Mafashamo muMozambique—Nzira iyo vaKristu Vakatarisira Nayo Vakawirwa Nawo
NOMUNYORI WEMUKAI! MUMOZAMBIQUE
MUKUVAMBA kwegore rapera vaiona terevhizheni vakapedzwa simba nemifananidzo yaibva kuMozambique yevanhu vakanga vakabatirira mumapazi emiti sezvo mvura yemafashamo yaida kuvayeredza. Mumwe mukadzi akazvara mwana ari mumuti uye akaonekwa achisimudzwa kuenda kwakachengeteka pamwe nomwana wake. Zvisinei, zviuru zvakapererwa nezano kwemazuva—vamwe vachigara nenyoka—kusvikira mvura yacho yaserera kana kuti vanunurwa nemaherikoputa.
Dambudziko racho rakatanga nedzvotsvoma remvura rakanaya muguta guru reMozambique, Maputo. Mumaawa mashomanana nzvimbo dzose dzinogara vanhu dzakanga dzazara nemvura. Mudzimwe nzvimbo mvura yakakwira kusvika pamatenga edzimba. Migwagwa yakachinjwa kuva nzizi dzinoyerera zvine simba. Makoronga makuru akachereka, uye dzimba nemotokari, uye zvinenge zvinhu zvose, zvakakukurwa nemvura. Asi izvi zvakanga zviri zvitete pane zvakazoitika.
Mvura yakaramba ichinaya, ichifukidza kumaodzanyemba kwenyika kwose. Mvura yakanayawo muSouth Africa, Zimbabwe, neBotswana dzakavakidzana. Nemhaka yokuti nzizi dzinonzi Incomati, Limpopo, neZambezi dzinoyerera dzichibva munyika idzi dzichipinda muMozambique dzichienda mugungwa, nzvimbo dzakawanda dzeMozambique dzakaparadzwa pakazara nzizi idzi. Kubatsirana kwakaita vaKristu panguva yedambudziko iri inyaya inosimbisa kutenda.
Kuongorora Kuparadza Kwepakuvamba
Musi waFebruary 9 gore rapera, vamiririri vaviri vehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muMaputo vakashanyira kuchamhembe. Inenge nguva yepfumbamwe mangwanani, vakapfuura guta reXinavane, umo Rwizi rwaIncoluane rwakanga rwakazara zvikuru. Vakasarudza kupfuurira kuXai-Xai, guta guru redunhu reGaza. Zvisinei, vakaona kuti pedyo neguta reChókwè, kunowanzoita mafashamo akaipisisa, kwakanga kusina mvura yakawanda. Saka vakasarudza kudzokera kuMaputo.
Zvisinei, vava pedyo neXinavane pakudzoka kwavo, vakamiswa nemapurisa. “Mafashamo anobva kuSouth Africa asvika uye avhara mugwagwa mukuru,” mapurisa akanyevera kudaro. “Mabhazi kana marori haasi kukwanisa kupfuura.” Chikamu chomugwagwa chavakanga vadarika nepachiri mangwanani acho chakanga chafukidzwa chose nemvura! Sezvo nzizi dziri nechokumusoro-soro dzakanga dzichizarawo, nharaunda yacho yakanga isisina kubatanidzwa nezvimwe zvikamu zvenyika.
Hama dzacho mbiri dzakasarudza kurara muMacia iri pedyo. Muusiku ihwohwo mamiriro acho ezvinhu akatoipisisa. Guta reXinavane rose rakanga rakazara nemvura, uye vanhu vanogara ikoko vakarasikirwa nezvinhu zvose. Gadziriro dzakaitwa dzokubatsira Zvapupu zviri munharaunda yacho kuti zvisvike kuHoro yoUmambo muMacia, uko musasa wevapoteri wechimbi-chimbi wakanga wavakwa. Pakarepo Zvapupu zvakaenda kudzimba dzokuchengetera zvinhu ndokutenga zvinhu zvinokosha zvakadai somupunga, bhinzi, furawa, nemafuta.
Zvino vakatanga kunetseka nezvevamwe vaKristu vaiva muChókwè nemamwe maguta ari pedyo. Vatariri muungano dziri muChókwè vakasangana pamwe chete ndokuronga kutakura vanhu vakawanda. Mashoko akaparadzirwa okuti: “Ibvai nokukurumidza, uye endai kuMacia!” Zvisinei, nenguva isipi zvakazivikanwa kuti vakawanda vokuXinavane vakanga vasati vasvika. Saka Zvapupu zvakatumwa kunoona kuti zvinhu zvakanga zvakadini. Zvakazivikanwawo kuti mumwe mukuru wechiKristu akanga anyura mukati meimba yake. Kuvigwa kwake kwakarongwa, uye zvimwe Zvapupu zvose, zvimwe zvaiva pamusoro pematenga edzimba, zvakaonekwa ndokubatsirwa kuti zvisvike kuMacia.
Zvose izvi zvarongwa, vamiririri vaibva kubazi vakaenda kuBilene, kaguta kari kumahombekombe, kwavakahaya ndege kuti iende kuMaputo. Kusvika kure sekwaigona kuonekwa nemaziso, ruwa rwacho rwakanga rwakazara nemvura. Zvakashumwa kuti mudunhu reGaza chete, vanhu 600 000 vakanga vakanganiswa.
Zvinhu Zvinoipisisa
Mumazuva mashomanana akatevera, mvura yacho yakawedzera, uye matunhu epakati peMozambique akaparadzwawo. Zvadaro, rimwe dutu rine simba zvikuru rainzi Eline rakavamba. Musi waFebruary 20 rakaunza mvura inoparadza pamatunhu anoti Inhambane, Sofala, neManica. Mamwe mafashamo, rufu, nokuparadza zvakaitika.
Zvadaro, pedyo nokupera kwaFebruary, guta reChókwè nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza dzakafukidzwa nemvura zvakanga zvisati zvamboonekwa. Panenge pakati pousiku hwomusi woMugovera, February 26, mvura yemafashamo yakawanda kwazvo yakasvika, ichikukura chinhu chose chaiva munzira yayo. “Takamutswa nomuvakidzani akanga achizhambatata nepahwindo,” anorondedzera kudaro Luis Chitlango, Chapupu chine makore 32.
Chitlango akatsanangura kuti: “Sezvataisvetuka kubva pamubhedha, tainzwa kuwunga kwemvura yacho. Takasangana nenyoka dzakawanda pataitiza. Nenguva dzetanhatu mangwanani, takasvika panzvimbo yakakwirira, asi gare gare mumangwanani acho, apo mafashamo akanga akwirira kumativi ose, taifanira kukwira mumiti. Boka redu raiva nevanhu 20.
“Varume ndivo vaitanga kukwira mumiti. Zvadaro vakadzi vaivagashidza vana, uye vana ava vaisungirirwa pamapazi emiti. Vakadzi vaizoteverawo nevacheche vavo. Nguva nenguva, taiburuka mumiti yacho ndokutsvanzvadzira pasi pemvura tichitsvaka nzungu, dzataiziva kuti dzairimwa munharaunda yacho.
“Pashure pemazuva matatu zvakasarudzwa kuti tose taifanira kuenda kuChókwè netsoka. Mvura yaisvika muzvipfuva zvedu, uye tairwisana nemhepo ine simba. Munzira takawana vanhu vakawanda mumiti nepamatenga edzimba. Zuva rakatevera racho mafashamo acho akanga adzikira zvakakwana zvokuti marori asvike kuguta racho uye kuendesa vanhu kuMacia.”
Musasa Wevapoteri weZvapupu
Musi waMarch 4 hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yakahaya ndege ndokuendesa vamiririri kunharaunda yaiva nenjodzi. Vanhu vakawanda vakanga vatizira kuMacia, yakanga yachinjwa kuva musasa muhombe wevapoteri. Vakawanda vakarwara nechikosoro, kushaya zvokudya zvinovaka muviri, marariya, nezvimwewo zvirwere.
Nzvimbo yacho yaiita senharaunda ine hondo. Maherikoputa aitumirwa nenyika dzakasiyana-siyana akanga akati ndo-o pamusoro peguta racho uye aimhara patunhandare twakagadzirwa zvechimbi-chimbi kuti vaburutse zvinhu. Apo boka rinopa ruyamuro reZvapupu rakasvika muMacia, harina kungoita gadziriro dzokugovera zvokudya asi rakagadzirawo nzvimbo yokutarisira vanorwara. Zvisinei, pakutanga vakakumbira mvumo yezviremera zvomunharaunda, izvo zvakarumbidza danho racho.
Mangwanani oga oga pamusasa weZvapupu, uyo waigara Zvapupu zvinenge 700 pamwe nevamwe, rugwaro rweBhaibheri rwaikurukurwa nenguva dza6:30 mangwanani. Hanzvadzi dzechiKristu padzaipedza kubika zvokudya, mazita emisoro yemhuri aidaidzirwa. Mumwe nomumwe aizoratidza nezvigunwe zvake kuti indiro ngani dzezvokudya dzaaida, uye zvokudya zvacho zvaizoendeswa.
Zvinhu zvose mumusasa wacho zvakanga zvakanyatsorongwa. Vamwe vanhu vaipiwa basa rokutenga zvokudya; uye vamwe, kutarisira kuti mvura yokunwa yakachena, vamwe kuchenesa zvimbudzi, nezvimwewo. Kurongeka kwacho kwakanaka hakuna kungopfuura kusina kucherechedzwa nevakuru vakuru vehurumende, avo vakataura kuti: ‘Zvinofadza kuva pano. Hapana anoshayiwa zvokudya, uye hapana kupopotedzana.’ Mumwe mukuru mukuru womunharaunda yacho akati: ‘Munhu wose anofanira kushanyira musasa weZvapupu kuti aone maitirwo anofanira kuitwa zvinhu.’
Rimwe zuva dare rokuyamura rakadana vakuru vechiKristu pamwe ndokuvaudza kuti hofisi yebazi yakanga yaronga kuvakazve dzimba neHoro dzoUmambo pamwe nokupa zvimwe zvinhu zvinokosha kuvakanga vawirwa nemafashamo. Mangwanani akatevera acho paikurukurwa rugwaro rweBhaibheri rwezuva racho, chiziviso chakaitwa maererano nezvirongwa izvi. Vanhu vakaombera kwenguva yakareba.
Kunyange zvazvo zviremera zvakanga zvapa matende makuru maviri, vakawanda mumusasa wacho vakanga vachiri kurara pachena. Saka boka rakarongwa pakati pevakanga vawirwa nemafashamo kuti rivake Horo yoUmambo hombe panzvimbo yeungano yomunharaunda iyoyo. Yakavakwa netsanga nemarata—mavakiro anoitwa muMozambique—kuti igare vanhu 200. Yakapedzwa mumazuva maviri chete!
Kutsvaka Vaiva Kwavo Voga
Munguva iyi, musi waMarch 5, mafashamo acho ati dzikirei, boka rokuyamura rakaumbwa kuti riende kudhorobha reAldeia da Barragem, riri murimwe rematunhu akatanga kuita mafashamo. Raiva neungano ine Zvapupu 90, uye hapana chakanga chambonzwika nezvazvo.
Riri munzira, boka racho rakapfuura Chihaquelane, musasa wevapoteri mukuru waiva nevanhu vanenge 100 000. Kumativi ose omugwagwa, kwakanga kwakukurwa munzvimbo dzakawanda, nharaunda yacho yakanga yakafukidzwa nemafashamo kusvikira kunogona kuona maziso. Imwe nhengo yeboka racho yakati: “Patakasvika muChókwè, taingoona nzvimbo isina chinhu. Dzimba dzakawanda dziri nechekwokupinda nakwo muguta dzakanga dzichakati kabu nemvura kusvikira pamatenga. Dzimba dzakawanda dzakanga dzakanyura mumafashamo. Kwakanga kwava kusviba, uye takanga tichine makiromita 25 kuti tisvike kuAldeia da Barragem.”
Pakupedzisira muusiku hwacho, boka racho rakasvika kwaraienda. Imwe nhengo yeboka racho inoyeuka kuti: “Takamira ndokushaya kuti toitei.” Zvadaro, vanhu vakauya vachidanidzira vachiti: “Hama!” uye pakava nokuseka kwokudanidzira nokufara. Pazvakanga zvaona magetsi emotokari mbiri dzacho, Zvapupu zvomunharaunda yacho zvakafunga pakarepo kuti dzingava hama dzazvo, uye zvakaudza vamwe izvozvo. Vacherechedzi vakaororwa, vachiti: ‘Vanhu ava vane rudo zvechokwadi. Vanounza zvokudya uye kunyange kushanya!’
Kupa Ruyamuro Runopfuurira
Hama dzokuAldeia da Barragem dzakabatsirwa kusvika kumusasa waiva muMacia, kwavakapiwa zvokudya, pokugara, nokurapwa. Munguva iyi, mamiriro ezvinhu muMacia akanga achiipisisa. Zvokudya, mishonga, nemafuta zvakanga zviri zvishoma, sezvo zvakanga zvichiunzwa nendege. Pakanga pachidiwa kuti pave nomugwagwa unoibatanidza neMaputo. Izvi zvakaitwa pakazosvika musi waMarch 8.
Guta guru reXai-Xai rakanga rafukidzwa rose nemvura. Pakati paro pakanga pakafukidzwa nemvura yaisvika mamita matatu mune dzimwe nzvimbo! Zvapupu zvakaumba dare rokuyamura kuti zvitarisire hama dzazvo ikoko. Uyezve, matare akarongwa kuti atarisire vaida kubatsirwa mumatunhu eSofala neManica.
Zvokuyamura nazvo zvakabvawo kuZvapupu zviri mudzimwe nyika. Somuenzaniso, bazi romuSouth Africa rakaronga kuti matani akawanda ezvokupfeka, magumbeze, nezvimwe zvinhu zvitumirwe. Uye dzimbahwe romunyika yose reZvapupu zvaJehovha, riri muBrooklyn, New York, rakaita kuti mari yokubatsira vakanga vakanganiswa ivepo.
Apo mafashamo acho akanga adzikira zvakakwana uye vakanga varasikirwa nemisha yavo vazivikanwa kuti vangani, basa rokuvakazve dzimba neHoro dzoUmambo rakatanga. Dare rokuvakazve rakaumbwa uye rakatsigirwa nevazvipiri vakawanda vakabva vatanga kushanda pakarepo. Kubvira ipapo, dzimba dzinopfuura 270 dzave dzichivakwazve pamwe neHoro dzoUmambo dzinopfuura shanu.
Apo dzimba dzokutanga dzakavakwa neZvapupu zvakazvipira dzakatanga kuonekwa, vanhu vakazvicherechedza. Mumwe muvakidzani akati: ‘Munonamata Mwari mupenyu. Vafundisi vedu vanotadza kuyeuka hwai dzavo dziri kutambura. Asi, imi muri kuwana dzimba idzi dzakaisvonaka.’ Munharaunda dzakadaro vakawanda vave vachiteerera mashoko oUmambo anoparidzwa neZvapupu zvaJehovha, uye zvidzidzo zveBhaibheri zvinoverengeka zvakatangwa.—Mateu 24:14; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kunyange zvazvo Zvapupu zvakawanda zvakarasikirwa nezvinhu zvazvo, hapana zvakarasikirwa nokutenda kwazvo. Pane kudaro, kutenda kwavo muna Jehovha Mwari uye musangano romunyika yose revavanonamata navo kwakasimbiswa. Zvinoonga rudo rwehama dzazvo dzomunyika yose, idzo dzakakurumidza kuita chimwe chinhu pamusoro penjodzi yacho. Zvakazvionera pachazvo kutarisira kworudo nedziviriro zvaJehovha uye zvicharamba zvichiyeuka mashoko eBhaibheri anoti: “Jehovha mukuru.”—Pisarema 48:1.
[Mufananidzo uri papeji 24, 25]
Mvura izere madhaka yakafukidza guta reXai-Xai
[Mufananidzo uri papeji 25]
Zvokuyamura nazvo zvakaunzwa nendege
[Mufananidzo uri papeji 26]
Boka rinoyamura reZvapupu rakavamba nzvimbo yokurapira vairwara
[Mufananidzo uri papeji 26]
Dzimba itsva dziri kuramba dzichivakwa
[Mufananidzo uri papeji 26]
Musasa wevapoteri mukuru pane yose waigara vanhu 100 000