akafanana
  • “Chitendero Chako Woga” Ndiyo Mhinduro Here?
    Mukai!—2002
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Chitendero—Chinobatsirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chii Chiri Kuitika Kumachechi?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 5/8 pp. 19-20

Chimwe Chinhu Chatinoda Tose

UNODA ZVOKUDYA. Unoda mvura. Unoda mhepo. Unoda pokugara uye zvokudzivirira mumamiriro okunze akasiyana-siyana. Izvi ndizvo zvinodiwa kwete nevanhu chete asi kuti nezvimwe zvisikwa zvinosvika mabhiriyoni zvinogara panyika pano. Zvisinei, kune chimwe chinhu chinodiwa nevanhu chete. Chii ichocho?

Mumwe anodzidza nezvemagariro evanhu wokuCanada anonzi Reginald W. Bibby akanyora kuti: “Vanhu vane zvimwe zvavanoda zvinokwanisa kugoverwa nechitendero chete.” Uye munyaya yayo yaFebruary 2000, magazini inonzi American Sociological Review yakabudisa nyaya yaiti: “Kuda zvokunamata kucharamba kuripo pakati pezvinodiwa nevanhu vose.”

Hungu, kubvira kare vanhu vave vachida zvokunamata. Kwemazana emakore, vakawanda vakaenda kumachechi kuti vazadzise chido ichocho. Asi zvinhu zviri kuchinja. Munyika zhinji dzakabudirira—dzakadai sokuNorth America nedzokuNorthern Europe—vakawanda vari kusiya machechi avo. Zviri kuitika izvi zvinoreva kuti chitendero chiri kuparara here? Kwete.

“Mishumo inotaura nezvokuparara kwechitendero yakanyanya kuwedzeredzwa,” rinodaro pepanhau rokuSweden rinonzi Svenska Dagbladet. Chii chiri kutsiva machechi agara aripo? Pepanhau racho rinoenderera mberi richiti: “Chinhu chitsva ndechokuti hatina chechi yatinoti ndiyo yedu. Asi tinokwanisa kusarudza ndokutanga chechi yatinoda kubva muzvitendero zvakawanda zviri panyika pano . . . Inokwanisa kuva iine zvose zvakadai sezvinoshandiswa pakurapa kusvika kumbatya dzinopfekwa nemamongi echiBuddha. Kana izvi zvisisakufadzi, unokwanisa kuchinja pasina dambudziko.”

Vanotsvakurudza ruzivo rwezvitendero vanotaura nezvokuita uku se“chitendero chako woga” kana kuti “chitendero chisingaoneki.” Anodzidza nezvemagariro evanhu Bibby, ane mashoko ambotaurwa, akatanga mashoko okuti “religion à la carte, [kuita zvakakunakira].” Vamwe vanotaura nezvezvitendero zvakadaro kuti “zvakakukodzera” kana kuti “zvinoenderana nezvaunoda.” Mune dzimwe nyika dzinozivikanwa kuti ndedzechiKristu, boka rechitendero rakakura zvikuru zvino rava kuzivikanwa kuti rine vanhu vane zvitendero zvavo pachavo.

Funga zvakawanikwa pakubvunzurudza kwakaitwa muSweden, imwe yenyika dzine vanhu vasinganamati vakawanda. Kuongorora kwacho kwakaratidza kuti vanhu vaviri pavatatu voga voga vaizviti vaKristu “maererano nezvavanoda ivo pachavo.” Vamwe vakati: “Ndine maonero angu ndoga andinoita chiKristu,” “Ndinonzwa ndisina kusununguka kana ndiri muchechi,” “Handidi kuenda kuchechi kunoteerera mupristi achitaura,” kana kuti “Ndinogona kuenda mukamuri rangu ndonyengetera ndiri ndoga.” Vakawanda vakataura kuti vanodavira kuti vakafa vanoberekwazve kana kuti mugumo wavo wakatosarudzwa kare. Vazhinji vakati vaidavira kuti pangangova nerimwe simba asi vakanga vasingakwanisi kutsanangura kuti rakaita sei.

Kumwe kuongorora kwakaratidza kuti vanhu vakawanda vanoda kuita zvokunamata pavanenge vari mumasango, vachifefeterwa nemhepo itsva. Mumwe murimi muduku wechidzimai akati: “Paunenge uri musango kana kumamisha, ndipo paunenge uri pedyo zvikuru naMwari, ndizvo zvandinofunga.” Mumwe munhu akabvunzwa, akataura kuti haasi munamati, akatsanangura kuti: “Pandinoenda musango, ndinonzwa sokuti iro itemberi huru. . . . Handizivi kuti ndiani anenge achiridzora, asi ndinenge ndichinzwa kuti aripo.” Vamwe vakataura kuti zvinhu zvakasikwa zvitsvene, uye zvinokurudzira uye vakataura kuti kuva nazvo kunovapa simba idzva, rugare, uye runyararo. Muchidimbu, mumwe aibvunza vanhu akapedzisa achiti: “Mwari ava kuwanikwa mumasango.”

Izvi zvinooneka munzvimbo dzakawanda dzepasi nhasi. Thomas Luckmann, nyanzvi yokuAmerica munyaya dzezvechitendero, akataura nezvechitendero chinowanika mumachechi achiti chakaiswa padivi munyika dzakabudirira uye chiri kutsiviwa ‘nechitendero chomunhu mumwe nomumwe.’ Kutaura chokwadi, munhu wacho anotanga mamwe maonero aanoita upenyu nokusarudza zvaanoda panyaya yokunamata ozvibatanidza nezvake kwava kubuda ava nechitendero chake oga.

Ungazvibvunza kuti, ‘Zvitendero uye machechi aripo zviri kuiswa padivi nevanhu zvechokwadi here? Kana zvirizvo, nemhaka yei? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Achitaura nezvezviri kuitika panguva ino panyaya yokufarira kunamata zvinhu zvakasikwa, mumwe anotsvakurudza ruzivo akapedzisa achiti: “Mwari ava kuwanikwa mumasango”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe