RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 5/8 pp. 28-29
  • Jehovha Aiva Mwari wevaJudha Chete Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Aiva Mwari wevaJudha Chete Here?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha—Mwari Wevanhu Vose
  • VaIsraeri Vakarambwa
  • Anotarisira Vose, Anokomborera Vose
  • Kudza Zita Guru raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Vakaberekwa Vari Rudzi rwaMwari Rwakasarudzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Chikonzero Nei Tichifanira Kuziva Zita raMwari
    Zita raMwari Richagara Nokusingaperi
  • Zvapupu Zvinorwisana Navamwari Venhema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 5/8 pp. 28-29

Zvinotaura Bhaibheri

Jehovha Aiva Mwari wevaJudha Chete Here?

MUNYIKA dzakawanda nhasi, zita rokuti Jehovha rinobatanidzwa zvikuru nesangano remazuva ano reZvapupu zvaJehovha. Asi, zita iri rinowanikwa mudzimwe shanduro dzemaBhaibheri dzinoshandiswa nezvimwe zvitendero zvisiri Zvapupu zvaJehovha. Chaizvoizvo, zita rokuti Jehovha richimirirwa nemabhii mana (Tetragrammaton) rave richishandiswa kwezviuru zvemakore.

Jehovha dzimwe nguva anonzi “Mwari waIsraeri.” (1 Makoronike 17:24) Mashoko aya akaita kuti vamwe vadavire kuti aingovawo mwari wedzinza uyo vaHebheru vaive vatora kune imwe tsika kana kuzvitangira voga. “Pakutanga [Jehovha] aitorwa samwari anoparadza zvikuru wedzinza revaIsraeri,” anodaro Karen Armstrong, munyori webhuku rinonzi A History of God. “Gare gare, vaprofita vechiIsraeri . . . , muzana remakore rechinomwe nerechitanhatu B.C., vakazoita kuti Mwari uyu wedzinza ave wechokwadi zvisingatsananguriki.”

Vanyori vezvakaitika kare zvechitendero vanoverengeka vakaedza kutsvaka mavambo ezita rokuti Jehovha richibva kuvaKenani kana vaIjipiti. Vamwe vanoti “ndimwari wekare wedzinza” uye haana kumbofanana naMwari anoratidzwa mu“Testamende Itsva.” Ichokwadi here ichocho? Ko kunyatsoverenga Bhaibheri kunoratidzei?

Jehovha—Mwari Wevanhu Vose

Bhaibheri rinobvuma ukama hwepedyo hwaJehovha norudzi rwevaIsraeri. Asi ichi hachisi chikonzero chokumutora samwari wedzinzawo zvake. Muapostora wechiKristu Pauro akabvunza kuti: “NdiMwari wevaJudha bedzi here? Haasiriwo wevanhu vemamwe marudzi here?” Mhinduro yaPauro yakajeka ndeyokutii? “Hungu, wevanhu vemamwe marudziwo.” (VaRoma 3:29) NdiMwari upi aitaurwa nezvake naPauro? Mutsamba imwe chete iyi kuvaRoma, zita rokuti Jehovha rinooneka ka19. Muapostora wacho, achitaura nezvezvakanyorwa nomuprofita wechiHebheru Joere, akataura kwete nezvevaJudha chete asi “munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.”—VaRoma 10:13; Joere 2:32.

VaIsraeri havana kusarudza Jehovha kuti ave Mwari wavo; asi kutoti Jehovha akavasarudza kuti aite chinangwa chake—ndiko kuti, kugadzirira Mesiya nzira. Uyezve, mwari wedzinza anoguma panoguma kuvapo kwedzinza racho. Panokurirwa dzinza racho, mwari wacho anokurirwawo. Izvi handizvo zvakaitika kuna Jehovha.

Sungano yaJehovha naAbrahamu—iyo yakatanga kushanda nguva refu chiKristu chisati chavako—yakavimbisa zvikomborero kuvanhu vemarudzi ose, zvichiratidza kufarira kwaMwari vanhu vose. (Genesi 12:1-3; Mabasa 10:34, 35; 11:18) Dhavhidhi, Mambo wechiIsraeri, akaratidza kuti Jehovha aiva muridzi weinopfuura nyika yeIsraeri chete paakati: “Nyika ndeyaJehovha, nokuzara kwayo; nyika yose navageremo.”—Pisarema 24:1.

Gare gare apo Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akatsaurira temberi yokunamatwa kwaJehovha, akaratidza kuti paiva nenzira yokutaura nayo naJehovha nevanhu vanozvininipisa vorudzi rupi norupi. Mumunyengetero wake wetsauriro, Soromoni akati: “Zvino kana ari mutorwa, asati ari wavanhu venyu vaIsraeri, kana akabva kunyika iri kure . . . akanyengetera akatarira kuimba ino; inzwai henyu iko kudenga kwamunogara, muitire mutorwa zvose sezvaanokumbira, kuti vanhu vose venyika vazive zita renyu, vakutyei, sezvinoita vanhu venyu vaIsraeri.”—1 Madzimambo 8:41-43.

VaIsraeri Vakarambwa

Nezvoukama hwaIsraeri naJehovha, Purofesa C. J. Labuschagne akanyora kuti: “Munhau yavo yose vaIsraeri vakazvionera kuti Mwari wacho ‘worudzi’ aigona kuratidza kuti akanga asina tsvete norudzi rwacho uye kuti aigona kunyange kupesana narwo.” Muzana remakore rokutanga apo vaIsraeri vakaramba Mesiya, Jehovha akaramba rudzi irworwo.

Zvisinei, zita raJehovha raifanira kuramba richishandiswa pakati pevaKristu. Sezvo ungano yechiKristu yaikura, nhengo dzayo dzakazenge dzosanganisira vanhu vemarudzi ose. Achitungamirira pane rimwe gungano rechiKristu muJerusarema, mudzidzi wechiJudha Jakobho akataura nezvaMwari seakanga a“funga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.” Achiratidza kuti izvi zvakanga zvafanotaurwa, Jakobho akataura mashoko ouprofita ari mubhuku raAmosi umo zita raJehovha rinowanikwa.—Mabasa 15:2, 12-18; Amosi 9:11, 12.

Anotarisira Vose, Anokomborera Vose

Achisimbisawo nezvokusasarura kwaJehovha, Pauro akanyora kuti: “Hapana mutsauko pakati pomuJudha nomuGiriki, nokuti kuna Ishe mumwe pamusoro pavose, akapfuma kune avo vose vanodana paari.” (VaRoma 10:12) Hungu, vanhu vose vanoteerera vanogona kuwana chikomborero chaJehovha.

Jehovha anopikira nguva yemberi yakaisvonaka kuvana vake vevanhu vakatendeka vose—pasinei norudzi rwavo kana dzinza. Shoko rake rinotsanangura vakadaro se“zvinodikanwa nendudzi dzose.” (Hagai 2:7) Vanhu ava vanosvika pakuziva Jehovha vomuda. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinoti nezvavo: “Marudzi ose achauya achizonamata pamberi penyu [Jehovha], nokuti mirayiro yenyu yakarurama yakaoneswa.”—Zvakazarurwa 15:4.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Mosesi akabata Mirayiro Gumi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe