RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 4/8 pp. 12-14
  • Hosha yeHuntington—Kunzwisisa Nhamo Yokuigara Nhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hosha yeHuntington—Kunzwisisa Nhamo Yokuigara Nhaka
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zviratidzo Zvacho
  • Kutsigira Murwere
  • Kutsigira Vanotarisira
  • Tariro Yechokwadi
  • Kubetsera Avo Vane Vhiringidziko Dzokudya
    Mukai!—1992
  • Kubata Murwere Somunhu
    Mukai!—1998
  • Kana Munhu Waunoda Ane Chirwere Chepfungwa
    Mukai!—2004
  • Nzira Iyo Vamwe Vangabatsira Nayo
    Mukai!—2004
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 4/8 pp. 12-14

Hosha yeHuntington—Kunzwisisa Nhamo Yokuigara Nhaka

“Apo ini naJohnny takaroorana, chaizvoizvo ndakafunga kuti taizogara tichifara kwoupenyu hwose. Asi zvishoma nezvishoma uyu murume aiva nerudo uye aitarisira akatanga kuchinja unhu zvikuru. Akatotanga kupopota kwechisimba kusingadzoreki. Pashure penguva yakati, Johnny aitofanira kugara muchipatara chinorapa pfungwa, maakazofira. Makore akawanda gare gare takazoziva kuti chirwere chake chakanga chisingazivikanwi chine zita—Hosha ye“Huntington.””—Janice.

ZVIURU zvavanhu pasi pose zvinorwara nehosha yeHuntington (HD), chirwere chokugara nhaka chinokanganisa mashandiro epfungwa. Sezvo munhu achigara nhaka HD, kakawanda inotambudza nhengo dzemhuri dzakawanda. “Kubva zvakafa Johnny,” anodaro Janice, “ndakashayikirwa nevanakomana vatatu uye mwanasikana mumwe nehosha yeHuntington, uye vazukuru vangu vatatu vanayo. Zvinoratidzika sokuti handina kumbova nenguva yakakwana yokuchema kushayikirwa nenhengo yemhuri isati yasvika nguva yokuchema imwe zvekare.”

Nechikonzero chakanaka, HD yakatsanangurwa se“nhamo chaiyo,” kwete chete kune ari kurwara asiwo kune vanofanira kumutarisira.a Chaizvoizvo HD chii? Vanayo—uye vanovatarisira—vangabatsirwa sei?

Zviratidzo Zvacho

Yakapiwa zita raDr. George Huntington, uyo muna 1872 akatanga kurondedzera zviratidzo zvayo, hosha yeHuntington inoratidzwa nokuchinja kusinganzwisisiki muunhu uye maitiro zvinowedzera nokukura kwechirwere chacho. Izvi zvinobva pakuchinja-chinja kwemaitiro uye kuora mwoyo nyore nyore uye hasha dzokutadza kuzvidzora. Vanorwara vanogona kuva nokudhonzwa-dhonzwa kwomuviri kunoitika kwoga uye kusadzikama kwamaoko uye tsoka. Unyanzvi hwokushanda zvakanaka hunopera, uye anorwara anowedzera kusagona kuita zvinhu. Kutaura kunokanganisika. Kumedza kunonetsa, uye masimba okuyeuka nokuteerera anopera. Kudzidza, kuronga, uye kugadzirisa zvinetso—zvaimbova zvinhu zvezuva nezuva—zvino zvinenge zvave kunetsa, kana zvisati zvave kutadza kuitwa.b

Zviratidzo zveHD zvinopfuurira uye zvinowedzera kwoupenyu hwose hweanorwara wacho.c Nenzira isingadzivisiki, anotofanira kusiya basa rake uye haazokwanisi kuzvitarisira. Kakawanda iri idambudziko guru kune munhu ane HD. “Ndaisivaka dzimba,” anodaro mumwe anorwara anonzi Bill. “Zvino hapana chandinoita. Ndinoshushikana kwazvo.”

Hungu, zvinoodza mwoyo kune munhu ane HD kuti aone simba rake romuviri nerokufunga richipera zvishoma nezvishoma. Zvinorwadzawo mwoyo womudiwa kuona murwere achipedzwa nechirwere ichi chinotyisa. Chii zvino chingaitwa kutsigira munhu ane HD?

Kutsigira Murwere

Kunyange hazvo HD isingarapiki, kurapwa kwakakwana kwakabatsira vakawanda kuti vabate nezviratidzo zvavo. “Izvi hazvidzivisi kupedza simba kwenguva refu kwechirwere chacho,” anodaro Dr. Kathleen Shannon, “asi zvinovandudza zvikuru rudzi rwoupenyu rwevanorwara.”

Somuenzaniso, vamwe vane HD vakabatsirwa nemishonga inodzora kufamba-famba kwetsandanyama uye inoderedza kuora mwoyo. Kubatsirwa nomunhu anoziva nezvezvokudya zvinovaka muviri kunogonawo kuyamura. Nei? Nokuti kakawanda kurasikirwa nouremu chimwe chinetso chevanorwara neHD, uye kazhinji vanoda zvokudya zvinopa simba kuti vachengetedze uremu hwavo.

Nounyanzvi hushoma, dzimwe mhuri dzakagona kubatsira anorwara kuti ajairane nezvaasisagone. Somuenzaniso, Monica anoti: “Mataurire aBaba vangu zvaakaramba achiipa, takatsvaka nzira dzokuti tione zvavaikumbira.” Monica nevemhuri yake vakagadzira kabhuku kane mapeji amakadhi, peji imwe neimwe ine shoko kana mufananidzo. “Takabatanidza baba vedu mubasa iri,” anodaro Monica. “Vaibatsira kusarudza mapikicha uye mashoko.” Nechishandiso ichi chitsva, baba vaMonica vaigona kutaura nokunongedzera chinhu chavakanga vasingagoni kutaura.

Kunyange kana anorwara wacho akangofanira kugara pamba pake kana kuti panzvimbo inochengeterwa vanorwara, kuonana nevemhuri neshamwari kunokosha. “Zvingava zvakaoma kushanyira vaya vane chirwere cheHD chakakura,” anobvuma kudaro Janice, “asi vana vangu vaionga kwazvo shamwari padzaiuya kuzoshanya kuti dzivakurudzire.” Zvinosuruvarisa kuti pane dzimwe nguva, kutsigira uku kunoregeredzwa. “Pane dzimwe nguva tinonzwa tiri toga,” anodaro Beatrice, ane murume ane HD. “Kana shamwari dzikashanya kuzongoti makadini kune murume wangu, zvinogona kureva zvakawanda kwaari!”

Zvose zvafungwa nezvazvo, chii chinonyanyodiwa nevane HD? “Kunzwisiswa,” anodaro Bobby, mumwe weZvapupu zvaJehovha anorwara nacho. “Hama dzechiKristu dziri muungano dzinoziva kuti zvinonditorera miniti rimwe kana maviri kuti pfungwa dzangu dzive panzvimbo imwe kuti ndipindure pamisangano,” anowedzera kudaro. “Havatsamwi kana ndikavhiringidzika kana kukanganisika, sezvo chichingova chiratidzo chechirwere chacho.”

Kutsigira Vanotarisira

Chokwadika, vanotarisira vanoda kutsigirwawo, nokuti vanotarisana nenguva yokushungurudzika yakawanda. “Unogara uchingofunga nezvokuchengeteka kweanorwara,” anodaro Janice. “Paanonyanya kurwara, unonzwa wapererwa.”

Zvakajeka kuti vanotarisira vanoda kukurudzirwa. Beatrice anotsanangura imwe nzira yazvinogona kuitwa nayo. “Handingasiyi murume wangu ari oga,” anodaro, “uye panguva nenguva pandinokokwa pakumwe kuungana, ndinoti, ‘Ndinokuongai nokundikoka, asi handikwanisi kuuya.’ Zvakanaka sei kana shamwari ikati, ‘Pamwe mwanakomana wangu achiri kuyaruka kana kuti murume wangu anogona kugara nomurume wako kwenguva yakati.’!” Chokwadika, vanotarisira vanoonga kunzwira urombo nokufunga vamwe kwakadaro!—1 Petro 3:8.

Sezvo HD inosvika kwokupedzisira kwayo, anobatsira wacho anofanira kuita zvichida chisarudzo chinorwadza mwoyo zvikuru. “Kutaura kuti, ‘Handichakwanisi kukutarisira zvino,’ zvakaoma zvikuru,” anodaro Janice.

Chisarudzo chokuendesa anorwara kunzvimbo inotarisirwa vanorwara chinofanira kuita kuti muKristu anyanyofunga nezvacho nokuchenjera uye achinyengetera. Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti va‘govere avo vari vekwavo,’ uye izvi zvinobatanidza kugovera vabereki vari kurwara kana kuti vana. (1 Timoti 5:8) Munhu haafaniri kungorega uyu mutoro wapaMagwaro kuti zvimunakire chete. Ukuwo, panogona kuva nezvimwe zvinhu—zvinobatanidza kuchengeteka kwemurwere—zvinoita kuti kutarisirwa kwounyanzvi kuve nzira yorudo uye yokuchenjera. Ichi chisarudzo chemhuri yoga uye chinofanira kuremekedzwa navamwe.—VaRoma 14:4.

Tariro Yechokwadi

Bhaibheri rinonyaradza zvikurukuru kune avo vanotambura neHD nezvimwe zvirwere zvisingarapiki. Magwaro anopa tariro yechokwadi yenyika itsva yakarurama yokuti “hakuna ugeremo uchati: ‘Ndinorwara.’” Uyezve, Bhaibheri rinofanotaura kuti “unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.”—Isaya 33:24; 35:6.

Bobby, ane mashoko ambotaurwa, anonyaradzwa netariro iyi. “Uku ndiko kurapwa kwandinotsvaka,” anodaro. “Rudzi rwenguva yemberi ruchaita kuti zvose izvi zviratidzike sechinhu chomunguva yekare.”

[Mashoko Omuzasi]

a HD inotambudza vakadzi nevarume. Zvisinei, kungoti zvive nyore, tichati ari kurwara murume.

b Zviratidzo zveHD uye kukurumidza kwazvinoita kuwedzera kunogona kusiyana zvakanyanya pamunhu nemunhu. Nokudaro, zviratidzo zvarondedzerwa pano zvapiwa kuti zvingoshanda kuratidza zvakaita chirwere chacho uye hazvisi zvinhu zvakadzama zvokuratidza kuti ndicho.

c Upenyu hunotarisirwa kuraramwa nomunhu ane HD makore anenge 15 kusvika ku20 pashure pokunge zviratidzo zvatanga, zvisinei vamwe vanorarama zvakati rebei. Muzviitiko zvizhinji rufu runozokonzerwa namabayo, nokuti anorwara wacho haakwanisi kukosora zvakanaka kuti achenese muchipfuva pautachiona.

[Bhokisi riri papeji 13]

Kugara Nhaka HD—Nhaka Yacho Zvikamu 50 Muzana

Mwana wose ane mubereki ane HD ane mukana wokugara nhaka chirwere chacho nezvikamu 50 muzana. Nei?

Une machromosome 23 (zviri musero zvine mashoko okutodza) ari maviri maviri akarongwa musero rose romuviri wako. Rimwe racho rakabva kuna baba vako; rimwe kuna amai vako. Saka, tomboti baba vako vane HD. Sezvo ivo vachangopa rimwe ramachromosome avo maviri uye sezvo rimwe ramaviri acho rakakuvara, mukana wokuti uchagara nhaka HD unova zvikamu 50 muzana.

Sezvo zviratidzo zveHD kakawanda zvisingaratidziki kutozosvikira munhu ava pakati pemakore 30 ne50, pane dzimwe nguva anorwara neHD anenge atova navana apo iye pachake anozoonekwa kuti ane chirwere chacho.

[Bhokisi riri papeji 14]

Kumuudza Kana Kuti Kusamuudza

Apo HD inoonekwa, anorwara wacho anofanira kuudzwa kusvika papi? Dzimwe nhengo dzemhuri dzinotya kuti anorwara wacho anenge asingagoni kubata nokuziva kuti ane chirwere chisingarapiki uye chinopedza simba. Zvisinei, hakusi kuchenjera kufunga kuti haadi kutaurirwa. “Kutya kwedu uye kurwadziwa kwedu kunogona kutiita kuti tive vanonyanya kuchengetedza,” kanonyevera kudaro kamwe kabhuku kanotaura nezveHD, kachiwedzera kuti: “[Anorwara wacho anogona] kunzwa kuzorodzwa zvikuru kuti pakupedzisira pazova netsananguro yezvose zvisiri kufamba zvakanaka.” Uyewo, sezvo chirwere chacho chichigarwa nhaka, zvinokosha kuti avo vane HD vazive ngozi dzokupfuudzira chirwere chacho kuvana vose vavangaita munguva yemberi.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Janice, akashayikirwa nevana vana nehosha ye“Huntington”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe