RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 11/8 pp. 3-4
  • “Panguva Ino Zvimwe Achachinja”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Panguva Ino Zvimwe Achachinja”
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsika Yokunyarara
  • Kubatsira Vakadzi Vanorohwa Nevarume
    Mukai!—2001
  • Apo Masimba Masimba Anotapura Musha
    Mukai!—1993
  • Chii Chinoparira Masimba Masimba Omumba?
    Mukai!—1993
  • Vakadzi—Vanoremekedzwa Here Pamusha?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 11/8 pp. 3-4

“Panguva Ino Zvimwe Achachinja”

ROXANAa ndevamwe amai vakasimba vane runako vakaroorwa nomumwe chiremba anovhiya anoremekedzwa muSouth America uye vane vana vana. Anoti: “Murume wangu anozokwezva vanhukadzi, uye anofarirwa nevarume.” Asi pane chimwe chinhu chakaipa nomurume waRoxana, icho chisingaonekwi kunyange neshamwari dzavo dzepedyo. “Kumba, chikara chaicho. Anozova neshanje.”

Chiso chaRoxana chinonyatsoratidza kunetseka sezvaanopfuurira nenyaya yake. “Chinetso chacho chakatanga tangoroorana kwevhiki shomanana. Hanzvadzi dzangu naamai vangu vakatishanyira, uye ndakanakidzwa nokutaura uye kuseka navo. Asi pavakaenda, murume wangu akandikanda pasofa nechisimba, akaita kuzara nehasha. Ndaisakwanisa kudavira zvakanga zvichiitika.”

Zvinosuruvarisa kuti ikoko kwaingova kutanga kwedambudziko raRoxana, nokuti kwemakore ose aya, ave achishushwa kakawanda. Zvinoita sokuti kushungurudzwa kwacho kunoitika nenzira yakafanana. Murume waRoxana anomurova, zvadaro anokumbira ruregerero zvakasimba uye anovimbisa kusazozviitazve. Maitiro ake anovandudzika—kwenguva pfupi. Zvadaro zvinotangazve. “Ndinoramba ndichifunga kuti panguva ino ava kuzochinja,” anodaro Roxana. “Kunyange pandinotiza, nguva dzose ndinodzokera kwaari.”

Roxana anotya kuti rimwe zuva chisimba chomurume wake chichawedzera. “Akati achandiuraya, nevana uye iye ozozviuraya,” anodaro. “Imwe nguva akaisa chigero pahuro pangu. Imwe nguva akandityisidzira nepfuti, akatondeka nzeve yangu, ndokudhonza chikungiso! Sezvineiwo, yakanga isina bara, asi ndakapotsa ndafa nokutya.”

Tsika Yokunyarara

Kufanana naRoxana, mamiriyoni evakadzi pasi pose ari kutambudzwa nevarume vane chisimba.b Vakawanda vacho havatauri nezvedambudziko ravo. Vanofunga kuti kumhan’ara nyaya yacho hakuna zvakunobatsira. Pamusoro paizvozvo, varume vane utsinye vakawanda vanoramba mhosva yacho nemashoko akadai sokuti “Mudzimai wangu anongogumbuka nyore” kana kuti “Anopamhidzira.”

Zvinosuruvarisa kuti vakadzi vakawanda vanorarama vachitya kurwiswa munzvimbo yavanofanira kunzwa vakachengetedzwa zvikuru—musha wavo pachavo. Asi, anoshusha ndiye anowanzonzwirwa tsitsi pane anoshushwa. Zvechokwadi, vamwe vangasadavira kuti murume anoremekedzwa angarova mudzimai wake. Chimbofunga zvakaitika kune mumwe mukadzi anonzi Anita paakataura pachena nezvokushushwa kwaaiitwa nomurume wake airemekedzwa kwazvo. “Mumwe wataizivana naye akati kwandiri: ‘Ungapomera sei murume anoremekedzwa zvakadaro?’ Mumwe akati ndinofanira kunge ndichimutsamwisa munzira yakati! Kunyange pazvakazivikanwa kuti murume wangu ndizvo zvaaiita, dzimwe dzeshamwari dzangu dzakatanga kutambira kure neni. Vaifunga kuti ndaifanira kunge ndakashingirira nokuti ‘ndizvo zvakaita varume.’”

Sezvinoratidzwa nezvakaitika kuna Anita, vakawanda vanowana zvakaoma kudavira kuti mukadzi ari kushushwa. Chii chinoita kuti murume ave noutsinye hwakadai kumukadzi waanoti anoda? Vari kubatwa nechisimba vangabatsirwa sei?

[Mashoko Omuzasi]

a Mazita akachinjwa munyaya dzino dzinotevedzana.

b Tinobvuma kuti varume vakawanda vanoitirwawo chisimba nevakadzi vavo. Asi ongororo dzinoratidza kuti vakadzi vane mikana yakawanda yokukuvadzwa zvakakomba kupfuura varume. Nokudaro, nyaya dzino dzinokurukura kushushwa kunoitwa vanhukadzi.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]

Zvakanyatsoita Mhirizhonga Yomudzimba

Maererano neUnited Nations Declaration on the Elimination of Violence Against Women, mashoko okuti “chisimba chinoitirwa vanhukadzi” anogona kureva “chiito chipi nechipi chechisimba chinoitirwa vakadzi chingaguma nokukuvadzwa mumuviri, pabonde kana mupfungwa kana kuti chingaita kuti munhukadzi atambure. Izvi zvinosanganisira kutyisidzira kuita zviito zvakadaro, kumanikidza kana kuchengera, zvingava zvichiitika pachena kana pachivande.” Mhirizhonga iyi inosanganisira, pakati pezvimwe zvinhu, “chisimba mumuviri, pabonde uye mupfungwa chiri kuitika mumhuri uye munzanga yose zvayo, kusanganisira kurova, kubata chibharo tusikana tuduku, mhirizhonga ine chokuita nemari yeroora, kubatwa chibharo nomurume, kukuvadza nhengo dzokubereka dzevakadzi nezvimwe zvakajairika zvinokuvadza vanhukadzi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe