Nyika Yapindwa Muropa Nokusvuta
BILL akanga ari murume ane mutsa, murume akachenjera, murume akasimba. Aida mhuri yake. Zvisinei, akavamba kusvuta midzanga achiri muduku. Gare gare muupenyu akatanga kuvenga tsika yacho. Kunyange sezvaaimbumura mudzanga, ainyevera vanakomana vake nomwoyo wose kuti vasasvuta, achitaura kuti zvakanga zvakaipa sei. Paiva nedzimwe nguva apo aipwanya pakiti remidzanga mumaoko ake akasimba orikandira kure ari mumba, achipika kuti akanga asvuta wokupedzisira. Zvisinei, pasina nguva huru aizosvutazve—pakutanga ari pakahwanda, ozodaro pachena.
Bill akafa nekenza makore 15 apfuura, arwadziwa zvikuru kwemwedzi yakawanda. Kudai akanga asiri musvuti, zvichida angadai achiri mupenyu nhasi. Mukadzi wake angadai achiri nomurume; vanakomana vake vangadai vachina baba.
Kunyange zvazvo rufu rwaBill rwakarwadza mhuri yake kwazvo, harwushamisi. Maererano neWorld Health Organization (WHO), zvirwere zvinoparirwa nefodya zvinouraya vanhu vanenge mamiriyoni mana gore rimwe nerimwe, kana kuti munhu mumwe chete masekondi masere oga oga. Kushandisa fodya ndicho chinhu chikuru chinokonzera chirwere chinogona kudziviswa munyika yose. Kana zviri kuitika zvikaramba zvakadaro, mumakore 20 kusvuta kuchave kwava panhamba yokutanga pazvinhu zvinokonzera rufu kana kuremara, kuchiuraya vanhu vakawanda kukunda AIDS, chikosoro chorurindi, vanofa pakubereka vana, tsaona dzemotokari, kuzviuraya nokuponda zvasanganiswa pamwe chete.
Midzanga inouraya. Asi avo vanoisvuta vari kwose kwose. Munyika yose, vanhu vanopfuura mabhiriyoni 1,1 vanosvuta, inodaro WHO. Izvi zvinoreva kuti chinenge chikamu chimwe muzvitatu chevanhu vakura munyika yose.
Vanoongorora vanofungidzira kuti nepo makambani efodya zvino ari kubhadhara mazana amamiriyoni amadhora nemhaka yokusungiswa, mari iyi ishoma chaizvo zvichienzaniswa nemari inosvika mabhiriyoni akawanda emadhora yaanowana. MuUnited States moga, midzanga inofungidzirwa kuva mabhiriyoni 1,5 inogadzirwa mumafekitari zuva rimwe nerimwe. Munyika yose, makambani efodya uye makambani ehurumende ane simba anotengesa midzanga inopfuura zviuru zvishanu zvemabhiriyoni gore roga roga!
Nei vanhu vakawanda vachiramba vachiita tsika iyi inouraya? Kana uchisvuta, ungarega sei? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya dzinotevera.