RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 11/8 pp. 5-7
  • Nei Varume Vachirova Vakadzi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Varume Vachirova Vakadzi?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndechomumhuri
  • Pesvedzero Yetsika
  • Kurova Mukadzi Hakupembedzwi
  • Apo Masimba Masimba Anotapura Musha
    Mukai!—1993
  • Chii Chinoparira Masimba Masimba Omumba?
    Mukai!—1993
  • Vakadzi—Vanoremekedzwa Here Pamusha?
    Mukai!—1992
  • Kubatsira Vakadzi Vanorohwa Nevarume
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 11/8 pp. 5-7

Nei Varume Vachirova Vakadzi?

DZIMWE nyanzvi dzinoti pane mukana wakakura wokuti vakadzi vaurayiwe nevarume vavo pane zvimwe zvinhu zvose zvinogona kuvauraya. Mukuedza kubvisa kushushwa kwevakadzi, ongororo dzakati kuti dzakaitwa. Murume worudzii anorova mudzimai wake? Uduku hwake hwakanga hwakamira sei? Aiita zvechisimba here panguva yokudanana? Anoita sei pakurapwa?

Chinhu chimwe chakaonekwa nenyanzvi ndechokuti vanhu vanorova madzimai havana kufanana vose. Kune rimwe divi kune murume anorova apo neapo. Haashandisi chombo uye haagari achirova mudzimai wake. Kwaari, kurova mudzimai hachisi chinhu chinogara chichiitika uye zvinoita sokuti anokurudzirwa nezvinenge zvaitika. Ukuwo kune murume anotova netsika yokugara achirova mudzimai wake. Anongogara achishusha, uye haambonyanya kunyara nazvo, ndokunge achitombonyara.

Zvisinei, kuti kune marudzi akasiyana-siyana evarume vanoshusha hakurevi kuti pane dzimwe nzira dzokurova dzisina kunyanyoipa. Zvechokwadi, kurova kupi nokupi kunogona kukuvadza—kunyange kuuraya. Saka, hatigoni kupembedza chisimba nokuti mumwe anochiita kashoma kupfuura mumwe. Hapana chinhu chinonzi kurova “kunobvumirwa.” Zvisinei, zvinhui zvingaita kuti murume arove mudzimai waakapikira kuti achada kwoupenyu hwake hwose?

Ndechomumhuri

Hazvishamisi kuti varume vakati kuti vanorova madzimai avo vakarererwa mumhuri dzaiva nechisimba. “Vakawanda vanorova madzimai avo vakarererwa mumisha ‘inenge nzvimbo dzine hondo,’” anonyora kudaro Michael Groetsch, akapedza anodarika makore makumi maviri achitsvaka mashoko pamusoro pokushushwa kwevakadzi. “Vachiri vacheche uye vachiri vana vaduku, vakakurira munzvimbo dzine utsinye umo kutuka nokurova zvaingova zvinhu ‘zvenguva dzose.’” Maererano neimwe nyanzvi, murume anorererwa mumamiriro ezvinhu akadaro “anogona kudzidza kuvenga vanhukadzi kwaiitwa nababa vake achiri muduku zvikuru. Mukomana wacho anodzidza kuti varume vanofanira nguva dzose kudzora vakadzi uye kuti nzira yokuvadzora nayo ndeyokuita zvokutyisidzira, kuvakuvadza, uye kuvanyadzisa. Panguva imwecheteyo, anodzidza kuti nzira chaiyo yokuva anofarirwa nababa vake kuita sezvavanoita.”

Bhaibheri rinojekesa kuti maitiro omubereki anogona kuva nomugumisiro wakakura pamwana, zvimwe wakanaka kana kuti wakaipa. (Zvirevo 22:6; VaKorose 3:21) Zvechokwadi, nzira yakarerwa nayo munhu haiiti kuti tipembedze kurova kwaanoita mudzimai, asi ingabatsira kuti tinzwisise kwakabva tsika yacho yokurwa.

Pesvedzero Yetsika

Mudzimwe nyika kurova mudzimai kunoonekwa sechinhu chinogamuchirika, kwakatojairika. Mumwe mushumo weUnited Nations unoti: “Kodzero yomurume yokurova kana kuti kutyisidzira mudzimai wake ipfungwa yakapararira munzanga dzakawanda.”

Kunyange munyika umo utsinye hwakadaro husingagamuchiriki, vanhu vakawanda vane tsika yokuita zvechisimba. Kufunga kusina musoro kwevamwe varume panyaya iyi kunotyisa. Maererano neWeekly Mail and Guardian yokuSouth Africa, ongororo yakaitwa muCape Peninsula yakawana kuti varume vakawanda vaiti havashushi madzimai avo vaifunga kuti kurova mudzimai kwaigamuchirika uye kuti maitiro akadaro haagoni kunzi imhirizhonga.

Zviri pachena kuti maonero akavhiringidzika kudaro anowanzotanga muuduku. Somuenzaniso, muBritain, imwe ongororo yakaratidza kuti 75 muzana yevakomana vane makore 11 ne12 vanofunga kuti hapana chakaipa kuti murume arove mudzimai kana atsamwiswa.

Kurova Mukadzi Hakupembedzwi

Zvinhu zvataurwa pamusoro apa zvingabatsira kuti tinzwisise chikonzero chinoita kuti vakadzi vashushwe, asi hazviiti kuti kupembedzwe. Zvichitaurwa nenzira iri nyore, kurova mudzimai chivi chakakomba mumaziso aMwari. MuShoko rake, Bhaibheri, tinoverenga kuti: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Anoda mukadzi wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoidyisa uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.”—VaEfeso 5:28, 29.

Bhaibheri rakafanotaura kare kare kuti mu“mazuva okupedzisira” enyika ino, vakawanda vaizo“ita utsinye, vasinganzwiri vamwe tsitsi,” uye “vachityisidzira.” (2 Timoti 3:1-3; Bhaibheri Rinoyera) Kuwanda kwakaita nyaya yokushushwa kwevakadzi kunongova chimwe chiratidzo chokuti tiri kurarama munguva chaiyo inotaurwa nouprofita uhwu. Asi chii chingaitwa kubatsira vanorohwa? Pane tariro ipi neipi yokuti vanorova vakadzi vanogona kuchinja muitiro wavo here?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

“Murume anorova mudzimai, anenge apara mhosva isina kumbosiyana neyomunhu anenge arova munhu waasingambozivi.”—When Men Batter Women

[Bhokisi riri papeji 6]

Kushungurudza Vakadzi Chinetso Chomunyika Yose

Varume vanodada vaine pfungwa yokushusha vanhukadzi chinetso chomunyika yose, sezvinoratidzwa nemishumo inotevera.

Egypt: Ongororo yemwedzi mitatu yakaitwa muAlexandria yairatidza kuti mhirizhonga inoitwa mudzimba ndiyo inonyanya kukonzera kukuvara kwevanhukadzi. Ndiyo inoita kuti vakadzi 27,9 muzana vaende kunzvimbo dzinorapwa vanenge vakuvara.—Résumé 5 of the Fourth World Conference on Women.

Thailand: Mumusha mukuru unogara vanhu womuBangkok, 50 muzana yevakadzi vakaroorwa vanogara vachirohwa.—Pacific Institute for Women’s Health.

Hong Kong: “Nhamba yevakadzi vanotaura kuti vakarohwa nevarume vavo yakawedzera neinopfuura 40 muzana mugore rapera.”—South China Morning Post, July 21, 2000.

Japan: Nhamba yevakadzi vari kutsvaka kwokutizira yakakwira kubva pa4 843 muna 1995 kusvikira pa6 340 muna 1998. “Vanenge vakadzi vaviri pavatanhatu voga voga vakati vakanga vachitsvaka kwokutizira nokuda kwechisimba chavanoitirwa nevarume vavo.”—The Japan Times, September 10, 2000.

Britain: “Pamasekonzi matanhatu oga oga kubatwa chibharo, kurohwa kana kubayiwa nebanga kunenge kuchiitika mune mumwewo musha muBritain. Maererano nomushumo webato remapurisa rinonzi Scotland Yard, “mapurisa anogamuchira nhare 1 300 pazuva kubva kuvanhu vanobatwa nechisimba mumusha—dzinodarika 570 000 pagore. Makumi masere nomumwe kubva muzana, vakadzi vanorohwa nevarume.”—The Times, October 25, 2000.

Peru: Makumi manomwe muzana emhosva dzakashumwa kumapurisa dzine chokuita nevakadzi vakarohwa nevarume vavo.—Pacific Institute for Women’s Health.

Russia: “Mugore rimwe chete, vakadzi vokuRussia vanokwana 14 500 vakaurayiwa nevarume vavo, uye vamwe 56 400 vakaremadzwa kana kukuvadzwa zvakanyanya mumhirizhonga inoitika mudzimba.”—The Guardian.

China: “Idambudziko idzva. Riri kuwedzera nokukurumidza, kunyanya mumaguta,” anodaro Purofesa Chen Yiyun, mukuru mukuru weJinglun Family Center. “Pesvedzero yakasimba inobva kuvavakidzani haichaderedzi mhirizhonga inoitwa mudzimba.”—The Guardian.

Nicaragua: “Chisimba chinoitirwa vanhukadzi muNicaragua chiri kuwedzera. Imwe ongororo yakaratidza kuti gore rapera chete 52 muzana yevakadzi vokuNicaragua vakaitirwa chisimba nevarume vavo.”—BBC News.

[Bhokisi riri papeji 7]

Zviratidzo Zvedambudziko Racho

Maererano neongororo yakatungamirirwa naRichard J. Gelles paYunivhesiti yeRhode Island, kuU.S.A., zvinotevera ndizvo zviratidzo zvomurume anorova uye anoshusha mudzimai pamusha:

1. Murume wacho akambobatanidzwa mumhirizhonga inoitwa mumusha.

2. Haasi kushanda.

3. Anoshandisa zvinodhaka zvinorambidzwa kamwe chete pagore kana kupfuura.

4. Achiri kugara kumba kwavo, aiona baba vake vachirova amai vake.

5. Vaviri vacho havana kuroorana, vanobika mapoto.

6. Kana achishanda, ane basa risingabhadhari.

7. Haana kupedza chikoro chesekondari.

8. Ane makore ari pakati pe18 ne30.

9. Mumwe kana kuti vose vanogona kushungurudza vana vari pamba.

10. Mari yaanowana inomuisa muboka rinonzi revarombo.

11. Murume wacho uye mukadzi vakarerwa mutsika dzakasiyana.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Mhirizhonga inoitwa mudzimba inogona kukanganisa vana zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe