Unogamuchirwa Kukokorodzano Yoruwa ye“Vadzidzisi veShoko raMwari”!
MAMIRIYONI ACHAPINDA mumazana enzvimbo dziri munyika yose. MuZimbabwe chete, kokorodzano 19 dzakarongwa. Yokutanga ichaitwa misi yaAugust 10-12, uye yokupedzisira ichaitwa misi yaSeptember 7-9. Pangangova nomukana wokuti kumwe kuungana kwemazuva matatu uku—Chishanu kusvikira Svondo—kuchaitirwa panzvimbo isiri kure nomusha wako.
Munzvimbo dzakawanda, purogiramu yacho ichatanga nenziyo zuva roga roga nenguva dza9:30 mangwanani. Hurukuro yokuchingamidza ichaitwa musi weChishanu ichateverwa nehurukuro dzinobva muBhaibheri dzinoti “Kudzidzisa nezvoUmambo Kunobereka Zvibereko Zvakaisvonaka,” “Tinokurudzirwa ne‘Zvinhu Zvikuru zvaMwari’” uye “Fadzwa Nokururama kwaJehovha.” Purogiramu yemangwanani ichaguma nehurukuro inokosha inoti, “Kushongedzerwa Zvizere seVadzidzisi veShoko raMwari.”
Hurukuro yokutanga yemasikati acho inoti, “Takacheneswa Sevanhu Vemabasa Akanaka Kwazvo,” ichateverwa nehurukuro nhatu dzokusiyirana dzinoti, “Kuzvidzidzisa Patinenge Tichidzidzisa Vamwe.” Iyi ichanyanya kutaura nezvokukosha kwokuti munhu aite zvaanoparidza maererano netsika, kudzidza Bhaibheri ari oga, uye kudiwa kwokudzivisa zvingaitwa naDhiyabhorosi kutitsausa. Hurukuro inoti, “Sema Muitiro Wenyika Wanetsa Wokuona Nokuverenga Zvinonyadzisira” ichatevera. Zvadaro, purogiramu yezuva racho ichaguma nehurukuro inobva pana Isaya chitsauko 60, inoti “Jehovha Anoshongedza Vanhu Vake Nechiedza.”
Hurukuro dzomusi woMugovera dzinoti “Kuwana Zororo Pasi Pejoko raKristu,” “Tevedzera Mudzidzisi Mukuru,” uye “Unoda Kushumira Vamwe Here?” dzichanyanya kutaura nezvokudiwa kwokutevera muenzaniso waKristu. Hurukuro dzokusiyirana dzemaawa maviri dzinoti “Vashumiri Vanoita Kuti Vamwe Vave Vatendi” uye “Batsirwa Zvizere Nedzidzo Inobva Kuna Mwari” dzichakurukurwawo musi woMugovera. Hurukuro yokusiyirana yemangwanani ichapa mazano okuita vadzidzi, uye yemasikati ichanyanya kutaura nzira dzatinogona kubatsirwa nadzo zvizere nokudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu. Purogiramu yemangwanani ichaguma nehurukuro yorubhabhatidzo, pashure pacho pachava nomukana wokuti vanosvitsa zvinodiwa vabhabhatidzwe. Vakawanda vachange vachida zvikuru kunzwa hurukuro yokupedzisira yomusi woMugovera inoti, “Zvinhu Zvitsva Zvokuti Tifambire Mberi Pakunamata.”
Purogiramu yomusi weSvondo mangwanani inosanganisira hurukuro nhatu dzokusiyirana dzinokurukura bhuku raMaraki uye dzinopa mashoko anoshanda kumamiriro ezvinhu ari muzuva redu. Idzi dzichateverwa nomutambo wevanhu vakapfeka nguo dzomunguva inotaurwa muBhaibheri unotaura nezvokupandukira chiremera chaMosesi chaakapiwa naMwari kwakaitwa naKora, Dhatani, naAbhiramu. Pachava nehurukuro ichataura nezveshoko rinenge rabudiswa mumutambo. Purogiramu yemasikati ichava nehurukuro yavose ine musoro unoti “Ndivanaani Vari Kudzidzisa Marudzi Ose Chokwadi?”
Zvechokwadi uchasimudzirwa mumudzimu nokuvapo mazuva ose matatu. Kuti uzive nzvimbo iri pedyo nomusha wako, enda paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunharaunda yako kana kunyorera vabudisi vemagazini ino. Nzvimbo dzichaitirwa kokorodzano idzi muZimbabwe dzakarongwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2001.