“Nzira yaMwari Youpenyu”—Kokorodzano ya1998 Yava Pedyo!
MUUNITED States moga, kokorodzano 198 dzakarongwa kubva muna May kusvika kuna September. Sezvingabvira, kumwe kwekuungana uku kwamazuva matatu kuchava muguta risiri kure nomusha wako. Munzvimbo zhinjisa, purogiramu ichavamba zuva rimwe nerimwe—Chishanu kusvikira Svondo—nenziyo pana 9:30 a.m.
Purogiramu yeChishanu mangwanani ichasimbisa mishumo pamusoro pekufambira mberi kwekuparidzwa kweUmambo mumativi akasiyana-siyana enyika. Uye musoro wekokorodzano uchasimbiswa nehurukuro chaiyo inoti, “Rudzikinuro rwaKristu—Nzira yaMwari Yokuponesa.”
Masikati hurukuro yokusiyirana inoti, “Vabereki—Rovererai Nzira yaMwari Muvana Venyu,” ichagovera zvikarakadzo pamusoro penzira yokusunda nayo vaduku kuti vade uye vabatire Jehovha. Purogiramu yemasikati ichaguma nehurukuro inoti “Kune Upenyu Pashure Porufu Here?”
Purogiramu yeMugovera mangwanani ine rutivi rwebasa rokuita vadzidzi reZvapupu zvaJehovha mumativi matatu anotevedzana, “Kubetsera Vanhu Kupinda Munzira Inoenda Kuupenyu,” “Denho Yokusvika Vanhu,” uye “Kudzidzisa Vadzidzi Zvose Zvakarayirwa naKristu.” Pamugumo wepurogiramu yemangwanani, pachava negadziriro yokuti vadzidzi vatsva vabhabhatidzwe.
Hurukuro yokutanga Mugovera masikati, “Kubatira Nekariro Youpenyu Husingaperi,” inotikurudzira kurangarira nokunyengetera zvikonzero zvedu zvomunhu oga zvokubatira Mwari. Hurukuro dzinoti “Kuonga ‘Zvipo Muvarume,’ Vanodzidzisa Nzira yaMwari” uye “Unhu—Bvisa Hwekare uye Pfeka Hutsva” dzinopa kunzverwa kwendima nendima kunorayiridza kwaVaEfeso ganhuro 4. Tevere, zano reMagwaro richagoverwa muhurukuro inoti “Zvichengete Usina Kusvibiswa Nenyika” uye muhurukuro yokusiyirana yemativi matatu “Pwere—Teverai Nzira yaMwari.” Purogiramu yemasikati inoguma nehurukuro inoti “Musiki—Unhu Hwake uye Nzira Dzake.”
Purogiramu yeSvondo mangwanani ine mativi matatu okusiyirana achakurukura maganhuro ekupedzisira ebhuku reBhaibheri raEzekieri pamwe chete nekushanda kwawo kwouporofita. Uchapedzisa purogiramu yemangwanani uchava mutambo une vatambi vane zvipfeko zvekare wakavakirwa pakutendeka kwepwere nhatu dzechiHebheru. Chinhu chinokosha pakokorodzano masikati ihurukuro yavose, “Nzira Bedzi Inoenda Kuupenyu Husingaperi.”
Chokwadi uchapfumiswa mumudzimu kupfurikidza nokuvapo mazuva ose matatu. Unokokwa nemwoyo wose kuti uve pachikamu chimwe nechimwe, zvose, chokwadika, zvichaitwa pasina mutengo waunoripira. Nokuda kwenzvimbo iri pedyosa nemusha wako, enda kuHoro yeUmambo yemunharaunda yeZvapupu zvaJehovha kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino.