Zvapupu Zvinorwisana Navamwari Venhema
“Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura.”—ISAYA 43:10.
1. Mwari wechokwadi ndiani, uye mumativii maari mukuru kupfuura vamwari vakawanda vanonamatwa nhasi?
MWARI wechokwadi ndiani? Nhasi, uyu mubvunzo unokosha zvikurusa unotarisana norudzi rwose rwomunhu. Kunyange zvazvo vanhu vachinamata vamwari vakawanda, Mumwe bedzi ndiye anogona kutipa upenyu ndokutigovera nguva yemberi inofadza. Ndikune Mumwe bedzi kwakunogona kunzi: “Maari tine upenyu, tinofamba, tiripo.” (Mabasa 17:28) Zvirokwazvo, Mwari mumwe bedzi ane kodzero yokunamatwa. Seizvo kwaya yokudenga iri mubhuku raZvakazarurwa, inotaura: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”—Zvakazarurwa 4:11.
2, 3. (a) Satani nenzira yokureva nhema akadenha sei kodzero yaJehovha yokunamatwa? (b) Chii chakanga chiri mugumisiro wechivi chaEvha nokuda kwaEvha uye vana vake, uye chii chakanga chiri mugumisiro nokuda kwaSatani?
2 Mubindu reEdheni, Satani nenzira yokureva nhema akadenha kodzero yaJehovha yokuti anamatwe. Achishandisa nyoka, akaudza Evha kuti kana akapandukira mutemo waJehovha ndokudya muti uyo Jehovha akanga arambidza, iye amene aizova akafanana naMwari. Mashoko ake aiva, okuti: “Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 3:5) Evha akadavira nyoka ndokudya muchero wakarambidzwa.
3 Chokwadika, Satani akareva nhema. (Johane 8:44) Nzira iyo bedzi Evha akava “saMwari” apo akatadza yakanga iri yokuti akakuisa paari amene kusarudza chakanga chakarurama nechakanga chakaipa, chimwe chinhu chaifanira kunge chakasiyirwa Jehovha. Uye pasinei zvapo nenhema dzaSatani, pakupedzisira akafa. Naizvozvo akabetserwa chaizvoizvo nechivi chaEvha akanga ari Satani. Zvirokwazvo, chinangwa chaSatani chisina kutaurwa mukunyengetedza Evha kutadza chakanga chiri chokuva mwari iye amene. Apo Evha akatadza, akava munhu wokutanga kumutevera, uye nokukurumidza akakumbanirwa naAdhama. Vakawanda zvikurusa vavana vavo havana bedzi kuberekerwa mu“zvivi” asiwo vakawira mupesvedzero yaSatani, uye munguva pfupi, nyika yose yakanga yakaparadzaniswa naMwari wechokwadi yakavapo.—Genesi 6:5; Pisarema 51:5.
4. (a) Mwari wenyika ino ndiani? (b) Kune dikanwo yokukurumidzira yechii?
4 Nyika iyoyo yakaparadzwa muMafashamo. (2 Petro 3:6) Pashure paMafashamo imwe nyika yakaparadzaniswa naJehovha yakatanga, uye ichiripo. Nezvayo Bhaibheri rinoti: “Nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Kupfurikidza nokurwisana kwayo nerevo uye chinodikanwa chomutemo waJehovha, nyika ino inobatira zvinangwa zvaSatani. Ndiye mwari wayo. (2 VaKorinte 4:4) Bva, zvikurukuru ndimwari asina simba. Haagoni kuita kuti vanhu vafare kana kuti kuvapa upenyu; Jehovha bedzi ndiye anogona kuita izvozvo. Nokudaro, vanhu vanoda upenyu hune revo nenyika iri nani vanofanira kutanga kudzidza kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi uye ipapo ndokudzidza kuita kuda kwake. (Pisarema 37:18, 27, 28; Muparidzi 12:13) Nokudaro kune kudikanwa kwekurumidziro nokuda kwavarume navakadzi vokutenda kuti vapupure, kana kuti kuzivisa zvokwadi, pamusoro paJehovha.
5. Pauro akadudza “gore rezvapupu” ripi? Dudza vamwe vanhu vaanoronga.
5 Kubva pamavambo chaipo, vanhu vamwe navamwe vakatendeka vakadaro vakaonekwa munyika. Muapostora Pauro, muna VaHebheru ganhuro 11, anopa ndaza refu yavo ndokuvadana kuti “gore rezvapupu rakakura rikadai.” (VaHebheru 12:1) Mwanakomana wechipiri waAdhama naEvha, Abheri, akanga ari wokutanga pandaza yaPauro. Enoki naNoa vanodudzwawo panguva yakatangira Mafashamo. (VaHebheru 11:4, 5, 7) Akatanhamara ndiAbrahama, mukare wedzinza rechiJudha. Abrahama, uyo anonzi “hama yaMwari,” akava sekuru vaJesu, “chapupu chakatendeka, chazvokwadi.”—Jakobho 2:23; Zvakazarurwa 3:14.
Kupupura Zvokwadi kwaAbrahama
6, 7. Upenyu hwaAbrahama nezviito zvakanga zviri uchapupu hwokuti Jehovha ndiMwari wechokwadi munzirai?
6 Abrahama akabatira sei sechapupu? Kupfurikidza nokutenda kwake kwakasimba uye kuteerera Jehovha noruvimbiko. Apo akadanwa kuti asiye guta reUri ndokugara hwasara hwose hwoupenyu hwake munyika iri kure, Abrahama akateerera. (Genesi 15:7; Mabasa 7:2-4) Marudzi anodzungaira anowanzosiya upenyu hwawo hwokudzungaira ndokusarudza upenyu hwakachengeteka zvikuru hwomuguta. Nokudaro, apo Abrahama akasiya guta racho kuti ararame upenyu hwomumatende, akapa ufakazi hwakasimba hwokuvimba kwake naJehovha Mwari. Kuteerera kwake kwakanga kuri uchapupu kuvaoni. Jehovha akakomborera zvikuru Abrahama nokuda kwokutenda kwake. Kunyange zvazvo aigara mumatende, Abrahama akabudirira kunyama. Apo Roti nemhuri yake vakapambwa, Jehovha akapa Abrahama budiriro mukuronda kwake, zvokuti akagona kuvanunura. Mudzimai waAbrahama akabereka mwana muukweguru hwake, nokudaro chipikirwa chaJehovha chokuti Abrahama aizobereka mbeu chakasimbiswa. Kupfurikidza naAbrahama, vanhu vakaona kuti Jehovha ndiMwari mupenyu anozadzika zvipikirwa zvake.—Genesi 12:1-3; 14:14-16; 21:1-7.
7 Apo aidzoka kunonunura Roti, Abrahama akasangana naMerkizedheki, mambo weSaremi (gare gare yakazonzi Jerusarema), uyo akagamuchira Abrahama, achiti: “Abrama ngaaropafadzwe [w]aMwari woKudenga denga.” Mambo weSodhoma akasanganawo naye uye aida kumupa zvipo. Abrahama akaramba. Neiko? Akanga asingadi kuti kuvepo nokupanikira kupi nokupi nezvaManyuko ezvikomborero zvake. Iye akati: “Ndakasimudzira ruoko rwangu kuna Jehovha, Mwari woKudenga denga, muridzi wokudenga napasi, kuti handingatori ruchinda kana rukanda rweshangu, kana chinhu chimwe chezvinhu zvenyu, kuti murege kuzoti: Ndini ndakafumisa Abrama.” (Genesi 14:17-24) Abrahama akanga ari chapupu chakaisvonaka sei!
Rudzi Rwezvapupu
8. Mosesi akaratidza sei kutenda kukuru muna Jehovha?
8 Mosesi, muzukuru waAbrahama, anoonekawo mundaza yaPauro yezvapupu. Mosesi akafuratira upfumi hweEgipita uye gare gare noushingi akatarisana nomutongi wesimba iroro renyika guru kuti atungamirire vana vaIsraeri kurusununguko. Akawana kupi ushingi hwacho? Mukutenda kwake. Pauro anoti: “[Mosesi] wakatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi.” (VaHebheru 11:27) Vamwari veEgipita vakanga vachionekwa, vachibatika. Kunyange nhasi, zvifananidzo zvavo zvinoorora vanhu. Asi Jehovha, kunyange zvazvo asingaoneki, akanga ari chaiyeiye zvikuru kuna Mosesi kupfuura vamwari venhema ivavo vose. Mosesi akanga asingapanikiri kuti Jehovha aivapo uye kuti aizotusa vanamati Vake. (VaHebheru 11:6) Mosesi akava chapupu chakatanhamara.
9. Rudzi rwaIsraeri rwakanga rwuchizobatira Jehovha sei?
9 Pashure pokutungamirira vaIsraeri kurusununguko, Mosesi akava murevereri wesungano pakati paJehovha navazukuru vaAbrahama kupfurikidza naJakobho. Somugumisiro, rudzi rwaIsraeri rwakavapo sechinhu chaicho chaJehovha. (Eksodho 19:5, 6) Kekutanga, uchapupu hwerudzi hwakanga huchizopiwa. Mashoko aJehovha kupfurikidza naIsaya, anenge makore 800 gare gare, akashanda munheyo kubvira pamavambo okuvapo kwerudzi, okuti: “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye.” (Isaya 43:10) Urwu rudzi rutsva rwaizobatira sei sezvapupu zvaJehovha? Kupfurikidza nokutenda kwarwo nokuteerera uye kupfurikidza nezviito zvaJehovha nokuda kwavo.
10. Mabasa esimba aJehovha aakaitira Israeri anogovera uchapupu munzirai, uye nemigumisiroi?
10 Anenge makore 40 gare gare pashure pokuvamba kwarwo, Israeri akanga odokutora uridzi hweNyika Yakapikirwa. Vasori vakaenda kunosora guta reJeriko, uye Rakabhi, mugari weJeriko, akavadzivirira. Neiko? Akati: “Takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Egipita, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJoridhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose. Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo mwoyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchine kutsunga pamwoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.” (Joshua 2:10, 11) Mushumo wemabasa esimba aJehovha wakasunda Rakabhi nemhuri yake kubuda muJeriko navamwari varo venhema ndokunamata Jehovha naIsraeri. Nenzira yakajeka, Jehovha akanga apa uchapupu hwakasimba kupfurikidza naIsraeri.—Joshua 6:25.
11. Vabereki vose vechiIsraeri vaiva nebasai pamusoro pokupupurira?
11 Apo vaIsraeri vakanga vachiri muEgipita, Jehovha akatuma Mosesi kuna Farao ndokuti: “Pinda kuna Farao, nokuti ndawomesa mwoyo wake, nemwoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Egipita, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha.” (Eksodho 10:1, 2) VaIsraeri vanoteerera vaizoudza vana vavo nezvezviito zvesimba zvaJehovha. Vana vavowo, vaizozviudzawo kuvana vavo, naizvozvo zvaizoitwa kuchizvarwa nechizvarwa. Nokudaro, zviito zvaJehovha zvesimba zvaizoyeukwa. Nenzira yakafanana nhasi vabereki vane basa rokupupurira kuvana vavo.—Dheuteronomio 6:4-7; Zvirevo 22:6.
12. Chikomborero chaJehovha pana Soromoni naIsraeri chakabatira sei souchapupu?
12 Chikomborero chaJehovha chikuru pana Israeri apo akanga akatendeka chakabatira souchapupu kumarudzi akapoteredza. Sezvakataura Mosesi pashure pokurondedzera zvikomborero zvaJehovha zvakapikirwa: “Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya.” (Dheuteronomio 28:10) Soromoni akapiwa uchenjeri noupfumi nemhaka yokutenda kwake. Mukutonga kwake rudzi rwakabudirira ndokufarikanya nguva refu yorugare. Nezvenguva iyeyo tinorava, kuti: “Vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa kungwara kwaSoromoni, vakabva kumadzimambo ose enyika, vakanga vanzwa zvokungwara kwake.” (1 Madzimambo 4:25, 29, 30, 34) Akanga akatanhamara pakati pavashanyi vaSoromoni akanga ari mambokadzi weShebha. Pashure pokuzvionera amene chikomborero chaJehovha parudzi namambo warwo, akati: “Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakafadzwa nemi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu wakada Israeri.”—2 Makoronike 9:8.
13. Ndohupi hungangove hwaiva uchapupu hunobudirira zvikurusa hwaIsraeri, uye tichiri kubetserwa sei nahwo?
13 Muapostora Pauro akadudza zvichida hwakanga huri uchapupu hwaIsraeri hunobudirira zvikurusa. Pakukurukura Israeri wokunyama neungano yechiKristu yaiva muRoma, akati: “Ndivo vakapiwa mashoko aMwari.” (VaRoma 3:1, 2) Kutanga naMosesi, vamwe vaIsraeri vakatendeka vakafuridzirwa kuita chinyorwa chakanyorwa chokubata kwaJehovha naIsraeri, kubatanidza zano rake, mitemo yake, uye uporofita hwake. Kupfurikidza neizvi zvinyorwa vanyori ivavo vekare vakapupurira kuzvizvarwa zvose zvaizotevera—kubatanidza chedu nhasi—kuti kunongova bedzi naMwari mumwe, uye zita rake ndiJehovha.—Dhanieri 12:9; 1 Petro 1:10-12.
14. Neiko vamwe vakapupurira Jehovha vakatambura kutambudzwa?
14 Nenzira isingafadzi, Israeri aiwanzokundikana kutenda, uye ipapo Jehovha aifanira kutumira zvapupu kurudzi rwake amene. Vakawanda vaivava vakatambudzwa. Pauro akataura kuti vamwe “vakaidzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo.” (VaHebheru 11:36) Zvapupu zvakatendeka zvirokwazvo! Kunosuruvarisa sei kuti zvitambudzo zvazvo zvaiwanzobva kumitezo biyazvo yerudzi rwaJehovha rwakasarudzwa! (Mateo 23:31, 37) Kutaura idi, chivi chorudzi chakava chikuru kwazvo zvokuti muna 607 B.C.E., Jehovha akaunza vaBhabhironi kuti vaparadze Jerusarema netemberi yaro ndokutungamirira vaIsraeri vakapukunyuka muutapwa. (Jeremia 20:4; 21:10) Iwoyo ndiwo wakanga uri mugumo weuchapupu hwerudzi kuzita raJehovha here? Aiwa.
Kutongwa Kwavamwari
15. Uchapupu hwakapiwa sei kunyange muutapwa muBhabhironi?
15 Kunyange muutapwa hweBhabhironi, mitezo yakatendeka yorudzi rwacho haina kuzengurira kupupurira Umwari hwaJehovha nesimba. Somuenzaniso, Dhanieri akadudzira noushingi zviroto zvaNebhukadnezari, akatsanangurira Bershazari runyoro rwaiva pachidziro, uye akaramba kubvumirana pane zvisina kufanira pamberi paDhariusi munhau yokunyengetera. VaHebheru vatatuwo, pakuramba kupfugamira chifananidzo, vakapa Nebhukadnezari uchapupu hunoshamisa.—Dhanieri 3:13-18; 5:13-29; 6:4-27.
16. Jehovha akafanotaura sei kudzokera kwaIsraeri kunyika yavo, uye chii chaizova chinangwa chouku kudzoka?
16 Zvisinei, Jehovha akaita chinangwa chokuti uchapupu hwerudzi hwaizopiwazve munyika yeIsraeri. Ezekieri, uyo akaporofita pakati pevaJudha vakatapwa vaiva muBhabhironi, akanyora nezvechisarudzo chaJehovha pamusoro penyika yakaparadzwa, kuti: “Ndichawanza vanhu pamusoro pako, iyo imba yose yaIsraeri, ivo vose; maguta achagarwa, namatongo achavakwa.” (Ezekieri 36:10) Neiko Jehovha aizoita izvozvi? Zvikurukuru souchapupu kuzita rake amene. Kupfurikidza naEzekieri akati: “Handiiti chinhu ichi nokuda kwako, iwe imba yaIsraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene ramakamhura pakati pamarudzi.”—Ezekieri 36:22; Jeremia 50:28.
17. Chii chiri mashoko akapoteredza aIsaya 43:10?
17 Kwakanga kuri pakuporofita kudzokera kwaIsraeri kubva muutapwa hweBhabhironi kuti muporofita Isaya akafuridzirwa kunyora mashoko aIsaya 43:10, achitaura kuti Israeri akanga ari chapupu chaJehovha, muranda wake. Muna Isaya 43 ne44, Jehovha anorondedzerwa soMusiki, Muumbi, Mwari, Mutsvene, Muponesi, Mudzikinuri, Mambo, uye Muiti waIsraeri. (Isaya 43:3, 14, 15; 44:2) Kutapwa kwaIsraeri kwakabvumirwa nemhaka yokuti rudzi rwaikundikana rwakundikanazve kumurumbidza seakadaro. Zvisinei, vakanga vachiri vanhu vake. Jehovha akanga ati kwavari: “Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu.” (Isaya 43:1) Kutapwa kwaIsraeri muBhabhironi kwaizoguma.
18. Kununurwa kwaIsraeri kubva muBhabhironi kwakabvumikisa sei kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi?
18 Zvirokwazvo, Jehovha akaita kusunungurwa kwaIsraeri muBhabhironi kuve kuedzwa kwavamwari. Akadenha vamwari venhema vamarudzi kuti vaburitse zvapupu zvavo, uye akadana Israeri sechapupu chake. (Isaya 43:9, 12) Apo akaputsa zvisungo zvoutapwa hwaIsraeri, akabvumikisa kuti vamwari veBhabhironi vakanga vasitongori vamwari uye kuti iye ndiye Mwari wechokwadi bedzi. (Isaya 43:14, 15) Apo, anenge makore 200 chiitiko ichocho chisati chaitika, akadana Koreshi muPersia somuranda wake mukusunungura vaJudha, akapazve chibvumikiso choUmwari hwake. (Isaya 44:28) Israeri aizosunungurwa. Neiko? Jehovha anotsanangura, kuti: “Ivo [vaIsraeri] vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.” (Isaya 43:21) Kwaizopazve mukana weuchapupu.
19. Uchapupui hwakapiwa naKoreshi achikoka vaIsraeri kudzokera kuJerusarema uye nezviito zvavaJudha vakatendeka pashure pokudzokera ikoko?
19 Apo nguva yakasvika, Koreshi muPersia akakurira Bhabhironi sezvakanga zvaporofitwa chaizvo. Koreshi, kunyange zvazvo akanga ari muhedheni, akazivisa Umwari hwaJehovha apo akapa chiziviso kuvaJudha vakanga vari muBhabhironi, kuti: “Ani nani uripo pakati penyu wavanhu vake, Jehovha Mwari wake ngaave naye, ngaakwire hake Jerusarema riri paJudha, kundovaka imba yaJehovha Mwari waIsraeri, (ndiye Mwari), unogara Jerusarema.” (Ezra 1:3) VaJudha vakawanda vakagamuchira. Vakadzokera kuNyika Yakapikirwa ndokuvaka atari panzvimbo yekare yetemberi. Pasinei zvapo nokuodzwa mwoyo nechishoro chakakomba, pakupedzisira vakakwanisa kuvakazve temberi neguta reJerusarema. Zvose izvozvi zvakaitika, sokutaura kwaJehovha amene, “hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya” wake. (Zekaria 4:6) Izvi zvakaitwa zvakapa ufakazi hwokuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.
20. Pasinei zvapo noutera hwaIsraeri, chii chinogona kutaurwa pamusoro pokupa kwavo uchapupu kuzita raJehovha munyika yakare?
20 Nokudaro, Jehovha akapfuurira kushandisa Israeri, kunyange zvazvo rwaiva rudzi rwavanhu vasina kukwana uye pane dzimwe nguva vaipandukira, sezvapupu zvake. Munyika yakatangira chiKristu, rudzi irworwo, netemberi yarwo nouprista, rwakamirira musimboti wenyika wokunamata kwechokwadi. Upi noupi anorava muMagwaro echiHebheru nezvezviito zvaJehovha maererano naIsraeri anogona kusava nokupanikira kupi nokupi kuti kunongova naMwari wechokwadi mumwe bedzi, uye zita rake ndiJehovha. (Dheuteronomio 6:4; Zekaria 14:9) Zvisinei, uchapupu hukuru zvikuru hwaizopiwa kuzita raJehovha, uye tichakurukura ikoku munyaya inotevera.
Unoyeuka Here?
◻ Abrahama akapa sei uchapupu hwokuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi?
◻ Ivarai raMosesi rakatanhamara rakamugonesa kuva chapupu chakatendeka?
◻ Israeri akapa uchapupu hwerudzi munzirai pamusoro paJehovha?
◻ Kununurwa kwaIsraeri kubva muBhabhironi kwakanga kuri sei kuratidzirwa kwokuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi bedzi?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Kupfurikidza nokutenda kwake nokuteerera, Abrahama akapa uchapupu hwakatanhamara kuUmwari hwaJehovha