RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 4/8 pp. 20-22
  • Zvakadini Nokuboora Muviri?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadini Nokuboora Muviri?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinoita Kuti Vaboorwe
  • Ngozi Dzoutano
  • Zvinopa Mashoko Erudzii?
  • Kushongedza Muviri—Kudiwa Kwokuva Nomwero
    Mukai!—2000
  • Amosi—Aiva Mukohwi Here Kana Kuti Aibaya Maonde?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Miitiro Yechinguvana—Chii Chiri Kukwezva Kwayo?
    Mukai!—1994
  • Bhaibheri Rinotii Nezvezvishongo Uye Kupoda poda?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Mukai!—2000
g00 4/8 pp. 20-22

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakadini Nokuboora Muviri?

‘Pandakatanga kuona vanhu vane miromo nedzimwe nhengo dzemiviri yavo dzakaboorwa, ndakafunga kuti “Iii! Zvakanaka chaizvo.”’—Lisa.

LISA haasiriye oga. Nhamba dziri kuwedzera dzevechiduku dziri kupfeka ringi nemhete panhengo dzakawanda dzemiviri, kunyange nechapamusoro pemaziso avo, rurimi, miromo, uye guvhu. Muitiro unonzi kuboora muviri.a

Heather ane makore 16 ane shungu dzokuitawo muitiro mutsva uyu. Anogutsikana nokuti ringi inenge iri paguvhu rake inozoratidzika “zvinoshamisa chose.” Zvisinei, Joe ane makore 19 ave kushamisira nechekare achipfeka chishongo chendarama parurimi rwake. Uye mumwe musikana muduku akasarudza kuboorwa nechapamusoro peziso rake nokuti aida chimwe chinhu “chinoonekwa zvikuru” chinga“vhundutsa” vanhu.

Pfungwa yokuisa zvishongo pamuviri haisimbori itsva. Kare munguva inotaurwa muBhaibheri, mukadzi aitya Mwari ainzi Rebheka aipfeka mhete yapamhuno. (Genesi 24:22, 47) Pavaibuda muIjipiti, vaIsraeri vakanga vakapfeka mhete. (Eksodho 32:2) Hazvizivikanwi hazvo kuti zvishongo izvozvo zvainamatidzwa nokuboora nzeve here kana mhuno. Zvisinei, varanda vakavimbika vaiboorwa nzeve dzavo sechiratidzo chokuvimbika kuna tenzi wavo. (Eksodho 21:6) Kuboora kwave kwakakurumbirawo mune dzimwe tsika dzakare. VaAztec navaMaya vaiboora rurimi rwavo nezvikonzero zvokunamata. Kuboora muromo kuchakapararira muAfrica uye muvaIndia vokuSouth America. Kuisa zvinhu zvokushonga pamhuno kwakakurumbira pavanhu vokuMelanesia uye vagari vomuIndia uye Pakistan.

Kusvikira mumakore mashoma adarika, munyika yoKumadokero nzeve dzavakadzi ndidzo dzaingoboorwa chete. Asi zvino vari kuyaruka uye vabva zera vose varume navakadzi vari kupfeka zvishongo panenge panhengo dzose dzomuviri wavo pazvinganamatidzwa.

Zvinoita Kuti Vaboorwe

Vakawanda vanoboorwa nokuti vanofunga kuti zviri mufashoni—chinhu chakanakisisa chokuita. Vamwe vanofunga kuti zvichawedzera chitarisiko chavo. Chaizvoizvo, muitiro wacho wakawedzerwa nokushandiswa kwezvishongo zvomuviri navanhu vanogona zvikuru kushambadza mbatya dzokutengesa vakapfeka, nyanzvi dzemitambo, uye vaimbi vakakurumbira. Uye nokuda kwedzimwe pwere, kuboora kunoita sokuratidza kusununguka, kuda kuzvisiyanisa, nzira yavo yokutaura kuti havana kufanana nomunhu wose zvake. Munyori wechikamu chomupepanhau John Leo anoti: “Kuda kutsamwisa vabereki uye kuvhundutsa vanhu veboka rapakati kunoita sokuti ndicho chikonzero chikuru chokuboorwa panzvimbo dzakawanda.” Kusagutsikana, kusabvumirana, kusindimara, uye kupandukira kunoita sokuti ndiko kunokonzera kuda kuzviratidza uku.

Panotova nevaya vanoboorwa kuti vagutse zvinodiwa zvikuru zvepfungwa dzavo kana kuti manzwiro. Somuenzaniso, vamwe vechiduku vanofunga kuti zvichawedzera kuzviremekedza kwavo. Vamwe vana vanobatwa zvisina kufanira vakazviona senzira yokuratidza kuti ndivo vanodzora miviri yavo.

Ngozi Dzoutano

Asi kuboora muviri kwose ikoko hakuna ngozi here? Varapi vakawanda vanoti kumwe kwacho kunadzo. Chaizvoizvo, kuzviboora wega kune ngozi. Uye kuenda kune anonzi anoita basa rokuboora kungava nengozi dzakwo. Vakawanda havana kunyatsorovedzwa, vachiva vakadzidza basa ravo kubva kushamwari, magazini, kana mavhidhiyo. Somugumisiro, vangasashandisa nzira dzoutsanana kana kuti kunyange kusanzwisisa ngozi dzokuboora. Zvekare, vakawanda vanoboora havana ruzivo rwemaumbirwo enhengo dzomuviri. Iri idambudziko rakakura, nokuti kuita buri panzvimbo isiri iyo kunogona kukonzera kubuda ropa kwakanyanyisa. Kukuvadza tsinga kunogona kukonzera kukuvara zvachose.

Imwe ngozi huru ndeyokutapukirwa nechirwere. Zvishandiswa zvine utachiona zvinogona kutapurira zvirwere zvinouraya zvakadai sehosha yokuzvimba chiropa, AIDS, tibhii, uye kunyange hosha inoomesa nhengo dzomuviri. Kunyange kana nzira dzokubvisa utachiona dzikashandiswa, kungwarira pashure pokunge izvozvo zvaitwa kunokosha zvekare. Somuenzaniso, guvhu raboorwa rinogona kugara richirwadza nokuti rinenge richikwizwa nembatya. Saka rinogona kutora mwedzi inenge mipfumbamwe kuti ripore.

Vanachiremba vanoti kuboora shwashwa remhuno kana kuti nzeve kune ngozi zvikuru pane kuboora divi rezasi renzeve. Rimwe pepanhau duku rakabva kuAmerican Academy of Facial Plastic and Reconstructive Surgery rinotsanangura kuti: “Maburi akawanda okuisa mhete anoboorwa nechepamusoro penzeve ndiwo atinonyanya kunetsekera—kutapukirwa nechirwere chakaipa kunogona kukonzera kurasikirwa nekachikamu kose kenzeve kapamusoro kakakombamira. Mhete dzapamhuno dzinewo ngozi—kutapukirwa nechirwere panzvimbo iyi kunogona kubatanidza tsinga dzeropa dziri pedyo uye kwopararira kuchienda muuropi.” Pepanhau duku racho rinopedzisa richiti: “Zviri nani kuti kuboora kungoitwa padivi rezasi renzeve chete.”

Dzimwe ngozi ndedzokumera bundu rakashata uye kusawirirana kweganda nechishongo chinoiswa. Kana ringi dzinenge dziri munzvimbo dzinokurumidza kukuvara dzakadai sezamu dzikabatwa kana kudhonzwa nembatya, pakaboorwa pacho pangabvaruka zviri nyore. Ronda rinoitika pazamu romusikana muduku rinogona kuvhara tsinga dzinofambisa mukaka, uye kana akasarapwa, anogona kuzviona zvakaoma kana kuti zvisingaiti kuti ayamwise mwana munguva yemberi.

American Dental Association yakadana kuboora mukanwa sengozi youtano munguva pfupi yapfuura. Dzimwe ngozi dziripo dzokuboora muromo dzinosanganisira kudzipwa wamedza chishongo, kusanzwa uye kutadza kuravidza kworurimi, kubuda ropa kwenguva refu, mazino akatetepa kana kuti akatyoka, kubuda mate kwakawedzera, kudonha rute kusingadzoreki, kukuvara matadza, kutadza kunyatsotaura, uye zvinetso zvokufema, kutsenga uye kumedza. Apo mumwe mukadzi muduku anonzi Kendra akaboorwa rurimi, “rwakazvimba kunge chibharumu.” Zvakatoipa zvikuru, akamuboora wacho akashandisa mhete yakagadzirirwa chirebvu, uye yakacheka rurimi rwaKendra ikabvarura nyama dzaiva nechepasi. Akapotsa atadza kutaura.

Mwari akadzidzisa vanhu vake vaIsraeri kuti varemekedze miviri yavo uye kuti varege kuzvikuvadza. (Revhitiko 19:28; 21:5; Dheuteronomio 14:1) Uye nepo vaKristu nhasi vasiri pasi poMutemo waMosesi, vachiri kukurudzirwa kuremekedza miviri yavo. (VaRoma 12:1) Zvino, hazvina pfungwa here kudzivisa ngozi dzoutano dzisingafaniri kuitika. Kunyange zvakadaro, pane zvimwe zvinhu zvaunofanira kufunga nezvazvo kunze kwoutano.

Zvinopa Mashoko Erudzii?

Bhaibheri haripi mashoko akananga nezvekuboora muviri. Asi rinotikurudzira kuti tizvishongedze ne“mwero nokunaka kwepfungwa.” (1 Timoti 2:9) Sezvo chimwe chinhu chingagona kunzi chine mwero kune rimwe divi renyika, nyaya chaiyo iri pakuti chinoonekwa sei kwaunogara. Somuenzaniso, kuboorwa divi rezasi renzeve dzavakadzi kungaonekwa sokunogamuchirwa kune rimwe divi renyika. Asi mune imwe nyika kana kuti tsika, vamwe vangatotsamwa nako.

Pasinei zvapo nokukurumbira kwakwakaita kune vanopembererwa, kuboora muviri uye mhete dzavarume kusvikira panguva ino kwatadza kugamuchirwa kuMadokero. Chimwe chikonzero chingava chokuti kwenguva yakareba izvi zvave zviri zviratidzo zvevasungwa vomujeri, zvikwata zvemidhudhudhu, varidzi vemimhanzi yerock vanoshandisa mashoko akaipisisa uye ngochani dzinogutswa netsika yokurwadzisa vamwe. Kune vakawanda, kuboora muviri kunoreva kutsauka uye kupandukira. Vakawanda vanozviona sezvinokatyamadza, zvinonyangadza. Mumwe musikana wechiKristu anonzi Ashley anoti: “Mukomana uyu womukirasi yedu akaboorwa mhuno yake. Anofunga kuti zvakanaka chaizvo. Ndinofunga kuti zvinosemesa!”

Ndosaka zvisingashamisi kuti chimwe chitoro chokuAmerica chinozivikanwa zvikuru chine mutemo wokuti vashandi vanoshanda zvakananga navatengi vanofanira kungopfeka mhete imwe panzeve uye kuti kumwe kuboorwa kwose kunoitwa panoonekwa kunorambidzwa. “Hauzivi kuti vatengi vachaita sei,” anotsanangura kudaro mutauriri wekambani. Vapangi vemazano okutsvaka basa vanokurudzirawo vadzidzi vechirume vepakoreji vari kutsvaka basa kuti vasapfeka “mhete kana zvimwe zvishongo zvinoboora muviri; vakadzi havafaniri kupfeka . . . mhete dzapamhuno.”

Zvikurukuru vaKristu vechiduku vanofanira kufunga nezvokuita kuti vamwe vavaone zvakanaka, kubatanidza pavanopinda mubasa rokuparidza. Havadi ‘kupa chisakiso chokugumbuka, kuti ushumiri hwavo hurege kuwanirwa mhaka.’ (2 VaKorinde 6:3, 4) Chero mafungiro api naapi aungava nawo pachako pamusoro pokuboora muviri, chitarisiko chako chinotaura nezvemafungiro ako uye mararamiro zvisinganzvengeki. Mashoko api aunoda kutaura?

Pakupedzisira, iwe—uye, kutaura chokwadi, vabereki vako—vanofanira kusarudza zvauchaita panhau iyi. “Musarega nyika yakakupoteredzai ichikumanikidzirai kupinda muforoma yayo,” ndiro zano reBhaibheri rakanaka. (VaRoma 12:2, Phillips) Pashure pezvose, iwe ndiwe uchafanira kurarama nemigumisiro yacho.

[Mashoko Omuzasi]

a Apa hatisi kureva kuboora kune mwero kwakajairwa uye kunogamuchirwa patsika munyika dzakawanda. Asi tinoreva miitiro yokunyanyisa yakakurumbira nhasi.—(Ona Nharireyomurindi yechiNgezi yaMay 15, 1974, peji 318-9.)

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kuboora muviri kwakakurumbira zvikuru mune vechiduku

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe