Uya kuKokorodzano Yoruwa yo“Kutenda Shoko raMwari”!
MAMIRIYONI akawanda achave ari pamazana enzvimbo munyika yose. MuUnited States moga, kokorodzano 193 dzakarongwa. Yokutanga ichave pana May 23-25 uye yokupedzisira, pana September 12-14. Sezvingabvira kumwe kweuku kuungana kwemazuva matatu—Chishanu kusvika Svondo—kuchava muguta risiri kure nemusha wako.
Uchabetserwa nepfuma yemurayiridzo unoshanda weBhaibheri. Munzvimbo zhinjisa purogiramu ichavamba mangwanani mamwe nemamwe nenziyo na9:30. Mangwanani eChishanu anotanhamarisa maminiti 25 ebvunzurudzo dzevanhu vane upenyu hwakatapurwa zvikuru nokutenda kwavo Shoko raMwari. Rusando irworwo rwokutanga ruchaguma nehurukuro chaiyo inoti, “Kufamba Nokutenda, Kwete Nokuona.”
Hurukuro yokutanga masikati eChishanu icharangarira rutivi runokosha rwune pwere muungano yeChikristu. Hurukuro yokusiyirana ine mativi matatu inotevera inokurukura mipimo yeBhaibheri ine chokuita nemufambiro weChikristu mukutaura, tsika, uye chitarisiko chomunhu oga. Tevere hurukuro dzinoti “Ngwarira Kusava Nokutenda” uye “Shoko raMwari Ibenyu” dzinonangidzira ngwariro pazano rakaisvonaka riri muna VaHebheru ganhuro 3 ne 4. Purogiramu yeChishanu ichaguma nehurukuro inoti “Bhuku Revanhu Vose.”
Hurukuro yokutanga mangwanani eChitanhatu inoti “Kutenda Kusina Mabasa Kwakafa.” Imwe hurukuro inokosha mangwanani iwayo, “Iva Akasimba uye Akatsiga Muchokwadi,” inorondedzera kuti kukura mumudzimu kunogona kuitwa sei. Rusando rwacho ruchaguma nerutivi rwenguva dzose rwekokorodzano, “Kutenda Shoko raMwari Kunotungamirira Kurubhabhatidzo,” iyo ichateverwa negadziriro yokuti vadzidzi vatsva vabhabhatidzwe.
Hurukuro yokuzarura masikati eChitanhatu, inoti “Rwira Zvakasimba Kutenda,” inokurukura zano rebhuku reBhaibheri raJudhasi. Hurukuro yokusiyirana yeawa imwe ine musoro unoti “Ngatiendei Kuimba yaJehovha” icharangarira betsero dzemisangano yeChikristu. Purogiramu zuva iroro inoguma nehurukuro inoti “Kunaka Kwekutenda Kwako—Kunoedzwa Zvino.”
Purogiramu yemangwanani eSvondo inotanhamarisa hurukuro yokusiyirana yemativi matatu iyo ichakurukura bhuku reBhaibheri raJoere, ichibatanidza kushandiswa kwaro kuzuva redu. Ipapo kunotevera mutambo weBhaibheri une musoro unoti “Chengeta Ziso Rako Rakanaka.” Rutivi rwakatanhamara rwekokorodzano ihurukuro yavose yemasikati, “Kutenda Nenguva Yako Yemberi.”
Zvechokwadi uchapfumiswa mumudzimu kupfurikidza nokuvapo. Uchagamuchirwa noushamwari parusando rwoga rwoga. Ita gadziriro zvino dzokupinda. Nokuda kwenzvimbo iri pedyosa nemusha wako, enda kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yemunzvimbomo kana kuti nyorera vabudisi vemagazini ino. Unogonawo kuwana kero dzenzvimbo dzekokorodzano muUnited States, Canada, Britain, uye Ireland muchinyorwa chechiNgezi chaJune 8 cheMukai!